Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 49

Kumutswa Kwevakafa—Kuchatoitika!

Kumutswa Kwevakafa—Kuchatoitika!

“Ndine tariro kuna Mwari . . . yekuti kuchava nekumuka.”—MAB. 24:15.

RWIYO 151 Achashevedza

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Vanamati vechokwadi vane tariro ipi yakazonaka?

KUVA netariro kunokosha chaizvo. Vamwe vanhu vane tariro yekuti vachava newanano inofadza, vacharera vana vane utano hwakanaka, kana kuti vachapora pachirwere chiri kuvatambudza. Isuwo vaKristu tinogona kushuva zvinhu zvakadaro. Asi tariro yedu inopfuura ipapo. Tine tariro yekurarama nekusingaperi uye yekuzoona hama neshamwari dzedu dzakafa.

2 Muapostora Pauro akati: “Ndine tariro kuna Mwari . . . yekuti kuchava nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15) Pauro haasi iye akatanga kutaura nezvetariro yerumuko. Jobho akataurawo nezvayo. Aiva nechokwadi chekuti Mwari aizomuyeuka, omumutsa kuti ararame zvakare.—Job. 14:7-10, 12-15.

3. Nei 1 VaKorinde chitsauko 15 ichigona kutibatsira?

3 “Kumuka kwevakafa” chikamu ‘chefaundesheni,’ kana kuti “dzidziso yekutanga,” pazvinhu zvese zvinotendwa nevaKristu. (VaH. 6:1, 2) Pauro akataura nezverumuko muchitsauko 15 cha1 VaKorinde. Zvaakanyora zvinofanira kunge zvakakurudzira vaKristu vakararama panguva iyoyo. Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tichitenda kuti vakafa vachamutswa, 1 VaKorinde chitsauko 15 ichatikurudzira uye ichasimbisa tariro yedu.

4. Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti hama neshamwari dzedu dzakafa dzichamutswa?

4 Kumutswa kwaJesu Kristu kunoita kuti tive netariro yekuti hama dzedu dzakafa dzichamutswa. Kumutswa kwake kwaiva mamwe ‘emashoko akanaka’ ayo Pauro akazivisa vaKorinde. (1 VaK. 15:1, 2) Kana muKristu asingabvumi kuti Jesu akamutswa, kutenda kwake hakuna zvakunobatsira. (1 VaK. 15:17) Kutenda kuti Jesu akamutswa ndiko kunoita kuti tive netariro yekuti vamwe vachamutswa.

5-6. Mashoko ari pana 1 VaKorinde 15:3, 4 anotibatsira sei?

5 Paakatanga kunyora nezverumuko, Pauro akataura zvinhu zvitatu zvechokwadi. Zvinoti (1) “Kristu akafira zvivi zvedu.” (2) “Akavigwa.” (3) “Akamutswa pazuva rechitatu maererano neMagwaro.”—Verenga 1 VaKorinde 15:3, 4.

6 Kufa kwaJesu, kuvigwa kwake, uye kumutswa kwake kunotibatsira sei? Muprofita Isaya akataura kuti Mesiya ‘aizobviswa panyika yevapenyu’ uye ‘aizovigwa pamwe chete nevakaipa.’ Asi pane zvimwe zvaizoitika. Isaya akatiwo Mesiya aizotakura “chivi chevanhu vakawanda.” Jesu akaita izvi paakapa upenyu hwake serudzikinuro. (Isa. 53:8, 9, 12; Mat. 20:28; VaR. 5:8) Saka kufa kwaJesu, kuvigwa kwake uye kumutswa kwake kunoita kuti tive netariro yakasimba yekusunungurwa pachivi nerufu uye yekuvazve pamwe chete nehama neshamwari dzedu dzakafa.

UCHAPUPU HWEVANHU VAKAWANDA

7-8. Chii chingabatsira vaKristu kuti vave nechokwadi chekuti Jesu akamutswa?

7 Tariro yedu yerumuko yakabatana nekumutswa kwaJesu, saka tinofanira kuva nechokwadi chekuti Jesu akamutswa. Chii chinoita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha akamutsa Jesu?

8 Pane vanhu vakawanda vakaona Jesu pashure pekunge amutswa uye vakaudza vamwe nezvazvo. (1 VaK. 15:5-7) Muapostora Petro, uyo ainziwo Kefasi, ndiye chapupu chekutanga pavanhu vakataurwa naPauro. Vamwe vadzidzi vakataurawo kuti Petro akaona Jesu akanga amutswa. (Ruka 24:33, 34) Pauro akataurawo kuti “vane Gumi Nevaviri,” kureva vaapostora, vakaona Jesu pashure pekunge amutswa. Kristu “akabva azozviratidza kuhama dzinopfuura 500 dzakaungana pamwe chete,” zvichida pamusangano wemuGarireya unotaurwa pana Mateu 28:16-20. Jesu ‘akazviratidzawo kuna Jakobho,’ uyo angangodaro aiva munin’ina wake. Jakobho akanga asingatendi kuti Jesu ndiye Mesiya. (Joh. 7:5) Paakaona Jesu ainge amutswa, Jakobho akatanga kutenda. Pauro paakanyora tsamba yake munenge muna 55 C.E., vanhu vakawanda avo vainge vaona Jesu pashure pekunge amutswa vakanga vachiri vapenyu, saka chero munhu upi zvake ainge asina chokwadi nazvo, aigona kubvunza zvapupu izvozvo.

9. Mabasa 9:3-5 inoratidza sei kuti Pauro aigona kupa humwe uchapupu hwekuti Jesu akanga amutswa?

9 Jesu akazozviratidzawo kuna Pauro. (1 VaK. 15:8) Pauro kana kuti Sauro, aienda kuDhamasiko paakanzwa inzwi raJesu ainge amutswa uye paakaratidzwa Jesu ari kudenga. (Verenga Mabasa 9:3-5.) Zvakaitika kuna Pauro zvinotipa humwe uchapupu hwekuti Jesu akamutswa zvechokwadi.—Mab. 26:12-15.

10. Kutenda kwaiita Pauro kuti Jesu akanga amutswa kubva kuvakafa, kwakaita kuti aite sei?

10 Vamwe vanhu vanofanira kunge vaida kunzwa zvakawanda pane zvakataurwa naPauro nekuti Jesu asati azviratidza kwaari, Pauro aitambudza vaKristu. Paakangova nechokwadi chekuti Jesu ainge amutswa, Pauro akashanda nesimba pakuita kuti vamwe vave nechokwadi nazvo. Akatsungirira kurohwa, kuiswa mujeri, uye kupinda mutsaona yengarava paaiparidzira chokwadi chekuti Jesu ainge afa asi akanga ava mupenyu zvakare. (1 VaK. 15:9-11; 2 VaK. 11:23-27) Pauro aiva nechokwadi chaizvo kuti Jesu ainge amutswa kubva kuvakafa zvekuti aitoda kufa achidzivirira zvaaitenda. Uchapupu hwevaKristu vekutanga hauiti here kuti tigutsikane kuti Jesu akamutswa kubva kuvakafa? Uye hunosimbisa kutenda kwatinoita kuti vakafa vachamutswa.

KUGADZIRISA MAFUNGIRO ASIRI IWO

11. Chii chingangodaro chakaita kuti vamwe vaiva muKorinde vave nemaonero asiri iwo pamusoro perumuko?

11 Vamwe vaigara muguta reGirisi rainzi Korinde vaiva nemaonero asiri iwo pamusoro perumuko, vachitotaura kuti “hapana kumuka kwevakafa.” Nei vaidaro? (1 VaK. 15:12) Vachenjeri vemune rimwe guta reGirisi rainzi Atene vainge vaseka pfungwa yekuti Jesu akanga amutswa. Mafungiro akadaro anogona kunge aikanganisa vamwe vaiva muKorinde. (Mab. 17:18, 31, 32) Vamwe vanogona kunge vaifunga kuti rumuko runofananidzira kuti munhu paanenge asati ava muKristu anenge “akafa,” asi anova “mupenyu” paanova muKristu. Pasinei nechikonzero chavo, kuramba kwavaiita kuti vakafa vachamutswa kwaireva kuti kutenda kwavo kwakanga kusina zvakunobatsira. Kana Mwari asina kumutsa Jesu, hapana rudzikinuro rwakabhadharwa uye munhu wese akaramba ari muchivi. Saka vaya vairamba rumuko vakanga vasina tariro yechokwadi.—1 VaK. 15:13-19; VaH. 9:12, 14.

12. Maererano na1 Petro 3:18, 22, kumutswa kwaJesu kwakanga kwakasiyana papi nekwevamwe vanhu vakanga vambomutswa?

12 Pauro aiziva kuti ‘Kristu akanga amutswa kuvakafa.’ Kumutswa ikoko kwaipfuura kwevamwe vanhu vainge vambomutswa nekuti vanhu vacho vakazofa zvakare. Pauro akati Jesu ndiye aiva “chibereko chekutanga pane vaya vakarara murufu.” Jesu aiva wekutanga pakudii? Ndiye akatanga kumutswa kuti ave munhu wemweya uye ndiye munhu akatanga kuenda kudenga.—1 VaK. 15:20; Mab. 26:23; verenga 1 Petro 3:18, 22.

VAYA “VACHAITWA VAPENYU”

13. Pauro akasiyanisa sei Adhamu naJesu?

13 Kufa kwemunhu mumwe chete kungaita sei kuti mamiriyoni evanhu ave neupenyu? Pauro anopa mhinduro yakajeka yemubvunzo iwoyo. Akataura musiyano uripo pakati pezvakaitika kuvanhu zvichikonzerwa naAdhamu, uye zvinogona kuitika kwatiri nekuda kwechibayiro chaKristu. Achitaura nezvaAdhamu, Pauro akanyora kuti: “Rufu rwakauya kuburikidza nemunhu.” Adhamu paakatadza, akaunza rufu paari nepavana vake. Tichiri kutambura nemhaka yekusateerera kwake. Asi nekuda kwekuti Mwari akatipa Mwanakomana wake, tinogona kuva neramangwana rakanaka! “Kumuka kwevakafa kunouyawo kuburikidza nemunhu,” Jesu. Pauro akati, “Nekuti sezvo vese vari kufa muna Adhamu, vese vachaitwawo vapenyu muna Kristu.”—1 VaK. 15:21, 22.

14. Adhamu achamutswa here? Tsanangura.

14 Pauro airevei paakati “vese vari kufa muna Adhamu”? Aifunga nezvevanhu vese, avo vakawana chivi kubva kuna Adhamu icho chiri kuita kuti vafe. (VaR. 5:12) Adhamu haasi pakati pevanhu “vachaitwa vapenyu.” Rudzikinuro rwaKristu harushandi paari, nekuti Adhamu aiva munhu asina chivi uyo akasarudza kusateerera Mwari. Zvakaitika kuna Adhamu zvakafanana nezvichaitika kune vaya vachatongwa ‘neMwanakomana wemunhu sembudzi,’ kureva kuti, ‘vachaparadzwa nekusingaperi.’—Mat. 25:31-33, 46; VaH. 5:9.

Jesu ndiye wekutanga pavanhu vakawanda vanomutswa kuti vaende kunorarama kudenga (Ona ndima 15-16) *

15. Ndevapi vanobatanidzwa pane “vese vachaitwa vapenyu”?

15 Ona kuti Pauro akati ‘vese vachaitwa vapenyu muna Kristu.’ (1 VaK. 15:22) Sezvo tsamba yaPauro yakanyorerwa vaKristu vakazodzwa vaiva muKorinde, avo vaizomutsirwa kudenga, vaKristu ava vanobatanidzwawo pane vese vachaitwa vapenyu. VaKristu ivavo ‘vainge vakatsveneswa vari pamwe naKristu Jesu, vakadanwa kuti vave vatsvene.’ Uye Pauro akataura nezvevaya “vakarara murufu pamwe naKristu.” (1 VaK. 1:2; 15:18; 2 VaK. 5:17) Mune imwe tsamba yakafemerwa, Pauro akanyora nezvevaya ‘vakabatana naJesu murufu rwakafanana nerwake’ uye ‘vachabatanawo naye parumuko rwakafanana nerwake.’ (VaR. 6:3-5) Jesu akamutswa semunhu wemweya ndokuenda kudenga. Saka izvi ndizvo zvichaitika kune vese vari “pamwe naKristu,” kureva vaKristu vese vakazodzwa nemweya.

16. Pauro airevei paakadana Jesu kuti “chibereko chekutanga”?

16 Pauro akanyora kuti Kristu akamutswa “sechibereko chekutanga pane vaya vakarara murufu.” Yeuka kuti vamwe vakadai saRazaro vainge vamutsirwa panyika, asi Jesu ndiye aiva wekutanga kumutswa kuvakafa semunhu wemweya, uye ndiye akatanga kuwana upenyu husingaperi. Aigona kufananidzwa nezvibereko zvekutanga izvo vaIsraeri vaipa Mwari pavaikohwa. Pauro paakadana Jesu kuti “chibereko chekutanga,” aireva kuti pane vamwe vaizomutswa kuti vaende kudenga. Vaapostora nevamwe vari “pamwe naKristu” vaizotevera Jesu. Nekufamba kwenguva vaizomutswa kuti vaende kudenga sezvakaita Jesu.

17. Vaya vari “pamwe naKristu” vaizomutswa riini kuti vaende kudenga?

17 Pauro paakanyorera vaKorinde, vaya vari “pamwe naKristu” vakanga vasati vatanga kumutswa kuti vaende kudenga. Asi aitaura nezvenguva yemberi paakati: “Mumwe nemumwe panguva yake: Kristu chibereko chekutanga, kwozotevera vaya vari vaKristu panguva yekuvapo kwake.” (1 VaK. 15:23; 1 VaT. 4:15, 16) Iye zvino tiri kurarama panguva iyoyo “yekuvapo” kwaKristu. Vaapostora nevamwe vaKristu vakazodzwa nemweya avo vakanga vafa vaifanira kumirira kuvapo kwaKristu kuti vawane mubayiro wavo wekudenga uye kuti ‘vabatane naJesu parumuko rwakafanana nerwake.’

TINE CHOKWADI KUTI TARIRO YEDU ICHAZADZISWA!

18. (a) Nei tichigona kuti pane rumwe rumuko ruchavapo pashure pekunge rumuko rwekudenga rwaitika? (b) Sezvinoratidzwa pana 1 VaKorinde 15:24-26, chii chichaitika kudenga?

18 Asi chii chichaitika kuvaKristu vese vakavimbika vasina tariro yekunogara kudenga naJesu? Naivowo vane tariro yekuzomutswa. Bhaibheri rinoti Pauro nevamwe vanoenda kudenga ‘vanomutswa kuvakafa parumuko rwekutanga.’ (VaF. 3:11) Izvozvo zvinoratidza kuti pane rumwe rumuko rwuchavapo. Izvi zvinoenderana nezvaitendwa naJobho kuti zvaizoitika kwaari mune ramangwana. (Job. 14:15) “Vaya vari vaKristu” vachange vava kudenga naJesu paachaparadza hurumende dzese nevanhu vese vane chiremera nemasimba. Kunyange “muvengi wekupedzisira, rufu,” achaparadzwa. Vaya vachamutsirwa kudenga havazombofi. Asi chii chichaitika kune vamwe?—Verenga 1 VaKorinde 15:24-26.

19. Vanhu vane tariro yekugara panyika vanogona kutarisirei?

19 Vaya vane tariro yekugara panyika vanogona kutarisirei? Vanogona kuva netariro kubva pamashoko aPauro ekuti: “Ndine tariro . . . yekuti kuchava nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15) Zviri pachena kuti hapana munhu asina kururama anogona kuenda kudenga, saka mashoko iwayo anoratidza kuti pachava nerumuko rwepanyika.

Kana tikatenda murumuko tinogona kutarisira kuzova neramangwana rinofadza (Ona ndima 20) *

20. Tariro yako yekuti kuchava nerumuko yasimbiswa sei?

20 Zviri pachena kuti “kuchava nekumuka!” Vaya vachamutsirwa panyika vachatarisira kugara pasi pano nekusingaperi. Unogona kuva nechokwadi chekuti izvozvo zvichaitika. Tariro iyoyo inogona kukunyaradza paunofunga nezvehama neshamwari dzako dzakafa. Vanogona kumutswa, Kristu nevamwe vake pavanenge ‘vachitonga semadzimambo kwemakore 1 000.’ (Zvak. 20:6) Newewo unogona kuva nechokwadi chekuti kana ukafa Kristu asati atanga kutonga kwemakore 1 000, uchamutswa. ‘Tariro iyi haiiti kuti tiore mwoyo.’ (VaR. 5:5) Inogona kukusimbisa iye zvino yowedzera mufaro wako pakushumira Mwari. Asi tine zvakawanda zvatinogona kudzidza muna 1 VaKorinde chitsauko 15, sezvatichaona munyaya inotevera.

RWIYO 147 Upenyu Husingaperi Hwakapikirwa

^ ndima 5 Chitsauko 15 cha1 VaKorinde chinonyanya kutaura nezverumuko. Nei dzidziso iyoyo ichikosha kwatiri, uye nei tichitenda kuti Jesu akamutswa? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyi nemimwewo inokosha pamusoro perumuko.

^ ndima 56 KUTSANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu ndiye akatanga kuenda kudenga. (Mab. 1:9) Vamwe vadzidzi vake vaizova naye vanosanganisira Tomasi, Jakobho, Ridhiya, Johani, Mariya uye Pauro.

^ ndima 58 KUTSANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yakafirwa nemudzimai wayo pashure pekunge vashumira vese kwemakore akawanda. Ine tariro yekuti achamutswa, uye inoramba ichishumira Jehovha yakatendeka.