Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 51

Unonyatsoziva Jehovha Here?

Unonyatsoziva Jehovha Here?

“Vaya vanoziva zita renyu vachavimba nemi; hamuzosiyi vaya vari kukutsvagai, haiwa Jehovha.”​—PIS. 9:10.

RWIYO 56 Ita Kuti Chokwadi Chive Chako

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Mumwe nemumwe wedu anodzidzei pane zvakaitika kuna Angelito?

VABEREKI vako Zvapupu zvaJehovha here? Kana vari Zvapupu, zvinoreva here kuti iwe unotovawo shamwari yaJehovha? Aiwa. Pasinei nekuti vabereki vedu vanoshumira Mwari kana kuti kwete, mumwe nemumwe wedu anofanira kushanda nesimba kuti ave neushamwari naJehovha.

2 Funga zvakaitika kune imwe hama inonzi Angelito. Mumhuri mavo, vese vaiva Zvapupu. Asi paaiva mudiki, aisanzwa ari pedyo naMwari. Anoti, “Ndaishumira Jehovha zvekungotevedzerawo vamwe vemumhuri.” Angelito akazosarudza kuwedzera nguva yaaidzidza Shoko raMwari pamwe nekufungisisa zvaaidzidza, uye akatanga kunyengetera kuna Jehovha kakawanda. Zvakaguma nei? Angelito anoti, “Ndakaona kuti kana ndichida kuva pedyo naBaba vangu vekudenga Jehovha, ndinotofanira kusvika pakuvaziva.” Zvakaitika kuna Angelito zvinoita kuti tive nemibvunzo inokosha inoti: Kungoziva nezvaJehovha kwakasiyana papi nekunyatsomuziva? Uye tingaitei kuti tinyatsoziva Jehovha?

3. Kuziva Jehovha kwakasiyana papi nekunyatsomuziva?

3 Tinogona kunzi tinoziva Jehovha kana tichiziva zita raMwari kana kuti zvimwe zvinhu zvaakataura uye zvaakaita. Asi izvi hazvirevi kuti tinonyatsomuziva. Tinofanira kuwana nguva yekudzidza nezvaJehovha. Patinoita izvozvo ndipo patinotanga kunzwisisa zvikonzero zvinoita kuti ataure kana kuti aite zvimwe zvinhu. Izvi zvichatibatsira kuti tizive kana Jehovha achifadzwa nemafungiro edu, zvatinosarudza, uye zvatinoita. Kana tangoziva kuti Jehovha anoda kuti tiitei, tinofanira kubva tazviita.

4. Kudzidza nezvevamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri kunotibatsira sei?

4 Vamwe vanhu vanogona kutishora kana vakaziva kuti tinoda kushumira Jehovha, uye vanogona kutowedzera kutipikisa patinotanga kupinda misangano. Asi kana tichivimba naJehovha, haazombotisiyi. Tinenge tichitanga ushamwari husingaperi naye. Asi zvinoita here kuti tinyatsoziva Jehovha zvakadaro? Hongu zvinoita! Zvakaitwa nevanhu vakangofananawo nesu vakadai saMozisi uye Mambo Dhavhidhi, zvinoratidza kuti tinogona kusvika pakunyatsoziva Jehovha. Patichaona zvavakaita, tichapindura mibvunzo miviri inoti: Vakasvika sei pakuziva Jehovha? Tinodzidzei pavari?

MOZISI “AIONA UYA ASINGAONEKI”

5. Mozisi akasarudza kuitei?

5 Mozisi akasarudza kushumira Mwari. Paakanga ava nemakore anenge 40, Mozisi akasarudza kubatana nevanhu vaMwari, vaHebheru, pane “kunzi mwanakomana wemwanasikana waFarao.” (VaH. 11:24) Mozisi akasiya chinzvimbo chepamusoro. Akabatana nevaHebheru, avo vaiva varanda muIjipiti, achiziva kuti aizogumbura Farao, mutongi ane simba, aionekwa samwari nevaIjipiti. Izvi zvakaratidza kuti Mozisi aiva nekutenda kwakasimba! Aivimba naJehovha. Izvi ndizvo zvakaita kuti ave neushamwari hwepedyo naJehovha kweupenyu hwake hwese.​—Zvir. 3:5.

6. Tinodzidzei pane zvakaitwa naMozisi?

6 Tinodzidzei pane zvakaitwa naMozisi? Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: Ndichasarudza kushumira Mwari ndobatana nevanhu vake here? Zvimwe tingatoda kuzvipira kurasikirwa nezvimwe zvinhu kuti tishumire Mwari, uye tinogona kupikiswa nevanhu vasingazivi Jehovha. Asi kana tikavimba naBaba vedu vekudenga, tinova nechokwadi chekuti vachatitsigira!

7-8. Mozisi akaramba achidzidzei?

7 Mozisi akaramba achidzidza nezvaJehovha uye achiita kuda kwaMwari. Paakanzi atungamirire vaIsraeri vachibuda muIjipiti mavaiva varanda, ainzwa asingakodzeri uye akaudza Jehovha kanoverengeka kuti ainge asingazvikwanisi. Mwari akamupindura nenzira inoratidza kuti aimunzwira tsitsi, achibva amubatsira. (Eks. 4:10-16) Izvi zvakaita kuti Mozisi akwanise kuudza Farao mitongo yaJehovha ine simba. Mozisi akabva aona Jehovha achishandisa simba rake pakuponesa vaIsraeri, uye achiparadza Farao nemauto ake mugungwa dzvuku.​—Eks. 14:26-31; Pis. 136:15.

8 Pashure pekunge Mozisi atungamirira vaIsraeri kubuda muIjipiti, vairamba vachingogunun’una. Kunyange zvakadaro, Mozisi akaona kuti Jehovha airatidza mwoyo murefu vanhu vaainge anunura muuranda. (Pis. 78:40-43) Akaonawo kuzvininipisa kwaJehovha nekuti akabvuma chikumbiro chake chekuti asaparadza vaIsraeri.​—Eks. 32:9-14.

9. VaHebheru 11:27 inoratidza kuti Mozisi aiva neushamwari hwakaita sei naJehovha?

9 VaIsraeri pavakanga vabuda muIjipiti, ushamwari hwaMozisi naJehovha hwakatowedzera kusimba, zvekuti aitoita seari kuona Baba vake vekudenga. (Verenga VaHebheru 11:27.) Bhaibheri rinoratidza kusimba kweushamwari hwacho parinoti: “Jehovha aitaura naMozisi vakatarisana chiso nechiso, sezvinoita munhu achitaura nemumwe munhu.”​—Eks. 33:11.

10. Tinofanira kuitei kuti tinyatsoziva Jehovha?

10 Tinodzidzei pane zvakaitwa naMozisi? Kuti tinyatsoziva Jehovha, hatifaniri kungogumira pakudzidza nezvake, asi tinofanirawo kuita kuda kwake. Mazuva ano Jehovha “anoda kuti vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Saka patinodzidzisa vamwe nezvaJehovha tinenge tichitoita kuda kwake.

11. Kudzidzisa vamwe nezvaJehovha kunotibatsira sei kuti tiwedzere kumuziva?

11 Patinenge tichidzidzisa vamwe nezvaJehovha, kakawanda kacho tinowedzera kumuziva. Semuenzaniso, tinoona tsitsi dzaJehovha paanotitungamirira kune vaya vanoda kuva shamwari dzake. (Joh. 6:44; Mab. 13:48) Tinoona kuti Shoko raMwari rine simba nekuti rinobatsira vatinodzidza navo Bhaibheri kurega tsika dzakaipa, votanga kuva neunhu hutsva. (VaK. 3:9, 10) Uye tinoonawo mwoyo murefu waMwari nekupa kwaanoita vanhu vari mundima yedu mukana wekudzidza nezvake kuti vaponeswe.​—VaR. 10:13-15.

12. Maererano naEksodho 33:13, Mozisi akakumbirei uye nei akakumbira izvozvo?

12 Mozisi aikoshesa ushamwari hwake naJehovha. Kunyange paakanga ashandiswa naMwari kuita mabasa esimba, Mozisi akakumbira kuti awedzere kuziva Jehovha. (Verenga Eksodho 33:13.) Mozisi akaita chikumbiro ichocho ava nemakore ekuma80, asi aiziva kuti akanga achiine zvakawanda zvekudzidza nezvaBaba vake vekudenga vane rudo.

13. Ndeipi imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinokoshesa ushamwari hwedu naMwari?

13 Tinodzidzei pane zvakaitwa naMozisi? Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tichishumira Jehovha, tinofanira kuramba tichikoshesa ushamwari hwedu naye. Imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinokoshesa ushamwari hwedu naMwari ndeyekunyengetera kwaari.

14. Nei munyengetero uchikosha chaizvo kana tichida kuziva zvakawanda nezvaMwari?

14 Kana uchida kuva shamwari yepedyo yemumwe munhu, unofanira kugara uchikurukura naye. Saka ramba uchinyengetera kuna Jehovha kuti uve pedyo naye, uye usatya kumuudza zviri pasi pemwoyo wako. (VaEf. 6:18) Krista, uyo anogara muTurkey akati: “Pese pandinonyengetera kuna Jehovha ndobva ndaona kundibatsira kwaanoita, ndinowedzera kumuda uye kuvimba naye. Kupindurwa kunoitwa minyengetero yangu naJehovha kuri kundibatsira kuti ndimuone saBaba vangu uye Shamwari yangu.”

MUNHU ANODIWA NEMWOYO WAJEHOVHA

15. Jehovha akati chii nezvaMambo Dhavhidhi?

15 Mambo Dhavhidhi akaberekwa pakati pevanhu vainamata Jehovha Mwari. Asi kunamata kwaakaita Jehovha yakanga isiri nyaya yekungotevedzera zvaiitwa nevemumhuri make. Akatoshanda kuti ave neushamwari naMwari, uye Jehovha aimuda chaizvo. Jehovha pachake akataura nezvaDhavhidhi achiti aiva “munhu anodiwa nemwoyo” wake. (Mab. 13:22) Zvakafamba sei kuti Dhavhidhi ave pedyo naJehovha zvakadaro?

16. Dhavhidhi akadzidzei nezvaJehovha paaitarisa zvinhu zvakasikwa?

16 Dhavhidhi akadzidza nezvaJehovha pazvinhu zvakasikwa. Dhavhidhi paaiva mudiki, aiita nguva yakareba ari kumafuro achifudza makwai ababa vake. Zvimwe ipapo ndipo paakatanga kufungisisa nezvezvinhu zvakasikwa naJehovha. Paaitarisa mudenga usiku aiona nyeredzi dzakawanda chaizvo, asi haana kungoperera pakutarisa nyeredzi idzodzo. Aifungisisawo nezvaJehovha uyo akadzisika. Izvi zvakaita kuti anyore kuti: “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari; denga rinozivisa basa remaoko ake.” (Pis. 19:1, 2) Dhavhidhi paaifunga nezvemasikirwo akaitwa vanhu, akaona kuti Jehovha ndiMwari ane uchenjeri. (Pis. 139:14) Paaifungisisa nezvemabasa aMwari, aibva aona kuti haasi chinhu kana achizvienzanisa naJehovha.​—Pis. 139:6.

17. Tinodzidzei kana tikafungisisa nezvezvinhu zvakasikwa?

17 Tinodzidzei pane zvakaitwa naDhavhidhi? Farira zvinhu zvakasikwa. Wana nguva yekuongorora zvinhu zvakasikwa naJehovha, uye shamiswa nazvo! Zuva nezuva paunoona zvinhu zvakasikwa zvakadai semiti nemaruva, mhuka uye vanhu, edza kufunga kuti zvinokudzidzisei nezvaJehovha. Paunoita izvi, unenge uchidzidza zvakawanda nezvaBaba vako vane rudo. (VaR. 1:20) Uye uchaona kuti kuda kwaunovaita kucharamba kuchiwedzera zuva nezuva.

18. Sezvinotaurwa muPisarema 18, Dhavhidhi aizivei?

18 Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha ndiye aimubatsira. Paakaponesa makwai ababa vake pashumba uye pabheya, akaziva kuti aibatsirwa naJehovha kukunda zvikara izvozvo zvine simba. Paakakunda Goriyati, akanyatsoona kuti Jehovha ndiye aimutungamirira. (1 Sam. 17:37) Uye paakapukunyuka pana Mambo Sauro uyo aiva negodo, akabvuma kuti Jehovha ndiye ainge amuponesa. (Pis. 18, mashoko ekusuma) Kudai aizvikudza angadai akafunga kuti akabudirira nemhaka yekugona kwake. Asi Dhavhidhi aizvininipisa, saka aiziva kuti aibatsirwa naJehovha muupenyu hwake.—Pis. 138:6.

19. Tinodzidzei pana Dhavhidhi?

19 Tinodzidzei pana Dhavhidhi? Hatifaniri kungogumira pakukumbira Jehovha kuti atibatsire. Tinofanirawo kuedza kuona pese paanotibatsira uye kuti anotibatsira sei. Kana tikabvuma kuti pane zvimwe zvatisingakwanisi kuita tiri tega, tichanyatsoona kuti Jehovha ndiye anotibatsira kuti tibudirire. Uye pese patinoona kuti tabatsirwa naJehovha, ushamwari hwedu naye hunowedzera kusimba. Imwe hama yekuFiji inonzi Isaac, iyo yashumira Jehovha kwemakore, yakaona kuti ichi ichokwadi. Inoti: “Pandinofunga nezveupenyu hwangu, ndinoona kubatsirwa kwandakaitwa naJehovha kubva pandakatanga kudzidza Bhaibheri kusvika iye zvino. Izvi zvinoita kuti ndinyatsova pedyo naJehovha.”

20. Tinodzidzei paushamwari hwaDhavhidhi naMwari?

20 Dhavhidhi aitevedzera Jehovha. Jehovha akatisika tichikwanisa kumutevedzera. (Gen. 1:26) Patinoramba tichidzidza nezvaJehovha, zvinotiitira nyore kumutevedzera. Dhavhidhi akanga ava kunyatsoziva Baba vake vekudenga, saka aikwanisa kuvatevedzera pamabatiro aaiita vamwe. Funga nezvemuenzaniso mumwe chete. Pasinei nekuti Dhavhidhi akatadzira Jehovha paakaita upombwe naBhati-shebha achibva aurayisa murume wake, Jehovha akasarudza kumunzwira tsitsi. (2 Sam. 11:1-4, 15) Chakaita kuti Dhavhidhi anzwirwe tsitsi ndechekuti aitevedzera Jehovha uye ainzwirawo vamwe tsitsi. Sezvo Dhavhidhi aiva shamwari yaJehovha yepedyo, akava pakati pemadzimambo aidiwa chaizvo nevaIsraeri, uye Jehovha aiyera mamwe madzimambo eIsraeri achishandisa muenzaniso waDhavhidhi.​—1 Madz. 15:11; 2 Madz. 14:1-3.

21. Maererano naVaEfeso 4:24 uye 5:1, kana tikava “vatevedzeri vaMwari” zvinoguma nei?

21 Tinodzidzei? Tinofanira kuva “vatevedzeri vaMwari.” Izvozvo zvichatibatsira muupenyu hwedu uye zvichaita kuti tizive zvakawanda nezvake. Kana tikatevedzera Mwari, tinenge tichiratidzawo kuti tiri vana vake.​—Verenga VaEfeso 4:24; 5:1.

KURAMBA TICHIWEDZERA KUZIVA JEHOVHA

22-23. Chii chinoitika kana tikashandisa zvatinodzidza nezvaJehovha?

22 Taona kuti tinogona kudzidza nezvaJehovha pazvinhu zvaakasika uye muShoko rake Bhaibheri. MuBhaibheri mune vashumiri vaMwari vakatendeka vatinogona kutevedzera, vakadai saMozisi naDhavhidhi. Jehovha akatipa zvinotibatsira kuti timuzive. Saka zvasarira kwatiri kuti tirambe tichidzidza nezvake.

23 Hatizombopedzi kudzidza nezvaJehovha. (Mup. 3:11) Kungoziva zvakawanda nezvake hakuna kukwana. Tinofanira kuona kuti tiri kuitei nezvatinoziva zvacho. Kana tikaita zvatinenge tadzidza, toedza kutevedzera Baba vedu vane rudo, ivo vacharamba vachiswedera pedyo nesu. (Jak. 4:8) Shoko rake rinotiudza kuti haazombosiyi vaya vanomutsvaga.

RWIYO 80 “Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”

^ ndima 5 Vanhu vakawanda vanotenda kuti Mwari ariko, asi havanyatsomuzivi. Zvinorevei kuziva Jehovha? Tinodzidzei pana Mozisi uye Mambo Dhavhidhi panyaya yekuva neushamwari hwepedyo naJehovha? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo.