Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unokwanisa kupindura mibvunzo iyi here kubva mumagazini eNharireyomurindi a2019?

Vimbiso yaMwari yekuti “Hapana chombo chakagadzirirwa kukurwisa chichabudirira” inorevei? (Isa. 54:17)

Tinogona kuva nechokwadi chekuti Mwari achatidzivirira ‘padutu revanodzvinyirira.’ (Isa. 25:4, 5) Vavengi vedu havazombofi vakabudirira pakuita kuti tikuvare zvachose.—w19.01, mapeji 6-7.

Mwari akaratidza sei kuti anotonga zvakarurama pane zvaakaitira vaKenani uye vaIsraeri vainge vatsauka?

Mwari akapa mutongo kune vaya vaiita unzenza kana kuti vaibata zvisina kunaka vakadzi nevana. Akakomborera vanhu vaimuteerera uye vaibata vamwe zvakanaka.—w19.02, mapeji 22-23.

Tinofanira kuita sei kana munhu asiri Chapupu achinyengetera tiripo?

Tinogona kuramba takanyarara uye tichiratidza ruremekedzo asi hatizoti “ameni” kana kubatana maoko nevamwe vanenge varipo. Tinogona kunyengetera nechemumwoyo.—w19.03, peji 31.

Kushungurudza vana chivi chakakura zvakadii?

Kushungurudza mwana panyaya dzebonde chivi chinokanganisa mwana wacho, kutadzira ungano, hurumende uye Mwari. Munyika dzine mitemo yekuti nyaya dzacho dzimhan’arwe, vakuru vanofanira kuteerera mitemo yacho.—w19.05, mapeji 9-10.

Ungaitei kuti uchinje mafungiro ako?

Matanho anokosha ndeaya: Nyengetera kuna Jehovha. Fungisisa uine chinangwa chekuzviongorora. Sarudza shamwari dzako nekuchenjera.—w19.06, peji 11.

Tingaitei iye zvino kuti tigadzirire kuzotambudzwa?

Tinofanira kusimbisa ushamwari hwedu naJehovha. Iva nechokwadi chekuti anotida uye haazombotisiyi. Verenga Bhaibheri mazuva ese, uye gara uchinyengetera. Iva nechokwadi chekuti achaita zvaakativimbisa muUmambo hwake. Bata nemusoro magwaro aunofarira uye nziyo dzekurumbidza Jehovha.—w19.07, mapeji 2-5.

Tingaitei kuti tibatsire hama dzedu kuti dziponeswe?

Zvinokosha kuti tiratidze kuti tinonzwisisa, tinoita kuti zvatinoita zvipe uchapupu hwakanaka kwavari uye tinofanira kuva nemwoyo murefu tichitaura navo zvakanaka.—w19.08, mapeji 15-18.

Tinozorodzwa sei sezvakavimbiswa naJesu pana Mateu 11:28?

Tine vatariri vechiKristu vane rudo, shamwari dzakanaka zvikuru uye basa rakanaka rinopfuura mamwe ese.—w19.09, peji 23.

Mwari angatipa sei chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita? (VaF. 2:13)

Sezvatinoverenga Shoko raMwari uye kufungisisa nezvaro, Mwari anogona kutipa simba, oita kuti tive nechido chekuita kuda kwake tobva tazviita. Mweya wake mutsvene unoita kuti tikwanise kuwedzera unyanzvi hwedu.—w19.10, peji 21.

Matanho api ekuchenjera atinofanira kutora tisati taita chisarudzo chakakura?

Matanho acho mashanu ndeaya: Tsvakurudza. Nyengetera uchikumbira uchenjeri. Ongorora vavariro yako. Iva nezvinangwa chaizvo. Ona zvinhu sezvazviri.—w19.11, mapeji 27-29.

Pfungwa yekuti mweya haufi ine payakabatana here nezvakaudzwa Evha naSatani?

Hapana chinoratidza kudaro. Satani akaudza Evha kuti aisazofa, kwete kuti aizongoita seafa. Dzidziso dzese dzenhema dzakaparara paMafashamo. Dzidziso yekuti mweya haufi inofanira kunge yakatanga Mwari asati aita kuti vanhu vapararire pavaivaka shongwe yeBhabheri.—w19.12, peji 15.