Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoshanda Nevamwe Zvakanaka Here?

Unoshanda Nevamwe Zvakanaka Here?

“NDAIVA padivi pake ndiri mhizha. . . . Ndaigara ndichifara pamberi pake.” (Zvir. 8:30) Vhesi iyi inotsanangura kushanda kwaiita Mwanakomana waMwari naBaba vake kwemakore akawanda asati auya panyika. Vhesi yacho inotiudzawo manzwiro aiita Jesu paaishanda naJehovha ichiti ‘aifara’ pamberi pake.

Paaiva kudenga, Jesu akadzidza unhu hwakanaka hwakazomuita kuti ashande nevamwe zvakanaka. Paakanga ava panyika aiva muenzaniso wakanaka pakushanda nevamwe zvakanaka. Muenzaniso waJesu unotibatsira sei? Kana tikanyatsotarisa zvaakaita, tinogona kuona mazano matatu anogona kutibatsira kuti tishande nevamwe zvakanaka. Mazano aya anotibatsira kuti tiwedzere kubatana nehama dzedu.

Uchifunga nezvemuenzaniso waJehovha naJesu, udzawo vaunoshanda navo ruzivo rwauinarwo

ZANO REKUTANGA: ‘KUDZANAI’

Munhu anoshanda nevamwe zvakanaka anozvininipisa. Anokoshesa vaanoshanda navo uye haaedzi kuda kuita zvinhu zvekuonekwa. Jesu akadzidza kuzvininipisa ikoko kubva kuna Baba vake. Kunyange zvazvo Jehovha ari iye ega akakodzera kunzi Musiki, aida kuti vamwe vazive basa rinokosha rakaitwa neMwanakomana wake. Izvi tinozviona pamashoko akataurwa naMwari ekuti: “Ngatiitei munhu nemufananidzo wedu.” (Gen. 1:26) Mashoko aya anogona kunge akaita kuti Jesu azive kuti Jehovha anozvininipisa chaizvo.—Pis. 18:35.

Jesu paaiva panyika akaratidzawo kuti anozvininipisa. Vanhu pavaimurumbidza nezvaainge aita, aiita kuti mbiri iende kuna Mwari. (Mako 10:17, 18; Joh. 7:15, 16) Jesu aishanda nesimba kuti arambe aine rugare nevadzidzi vake, uye aivaona seshamwari kwete sevaranda. (Joh. 15:15) Akatogeza tsoka dzevadzidzi vake kuti avadzidzise kuzvininipisa. (Joh. 13:5, 12-14) Isuwo tinofanira kukudza vatinoshanda navo, tichiita kuti zvavanoda zvive pekutanga pane zvedu. Kana ‘tikakudzana’ uye tikasaisa pfungwa pakuti ndiani achawana mbiri, tinokwanisa kuita zvakawanda pabasa redu.—VaR. 12:10.

Munhu anozvininipisa anozivawo kuti “kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.” (Zvir. 15:22) Pasinei neunyanzvi hwedu kana kuti tava nenguva yakareba sei tichiita basa, tinofanira kuyeuka kuti hapana munhu anoziva zvese. Kunyange Jesu akataura kuti aiva nezvimwe zvinhu zvaaisaziva. (Mat. 24:36) Aidawo kuziva zvaifungwa kana kuti zvaizivikanwa nevadzidzi vake. (Mat. 16:13-16) Ndosaka vaaishanda navo vainzwa vakasununguka kuva naye. Kana tikayeuka kuti tine zvimwe zvinhu zvatisingakwanisi kuita, toteerera mazano evamwe, tinova nerugare navo uye ‘tinobudirira’ pane zvatinoita.

Zvinokosha chaizvo kuti vakuru pavanenge vachishanda pamwe chete vatevedzere Jesu pakuzvininipisa. Vanofanira kuyeuka kuti mweya mutsvene unogona kuita kuti chero mukuru ataure chinhu chinobatsira dare revakuru kuita chisarudzo chakanaka. Kana vakuru vakaedza kuita kuti munhu wese anzwe akasununguka kutaura pfungwa dzake pavanenge vachiita misangano yavo, vachaita zvisarudzo zvinobatsira ungano yese.

ZANO RECHIPIRI: ‘KUNZWISISA KWAKO NGAKUZIVIKANWE’

Munhu anoshanda nevamwe zvakanaka anoratidza kunzwisisa. Anokwanisa kushanda nezviripo uye anobvuma mafungiro evamwe. Jesu akava nemikana yakawanda yekuona kunzwisisa kunoita Baba vake. Semuenzaniso, Jehovha akamutuma kuti aponese vanhu pamutongo werufu wavainge vapiwa.—Joh. 3:16.

Jesu aibvuma kuita zvaidiwa nevamwe pazvainge zvakakodzera kuti adaro. Pane imwe nguva akabatsira mukadzi wechiFenikiya kunyange zvazvo ainge atumwa kuimba yaIsraeri. (Mat. 15:22-28) Airatidzawo kunzwisisa pane zvaaitarisira kuti vadzidzi vake vaite. Shamwari yake yepedyo Petro payakamuramba paruzhinji, Jesu ainge akagadzirira kumuregerera. Pave paya, akazopa Petro mabasa anokosha. (Ruka 22:32; Joh. 21:17; Mab. 2:14; 8:14-17; 10:44, 45) Zvakaitwa naJesu zvinonyatsoratidza kuti tinofanira kubvumawo zvinodiwa nevamwe kuitira kuti ‘kunzwisisa kwedu kuzivikanwe nevanhu vese.’—VaF. 4:5.

Kuva vanhu vanonzwisisa kuchaitawo kuti tikwanise kuchinja zvimwe zvinhu kuitira kuti tishande zvakanaka nevanhu vakasiyana-siyana. Jesu aibata vanhu zvakanaka zvekuti vavengi vake vaimupomera kuti aiva “shamwari yevateresi nevatadzi” avo vainge vateerera mashoko ake. (Mat. 11:19) Tinogonawo here kubudirira pakushanda nevamwe zvakanaka sezvakaitwa naJesu? Imwe hama inonzi Louis, iyo yakaita makore mubasa rekufambira uye paBheteri ichishanda nevanhu vakasiyana-siyana inoti: “Ndinoedza kufananidza boka revanhu vandinoshanda navo nemudhuri wakavakwa nematombo akasiyana-siyana. Kana ukachinja magariro emamwe matombo, unogona kupedzisira wava nemudhuri wakatwasuka. Ndinoedzawo kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwangu kuitira kuti ndibatsirewo pakuita kuti mudhuri wacho utwasuke.” Iwayo maonero akanaka chaizvo!

Munhu anoshanda nevamwe zvakanaka haavanziri vamwe mashoko avanofanira kuziva achiitira kuti arambe aine simba pavari

Ndepapi patingaratidza kuti tiri vanhu vanonzwisisa muungano medu? Tinowana mukana wekuita izvozvo patinoshanda neboka redu rekuparidza. Tinogona kushanda nevaparidzi vane zvavanotarisirwa kuita mumhuri zvakasiyana nezvedu kana kuti vezera rakasiyana neredu. Tinogona kuratidza kuti tinonzwisisa kana tikaparidza navo nenzira inoita kuti vanakidzwe neushumiri hwacho.

ZANO RECHITATU: UDZAWO VAMWE ZVAUNOZIVA

Munhu anoshanda nevamwe zvakanaka anovaudzawo zvaanoziva. (1 Tim. 6:18) Paaishanda naBaba vake, Jesu anofanira kunge akaona kuti Jehovha aisanyarara neruzivo. Jehovha “paakagadzira denga,” Jesu ‘aivapo’ uye aidzidza kwaari. (Zvir. 8:27) Pave paya, Jesu akaudza vadzidzi vake ‘zvinhu zvaakanzwa kuna Baba vake.’ (Joh. 15:15) Tinogonawo kutevedzera Jehovha nekuudza hama nehanzvadzi dzedu zvatakadzidza. Munhu anoshanda nevamwe zvakanaka haaedzi kuva nesimba pavari kuburikidza nekusavaudza mashoko avanofanira kuziva kana kuti anogona kuvabatsira. Zvinomufadza kuudzawo vamwe zvinhu zvakanaka zvaakadzidza.

Tinogonawo kutaura mashoko anokurudzira vatinoshanda navo. Kana mumwe munhu akaona basa ratinenge taita obva atirumbidza, hatikurudzirwi nazvo here? Jesu aiudza vanhu vaaishanda navo zvinhu zvakanaka zvaaiona pavari. (Enzanisa naMateu 25:19-23; Ruka 10:17-20.) Akatovaudzawo kuti vaizoita “mabasa makuru kupfuura” ake. (Joh. 14:12) Usiku hwekupedzisira asati afa, akarumbidza vaapostora vake vakatendeka achiti: “Imi ndimi makaramba muineni mumiedzo yangu.” (Ruka 22:28) Vanofanira kunge vakakurudzirwa chaizvo nemashoko ake! Kana tikakurudzirawo vatinoshanda navo, vachawedzera kufara uye vangatoita zvakawanda pabasa ravo.

UNOGONA KUSHANDA ZVAKANAKA NEVAMWE

Imwe hama inonzi Kayode yakati, “Munhu anoshanda nevamwe zvakanaka haafaniri hake kunge ari munhu asingakanganisi, asi anoita kuti vamwe vafare uye izvozvo zvinoita kuti vamwe vaanoshanda navo varerukirwe nebasa.” Ndizvo zvaunoita here? Unogona kubvunza vamwe vaKristu vaunoshanda navo kuti vakuudzewo kuti unoita sei panyaya iyi. Kana vachinakidzwa nekushanda newe sekunakidzwa kwaiitwa vadzidzi vaJesu pavaishanda naye, unogona kutaura zvakataurwa nemuapostora Pauro kuti: “Tinoshanda pamwe chete nemi kuti mufare.”—2 VaK. 1:24.