Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mashoko emuapostora Pauro ari pana 1 VaKorinde 15:29 anoreva here kuti vamwe vaKristu vepanguva yake vaibhabhatidzirwa vanhu vakafa?

Kwete. MuBhaibheri kana mumabhuku enhoroondo dzekare hapana patinoverenga kuti zvinhu zvakadaro zvaiitwa.

Manyorerwo akaitwa vhesi iyi mumaBhaibheri akawanda akaita kuti vamwe vanhu vafunge kuti kubhabhatidzirwa vakafa kwaiitwa munguva yevaKristu vekutanga. Semuenzaniso, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi rinoti: “Zvino kana kusina kumuka, ko vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko?”

Asi ngationei zvakataurwa nevamwe vaongorori veBhaibheri vaviri. Dr. Gregory Lockwood vakataura kuti hapana umboo hunowanika muBhaibheri kana munhoroondo dzekare hunoratidza kuti pane munhu akambobhabhatidzirwa vakafa. Purofesa Gordon D. Fee vakabvumiranawo nazvo. Vakanyora kuti: “Hapana panotaurwa nezverubhabhatidzo rwakadaro mungava muBhaibheri kana munhoroondo dzekare.” Vakataura kuti “rubhabhatidzo rwakadaro hapana parunombotaurwa nezvarwo muTestamende Itsva uye hapana uchapupu hunoratidza kuti rwakamboitwa nevaKristu vekutanga kana kuti nemachechi akatangwa pashure pekufa kwevaapostora.”

Bhaibheri rinotaura kuti vateveri vaJesu vaifanira ‘kuita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, vachivabhabhatidza, vachivadzidzisa kuchengeta zvese’ zvaakavarayira. (Mat. 28:19, 20) Kuti munhu azova mudzidzi akabhabhatidzwa, aifanira kudzidza nezvaJehovha neMwanakomana wake, kutenda mavari uye kuvateerera. Munhu anenge afa uye anenge ari muguva haakwanisi kuita izvozvo, kunyange muKristu anenge ari mupenyu haakwanisi kumuitirawo izvozvo.—Mup. 9:5, 10; Joh. 4:1; 1 VaK. 1:14-16.

Saka Pauro airevei nezvaakataura?

Vamwe vaKorinde vairamba kuti vakafa vachamutswa. (1 VaK. 15:12) Pauro akavaratidza kuti maonero avo akanga akarasika. Akati ‘aitarisana nerufu mazuva ese.’ Asi akanga achiri mupenyu. Pasinei nenjodzi dzaaisangana nadzo, aiva nechokwadi chekuti kana akafa aizomutsirwa kudenga sezvakaitwa Jesu.—1 VaK. 15:30-32, 42-44.

VaKorinde vaifanira kuziva kuti kuva muKristu akazodzwa kwaireva kuti vaizogara vachisangana nematambudziko, uye vaifanira kufa vakatendeka kuti vazomutsirwa kudenga. Saka ‘pavaibhabhatidzwa muna Kristu Jesu, vaibhabhatidzwawo murufu rwake.’ (VaR. 6:3) Izvi zvinoreva kuti vaizosangana nematambudziko uye vaizofa, vomutsirwa kudenga sezvakaita Jesu.

Papfuura makore maviri Jesu abhabhatidzwa mumvura, akaudza vaapostora vake vaviri kuti: “Muchabhabhatidzwa henyu nerubhabhatidzo rwandiri kubhabhatidzwa narwo.” (Mako 10:38, 39) Apa Jesu akanga asiri kutaura nezvekubhabhatidzwa mumvura, asi aitaura nezvekubhabhatidzwa murufu. Aireva kuti kuramba akaperera kuna Mwari kwaizoita kuti aurayiwe. Pauro akanyora kuti vakazodzwa ‘vaizotambura pamwe chete kuti vazokudzwawo pamwe chete.’ (VaR. 8:16, 17; 2 VaK. 4:17) Saka naivowo vaifanira kutanga vafa kuti vazomutsirwa kudenga.

Saka zvakakodzera kuti mashoko aPauro anyorwe achinzi: “Kana zvisina kudaro, vaya vari kubhabhatidzwa kuti vazofa vachaitei? Kana vakafa vasingazombomutswi, zvinobatsirei kuti munhu abhabhatidzwe kuti azofa?”