Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 52

Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha

Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha

“Vana inhaka inobva kuna Jehovha.”—PIS. 127:3, mashoko emuzasi.

RWIYO 134 Vana Makavachengeteswa naMwari

ZVICHADZIDZWA *

1. Jehovha akapa vabereki basa rei?

JEHOVHA akasika murume nemudzimai vekutanga vaine chido chekuva nevana. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti “Vana inhaka inobva kuna Jehovha.” (Pis. 127:3, mashoko emuzasi) Izvozvo zvinorevei? Ngatitii shamwari yako yepedyo yakukumbira kuti uichengetere mari yakawanda chaizvo. Unonzwa sei? Kakawanda kacho unofara chaizvo kuti shamwari yako inovimba newe. Asi unogona kunetseka kuti uchachengetedza sei mari yakawanda kudaro. Jehovha, Shamwari yedu yepedyosa, anopa vabereki chimwe chinhu chinokosha chaizvo kupfuura mari. Anovapa basa rekuti vachengete vana vavo zvakanaka uye vave nechokwadi chekuti vari kufara.

2. Tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Ndiani anofanira kusarudza kana murume nemudzimai vachifanira kuva nevana uye kuti vovaita riini? Vabereki vangaitei kuti vabatsire vana vavo kuti vafare muupenyu? Funga nezvemazano ari muShoko raMwari anogona kubatsira vaKristu kuti vaite zvisarudzo nekuchenjera.

REMEKEDZAI ZVINENGE ZVASARUDZWA NEVARI MUWANANO

3. (a) Ndiani anofanira kusarudza kana murume nemudzimai vachifanira kuva nevana? (b) Hama neshamwari dzevaviri vanenge vachata dzinofanira kufunga nezvemazano api anotaurwa neBhaibheri?

3 Mune dzimwe tsika, vanenge vachangochata vanotarisirwa kuti vabve vatova nevana. Hama dzavo nevamwewo vanogona kuvamanikidza kutevedzera tsika iyoyo. Imwe hama yekuAsia inonzi Jethro inoti, “Vamwe vari muungano vane vana vanokurudzira vaya vanenge vasina vana kuti vaite vana.” Imwewo hama yekuAsia inonzi Jeffrey yakati, “Vamwe vanoudza varume nemadzimai vanenge vasina vana kuti vachashaya achavachengeta kana vachembera.” Asi mhuri imwe neimwe inofanira kusarudza yega kuti yova nevana here kana kuti yorega. Zviri kwavari kusarudza zvavanoda. (VaG. 6:5) Ichokwadi kuti hama neshamwari dzinoda kuti vaviri vachangochata vafare. Asi dzinofanira kuyeuka kuti chisarudzo chekuita vana kana kurega ndechavo vari vaviri.—1 VaT. 4:11.

4-5. Inyaya dzipi mbiri dzinofanira kukurukurwa nevaviri uye ndeipi nguva yakanakisisa yekudzikurukura? Tsanangura.

4 Vaviri vari kufunga nezvekuva nevana vanofanira kukurukura mibvunzo miviri inokosha: Wekutanga, vanoda kuva nevana riini? Wechipiri, vanoda kuva nevana vangani? Ndeipi nguva yakanyatsonaka yekukurukura izvi? Nei mibvunzo miviri iyi ichikosha chaizvo?

5 Kakawanda kacho zvakanaka kuti vaviri vacho vakurukure nyaya iyi vasati vachata. Nei vachifanira kukurukura panguva iyoyo? Nekuti zvinokosha chaizvo kuti vave nemafungiro mamwe chete panyaya iyi. Vanofanirawo kufunga nezvekuti vagadzirira here kurera vana. Vamwe vanosarudza kumbomira kuva nevana kwegore kana maviri pashure pekunge vachata nekuti kurera vana kunoda nguva yakawanda nesimba. Vanoona kuti kumbomira kuita vana kunoita kuti vambojaira kugara vese semurume nemudzimai.—VaEf. 5:33.

6. Vamwe vaKristu vakasarudza kuitei munguva ino yakaoma yatiri kurarama?

6 Vamwe vaKristu vakasarudza kutevedzera vanakomana vatatu vaNoa nemadzimai avo. Vana vaNoa ava havana kubva vangova nevana pavakaroora. (Gen. 6:18; 9:18, 19; 10:1; 2 Pet. 2:5) Jesu akafananidza nguva yatiri ‘nemazuva aNoa,’ uye zviri pachena kuti tiri kurarama ‘munguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.’ (Mat. 24:37; 2 Tim. 3:1) Nekuda kwechikonzero ichocho, vamwe vakasarudza kumbomira kuva nevana kuti vaite zvakawanda mubasa raJehovha.

Pavanenge vachida kusarudza kuti vova nevana here uye kuti vova nevangani, vaviri vakachenjera vanofanira kutanga vaona kana vachizokwanisa kuvarera zvakanaka (Ona ndima 7) *

7. Mazano ari pana Ruka 14:28, 29 uye Zvirevo 21:5 anobatsira sei vanenge vachida kusarudza kuti vova nevana here?

7 Pavanenge vachida kusarudza kuti vova nevana here uye kuti vova nevangani, vaviri vakachenjera vanoshandisa zano riri pana Ruka 14:28, 29. (Verenga.) Vabereki vanoziva kuti kurera vana kunoda mari uye kunodawo nguva nesimba. Saka zvinokosha kuti vanenge vachifunga kuva nevana vazvibvunze mibvunzo inotevera: ‘Tese tichafanira kuenda kubasa here kuti tikwanise kuwana zvinhu zvinokosha pakuriritira mhuri? Tinobvumirana here pazvinhu zvacho zvatinoti ndizvo zvinokosha pakuriritira mhuri? Kana tese tichizoenda kubasa, ndiani achachengeta vana vedu? Ndiani achaumba mafungiro nemaitiro avo?’ Kana vaviri vakakurukura mibvunzo iyi vakadzikama, vanenge vachiita zvinotaurwa pana Zvirevo 21:5.Verenga.

Murume ane rudo achaita zvese zvaanogona kubatsira mudzimai wake (Ona ndima 8)

8. VaKristu vari muwanano vanofanira kutarisira matambudziko api, uye murume anoda mhuri yake anoitei?

8 Zvakakosha kuti mubereki mumwe nemumwe aite nguva yakawanda nemwana. Saka kana vabereki vakaita vana vakawanda vakanyanya kutevedzana pamazera, zvinogona kuvaomera kuti vawanire mwana mumwe nemumwe nguva yakakwana. Vamwe vabereki avo vaiva nevana vadiki vakawanda vakati zvaivaremera chaizvo. Amai vanogona kugara vakaneta. Vanogona kuneta zvekushaya simba rekudzidza, kunyengetera uye kuita ushumiri nguva dzese. Zvinogonawo kuvaomera kuteerera pamisangano yechiKristu uye kubatsirwa nayo. Murume anoda mudzimai wake anoita zvaanogona kuti amubatsire kana vana vaine zvavari kuda, pangava pamisangano kana kumba. Semuenzaniso, anogona kubatsira mudzimai wake mabasa epamba. Achava nechokwadi chekuti mhuri yake iri kugara ichiita Kunamata Kwemhuri uye ichibatsirwa neurongwa hwacho. Uye achagara achibuda nemhuri yake muushumiri.

KUDZIDZISA VANA KUTI VADE JEHOVHA

9-10. Vabereki vanofanira kuitei kuti vabatsire vana vavo?

9 Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vadzidze kuda Jehovha? Vangachengetedza sei vana vavo kuti vasakanganiswa nenyika ino yakaipa? Ngationei zvimwe zvinhu zvavangaita.

10 Nyengeterai kuti mubatsirwe naJehovha. Onai zvakaitwa naManoa nemudzimai wake, avo vakazova vabereki vaSamsoni. Manoa paakaziva kuti iye nemudzimai wake vaizova nemwana mukomana, akakumbira Jehovha kuti avabatsire kuziva zvavaifanira kuita pakurera mwana wavo.

11. Vabereki vangatevedzera sei zvakaitwa naManoa sezvinotaurwa pana Vatongi 13:8?

11 Nihad nemudzimai wake Alma, avo vanobva kunyika inonzi Bosnia and Herzegovina, vane zvavakadzidza pana Manoa. Vakati: “Takakumbira Jehovha kuti atidzidzise kuva vabereki vakanaka sezvakaitwa naManoa. Uye Jehovha akapindura minyengetero yedu nenzira dzakasiyana-siyana. Pamwe pacho aitipindura achishandisa mavhesi emuBhaibheri, mabhuku esangano, misangano yechiKristu uye magungano.”—Verenga Vatongi 13:8.

12. Josefa naMariya vakaratidza vana vavo muenzaniso wakaita sei?

12 Dzidzisai nezvamunoita. Zvamunotaura zvinokosha, asi zvamunoita ndizvo zvinonyanya kutevedzerwa nevana venyu. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Josefa naMariya vakaratidza vana vavo muenzaniso wakanaka chaizvo, kusanganisira Jesu. Josefa aishanda nesimba kuti ariritire mhuri yake. Aikurudzirawo mhuri yake kuti ikoshese kunamata Jehovha. (Dheut. 4:9, 10) Kunyange zvazvo Mutemo waisataura kuti mhuri yese yaifanira kuenda kuJerusarema “gore negore” kunopemberera Paseka, Josefa aienda nemhuri yake. (Ruka 2:41, 42) Kare ikako vamwe vanababa vaiona kuita rwendo rwakareba kudaro nemhuri sekwakaoma, kunotora nguva uye kunodhura. Asi zviri pachena kuti Josefa aikoshesa kunamata Jehovha uye ndizvo zvaakadzidzisawo vana vake. Uyewo, Mariya ainyatsoziva Magwaro. Anofanira kunge aidzidzisawo vana vake kuti vade Shoko raMwari kuburikidza nezvaaitaura uye zvaaiita.

13. Mumwe murume nemudzimai vakatevedzera sei muenzaniso waJosefa naMariya?

13 Nihad naAlma, vambotaurwa, vaida kutevedzerawo Josefa naMariya. Izvozvo zvakavabatsira sei pakurera mwanakomana wavo kuti ade Mwari uye amushumire? Vakati, “Takaedza kudzidzisa mwana wedu nemararamiro edu kuti aone zvakanakira kuteerera Jehovha muupenyu hwake.” Nihad anowedzera kuti, “Ita zvinhu zvaunoda kuti mwana wako azotevedzera.”

14. Nei vabereki vachifanira kuziva vanhu vari kushamwaridzana nevana vavo?

14 Batsirai vana venyu kusarudza shamwari dzakanaka. Vese vari vaviri, baba naamai, vanofanira kuziva shamwari dzevana vavo uye zvavanenge vachiita. Izvi zvinosanganisira kuziva vanhu vavanenge vachitaura navo pamafoni. Vanhu ivavo vanogona kukanganisa mafungiro uye maitiro evana venyu.—1 VaK. 15:33.

15. Vabereki vangadzidzei pana Jessie?

15 Vabereki vangaitei kana vasinganyatsozivi kushandisa zvinhu zvakadai semakombiyuta kana mafoni? Vamwe baba vekuPhilippines vanonzi Jessie vakati: “Taisaziva zvakawanda nezvemafoni nemakombiyuta. Asi izvi hazvina kutitadzisa kudzidzisa vana vedu nezvengozi dzavanogona kusangana nadzo pakushandisa mafoni.” Jessie haana kurambidza vana vake kushandisa zvinhu zvakadaro nekungoti iye akanga asinganyatsozivi kuzvishandisa. Anoti: “Ndakakurudzira vana vangu kushandisa mafoni avo pakudzidza mumwe mutauro, kugadzirira misangano uye kuverenga Bhaibheri mazuva ese.” Kana muri vabereki, makaverenga uye makakurukura nevana venyu here mazano anobatsira anowanikwa pajw.org® munyaya dziri pachikamu chakanzi “Vari Kuyaruka,” dzinotaura nezvekutumira mameseji uye kuisa mapikicha paSocial Network? Makaona uye makakurukura navo here zviri muvhidhiyo inoti, Chii Chiri Kudzora Chimwe—Ndiwe Here Kana Kuti Ifoni Yako? uye inoti, Chenjerera Pakushandisa Social-Network? * Zvese izvi zvinogona kukubatsirai pamunenge muchidzidzisa vana venyu kushandisa mafoni kana makombiyuta zvakanaka.—Zvir. 13:20.

16. Vabereki vakawanda vari kuitei, uye zviri kuguma nei?

16 Vabereki vakawanda vanoita zvese zvavanogona kuti vana vavo vawane mukana wekushamwaridzana nevaya vanoita zvakanaka pakushumira Mwari. N’Déni nemudzimai wake Bomine, vekuCôte d’Ivoire, vaigara vachigamuchira mutariri wedunhu kumba kwavo. N’Déni anoti: “Izvi zvakabatsira mwanakomana wedu. Akabva atanga kupayona, uye iye zvino ari kushumira semutsivi wemutariri wedunhu.” Unokwanisawo here kuronga kuti vana vako vashamwaridzane nevanhu vakadaro?

17-18. Vabereki vanofanira kutanga riini kudzidzisa vana vavo?

17 Tangai kudzidzisa vana venyu vachiri vadiki. Zvakanyanya kunaka kuti vabereki vatange kudzidzisa vana vavo vachiri vadiki. (Zvir. 22:6) Funga nezvaTimoti, uyo akazofamba nemuapostora Pauro. Timoti akadzidziswa naamai vake Yunisi, uye naambuya vake Roisi, ‘kubvira achiri mucheche.’—2 Tim. 1:5; 3:15.

18 Mumwezve murume wekuCôte d’Ivoire, anonzi Jean-Claude pamwe nemudzimai wake Peace, vakakwanisa kuita kuti vana vavo vese 6 vade Jehovha uye vamushumire. Chii chakavabatsira? Vakatevedzera muenzaniso waYunisi naRoisi. Vanoti, “Taitanga kuudza vana vedu Shoko raMwari vachangozvarwa, uye tairamba tichidaro.”—Dheut. 6:6, 7.

19. Vabereki vanofanira kudzidzisa sei vana vavo Shoko raMwari?

19 Vabereki vanofanira kuramba vachidzidzisa vana vavo Shoko raJehovha. Vangazviita sei? Vanofanira kugara vachiwana nguva yekuva nevana vavo vadiki. Dzimwe nguva vabereki vanoneta nekuramba vachidzokorora zvinhu zvimwe chete kuvana. Asi vanogona kuona izvi semukana wekubatsira vana vavo kuti vanzwisise Shoko raMwari uye kuita zvarinotaura.

Vabereki vanofanira kufunga kuti vodzidzisa sei mwana mumwe nemumwe (Ona ndima 20) *

20. Tsanangura kuti Pisarema 127:4 rinoshanda sei pakurera vana.

20 Ziva vana vako. Pisarema 127 rinofananidza vana nemiseve. (Verenga Pisarema 127:4.) Sezvakangoita miseve iyo inosiyana pakureba kwayo uye pazvinhu zvainogadzirwa nazvo, vana vese vakasiyanawo. Saka vabereki vanofanira kuona kuti vodzidzisa sei mwana mumwe nemumwe. Mumwe murume nemudzimai vekuIsrael avo vakabatsira vana vavo vaviri kuti vashumire Jehovha vanotaura zvakavabatsira vachiti,“Taidzidza nemwana mumwe nemumwe ari ega.” Anenge achitungamirira mumhuri ndiye achaona kana zvichiita kuti mwana mumwe nemumwe adzidzwe naye ari ega.

JEHOVHA ACHAKUBATSIRAI

21. Jehovha anogona kubatsira sei vabereki?

21 Dzimwe nguva vabereki vanonzwa zvava kuvaomera kudzidzisa vana vavo, asi vana ivavo zvipo zvinobva kuna Jehovha. Iye anokwanisa kuvabatsira chero nguva. Anoteerera minyengetero yevabereki. Uye anopindura minyengetero iyoyo achishandisa Bhaibheri, mabhuku edu, uye vamwe vabereki vari muungano vakarerawo vana.

22. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvakanakisisa izvo vabereki vangapa vana vavo?

22 Vamwe vanhu vanoti kurera mwana kunoda makore 20. Asi chokwadi ndechekuti vabereki vanongoramba vari vabereki. Zvimwe zvinhu zvakanakisisa zvavanogona kuitira vana vavo zvinosanganisira kuvaratidza rudo, kuvawanira nguva, uye kuvadzidzisa zviri muShoko raMwari. Mwana mumwe nemumwe achasarudza zvaanoda kuita. Asi kana vari vaya vakarerwa nevabereki vanoda Jehovha vanonzwa sezvakaita imwe hanzvadzi yekuAsia inonzi Joanna Mae iyo yakati: “Pandinofunga zvandakaitirwa nevabereki vangu, ndinotenda chaizvo kuti vaindirayira uye vakandidzidzisa kuti ndide Jehovha. Havana kungondipa upenyu chete asi vakandibatsirawo kuti ndive neupenyu hune chinangwa.” (Zvir. 23:24, 25) Iwayo ndiwo manzwiro anoita mamiriyoni ehama nehanzvadzi dzedu.

RWIYO 59 Rumbidza Jah Pamwe Neni

^ ndima 5 Murume nemudzimai vanofanira kuva nevana here? Kana vakasarudza kuva navo, vanofanira kuva nevangani? Uye vangadzidzisa sei vana vavo kuti vade Jehovha uye vamushumire? Nyaya ino inotaura nezvevanhu vemazuva ano uye inotiudza mazano ari muBhaibheri anotibatsira kupindura mibvunzo iyoyo.

^ ndima 15 Onawo Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1, chitsauko 36, uye Bhuku 2, chitsauko 11.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume nemudzimai vari kukurukura kuti vova nevana here kana kuti vorega, vachifunga nezvemufaro wavanowana uye basa ravanenge vava naro.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume nemudzimai vari kudzidza nevana vavo, mumwe nemumwe ari pake ega nekuti vana vacho vari pamazera akasiyana.