Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Satani paakaudza Evha kuti aisazofa kana akadya muchero wekuziva zvakanaka nezvakaipa, aimuudza here pfungwa yakazara munyika yekuti munhu ane mweya usingafi?

Hapana chinoratidza kudaro. Dhiyabhorosi haana kuudza Evha kuti kana akadya muchero wakarambidzwa naMwari, muviri wake waizofa asi mweya wake waizoramba uchirarama kune imwe nzvimbo. Achitaura achishandisa nyoka, Satani aiti kana Evha akadya muchero wemuti wacho, ‘aisazombofa’ zvachose. Aiti Evha aizoramba ari mupenyu, achirarama upenyu huri nani panyika, asingatongwi naMwari.​—Gen. 2:17; 3:3-5.

Kana dzidziso yenhema yekuti mweya haufi isina kutanga muEdheni, yakatanga riini? Hatinyatsozivi. Chatinoziva ndechekuti kunamata kwenhema kwese kwakaparara paMafashamo emunguva yaNoa. Hapana dzidziso dzenhema dzakasara dziripo pashure peMafashamo nekuti Noa nemhuri yake, avo vaiva vanamati vechokwadi, ndivo chete vakapona.

Saka dzidziso iyi yekuti mweya haufi inofanira kunge yakatanga pashure peMafashamo. Mwari paakavhiringidza mitauro paBhabheri, vanhu vachibva vatanga kupararira “nenyika yese,” kunenge kuti ndipo pavakatakurana nedzidziso yekuti vanhu vane mweya usingafi. (Gen. 11:8, 9) Pasinei nekuti nhema idzi dzakatanga riini, tinogona kuva nechokwadi chekuti “baba venhema,” Satani Dhiyabhorosi, ndiye akaita kuti dzivepo uye akafara kudziona dzichipararira.​—Joh. 8:44.