Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 49

Tinogona Kurarama Nekusingaperi

Tinogona Kurarama Nekusingaperi

‘Chipo chinopiwa naMwari ndihwo upenyu husingaperi.’—VAR. 6:23.

RWIYO 147 Upenyu Husingaperi Hwakapikirwa

ZVICHADZIDZWA a

1. Kufungisisa nezvevimbiso yaJehovha yeupenyu husingaperi kunotibatsira sei?

 JEHOVHA anovimbisa vaya vanomuteerera kuti vachawana “upenyu husingaperi.” (VaR. 6:23) Patinofungisisa zvatinovimbiswa naJehovha, tinowedzera kumuda. Chimbofunga izvi: Baba vedu vekudenga vanotida chaizvo zvekuti vanovimbisa kutipa upenyu husingaperi kuitira kuti tisazombofa takaparadzaniswa navo.

2. Vimbiso yeupenyu husingaperi inotibatsira sei?

2 Vimbiso yaMwari yeupenyu husingaperi inotibatsira kutsungirira matambudziko atiri kusangana nawo. Kunyange vavengi vedu vakati vanoda kutiuraya, hatiregi kushumira Jehovha. Nei tisingaregi? Chimwe chikonzero chacho ndechekuti tinoziva kuti kana tikafa takatendeka kuna Jehovha, achatimutsa tiine mukana wekusazombofa zvakare. (Joh. 5:28, 29; 1 VaK. 15:55-58; VaH. 2:15) Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti zvinoita kuti tirarame nekusingaperi? Funga zvikonzero zvinotevera.

JEHOVHA ANORARAMA NEKUSINGAPERI

3. Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokwanisa kuita kuti tirambe tiri vapenyu nekusingaperi? (Pisarema 102:12, 24, 27)

3 Tinoziva kuti Jehovha anokwanisa kuita kuti tirambe tiri vapenyu nekusingaperi nekuti kwaari ndiko kunobva upenyu, uye anorarama nekusingaperi. (Pis. 36:9) Ona mavhesi mashomanana eBhaibheri anoratidza kuti Jehovha agara ariko uye kuti acharamba ariko. Pisarema 90:2 inoti Jehovha ndiMwari “kubvira nariini kusvikira nariini.” Pisarema 102 inotaurawo zvakafanana naizvozvo. (Verenga Pisarema 102:12, 24, 27.) Muprofita Habhakuki akanyorawo nezvaBaba vedu vekudenga achiti: “Haiwa Jehovha, hamuna kugara muriko nekusingaperi here? Haiwa Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamufi.”Hab. 1:12.

4. Tinofanira kunetseka here kana tichiomerwa nekunzwisisa pfungwa yekuti Jehovha agara ariko nekusingaperi? Tsanangura.

4 Zvinokuomera here kunzwisisa pfungwa yekuti Jehovha agara ariko “nekusingaperi”? (Isa. 40:28) Vanhu vakawanda vanoomerwawo nekunzwisisa izvozvo. Achitaura nezvaMwari, Erihu akati: “Kuwanda kwemakore ake hakurondedzereki.” (Job. 36:26) Asi kusanzwisisa kwatinoita chimwe chinhu hakurevi kuti hachisi chechokwadi. Semuenzaniso, kunyange zvazvo tingatadza kunyatsonzwisisa mashandiro anoita chiedza, zvinoreva here kuti chiedza hachiko? Aiwa! Saizvozvowo, isu vanhu tingasambofa takanyatsonzwisisa kuti nei Jehovha asina paakatangira uye paanogumira. Asi izvi hazvirevi kuti Mwari haararami nekusingaperi. Chokwadi nezveMusiki hachibvi pane zvatinogona kunzwisisa kana kuti zvatisingagoni kunzwisisa. (VaR. 11:33-36) Uye akagara ariko zvimwe zvinhu zvese, kusanganisira zuva nenyeredzi, zvisati zvatombovako. Jehovha anoita kuti tive nechokwadi chekuti ndiye “akasika nyika nesimba rake.” Uye aivako asati ‘atatamura denga.’ (Jer. 51:15; Mab. 17:24) Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti tive nechokwadi chekuti zvinoita kuti tirarame nekusingaperi?

TAKASIKWA KUTI TIRARAME NEKUSINGAPERI

5. Murume nemudzimai vekutanga vaiva nemukana wei?

5 Pazvisikwa zvese zvine upenyu zviri panyika, vanhu chete ndivo vakasikwa kuti vararame nekusingaperi. Jehovha akaita kuti vave nemukana wekusazombofa. Asi Jehovha akayambira Adhamu kuti: “Haufaniri kudya muchero wemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa, nekuti zuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Gen. 2:17) Dai Adhamu naEvha vakateerera Jehovha, vangadai vasina kufa. Zvine musoro kuti titi pane imwe nguva Jehovha aizovabvumira kuti vadye “michero yemuti weupenyu.” Izvi zvingadai zvakareva kuti Mwari aizova nechokwadi chekuti ‘vararama nekusingagumi.’ bGen. 3:22.

6-7. (a) Chii chimwe chinoratidza kuti vanhu havana kusikirwa kuti vafe? (b) Zvinhu zvipi zvaunofarira zvaunoda kuzoita? (Ona mifananidzo.)

6 Mamwe masaindisti akaona uchapupu hunoratidza kuti pfungwa dzedu dzinokwanisa kuchengeta mashoko akawanda chaizvo kupfuura atinokwanisa kuchengeta pakurarama kwatinoita pari zvino. Izvozvo zvinoshamisa chaizvo. Muna 2010 imwe magazini inonzi Scientific American Mind yakati zvinofungidzirwa kuti pfungwa dzemunhu dzinokwanisa kuchengeta mashoko angasvika 2,5 miriyoni gigabytes. Izvi zvakaenzana nemapurogiramu epaTV anobuda kwemaawa 3 miriyoni (kana kuti kwemakore anopfuura 300). Pfungwa dzedu dzinogona kuchengeta mashoko akawanda kutopfuura ipapo. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha akasika pfungwa dzedu kuti dzikwanise kuchengeta mashoko akawanda kupfuura atinodzidza mumakore 70 kana kuti 80 chete.—Pis. 90:10.

7 Jehovha akatisikawo tiine chido chakasimba chekuramba tichirarama. Richitaura nezvevanhu, Bhaibheri rinoti Mwari ‘akaisa nguva isingagumi mumwoyo mavo.’ (Mup. 3:11) Ichi ndicho chimwe chikonzero chinoita kuti tione rufu semuvengi. (1 VaK. 15:26) Kana tikarwara zvakanyanya, tinongosiya zvakadaro pasina zvatinoita tongomirira kufa here? Aiwa. Kakawanda kacho tinoenda kwachiremba, uye dzimwe nguva tinonwa mishonga yekurapa chirwere chacho. Tinotoita zvese zvatinogona kuti tirege kufa. Uye panofa mumwe munhu watinoda, angava mudiki kana akura, tinorwadziwa chaizvo kwenguva yakareba. (Joh. 11:32, 33) Tinogona kuramba tichidzidza nekusingaperi uye tine chido chakasimba chekurarama nekusingaperi, nekuti ndiwo masikirwo atakaitwa neMusiki wedu ane rudo. Zviri pachena kuti achaita kuti tikwanise kurarama nekusingaperi. Asi tine zvimwe zvikonzero zvakatowanda zvekuti titende kuti tinogona kurarama nekusingaperi. Ngatikurukurei zvimwe zvakaitwa naJehovha kare uye zvaari kuita iye zvino zvinoratidza kuti haana kuchinja chinangwa chake.

Sezvo tiine tariro yekurarama nekusingaperi, tinonakidzwa nekufungidzira zvinhu zvatichakwanisa kuzoita mune ramangwana (Ona ndima 7) c

CHINANGWA CHAJEHOVHA HACHINA KUCHINJA

8. Isaya 55:11 inotidzidzisei nezvechinangwa chaJehovha chaakatisikira?

8 Kunyange zvazvo Adhamu naEvha vakatadza zvikaita kuti rufu rusvike kuvana vavo, Jehovha haana kuchinja chinangwa chake. (Verenga Isaya 55:11.) Chinangwa chake chichiri chekuti vanhu vakatendeka vararame nekusingaperi. Izvozvo tinozviona patinofunga nezvezvinhu zvakataurwa naJehovha uye zvaakaita kuti azadzise chinangwa chake.

9. Mwari akavimbisei? (Dhanieri 12:2, 13)

9 Jehovha akavimbisa kuti achamutsa vakafa uye achavapa mukana wekurarama nekusingaperi. (Mab. 24:15; Tito 1:1, 2) Murume akatendeka Jobho aiva nechokwadi chekuti Jehovha anoda chaizvo kumutsa vakafa. (Job. 14:14, 15) Muprofita Dhanieri aiziva kuti vanhu vanogona kumutswa vaine mukana wekurarama nekusingaperi. (Pis. 37:29; verenga Dhanieri 12:2, 13.) VaJudha vemuzuva raJesu vaizivawo kuti Jehovha anokwanisa kupa vashumiri vake vakatendeka “upenyu husingaperi.” (Ruka 10:25; 18:18) Jesu aigara achitaura nezvevimbiso iyi, uye iye pachake akamutswa naBaba vake.—Mat. 19:29; 22:31, 32; Ruka 18:30; Joh. 11:25.

Kumutsa kwakaita Eriya mwanakomana wechirikadzi kunoita kuti uve nechokwadi chei? (Ona ndima 10)

10. Kumutswa kwakaitwa vamwe kare kunoratidzei? (Ona mufananidzo.)

10 Jehovha ndiye anopa upenyu uye ane simba rekumutsa vanhu vakafa. Akapa muprofita Eriya simba rekumutsa mwanakomana wechirikadzi yekuZarefati. (1 Madz. 17:21-23) Papera nguva, muprofita Erisha akabatsirwa naMwari kuti amutse mwanakomana wemukadzi muShunemi. (2 Madz. 4:18-20, 34-37) Kumutswa kwevanhu ava nevamwewo kunoratidza kuti Jehovha ane simba rekumutsa vanhu vakafa. Jesu paaiva panyika akaratidza kuti Baba vake vakanga vamupa simba iroro. (Joh. 11:23-25, 43, 44) Iye zvino Jesu ari kudenga uye akapiwa “masimba ese kudenga nepanyika.” Saka anogona kuzadzisa vimbiso yekuti “vese vari mumakuva evanoyeukwa” vachamutswa vaine mukana wekuramba vari vapenyu nekusingaperi.—Mat. 28:18; Joh. 5:25-29.

11. Nei rudzikinuro ruchiita kuti tizokwanisa kurarama nekusingaperi?

11 Nei Jehovha akabvumira kuti Mwanakomana wake waanoda afe rufu rwunorwadza? Jesu akataura chikonzero chacho paakati: “Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Nekutipa Mwanakomana wake serudzikinuro kuti afukidze zvivi zvedu, Mwari anoita kuti tizokwanisa kuwana upenyu husingaperi. (Mat. 20:28) Muapostora Pauro aitaura nezvechikamu ichi chinokosha chechinangwa chaMwari paakanyora kuti: “Rufu rwakauya kuburikidza nemunhu, saka kumuka kwevakafa kunouyawo kuburikidza nemunhu. Nekuti sezvo vese vari kufa muna Adhamu, vese vachaitwawo vapenyu muna Kristu.”—1 VaK. 15:21, 22.

12. Jehovha achazadzisa sei chinangwa chake?

12 Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. (Mat. 6:9, 10) Chimwe chikamu chechinangwa chaMwari ndechekuti vanhu vagare panyika nekusingaperi. Kuti izvozvo zviitike, Jehovha akagadza Mwanakomana wake saMambo weUmambo hwaMesiya. Mwari ari kuunganidza vanhu 144 000 kubva panyika kuti vashande naJesu pakuita kuti kuda kwaMwari kuzadziswe.—Zvak. 5:9, 10.

13. Jehovha ari kuitei iye zvino, uye iwe unofanira kuitei?

13 Jehovha ari kuunganidza “boka guru” revanhu uye ari kuvadzidzisa kuti vararame vachitongwa neUmambo hwake. (Zvak. 7:9, 10; Jak. 2:8) Kunyange zvazvo vanhu vakawanda munyika mazuva ano vachiparadzaniswa neruvengo uye hondo, vaya vari muboka guru vanoshanda nesimba kuti vasatombova neruvengo pakati pavo. Vari kuratidza nezvavanoita kuti vari kupfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo. (Mika 4:3) Havapindiri muhondo idzo dziri kuurayisa vanhu vakawanda, asi vanobatsira vanhu kuti vawane “upenyu chaihwo” nekuvadzidzisa nezvaMwari wechokwadi nezvinangwa zvake. (1 Tim. 6:19) Hama dzavo dzinogona kuvapikisa kana kuti vangarasikirwa nemari nekuti vanotsigira Umambo hwaMwari, asi Jehovha achava nechokwadi chekuti vawana zvinhu zvinokosha pakurarama. (Mat. 6:25, 30-33; Ruka 18:29, 30) Izvozvo zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti Umambo hwaMwari huriko uye kuti hucharamba huchizadzisa chinangwa chaJehovha.

TINE RAMANGWANA RAKAZONAKA

14-15. Vimbiso yaJehovha yekuparadza rufu zvachose ichazadziswa sei?

14 Iye zvino Jesu ari kudenga uye achazadzisa zvese zvakavimbiswa naJehovha. (2 VaK. 1:20) Kubva muna 1914, Jesu ari kukunda vavengi vake. (Pis. 110:1, 2) Munguva pfupi iri kuuya, Jesu nevaachatonga navo vachapedzisa kukunda kwavo uye vachaparadza vanhu vakaipa.—Zvak. 6:2.

15 Mumakore 1 000 Ekutonga kwake, Jesu achamutsa vakafa uye achabatsira vese vanoteerera Jehovha kuti vave vanhu vakakwana. Pashure pemuedzo wekupedzisira, vaya vachanzi naJehovha vakarurama “vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.” (Pis. 37:10, 11, 29) Zvinofadza chaizvo kuti “muvengi wekupedzisira, rufu, achaparadzwa.”—1 VaK. 15:26.

16. Chikonzero chedu chikuru chekushumira Jehovha chinofanira kuva chei?

16 Sezvataona, tariro yedu yekurarama nekusingaperi inobva muShoko raMwari. Tariro iyoyo inogona kutibatsira kuti tirambe takavimbika mumazuva ano akaoma ekupedzisira. Asi chido chekuramba tiri vapenyu, handicho chega chinoita kuti tide kufadza Jehovha. Chikonzero chedu chikuru chekuramba takavimbika kuna Jehovha naJesu ndechekuti tinovada zvakadzama. (2 VaK. 5:14, 15) Rudo irworwo rwunoita kuti tide kuvatevedzera uye tiudze vamwe nezvetariro yatiinayo. (VaR. 10:13-15) Patinodzidza kuva vanhu vasingangofungi zvakavanakira uye vane rupo, Jehovha anobva ada kuva shamwari yedu nekusingaperi.—VaH. 13:16.

17. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuitei? (Mateu 7:13, 14)

17 Tichavawo pakati pevaya vachawana upenyu husingaperi here? Jehovha anotipa mukana iwoyo. Saka tinofanira kusarudza kuramba tiri mumugwagwa unoenda kuupenyu. (Verenga Mateu 7:13, 14.) Upenyu huchange hwakaita sei patichararama nekusingaperi? Mubvunzo iwoyo uchapindurwa munyaya inotevera.

RWIYO 141 Chishamiso Cheupenyu

a Unotarisira kurarama nekusingaperi here? Jehovha akativimbisa kuti rimwe zuva tichakwanisa kurarama tisingatombonetseki kuti tichafa. Nyaya ino ichataura zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tive nechivimbo chakazara chekuti Jehovha achazadzisa vimbiso yake.

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yakura iri kufungidzira zvimwe zvinhu zvaichange yava kuita painenge yava kurarama nekusingaperi.