Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 50

Jehovha Anoita Kuti Uve Nerusununguko

Jehovha Anoita Kuti Uve Nerusununguko

‘Munofanira kuzivisa rusununguko kuvagari vese vari munyika yacho.’​—REVH. 25:10.

RWIYO 22 Umambo Hwavapo—Ngahuuye!

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Jubheri chii? (Ona bhokisi rakanzi “ Chii Chainzi Jubheri?”) (b) Jesu akataura nezvei pana Ruka 4:16-18?

MUNE dzimwe nyika munoitwa mhemberero dzegore rechi50 rekutonga kwamambo kana kuti mambokadzi. Gore iroro rechi50 rinowanzonzi gore reJubheri remutongi wacho. Mhemberero yacho inogona kuitwa kwezuva rimwe chete, kana vhiki, kana kutopfuura, asi inozopera uye vanhu vanobva vakanganwa nezvayo.

2 Tichakurukura nezveJubheri riri nani, uye ritori nani kupfuura raipembererwa nevaIsraeri pashure pemakore 50 ega ega. Jubheri revaIsraeri raiita kuti vanhu vasunungurwe. Nei tichifanira kudzidza nezvaro? Nekuti rinotiyeuchidza nezveurongwa hwakanaka chaizvo hwatakaitirwa naJehovha hunoita kuti tisunungurwe nekusingaperi. Jesu akataura nezvekusunungurwa ikoko.​—Verenga Ruka 4:16-18.

Vanhu vaiva muIsraeri vaifara chaizvo mugore reJubheri nekuti vaIsraeri vainge vari varanda vaidzokera kumhuri dzavo nekuminda yavo (Ona ndima 3) *

3. Sezvinotaurwa pana Revhitiko 25:8-12, vaIsraeri vaibatsirwa sei neJubheri?

3 Zvinova nyore kunzwisisa zvairehwa naJesu paakataura nezvekusunungurwa kana tikatanga takurukura nezveJubheri rakarongwa naMwari achiitira vanhu vake vekare. Jehovha akaudza vaIsraeri kuti: “Munofanira kutsaura gore rechi50, mozivisa rusununguko kuvagari vese vari munyika yacho. Richava Jubheri kwamuri, uye mumwe nemumwe achadzokera kunhaka yake uye mumwe nemumwe anofanira kudzokera kumhuri yake.” (Verenga Revhitiko 25:8-12.) Munyaya yakapfuura, takaona kubatsirwa kwaiita vaIsraeri neSabata revhiki nevhiki. Ko Jubheri raivabatsirawo sei? MuIsraeri paaiita chikwereti chakakura aigona kutengesa munda wake kuti abhadhare chikwereti chacho. Mugore reJubheri, muIsraeri wacho aizodzorerwa munda wake. Saka munhu aigona ‘kudzokera kunhaka yake,’ uye vana vake vaizowana nhaka yacho. Dzimwe nguva munhu anenge aine chikwereti chakakura aitofanira kutengesa mwana wake kana kuzvitengesa iye pachake, ova muranda, kuti abhadhare chikwereti. Mugore reJubheri, muranda wacho aifanira “kudzokera kumhuri yake.” Izvi zvaipa varanda tariro yekusunungurwa! Urongwa hwacho hunoratidza kuti Jehovha aiva nehanya nevanhu vake!

4-5. Nei zvichikosha kuti tidzidze nezveJubheri revaIsraeri?

4 Ndeipi imwe nzira iyo vaIsraeri vaibatsirwa neJubheri? Jehovha akati: “Pakati pako hapana anofanira kuva murombo, nekuti chokwadi Jehovha achakukomborera munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka.” (Dheut. 15:4) Izvi zvakasiyana chaizvo nezviri kuitika munyika mazuva ano. Kakawanda kacho vapfumi vanowedzera kupfuma, varombo vachiwedzera kuva varombo!

5 Isu vaKristu hatisi pasi peMutemo waMozisi. Izvi zvinoreva kuti hatisi pasi peurongwa hweJubheri hwekusunungura varanda, kudzima zvikwereti, uye kudzorera nhaka yemunda. (VaR. 7:4; 10:4; VaEf. 2:15) Asi zvinokosha kuti tidzidze nezveJubheri. Nei zvichikosha? Nekuti rinotiyeuchidza zvatakaitirwa naJehovha kuti atisunungure muchivi.

JESU AKAZIVISA NEZVEKUSUNUNGURWA

6. Vanhu vanoda kusunungurwa pachii?

6 Tese tinoda kusunungurwa nekuti tiri muuranda hwakaipa chaizvo hwechivi. Sezvo tiri vatadzi, tinochembera, tinorwara, uye tinofa. Vakawanda vanoona kuti ichi ichokwadi pavanozvitarisa mugirazi kana kuti pavanoenda kwachiremba kunorapwa. Tinorwadziwawo patinoita zvivi. Muapostora Pauro akati aitungamirirwa ari ‘nhapwa kuenda kumutemo wechivi waiva mumuviri make.’ Akawedzera kuti: “Ndiri munhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uyu uri kufa?”​—VaR. 7:23, 24.

7. Isaya akataurei zvine chekuita nekusunungurwa?

7 Chinofadza ndechekuti Mwari akaronga nzira yekutinunura nayo kana kuti yekutisunungura pachivi. Jesu ndiye anoita kuti tikwanise kusunungurwa. Makore anopfuura 700 Jesu asati auya panyika, muprofita Isaya akataura nezvekusunungurwa kukuru kwaizoitika. Kusunungurwa ikoko kwaipfuura nekure kwevaIsraeri mugore reJubheri. Akanyora kuti: “Mweya waChangamire Ishe Jehovha uri pandiri, nekuti Jehovha akandizodza kuti ndizivise vanyoro mashoko akanaka. Akandituma kuti ndisunge maronda evakaora mwoyo, kuti ndizivise nezvekusunungurwa kune vaya vakatapwa.” (Isa. 61:1) Uprofita uhwu hwaitaura nezvaani?

8. Uprofita hwaIsaya hune chekuita nekusunungurwa hwaitaura nezvaani?

8 Uprofita ihwohwo hune chekuita nekusunungurwa hwakatanga kuzadzika Jesu paakatanga ushumiri hwake. Paakaenda kusinagogi rekuNazareta akaverengera vaJudha vainge vakaungana mashoko iwayo aIsaya. Jesu akati mashoko aya akazadzika kwaari ekuti: “Mweya waJehovha uri pandiri, nekuti akandizodza kuti ndizivise varombo mashoko akanaka. Akandituma kuti ndizivise nezvekusunungurwa kune vaya vakatapwa uye nezvekusvinudzwa kwemaziso kumapofu, kuti ndisunungure vakadzvinyirirwa, kuti ndiparidze nezvegore rekufarirwa naJehovha.” (Ruka 4:16-19) Jesu akazadzisa sei uprofita ihwohwo?

NDIVANAANI VAKATANGA KUSUNUNGURWA?

Jesu ari kuzivisa nezvekusunungurwa ari musinagogi kuNazareta (Ona ndima 8-9)

9. Vanhu vakawanda vemunguva yaJesu vaitarisira kusunungurwa pachii?

9 Kusunungurwa kwakataurwa naIsaya uye kwakaverengwa nezvako naJesu kwakatanga kuitika mumazuva aJesu. Jesu akaratidza izvozvo paakazivisa kuti: “Nhasi rugwaro rwamuchangobva kunzwa urwu rwazadziswa.” (Ruka 4:21) Pavanhu vakanzwa zvakaverengwa naJesu, vakawanda vacho vanofanira kunge vaitarisira kuti vaizosunungurwa pakutongwa nehurumende yeRoma. Vadzidzi vaJesu vanogona kunge vaivawo nemanzwiro akadaro, nekuti pane imwe nguva, vaviri vavo vakati: “Taitarisira kuti munhu uyu ndiye aizonunura Israeri.” (Ruka 24:13, 21) Asi tinoziva kuti Jesu haana kuita kuti vateveri vake vapandukire hurumende yeRoma iyo yaivaitira hutsinye. Akatovaudza kuti vadzorere “zvinhu zvaKesari kuna Kesari.” (Mat. 22:21) Saka Jesu akasunungura sei vanhu panguva iyoyo?

10. Jesu akasunungura vanhu pachii?

10 Mwanakomana waMwari akauya kuzobatsira vanhu kuti vasunungurwe pazvinhu zviviri. Chekutanga, Jesu akabatsira vanhu kuti vasunungurwe padzidziso dzenhema dzaidzidziswa nevatungamiriri vechitendero. Kare ikako vaJudha vakawanda vaimanikidzwa kutevedzera tsika dzevanhu uye dzidziso dzenhema. (Mat. 5:31-37; 15:1-11) Vaya vaifunga kuti vari kubatsira vamwe kuti vashumire Mwari vaiva mapofu panyaya dzekunamata. Kuramba kwavakaita Mesiya uye chokwadi chaaidzidzisa kwakaita kuti varambe vari murima uye muchivi. (Joh. 9:1, 14-16, 35-41) Jesu aidzidzisa chokwadi uye airarama maererano nechokwadi ichocho. Izvi zvakabatsira vanhu vanozvininipisa kuti vaone zvavanofanira kuita kuti vasunungurwe padzidziso dzenhema.​—Mako 1:22; 2:23–3:5.

11. Ndeipi nzira yechipiri yatakasunungurwa nayo naJesu?

11 Chechipiri, Jesu akaita kuti vanhu vakwanise kusunungurwa muuranda hwechivi. Sezvo Jesu akapa upenyu hwake serudzikinuro, Mwari anogona kuregerera zvivi zvevaya vanotenda murudzikinuro rwacho uye vanoratidza kutenda kwavo nemabasa. (VaH. 10:12-18) Jesu akati: “Kana Mwanakomana akakusunungurai, munenge masunungurwa zvechokwadi.” (Joh. 8:36) Rusununguko irworwo ruri nani chaizvo kupfuura rwaiwanika nemuIsraeri mugore reJubheri. Semuenzaniso, munhu aisunungurwa mugore reJubheri aigona kuzova muranda zvakare, uye kunyange akasava muranda, aizongofa.

12. Ndivanaani vakatanga kubatsirwa nerusununguko rwakaziviswa naJesu?

12 Pazuva rePendekosti ya33 C.E., Jehovha akazodza nemweya mutsvene vaapostora uye vamwe varume nevakadzi vakatendeka. Akavatora kuti vave vanakomana vake kuitira kuti vazomutswa kuti vaende kudenga kunotonga naJesu. (VaR. 8:2, 15-17) Ndivo vakatanga kubatsirwa nerusununguko rwakaziviswa naJesu musinagogi kuNazareta. Varume nevakadzi ivavo vakanga vasisiri varanda vedzidziso dzenhema uye vetsika dzevatungamiriri vechitendero chechiJudha dzaipesana neShoko raMwari. Mwari aivaonawo sevanhu vakasunungurwa pachivi chinoita kuti vanhu vafe. Jubheri rechiKristu iro rakatanga nekuzodzwa kwevateveri vaKristu muna 33 C.E. richapera panopera Makore 1 000 Ekutonga kwaJesu. Zvii zvichange zvaitwa pachazopera nguva iyoyo?

MAMWE MAMIRIYONI EVANHU ANOSUNUNGURWA

13-14. Kunze kwevaKristu vakazodzwa, ndevapi vamwe vanowana rusununguko rwakaziviswa naJesu?

13 Mazuva ano musangano raJehovha mune mamiriyoni evanhu vanobva kumarudzi ese, uye ndeveboka ‘remamwe makwai.’ (Joh. 10:16) Havana kusarudzwa naMwari kuti vanotonga naJesu kudenga. Asi vane tariro inobva muBhaibheri yekuzogara panyika nekusingaperi. Ndiyo tariro yauinayo here?

14 Kunyange iye zvino uri kutowana zvimwe zvinhu zvakanaka zviri kuwanikwawo nevaya vachava muUmambo hwekudenga. Kutenda kwaunoita muchibayiro chaJesu kunoita kuti ukwanise kukumbira Jehovha kuti akuregerere zvivi zvako. Izvi zvinoita kuti ufarirwe naye wova nehana yakanaka. (VaEf. 1:7; Zvak. 7:14, 15) Fungawo nezvemakomborero auri kuwana nekuti wakasunungurwa padzidziso dzenhema. Jesu akati: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Joh. 8:32) Tinofara chaizvo kuti tine rusununguko rwakadai!

15. Mune ramangwana tichawana rusununguko rwakaita sei nemakomborero api?

15 Vanhu vachawana rusununguko rwakakura. Munguva pfupi iri kuuya, Jesu achaparadza zvitendero zvenhema uye hurumende dzine udzvinyiriri. Mwari achachengetedza “boka guru revanhu” vanomushumira, uye achabva aita kuti vawane makomborero munyika inenge yava paradhiso. (Zvak. 7:9, 14) Vanhu vakawanda chaizvo vachamutswa uye vachava nemukana wekusunungurwa pazvinhu zvese zvakaipa zvakakonzerwa nechivi chaAdhamu.​—Mab. 24:15.

16. Vanhu vachawana rusununguko rupi rwakakura chaizvo?

16 Panguva yeKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000, Jesu nevaachatonga navo vachaita kuti vanhu vave neutano hwakanaka uye vave neushamwari hwakanakisisa naMwari. Vanhu vachawana rusununguko rwakakura chaizvo runopfuura rwaiwanika nevaIsraeri mugore reJubheri. Vanhu vese vanoshumira Jehovha vakatendeka vachasunungurwa pachivi.

Munyika itsva, tichanakidzwa nekuita basa rakanaka uye rinogutsa (Ona ndima 17)

17. Isaya 65:21-23 inotaura kuti chii chichaitika kuvanhu vaMwari? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

17 Pana Isaya 65:21-23 panorondedzera zvichange zvakaita upenyu panyika. (Verenga.) Upenyu hwacho huchange husiri hwekungogara tisina zvatiri kuita. Bhaibheri rinoratidza kuti panguva iyoyo vanhu vaMwari vachange vachiita basa rakanaka rinogutsa. Tinogona kuva nechokwadi chekuti pachapera makore 1 000, “zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwekuora zvova nerusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”​—VaR. 8:21.

18. Nei tiine chokwadi chekuti tichava neramangwana rakanaka?

18 Jehovha akava nechokwadi chekuti vaIsraeri vaizowana nguva yekushanda neyekuzorora uye achavawo nechokwadi chekuti izvozvo zvichaitikawo kuvanhu vake muKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000. Pachange paine nguva yekunamata Mwari. Kunamata Mwari ndiko kunoita kuti tifare uye ndizvo zvazvichange zvakaita munyika itsva. Vanhu vese vakatendeka vachange vachifara paKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000 nekuti tese tichange tiine basa rinogutsa uye tichange tichishumira Mwari.

RWIYO 142 Kubatisisa Tariro Yedu

^ ndima 5 Jehovha akaita urongwa hwekusunungura vaIsraeri pazvinhu zvakasiyana-siyana. Urongwa hwacho hwainzi Jubheri. VaKristu havasi pasi peMutemo waMozisi, asi zvinokosha kuti tidzidze nezveJubheri. Munyaya ino tichaona kuti Jubheri revaIsraeri rinotiyeuchidza sei nezveurongwa hwatakaitirwa naJehovha uye kuti urongwa hwacho hunotibatsira sei.

^ ndima 61 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Varume vainge vari varanda vasunungurwa mugore reJubheri uye vadzokera kumhuri dzavo nekuminda yavo.