Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 49

Pane Nguva Yekushanda Neyekuzorora

Pane Nguva Yekushanda Neyekuzorora

“Uyai kwenyu mega kusina vanhu, mumboti zororei.”​—MAKO 6:31.

RWIYO 143 Ramba Uchishanda, Wakarinda, Wakamirira

ZVICHADZIDZWA *

1. Vakawanda vanoona sei nyaya yekushanda?

VANHU vakawanda vekwaunogara vanoona sei nyaya yekushanda? Munyika dzakawanda, vanhu vari kushanda zvakaoma uye kwenguva yakareba kupfuura zvaiitwa kare. Vaya vanoshanda zvakanyanya vanowanzoshaya nguva yekuzorora uye yekuva nemhuri dzavo, kana yekudzidza nezvaMwari. (Mup. 2:23) Asiwo kune vamwe vanhu vasingatombodi zvekushanda, saka vanotsvaga zvikonzero zvekuti vasashanda.​—Zvir. 26:13, 14.

2-3. Jehovha naJesu vakatiratidza muenzaniso upi panyaya yekushanda?

2 Maonero anoita vanhu vari munyika nyaya yekushanda akasiyana nemaonero anoita Jehovha naJesu. Tinoziva kuti Jehovha anoda kushanda. Jesu akajekesa izvozvo paakati: “Baba vangu vachiri kushanda nanhasi, uye ini ndinoramba ndichishanda.” (Joh. 5:17) Funga nezvebasa rese rakaitwa naMwari paakasika ngirozi nezvimwe zvinhu zvese zviri mudenga. Tinoonawo zvinhu zvakawanda chaizvo zvakanaka zvakasikwa naMwari panyika. Munyori wepisarema akataura nezvazvo achiti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu akawanda chaizvo! Makaaita ese neuchenjeri. Nyika yakazara nezvinhu zvamakaita.”​—Pis. 104:24.

3 Jesu aitevedzera Baba vake panyaya yekushanda. Mwari ‘paakagadzira denga,’ Mwanakomana uyu akabatsirawo. Aiva ‘padivi paJehovha ari mhizha.’ (Zvir. 8:27-31) Jesu paakazouya panyika akaita basa raMwari nemazvo. Basa iroro raiita sezvekudya kwaari, uye zvese zvaakaita zvakaratidza kuti akanga atumwa naMwari.​—Joh. 4:34; 5:36; 14:10.

4. Tinodzidzei pana Jehovha naJesu panyaya yekuzorora?

4 Sezvo Jehovha naJesu vakatiratidza muenzaniso wekushanda nesimba, zvinoreva here kuti hazvikoshi kuti tizorore? Aiwa. Jehovha haamboneti, saka kuzorora kwake kwakasiyana nekwedu. Bhaibheri rinoti Jehovha paakasika denga nenyika, “akamira kushanda, akazorora.” (Eks. 31:17) Mashoko aya anoratidza kuti Jehovha akamira kusika ndokuyeva zvinhu zvaakanga asika. Uye kunyange zvazvo Jesu aishanda nesimba paaiva panyika, aizvipa nguva yekuzorora neyekudya neshamwari dzake.​—Mat. 14:13; Ruka 7:34.

5. Vakawanda vanoomerwa nei?

5 Bhaibheri rinokurudzira vanhu vaMwari kuti vashande. Vashumiri vake vanofanira kushanda nesimba kwete kuva neusimbe. (Zvir. 15:19) Zvimwe une basa raunoita kuti uriritire mhuri yako. Uye sezvo uri mudzidzi waKristu unofanira kuita basa rekuparidza mashoko akanaka. Asi unofanirawo kuwana nguva yekuzorora. Zvinombokuomera here kuti uwane nguva yakakwana yekuita zvese izvi? Tinofanira kushanda uye kuzorora kwenguva yakareba sei?

KUVA NEMAONERO AKANAKA PANYAYA YEKUSHANDA UYE KUZORORA

6. Mako 6:30-34 inoratidza sei kuti Jesu aiva nemaonero akanaka panyaya yekushanda uye kuzorora?

6 Zvinokosha kuti tive nemaonero akanaka panyanya yekushanda. Mambo Soromoni akafemerwa kunyora kuti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho.” Akataura nezvekudyara, kuvaka, kuchema, kutamba, uye zvimwewo zvinhu. (Mup. 3:1-8) Zviri pachena kuti zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu kushanda nekuzorora. Jesu aiva nemaonero akanaka panyaya yekushanda uye kuzorora. Mumwe musi, vaapostora vakadzoka kubva kunoparidza. Vakanga vakabatikana chaizvo zvekuti “vakanga vasina kana nguva yekuzorora kuti vadye.” Jesu akati: “Uyai kwenyu mega kusina vanhu, mumboti zororei.” (Verenga Mako 6:30-34.) Hapasi pese apo Jesu nevadzidzi vake vaiwana nguva yekuzorora, asi aiziva kuti vese vaifanira kuzorora.

7. Kudzidza nezvemutemo weSabata kuchatibatsira kuti tiitei?

7 Dzimwe nguva zvinokosha chaizvo kuti tizorore kana kumbochinja zvatinoita. Izvozvo tinogona kuzviona paurongwa hwakaitwa naMwari achiitira vanhu vake vekare. Vaifanira kuchengeta Sabata vhiki rega rega. Hatisi pasi peMutemo waMozisi, asi tinogona kubatsirwa nekudzidza zvawaitaura panyaya yeSabata. Zvatinodzidza zvinotibatsira kuti tione kana tiine maonero akanaka panyaya yekushanda uye kuzorora.

ZUVA RESABATA RAIVA REKUZORORA UYE KUNAMATA

8. Maererano naEksodho 31:12-15, Sabata raiva zuva rekuita sei?

8 Shoko raMwari rinoti pashure ‘pemazuva’ 6 ekusika, Mwari akamira kusika zvinhu panyika. (Gen. 2:2) Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda kushanda, uye ‘achiri kushanda.’ (Joh. 5:17) Sabata raichengetwa nevaIsraeri vhiki rega rega raiva neparakafanana nekuzorora kwakaita Jehovha kunotaurwa muna Genesisi. Mwari akati Sabata raiva chiratidzo pakati pake nevaIsraeri. Raiva zuva “rekuzorora zvakakwana . . . , chinhu chitsvene kuna Jehovha.” (Verenga Eksodho 31:12-15.) Hapana aifanira kushanda, kusanganisira vana, varanda, uye kunyange zvipfuwo. (Eks. 20:10) Izvi zvaipa vanhu nguva yakawanda yekudzidza nezvaJehovha.

9. Vamwe vanhu vepanguva yaJesu vaiva nemaonero api asina kunaka nezveSabata?

9 Sabata raiva zuva rakanakira vanhu vaMwari, asi vatungamiriri vechitendero vakawanda vepanguva yaJesu vaidzika mitemo yaiita kuti kurichengeta kuome. Vaiti zvaisabvumirwa nemutemo kuti munhu atemhe hura dzezviyo kuti adye kana kuti aporese munhu anorwara paSabata. (Mako 2:23-27; 3:2-5) Maonero akadaro aisaratidza mafungiro aMwari, uye Jesu aijekesa izvozvo kuvanhu vaimuteerera.

Josefa nemhuri yake vaishandisa zuva reSabata kunamata Mwari (Ona ndima 10) *

10. Pana Mateu 12:9-12 tinodzidzei nezvemaonero aiita Jesu Sabata?

10 Jesu nevateveri vake vechiJudha vaichengeta Sabata nekuti vaiva pasi peMutemo waMozisi. * Asi Jesu akataura uye akaita zvinhu zvakawanda zvairatidza kuti hapana chakaipa nekunzwira vamwe tsitsi uye kuvabatsira paSabata. Akataura zvakajeka kuti: “Zvinobvumirwa nemutemo kuita chinhu chakanaka paSabata.” (Verenga Mateu 12:9-12.) Aisaona kunzwira vamwe tsitsi uye kuvabatsira sekutyora Sabata. Zvaiitwa naJesu zvairatidza kuti ainzwisisa chikonzero chinokosha chaizvo chekuti vanhu vachengete Sabata. Sezvo vanhu vaMwari vaizorora pamabasa avo, vaikwanisa kuisa pfungwa pazvinhu zvekunamata. Jesu akakurira mumhuri yaishandisa zuva reSabata kuti inamate Mwari. Izvozvo zvinoratidzwa pane zvinotaurwa nezvaJesu paaiva muNazareta. Tinoverenga kuti: “Sezvaaiwanzoita kana riri zuva reSabata, [Jesu] akapinda musinagogi, akasimuka kuti averenge.”​—Ruka 4:15-19.

UNOONA SEI NYAYA YEKUSHANDA?

11. Ndiani akaratidza Jesu muenzaniso wakanaka wekushanda nesimba?

11 Josefa akadzidzisa Jesu basa rekuveza, uyewo akamudzidzisa maonero anoita Mwari nyaya yekushanda. (Mat. 13:55, 56) Uye Jesu aiona Josefa achishanda nesimba zuva nezuva kuti ariritire mhuri yake yainge yakakura. Jesu akazoudza vadzidzi vake kuti: “Mushandi akakodzera kuwana mubayiro wake.” (Ruka 10:7) Zviri pachena kuti Jesu aiziva kuti kushanda nesimba kuita sei.

12. Mavhesi api anoratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvekushanda nesimba?

12 Muapostora Pauro aizivawo kuti kushanda nesimba kuita sei. Basa rake guru raiva rekuudza vanhu nezvaJesu uye zvaaidzidzisa. Kunyange zvakadaro, Pauro aishanda kuti azviriritire. VaTesaronika vaiziva ‘nezvekushanda uye kufondoka’ kwaaiita “siku nesikati” kuitira kuti pasava ‘newaanoremedza.’ (2 VaT. 3:8; Mab. 20:34, 35) Pauro paakataura nezvekushanda kwaaiita angangodaro aitaura nezvebasa rake rekugadzira matende. Paaiva muKorinde, akagara naAkwira naPrisira uye ‘vakashanda vese, nekuti vaiita basa rekugadzira matende.’ Kushanda kwaiita Pauro “siku nesikati” kwaisareva kuti airamba achingoshanda asingazorori. Aimbomira kuita basa rekugadzira matende panguva dzakadai sezuva reSabata. Zuva iroro raimupa mukana wekuparidzira vaJudha, avo vainge vasingashandiwo paSabata.​—Mab. 13:14-16, 42-44; 16:13; 18:1-4.

13. Tinodzidzei pane zvakaitwa naPauro?

13 Muapostora Pauro akaratidza muenzaniso wakanaka. Kunyange zvazvo aifanira kushanda kuti azviriritire, aiva nechokwadi chekuti aigara ‘achiita basa dzvene remashoko akanaka aMwari.’ (VaR. 15:16; 2 VaK. 11:23) Akakurudzirawo vamwe kuti vagare vachiparidza. Akati Akwira naPrisira ‘vaishanda naye mubasa raKristu Jesu.’ (VaR. 12:11; 16:3) Pauro akakurudzira vaKorinde kuti vagare ‘vaine zvizhinji zvekuita mubasa raShe.’ (1 VaK. 15:58; 2 VaK. 9:8) Jehovha akatofemera muapostora Pauro kuti anyore kuti: “Kana munhu asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.”​—2 VaT. 3:10.

14. Jesu airevei paakataura mashoko akanyorwa pana Johani 14:12?

14 Basa rinonyanya kukosha mumazuva ano ekupedzisira nderekuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi. Jesu akatoudza vadzidzi vake kuti vaizoita mabasa makuru kupfuura ake. (Verenga Johani 14:12.) Aisareva kuti taizoita zvishamiso sezvaakaita. Asi vateveri vake vaizoparidza nekudzidzisa munzvimbo dzakawanda, kuvanhu vakawanda uye kwenguva yakareba kupfuura zvaakaita.

15. Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza, uye nechikonzero chei?

15 Kana uine basa raunoita kuti uzviriritire, zvibvunze kuti: ‘Kubasa kwangu ndinozivikanwa semunhu anoshanda nesimba here? Ndinopedza basa rangu nenguva uye ndinoshanda nemwoyo wese here?’ Kana mhinduro yako iri yekuti hongu, waunoshandira anogona kunge achivimba newe. Izvi zvichaitawo kuti vaunoshanda navo vade kuteerera mashoko eUmambo. Panyaya yebasa rekuparidza nekudzidzisa, zvibvunze kuti: ‘Ndinozivikanwa semunhu anoshanda nesimba muushumiri here? Ndinonyatsogadzirira pandinoenda muushumiri here? Ndinokurumidza kudzokera kunoonazve vanhu vanenge vafarira here? Ndinogara ndichiita ushumiri nenzira dzakasiyana-siyana here?’ Kana mhinduro yako iri yekuti hongu, uchanakidzwa nebasa rekuparidza.

UNOONA SEI NYAYA YEKUZORORA?

16. Jesu nevaapostora vake vaiona sei kuzorora, uye izvozvo zvakasiyana sei nemaonero evakawanda mazuva ano?

16 Jesu aiziva kuti iye nevaapostora vake vaifanira kumbozorora. Asi vanhu vakawanda kare ikako uye mazuva ano vanogona kufananidzwa nemupfumi wemumufananidzo waJesu. Murume iyeye aizviudza kuti: “Zorora zvako, udye, unwe, ufare.” (Ruka 12:19; 2 Tim. 3:4) Aifunga kuti kuzorora uye kufara ndizvo zvinonyanya kukosha muupenyu. Asi Jesu nevaapostora vake vaisanyanya kukoshesa kuzvifadza.

Kuva nemaonero akanaka panyaya yekushanda uye kuzorora kuchaita kuti tirambe takaisa pfungwa pakuita mabasa akanaka anotifadza (Ona ndima 17) *

17. Tinoshandisa sei nguva yatinenge tisiri pabasa?

17 Mazuva ano, tinoedza kutevedzera Jesu nekushandisa nguva yatinenge tisiri pabasa kuti tipinde misangano yechiKristu nekuparidza. Tinokoshesa chaizvo basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi uye kupinda misangano zvekuti tinoedza zvese zvatinogona kuti tigare tichiita mabasa iwayo matsvene. (VaH. 10:24, 25) Kunyange patinenge tashanya, tinoramba tichipinda misangano chero kwatinenge tiri, uye tinotsvaga mikana yekuparidzira vatinenge tasangana navo.​—2 Tim. 4:2.

18. Mambo wedu, Kristu Jesu, anoda kuti tiite sei?

18 Tinotenda chaizvo kuti Mambo wedu, Kristu Jesu, anonzwisisa uye anotibatsira kuva nemaonero akanaka panyaya yekushanda uye kuzorora. (VaH. 4:15) Anoda kuti timbozorora. Anodawo kuti tishande nesimba kuti tizviriritire uye tiite basa rinofadza rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Munyaya inotevera, tichakurukura zvakaitwa naJesu kuti atisunungure pauranda hunorwadza.

RWIYO 38 Achakusimbisa

^ ndima 5 Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tingava sei nemaonero akanaka panyaya yekushanda uye kuzorora. Munyaya ino tichaona kuti Sabata raichengetwa nevaIsraeri vhiki rega rega rinotibatsira sei kuti tive nemaonero akanaka panyaya yekushanda uye kuzorora.

^ ndima 10 Vadzidzi vairemekedza chaizvo mutemo weSabata zvekuti vakamira kugadzirira zvinonhuhwirira zvekuzora mutumbi waJesu kusvikira zuva reSabata rapfuura.​—Ruka 23:55, 56.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Josefa anoenda nemhuri yake kusinagogi paSabata.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume anoshanda kuti ariritire mhuri yake anoshandisa nguva yaanenge asiri pabasa kuti aite mabasa echiKristu kunyange paanenge ashanya nemhuri yake.