Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 52

Batsira Vamwe Kuti Vatsungirire Panguva Dzakaoma

Batsira Vamwe Kuti Vatsungirire Panguva Dzakaoma

“Usarega kuitira zvakanaka vaya vanoda kubatsirwa kana uchikwanisa kubatsira.”—ZVIR. 3:27.

RWIYO 103 Vafudzi—Zvipo Zviri Varume

ZVICHADZIDZWA a

1. Jehovha anowanzopindura sei minyengetero yevashumiri vake?

 WAIZVIZIVA here kuti Jehovha anogona kukushandisa pakupindura munyengetero wemwoyo wese unenge wapiwa nemumwe munhu? Unogona kubatsira pasinei nekuti uri mukuru, mushumiri weungano, piyona, kana kuti muparidzi. Unogonawo kubatsira pasinei nekuti uri mudiki, wakura, kana kuti uri hama kana hanzvadzi. Kana mumwe munhu anoda Jehovha akamukumbira rubatsiro, Mwari wedu anowanzoshandisa vakuru uye vamwe vashumiri vake vakatendeka kuti ‘vanyaradze’ munhu iyeye. (VaK. 4:11) Tine ropafadzo yakanaka chaizvo yekushumira Jehovha uye hama dzedu nenzira iyi. Tinogona kuita izvi panguva inenge ichipararira chirwere, pakunenge kwaitika njodzi, kana kuti patinenge tichitambudzwa.

BATSIRA VAMWE PANGUVA INENGE ICHIPARARIRA CHIRWERE

2. Nei zvingatiomera kuti tibatsire vamwe panguva inenge ichipararira chirwere?

2 Kana paine chirwere chiri kupararira zvinogona kutiomera kuti tibatsirane. Semuenzaniso, tingada kushanyira shamwari dzedu, asi zvinenge zviine ngozi kuti tidaro. Tingada kukoka vaya vane dambudziko remari kuti vauye kuzodya nesu, asi izvozvowo hazviiti. Tingada kubatsira vamwe, asi izvozvo zvingatiomera kana vemumhuri medu vachitambura. Kunyange zvakadaro, tinoda kubatsira hama dzedu, uye Jehovha anofara patinoita zvese zvatinogona kuti tidzibatsire. (Zvir. 3:27; 19:17) Saka tingaita sei?

3. Tinodzidzei pane zvaiitwa nevakuru vemuungano yaanaDesi? (Jeremiya 23:4)

3 Zvingaitwa nevakuru. Kana uri mukuru, nyatsoziva makwai. (Verenga Jeremiya 23:4.) Hanzvadzi inonzi Desi yakataurwa munyaya yakapfuura yakati, “COVID-19 isati yatanga vakuru vemuboka redu vaibuda nesu muushumiri uye vaitandara nesu.” b Zvaiitwa nevafudzi ava zvakaita kuti zvive nyore kuti vabatsire Desi paipararira COVID-19 uye vamwe vemumhuri make pavakafa nechirwere ichi.

4. Chii chakaita kuti vakuru vakwanise kubatsira Desi, uye tinodzidzei?

4 Desi anoti, “Sezvo ndainge ndava kutoona vakuru seshamwari, zvakandiitira nyore kuti ndivaudze manzwiro andaiita uye zvinhu zvaindinetsa.” Vakuru vanodzidzei? Fudzai makwai pasati pava nedambudziko. Ivai shamwari dzavo. Kana paine chirwere chinopararira chinokutadzisai kuvashanyira, kurukurai navo nedzimwe nzira. Desi anoti, “Dzimwe nguva vakuru vakasiyana-siyana vaindifonera kana kunditumira mameseji musi mumwe chete. Mavhesi avaindiverengera aindibaya mwoyo kunyange zvazvo ndainyatsoaziva.”

5. Vakuru vangaziva sei zvinodiwa nehama nehanzvadzi, uye vangadzibatsira sei?

5 Imwe nzira yamunogona kuziva nayo zvinodiwa nehama nehanzvadzi dzenyu ndeyekuvabvunza mibvunzo isingazoiti kuti vanyare. (Zvir. 20:5) Vane zvekudya zvakakwana, mishonga, uye zvimwewo zvavangada pakurarama here? Vangangorasikirwa nebasa ravo kunyange kushaya pekugara here? Vangada kubatsirwa kuti vawane rubatsiro rwehurumende here? Hama nehanzvadzi dzakabatsira Desi kuti awane zvaaida pakurarama. Asi rudo rwaakaratidzwa nevakuru uye kushandisa kwavakaita Bhaibheri pakumukurudzira ndizvo zvakanyanya kumubatsira. Desi anoti: “Vakuru vakanyengetera neni. Kunyange zvazvo ndisisanyatsoyeuki zvavakataura chaizvo, ndinoyeuka manzwiro andakaita. Yaiva nzira yaJehovha yekundiudza kuti, ‘hausi wega.’”—Isa. 41:10, 13.

Hama iri kuitisa musangano iri kufara kunzwa mhinduro dzinokurudzira dziri kupiwa nevakawanda vari pamusangano wacho uye dziri kupiwa nehama iri kurwara yapinda musangano wacho ichishandisa vhidhiyo (Ona ndima 6)

6. Vakawanda vari muungano vangaitei kuti vabatsire vamwe? (Ona mufananidzo.)

6 Zvingaitwa nevamwe. Tinotarisira kuti vakuru vave nehanya nehama nehanzvadzi muungano. Asi Jehovha anoda kuti tese tikurudzire uye tibatsire vamwe. (VaG. 6:10) Kunyange tikaita chinhu chidiki chekubatsira munhu anenge achirwara, angakurudzirwa chaizvo. Mwana mudiki anogona kutumira kadhi kana kuti mufananidzo waakadhirowa kuti akurudzire hama. Wechidiki anogona kuenda kunotengera hanzvadzi yakura zvainenge ichida, kana kuiitira mamwe mabasa. Vamwe vari muungano vanogona kubikira munhu anenge achirwara vomuendesera zvekudya zvacho kumba kwake. Kana kuine chirwere chinenge chichipararira, munhu wese ari muungano anoda kukurudzirwa. Zvimwe tinogona kumboti garei misangano yapera kuti tikurukure nehama nehanzvadzi, tingava tiri panzvimbo imwe chete kana kuti tichishandisa mavhidhiyo. Uye vakuru vanodawo kukurudzirwa. Zvimwe Zvapupu zvinotumira vakuru mashoko ekuvatenda, nekuti vanowanzova nezvakawanda zvekuitira hama nehanzvadzi panguva inenge ichipararira chirwere. Zvakanaka kuti tiitewo zvatinogona kuti ‘tirambe tichikurudzirana uye tichivakana.’—1 VaT. 5:11.

BATSIRA VAMWE PAVANENGE VAWIRWA NENJODZI

7. Matambudziko api angavapo kana njodzi ikaitika?

7 Njodzi inogona kuchinja upenyu hwemunhu munguva pfupi pfupi. Vaya vanenge vawirwa nenjodzi vanogona kurasikirwa nezvinhu zvavo, misha yavo, kunyange hama dzavo. Hama nehanzvadzi dzedu dzinowirwawo nematambudziko iwayo. Tingaitei kuti tidzibatsire?

8. Vakuru nemisoro yemhuri vanogona kuitei njodzi isati yaitika?

8 Zvingaitwa nevakuru. Vakuru, batsirai hama dzenyu kuti dzigare dzakagadzirira njodzi isati yaitika. Ivai nechokwadi chekuti vese vari muungano vanoziva matanho avanofanira kutora kuti varambe vakachengeteka uye kuti vataure nevakuru. Margaret akataurwa munyaya yakapfuura anoti: “Pachikamu chezvemuungano medu, vakuru vakatiyambira kuti takanga tichiri munguva inongotanga yega moto wemusango. Vakati kana hurumende ikati tibve pamba pedu kana kuti tikaona kuti tava mungozi, tinofanira kubva nekukurumidza.” Iwayo aiva mashoko akapiwa panguva yakakodzera nekuti pashure pemavhiki mashanu, moto unotyisa wakabva watanga. Pakunamata kwemhuri, misoro yemhuri inogona kukurukura zvinofanira kuitwa nemunhu mumwe nemumwe ari mumhuri. Kana imi nevana venyu muchinge makagadzirira, kakawanda kacho muchakwanisa kuramba makadzikama panoitika njodzi.

9. Vakuru vanoshanda sei pamwe chete njodzi isati yaitika uye yaitika?

9 Kana uri mutariri weboka, iva nechokwadi chekuti une nhamba dzefoni nekero dzevanhu vese vari muboka rako rekuparidza njodzi isati yaitika. Nguva nenguva, ona kuti zvinhu izvi ndizvo here zvavachiri kushandisa. Uye kana njodzi ikaitika, uchakwanisa kubata muparidzi mumwe nemumwe kuti umubatsire nezvaanenge achida. Ibva wakurumidza kusvitsa mashoko iwayo kumurongi mudare revakuru, uyo achabva abata mutariri wedunhu. Kana hama idzi dzikashanda pamwe chete, vanhu vakawanda vanobatsirwa chaizvo. Pashure pekunge moto watanga, mutariri wedunhu waanaMargaret akaita maawa 36 asina kurara, achishanda nevakuru avo vaiedza kubata uye kubatsira hama nehanzvadzi 450 dzainge dzasiya misha yadzo. (2 VaK. 11:27) Saka vese vaida pekugara vakapawana.

10. Nei vakuru vachikoshesa nyaya yekufudza? (Johani 21:15)

10 Vakuru vane basa rekukurudzira hama vachishandisa Bhaibheri uye kubatsira vaya vanenge vachishungurudzika. (1 Pet. 5:2) Panoitika njodzi, vakuru vanofanira kutanga vava nechokwadi kuti hama nehanzvadzi imwe neimwe yakachengeteka, ine zvekudya, zvekupfeka uye pekugara. Asi kwemwedzi yakawanda pashure pekunge njodzi yaitika, vanenge vapona vanogona kunge vachiri kuda kukurudzirwa nemashoko emuBhaibheri uye kuratidzwa rudo. (Verenga Johani 21:15.) Harold, uyo anoshumira muDare Rebazi uye akasangana nehama nehanzvadzi dzakawanda dzakawirwa nenjodzi anoti, “Zvinotora nguva kuti munhu atange kunzwa zviri nani. Angatanga kunzwa zviri nani asi anogona kuramba achiyeuka nezvekufirwa kwaakaitwa, kurasikirwa nechimwe chinhu chinokosha kana kupona kwaakaita nepaburi retsono. Kuyeuka zvinhu izvi kunogona kuita kuti munhu atange kushungurudzika zvakare. Izvi hazvirevi kuti unenge usisina kutenda kwakasimba asi ndiwo manzwiro atinoita sevanhu.”

11. Mhuri dzingada kuramba dzichibatsirwa papi?

11 Vakuru, shandisai zano iri rekuti “chemai nevanochema.” (VaR. 12:15) Vakuru vanofanira kuita kuti vaya vakawirwa nenjodzi vave nechokwadi chekuti vachiri kudiwa naJehovha uye nehama nehanzvadzi dzavo. Vakuru vachabatsira mhuri kuti dzirambe dzichiita zvinhu zvakadai sekunyengetera, kudzidza, kupinda misangano uye kuparidza. Vakuru vanogona kukurudzirawo vabereki kuti vabatsire vana vavo kuisa pfungwa pazvinhu zvisingaparadzwi nenjodzi chero ipi zvayo. Vabereki, yeuchidzai vana venyu kuti Jehovha acharamba ari Shamwari yavo uye kuti acharamba achivabatsira. Uye ivai nechokwadi chekuti mavatsanangurira kuti vanogona kuramba vari mumhuri yehama nehanzvadzi dzinowanika pasi rese idzo dzakagadzirira kuvabatsira.—1 Pet. 2:17.

Ungazvipira here kubatsira kana njodzi yaitika munharaunda yenyu? (Ona ndima 12) e

12. Vamwe vangatsigira sei basa rekuyamura vanenge vawirwa nenjodzi? (Ona mufananidzo.)

12 Zvingaitwa nevamwe. Kana njodzi ikaitika pedyo nekwaunogara, bvunza vakuru kuti ungabatsira sei. Zvimwe unogona kuita kuti vaya vanenge vasiya misha yavo kana kuti vanenge vachizvipira kuita basa rekuvaka vawane pekumbogara. Unogona kuendesa zvekudya uye zvimwe zvinhu zvekushandisa kuvaparidzi vanenge vachizvida. Kana njodzi ikaitika kure nekwaunogara, unogonawo zvakare kubatsira. Ungazviita sei? Unogona kunyengeterera vaya vanenge vawirwa nenjodzi. (2 VaK. 1:8-11) Unogona kutsigira basa rekuyamura nekupa mari yekutsigira basa remunyika yese. (2 VaK. 8:2-5) Kana uchikwanisa kuenda kunzvimbo inenge yaitika njodzi kuti unobatsira, bvunza vakuru zvaungaita kuti ubatsire. Kana ukanzi uende kunobatsira, kakawanda kacho unodzidziswa kuti basa racho rinoitwa sei kuti uzokwanisa kunyatsoriita.

BATSIRA HAMA KUTI DZITSUNGIRIRE KUTAMBUDZWA

13. Matambudziko api anosangana nehama dzedu dzinogara munyika dzinorambidzwa basa redu?

13 Munyika dzinorambidzwa basa redu, kutambudzwa kunoita kuti upenyu huwedzere kuoma. Hama dzinogara munyika idzodzo dzinosanganawo nematambudziko akadai sekushaya mari, kurwara uye kufirwa nevanhu vavanoda. Asi nemhaka yekurambidzwa kunenge kuchiitwa basa redu, vakuru vangasakwanisa kushanyira kana kukurukura nevaya vanenge vachida kukurudzirwa. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Andrei akataurwa munyaya yakapfuura. Imwe hanzvadzi iri muboka rake rekuparidza yaiva nedambudziko remari. Hanzvadzi yacho yakabva yapinda mutsaona nemota. Yaifanira kuitwa maoparesheni akawanda uye yakanga isingaendi kubasa. Pasinei nekurambidzwa kwaiitwa basa redu uye chirwere cheCOVID-19, Jehovha aiona zvaiitika uye akaita kuti hama dzibatsire hanzvadzi yacho.

14. Vakuru vangaratidza sei muenzaniso pakuvimba naJehovha?

14 Zvingaitwa nevakuru. Andrei akanyengetera uye akaita zvaaikwanisa. Jehovha akamupindura sei? Akakurudzira vakasiyana-siyana vaiva muungano kuti vaite zvakawanda pakubatsira hanzvadzi yacho. Vamwe vaiperekedza hanzvadzi iyi nemota kwachiremba. Vamwe vakaibatsira nemari. Jehovha akaita kuti vaite zvavaikwanisa, uye akakomborera ushingi, uye kubatana kwavo pakubatsira hanzvadzi iyi. (VaH. 13:16) Vakuru, basa redu parinenge richirambidzwa, kumbirai vamwe kuti vakubatsirei. (Jer. 36:5, 6) Kupfuura zvese, vimbai naJehovha. Anogona kukubatsirai kuti muchengetedze hama nehanzvadzi dzedu.

15. Tingaitei kuti tirambe takabatana nehama dzedu patinenge tichitambudzwa?

15 Zvingaitwa nevamwe. Panguva inenge ichirambidzwa basa redu, tingafanira kuungana nehama dzedu mumapoka madiki. Saka panguva yakadaro zvinokosha chaizvo kuti tirambe tiine rugare nehama dzedu. Tinofanira kurwisa Satani, kwete kurwisana. Regerera hama dzako padzinokukanganisira, kana kuti edza kukurumidza kugadzirisa kusawirirana kwamunenge muchiita. (Zvir. 19:11; VaEf. 4:26) Garai makagadzirira kubatsirana. (Tito 3:14) Kubatsirwa kwakaitwa hanzvadzi yemuboka raAndrei kwakaita kuti boka racho riwedzere kubatana semhuri.—Pis. 133:1.

16. Maererano naVaKorose 4:3, 18, tingabatsira sei hama nehanzvadzi dzedu dziri kutambudzwa?

16 Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dziri kushumira Jehovha pasinei nekuti hurumende dzinovarambidza kuita zvimwe zvinhu. Vamwe vavo vakaiswa mumajeri pamusana pekutenda kwavo. Tinogona kunyengeterera ivo nemhuri dzavo. Tinogonawo kunyengeterera vaya vari kuisa upenyu hwavo pangozi kuti vape hama nehanzvadzi idzi zvadzinoda pakunamata nepakurarama, uye kuti vadzidzivirire mumatare. c (Verenga VaKorose 4:3, 18.) Usambofa wakatarisira pasi simba reminyengetero yako!—2 VaT. 3:1, 2; 1 Tim. 2:1, 2.

Ungaitei iye zvino kuti ubatsire mhuri yako kugadzirira kuzotambudzwa? (Ona ndima 17)

17. Ungagadzirira sei iye zvino kuitira pauchazotambudzwa?

17 Iwe nemhuri yako munogona kugadzirira iye zvino kuitira pamunozotambudzwa. (Mab. 14:22) Usaedza kufungidzira zvinhu zvese zvakaipa zvinogona kuzoitika. Asi simbisa ushamwari hwako naJehovha, uye batsira vana vako kuti vaitewo izvozvo. Kana dzimwe nguva uchimbozvidya mwoyo, durura mwoyo wako kuna Mwari. (Pis. 62:7, 8) Kurukurai semhuri zvikonzero zvese zvinoita kuti muvimbe naye. d Sezvinoitika panyaya yekugadzirira njodzi, kugadzirira kwenyu kuzotambudzwa uye kuvimba kwamunoita naJehovha kuchaita kuti vana venyu vave neushingi nerugare.

18. Tichava neramangwana rakaita sei?

18 Rugare rwaMwari rwunoita kuti tinzwe takachengeteka. (VaF. 4:6, 7) Achishandisa rugare irworwo, Jehovha anoita kuti tigadzikane mumwoyo pasinei nezvirwere, njodzi, uye kutambudzwa izvo zvingatiwira mazuva ano. Anoshandisa vakuru vanoshanda nesimba pakutifudza. Uye anotipa tese ropafadzo yekuti tibatsirane. Rugare rwatiinarwo iye zvino runotibatsira kuti tigadzirire matambudziko akatokura ari mberi, kunyange “kutambudzika kukuru.” (Mat. 24:21) Panguva iyoyo, tichafanira kushanda nesimba kuti tirambe tiine rugare rwedu uye kubatsira vamwe kuti vaitewo izvozvo. Asi pashure pekutambudzika kukuru, hatizovizve nematambudziko akakura anoita kuti tizvidye mwoyo. Pakupedzisira tichava nerugare rwechokwadi runogara nekusingaperi sezvaidiwa naJehovha.—Isa. 26:3, 4.

RWIYO 109 Ida Zvakadzama Zvinobva Pamwoyo

a Jehovha anowanzoshandisa vashumiri vake vakatendeka kuti vabatsire vaya vari mumatambudziko. Anogona kukushandisa kuti ukurudzire hama nehanzvadzi dzako. Ngationei kuti tingabatsira sei vamwe vanenge vachida rubatsiro.

b Mamwe mazita akachinjwa.

c Vari pahofisi yebazi kana kuti vari kumahofisi makuru havakwanisi kutumira tsamba dzinobva kuvanhu vakasiyana-siyana dzichienda kuhama nehanzvadzi dziri mujeri.

d Ona nyaya inoti “Gadzirira Iye Zvino Kuzotambudzwa” iri muNharireyomurindi yaJuly 2019.

e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume nemudzimai vauya nezvekudya zvekupa imwe mhuri iri kugara mumatende pashure penjodzi.