Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tendai Zvese Zvamunoitirwa”

“Tendai Zvese Zvamunoitirwa”

UNGAZVITI uri munhu anoonga here? Tese zvedu tinofanira kufunga nezvemubvunzo iwoyo. Bhaibheri rakagara rataura nezvenguva yatiri kuti vanhu vakawanda vachava “vasingaongi.” (2 Tim. 3:2) Zvichida wakambosangana nevanhu vanofunga kuti vanofanira kungoitirwa zvinhu kana kungopiwa zvinhu nevamwe. Vanoona pasina chikonzero chekuti vatende munhu anenge avapa chimwe chinhu. Zvimwe wakatoona kuti hazvinakidzi kuva nevanhu vakadaro.

Asi vashumiri vaJehovha vanoudzwa kuti: “Ratidzai kuti muri vanhu vanoonga.” Tinofanira ‘kutenda zvese zvatinoitirwa.’ (VaK. 3:15; 1 VaT. 5:18) Kuva vanhu vanoonga kunotibatsira. Ngationei kuti kunotibatsira sei.

KUVA VANHU VANOONGA KUNOITA KUTI TIFARE

Chimwe chikonzero chinoita kuti tide kuva vanhu vanoonga ndechekuti zvinoita kuti tive vanhu vanofara. Munhu paanotenda zvaanenge aitirwa, anofara, uyewo uya waanenge atenda anofarawo. Nei kuonga kuchiita kuti vese vari vaviri vafare? Funga nezvemuenzaniso uyu: Kana ukaziva kuti vamwe vanhu vari kuda kukuitira chimwe chinhu, izvozvo zvinoratidza kuti vanoona uchikodzera kuitirwa zvakadaro. Vanenge vaine hanya newe. Paunoziva izvozvo, unofara chaizvo. Izvi ndizvo zvinofanira kunge zvakaitawo Rute. Bhoazi akaratidza rupo kuna Rute. Rute anofanira kunge akafara chaizvo paakaziva kuti Bhoazi aiva nehanya naye.—Rute 2:10-13.

Zvakakosha chaizvo kuti titende Mwari. Hapana mubvunzo kuti dzimwe nguva unombofunga nezvezvinhu zvakanaka zvaakakuitira uye zvaanoramba achikuitira. (Dheut. 8:17, 18; Mab. 14:17) Asi pane kungofunga kwenguva pfupi zvakanaka zvaunoitirwa naMwari, wadii kufungisisa nezvemakomborero akawanda aanotipa. Kufungisisa nezverupo rune Musiki wako kuchaita kuti uwedzere kumuda uye unyatsova nechokwadi chekuti anokuda uye anokukoshesa.—1 Joh. 4:9.

Asi unofanira kuita zvinopfuura kungofunga nezverupo rwake uye makomborero aakakupa; onga Jehovha nekuti akanaka. (Pis. 100:4, 5) Zvinowanzonzi “kutenda vamwe vanhu kunoita kuti vawedzere kufara.”

KUONGA VAMWE KUNOSIMBISA USHAMWARI

Chimwe chikonzero nei kuonga kuchikosha ndechekuti kunosimbisa ushamwari hwedu nevamwe. Tese tinoda kutendwa. Paunotenda mumwe munhu zvinobva pamwoyo, munowedzera kuwirirana. (VaR. 16:3, 4) Uyewo vanhu vanoonga vanowanzobatsira vamwe. Vanoona rubatsiro rwavanopiwa uye vanonzwa vachidawo kubatsira vamwe. Saka kubatsira vamwe kunoita kuti tifare. Izvi zvinoenderana nezvakataurwa naJesu paakati: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mab. 20:35.

Robert Emmons uyo aitungamirira ongororo yakaitwa paUniversity of California panyaya yekuonga akati: “Kuti tive vanhu vanoonga, tinofanira kubvuma kuti tinoda kubatsirwa nevamwe. Dzimwe nguva ndisu tinopa uye dzimwe nguva ndisu tinopiwa.” Kuti tirarame tinoda kubatsirwa nevamwe munzira dzakawanda. Vanogona kutipa zvekudya kana kutibatsira patinenge tichirwara. (1 VaK. 12:21) Munhu anoonga anotenda zvaanoitirwa nevamwe. Saka iwe unogara uchionga zvaunoitirwa nevamwe here?

KUVA MUNHU ANOONGA KUNOITA KUTI UVE NETARIRO

Chimwe chikonzero chekuti uve munhu anoonga ndechekuti zvinokubatsira kuisa pfungwa pane zvakanaka kwete pane zvakaipa. Pfungwa dzako dzinenge dzava kushanda sezvinoita sefa. Unenge wava kukwanisa kudziisa pazvinhu zvakanaka zvaunoona uchidzibvisa pazvinhu zvisina basa. Hauzorambi uchifunga nezvematambudziko ako. Paunoramba uchionga vamwe vanhu, unowedzera kuona zvakanaka zvaunenge waitirwa, zvobva zvaita kuti uwedzere kuva munhu anoonga. Kana ukagara uchifunga zvakanaka zvaunoitirwa, uchanzwa uchida kuita zvakataurwa nemuapostora Pauro paakati: “Garai muchifara munaShe.”—VaF. 4:4.

Kuonga kunokubatsira kuti usaisa pfungwa pazvinhu zvisina kunaka. Zvakaoma kuti munhu anzwe achida kuonga mumwe munhu asi panguva imwe chete aine godo, akasuruvara kana kuti aine chigumbu. Vanhu vanoonga havanyanyiwo kuda pfuma. Vanogutsikana nezvavainazvo uye havaedzi kuva nezvimwe zvakawanda.—VaF. 4:12.

FUNGA NEZVEMAKOMBORERO AUINAWO

SemuKristu, unoziva kuti Satani anoda kuti uore mwoyo uye ushayiswe mufaro nematambudziko aunosangana nawo mumazuva ano ekupedzisira. Angafara kana ukatanga kuva munhu anongogunun’una. Maitiro akadaro anogona kukutadzisa kubudirira pakuparidza mashoko akanaka. Kuonga kwakabatana nezvibereko zvemweya waMwari. Semuenzaniso, tinova nemufaro patinoona zvakanaka zvatinoitirwa naMwari uye tinova nekutenda patinofunga zvaakativimbisa mune ramangwana.—VaG. 5:22, 23.

Semumwe wevanhu vaJehovha, hapana mubvunzo kuti unobvumirana nezvataurwa munyaya ino. Asi unoziva kuti hazvisi nyore kuva munhu anoonga uye anoisa pfungwa pane zvakanaka. Kunyange zvakadaro, usarega izvozvo zvichikuodza mwoyo. Unogona kuva munhu anoonga woramba wakadaro. Ungazviita sei? Zuva rega rega wana nguva yekufunga zvimwe zvinhu muupenyu hwako zvaunoonga nezvazvo. Sezvaunoramba uchidaro, uchaona kuti uchawedzera kuva munhu anoonga. Izvozvo zvichaita kuti uve munhu anofara kupfuura vaya vanongogara vachifunga nezvematambudziko eupenyu. Gara uchifunga nezvezvinhu zvakanaka zvaunoitirwa naMwari uye nevamwe vanhu zvinokukurudzira uye zvinoita kuti ufare. Zuva rega rega unogona kunyora pasi zvinhu zviviri kana zvitatu zvinenge zvaita kuti ufare.

Vamwe vaongorori vanoti, “Patinogara tichionga vamwe, zvinochinja mashandiro anoita pfungwa dzedu zvichiita kuti zvive nyore kufara muupenyu.” Munhu anoonga anogara achifara. Funga nezvemakomborero auinawo, fara nezvinhu zvakanaka zvinoitika muupenyu hwako, gara uchionga. Pane kusaita hanya nezvinhu zvakanaka, “ongai Jehovha, nekuti akanaka.” “Tendai zvese zvamunoitirwa.”—1 Mak. 16:34; 1 VaT. 5:18.