NYAYA YEKUDZIDZA 50
“Uchava Neni muParadhiso”
“Chokwadi ndinokuudza nhasi, uchava neni muParadhiso.”—RUKA 23:43.
RWIYO 145 Vimbiso yaMwari yeParadhiso
ZVICHADZIDZWA a
1. Pasara nguva pfupi kuti afe, Jesu akatii kugororo raiva padivi pake? (Ruka 23:39-43)
JESU nemakororo maviri aakarovererwa pamwe chete nawo vaitambura pavaifa zvishoma nezvishoma. (Ruka 23:32, 33) Makororo maviri aya aitaura zvakaipa nezvaJesu, saka zviri pachena kuti akanga asiri vadzidzi vake. (Mat. 27:44; Mako 15:32) Asi mumwe wacho akachinja mafungiro ake. Akati: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muUmambo hwenyu.” Jesu akapindura kuti: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, uchava neni muParadhiso.” (Verenga Ruka 23:39-43.) Hapana chinoratidza kuti gororo iri rakanga rabvuma mashoko ane chekuita ‘neUmambo hwekudenga,’ aiparidzwa naJesu paaiita ushumiri hwake. Uye Jesu haana kumboti murume iyeye aizopinda muUmambo ihwohwo kudenga. (Mat. 4:17) Jesu aitaura nezveParadhiso ichava panyika mune ramangwana. Nei tichigona kudaro?
2. Chii chinoratidza kuti murume aiva gororo uyo ainge apfidza aiva muJudha?
2 Murume aiva gororo uyo ainge apfidza anofanira kunge aiva muJudha. Murume iyeye akati kune mumwe wake: “Hautyi Mwari here, sezvo wapiwa mutongo wakafanana newake?” (Ruka 23:40) VaJudha vainamata Mwari mumwe chete, asi vanhu vemamwe marudzi vaitenda kuti kune vanamwari vakawanda. (Eks. 20:2, 3; 1 VaK. 8:5, 6) Kudai makororo iwayo aiva vanhu vemamwe marudzi, mubvunzo wacho ungadai wakati, “Hautyi vanamwari here?” Uyewo Jesu ainge akatumwa ‘kumakwai akarasika eimba yaIsraeri,’ kwete kuvanhu vemamwe marudzi. (Mat. 15:24) Mwari akanga aita kuti vaIsraeri vazive kuti aizomutsa vakafa. Murume aiva gororo uyo ainge apfidza anogona kunge aiziva izvi, uye sezvinoratidzwa nemashoko ake, akaona sekuti Jehovha aizomutsa Jesu kuti atonge muUmambo hwaMwari. Zvimwe murume uyu aivimbawo kuti Mwari aigona kuzomumutsa kuvakafa.
3. Jesu paakataura nezveParadhiso, chii chinogona kunge chakauya mupfungwa dzemurume aiva gororo uyo ainge apfidza? Tsanangura. (Genesisi 2:15)
3 Sezvo aiva muJudha, murume uyu ainge apfidza anofanira kunge aiziva nezvaAdhamu naEvha uye nezveParadhiso yavakanga vagadzirirwa naJehovha. Saka anogona kunge aitenda kuti Paradhiso yakataurwa naJesu yaizova paki yakanaka inenge iri pano panyika.—Verenga Genesisi 2:15.
4. Mashoko aJesu aakaudza gororo anofanira kuita kuti tifungei?
4 Mashoko aJesu aakaudza gororo anofanira kuita kuti tifunge zvichange zvakaita upenyu muParadhiso. Tinogona kudzidza chimwe chinhu nezveParadhiso kubva parugare rwaivapo panguva yaitonga Mambo Soromoni. Bhaibheri rinoti Jesu mukuru kuna Soromoni. Tinogona kutarisira kuti Jesu achashanda nevaanotonga navo pakuita kuti nyika ive paradhiso yakazonaka. (Mat. 12:42) Zviri pachena kuti ‘vemamwe makwai’ vanofanira kuziva zvavanofanira kuita kuti vakodzere kurarama muParadhiso nekusingaperi.—Joh. 10:16.
UPENYU MUPARADHISO HUCHANGE HWAKAITA SEI?
5. Unofunga kuti upenyu huchange hwakaita sei muParadhiso?
5 Chii chinouya mupfungwa dzako paunofunga nezvekuti upenyu muParadhiso huchange hwakaita sei? Zvimwe unogona kufunga nezvepaki yakanaka chaizvo sezvainge zvakaita munda weEdheni. (Gen. 2:7-9) Zvimwe unogona kuyeuka nezveuprofita hwakataurwa naMika hwekuti vanhu vaMwari vachagara, ‘mumwe nemumwe pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake.’ (Mika 4:3, 4) Unogonawo kuyeuka mavhesi ari muBhaibheri anotaura kuti pachava nezvekudya zvakawanda. (Pis. 72:16; Isa. 65:21, 22) Saka unogona kuzviona uri mupaki yakanaka, pamberi pako paine tafura yakazara zvekudya zvinonaka. Unogona kufungidzira mhepo yacho izere kunhuwirira kwemiti nemaruva. Uye unogona kunzwa kuseka kwehama neshamwari, kusanganisira vaya vanenge vamutswa, vachitandara pamwe chete. Zvese izvi hakusi kungorotawo zvako. Tine chokwadi chekuti zvinhu zvese izvi zvichaitika panyika. Asi tichaitawo basa rinonakidza muParadhiso.
6. Tichange tichiitei muParadhiso? (Ona mufananidzo.)
6 Jehovha akatisika tichikwanisa kufadzwa nekushanda kwatinoita. (Mup. 2:24) Tichange tiine zvakawanda zvekuita Mumakore 1 000 Ekutonga kwaKristu. Vese vanenge vapona pakutambudzika kukuru, kusanganisira mamiriyoni evanhu vachamutswa, vachada zvekupfeka, zvekudya, uye pekugara. Tichava nebasa rakawanda rinonakidza rekuita kuti vanhu vawane zvinhu izvozvo zvavanoda pakurarama. Adhamu naEvha vaifanira kushanda kuti vachengetedze musha wavo, isuwo tichava nebasa rinonakidza rekuita kuti nyika ive Paradhiso. Fungidzirawo kunakidza kwazvichange zvichiita kudzidzisa mamiriyoni evanhu vachamutswa avo vanenge vachiziva zvishoma nezvaJehovha uye nezvechinangwa chake uye kubatsira vakatendeka vakararama Jesu asati auya kuti vadzidze zvakaitika pashure pekunge vafa.
7. Tinogona kuva nechokwadi chei, uye nei tichidaro?
7 Tinogona kuva nechokwadi chekuti muParadhiso tichange tiine rugare, tiine zvese zvatinoda pakurarama, uye upenyu huchange hwakarongeka. Nei tichidaro? Nekuti Jehovha akatotipa nzwisa yezvichange zvakaita upenyu, Mwanakomana paanenge ava kutonga. Tinoona izvozvo patinoverenga zvaiitika pakutonga kwaMambo Soromoni.
KUTONGA KWAMAMBO SOROMONI KWAIRATIDZA ZVICHANGE ZVAKAITA UPENYU MUPARADHISO
8. Mashoko anowanika pana Pisarema 37:10, 11, 29 akazadzika sei pashure pekunge anyorwa naMambo Dhavhidhi? (Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” mumagazini ino.)
8 Mambo Dhavhidhi akafemerwa kuti anyore zvaizenge zvakaita upenyu paizotonga mambo akachenjera uye akatendeka. (Verenga Pisarema 37:10, 11, 29.) Tinowanzoverengera vamwe Pisarema 37:11 patinenge tichikurukura nezveParadhiso yeramangwana. Tine chikonzero chakanaka chekudaro nekuti Jesu akashandisa rugwaro irworwo muMharidzo Yepagomo, achiratidza kuti ruchazadzika mune ramangwana. (Mat. 5:5) Asi mashoko aDhavhidhi airatidzawo zvaizenge zvakaita upenyu mumazuva aMambo Soromoni. Soromoni paaitonga nyika yeIsraeri, vanhu vaMwari vakava nerugare uye vaibudirira munyika ‘yaierera uchi nemukaka.’ Mwari akanga ati: “Kana mukaramba muchifamba mumirau yangu . . . , ndichaisa rugare munyika yacho, uye mucharara pasi pasina munhu anokutyisai.” (Revh. 20:24; 26:3, 6) Vimbiso idzodzo dzakazadzika paitonga Soromoni. (1 Mak. 22:9; 29:26-28) Uye Jehovha akavimbisa kuti vakaipa ‘vaizenge vasisipo.’ (Pis. 37:10) Saka mashoko anowanika pana Pisarema 37:10, 11, 29 akazadzika kare uye achazadzikawo mune ramangwana.
9. Mambokadzi weShebha akati kudii nezvekutonga kwaMambo Soromoni?
9 Mashoko erugare uye kubudirira kwevaIsraeri paitonga Soromoni akasvika munzeve dzamambokadzi weShebha. Mambokadzi iyeye wenyika yaiva kure akaenda kuJerusarema kuti anozvionera ega zvaainge anzwa. (1 Madz. 10:1) Pashure pekunge aongorora umambo hwaSoromoni, akati: “Zvandakaudzwa hazvitombosviki pahafu yezvandaona. . . . Vanofara varume vanoita basa renyu, uye vanofara vashandi venyu vanomira pamberi penyu nguva dzese, vachiteerera uchenjeri hwenyu!” (1 Madz. 10:6-8) Asi mamiriro ezvinhu aivapo panguva yaitonga Soromoni aingova nzwisa yezvichaitirwa vanhu naJehovha panenge pachitonga Mwanakomana wake, Jesu.
10. Jesu anopfuura Soromoni munzira dzipi?
10 Jesu anopfuura Soromoni pane zvese. Soromoni aiva munhu ane chivi uye akaita zvikanganiso zvakakura zvakaita kuti vanhu vaMwari vaomerwe neupenyu. Asi Jesu Mutongi akakwana asingakanganisi. (Ruka 1:32; VaH. 4:14, 15) Jesu akakunda miedzo yakaoma yaiunzwa naSatani. Kristu akaratidza kuti haazombotadzi kana kuita chimwe chinhu chinokuvadza vanhu vakavimbika vaanotonga. Ndiye Mambo akanaka kupfuura vese vatingava navo.
11. Ndivanaani vachabatsira Jesu pakutonga?
11 Jesu nevane 144 000 vaachatonga navo, vachashanda pamwe chete pakuita kuti vanhu vawane zvavanoda uye pakuzadzisa chinangwa chaJehovha chaakasikira nyika. (Zvak. 14:1-3) Vanhu ava vakasangana nemiedzo nematambudziko akawanda pavaiva panyika, saka vachava vatongi vanonzwisisa. Ndezvipi zvichaitwa nevatongi ava?
NDEZVIPI ZVICHAITWA NEVAKAZODZWA?
12. Jehovha achapa vane 144 000 basa ripi?
12 Jesu nevaachatonga navo vane basa rakakura chaizvo kupfuura rakaitwa naSoromoni. Mambo Soromoni aifanira kuchengeta mamiriyoni evanhu munyika imwe chete, asi vaya vanotonga muUmambo hwaMwari vachabatsira pakuchengeta mabhiriyoni evanhu pasi rese. Iyi iropafadzo yakakura chaizvo iyo Jehovha akapa vane 144 000!
13. Basa richaitwa nevaya vachatonga naJesu richasanganisirei?
13 Kufanana naJesu, vane 144 000 vachava madzimambo nevapristi. (Zvak. 5:10) VaIsraeri pavaiva pasi peMutemo waMozisi, vapristi ndivo vainyanya kubatsira vanhu kuti varambe vaine utano hwakanaka uye vari pedyo naJehovha. Mutemo waiva “mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya,” saka zvine musoro kuti titi vaya vachatonga naJesu vachabatsira vanhu vaMwari kuti varambe vaine utano hwakanaka uye vari pedyo naJehovha. (VaH. 10:1) Tichafanira kumirira kuti tizoona kuti madzimambo nevapristi ava vachakurukura sei nevanhu vanenge vachitongwa neUmambo pano panyika. Chero zvinenge zvarongwa naJehovha, tinogona kuva nechokwadi chekuti muParadhiso iri kuuya, vaya vachange vari panyika vachatungamirirwa zvakanaka.—Zvak. 21:3, 4.
“MAMWE MAKWAI” ANOFANIRA KUITEI KUTI AKODZERE KUGARA MUPARADHISO?
14. “Mamwe makwai” nehama dzaKristu vanobatana papi?
14 Achitaura nezvevaya vaachatonga navo, Jesu akavati “boka diki.” (Ruka 12:32) Akataurawo nezveboka rechipiri raakati “mamwe makwai.” Mapoka maviri aya anoumba boka rimwe chete rakabatana. (Joh. 10:16) Mapoka aya ari kutoshanda pamwe chete, uye acharamba achidaro nyika painenge yava Paradhiso. Panguva iyoyo, ‘veboka diki’ vachange vari kudenga, uye ‘vemamwe makwai’ vachava netariro yekurarama nekusingaperi panyika vachifara. Asi ‘vemamwe makwai’ vane zvinhu zvavanofanira kuita iye zvino kuti vakodzere kugara muParadhiso.
15. (a) Zvii zviri kuitwa ‘nemamwe makwai’ pakushanda nehama dzaKristu? (b) Ungatevedzera sei hama iri muchitoro? (Ona mufananidzo.)
15 Murume aiva gororo uyo ainge apfidza akafa asati ava nemukana wekuratidza kuonga kwaanoita zvaakaitirwa naKristu. Isu ‘vemamwe makwai’ tine mikana yakawanda yekuratidza manzwiro atinoita nezvaJesu. Semuenzaniso, tinoratidza kuti tinomuda nemabatiro atinoita hama dzake dzakazodzwa. Jesu akati achatonga makwai maererano nemabatiro aanoita hama dzake. (Mat. 25:31-40) Tinogona kutsigira hama dzaKristu nekushanda nesimba pakudzibatsira pabasa rekuparidza nerekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:18-20) Ndosaka tichida kushandisa mabhuku anobatsira vanhu pakudzidza Bhaibheri, akadai sebhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Kana usati wava nemumwe munhu wauri kudzidza naye Bhaibheri, unogona kuva nechinangwa chekutanga zvidzidzo zveBhaibheri nevanhu vakawanda.
16. Tingaitei iye zvino kuti tigadzirire kuzova muParadhiso?
16 Hazvidi hazvo kuti titange tararama muParadhiso kuti tizova vanhu avo Jehovha anoti vakakodzera kuvamo. Iye zvino tinofanira kushanda nesimba kuti tive vakatendeseka pamatauriro nemaitiro edu, uye kuva nemwero pane zvimwe zvinhu zvatinoita. Tinogona kuva vakavimbika kuna Jehovha, kune watakaroorana naye, uye kune vamwe vaKristu. Kana tichiteerera Jehovha iye zvino munyika ino yakaipa, zvichazotiitira nyore kumuteerera kana tava muParadhiso. Tinogonawo kuratidza kuti tiri kugadzirira kuzorarama muParadhiso nekudzidzira mabasa uye kuva neunhu hwakanaka. Ona nyaya iri mumagazini ino inoti “Wagadzirira Here ‘Kugara Nhaka Yenyika’?”
17. Tinofanira kuodzwa mwoyo nekuti takamboita zvivi here? Tsanangura.
17 Hatifaniriwo kuramba tichizvipa mhosva nekuti takamboita zvivi zvakakura. Hatifaniri ‘kuita chivi tichiziva zvedu’ tichiti zvichafukidzwa nechibayiro cherudzikinuro. (VaH. 10:26-31) Asi tinogona kuva nechokwadi chekuti kana takatopfidza chivi chakakura, takatsvaka rubatsiro kuna Jehovha nevakuru, uye takachinja maitiro edu, akatikanganwira zvikuru. (Isa. 55:7; Mab. 3:19) Yeuka mashoko aJesu aakaudza vaFarisi ekuti: “Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi.” (Mat. 9:13) Chibayiro cherudzikinuro chine simba rekufukidza zvivi zvedu zvese.
UNOGONA KURARAMA NEKUSINGAPERI MUPARADHISO
18. Zvii zvaungada kuzotaura nemurume aiva gororo akafa pamwe chete naJesu?
18 Fungidzira uri muParadhiso, uchitaura nemurume uya aiva gororo akataura naJesu. Hapana mubvunzo kuti mese mucharatidza kuonga chibayiro cherudzikinuro chaJesu. Unogona kukumbira murume iyeye kuti akuudze zvimwe zvakaitika mumaawa ekupedzisira eupenyu hwaJesu asati afa uye kuti akanzwa sei Jesu paakabvuma chikumbiro chake. Iyewo anogona kukubvunza zvainge zvakaita upenyu mumazuva ekupedzisira enyika yaSatani. Ichava ropafadzo kudzidza Shoko raMwari nevanhu vakaita semurume uyu!—VaEf. 4:22-24.
19. Nei upenyu muParadhiso husingazofinhi? (Ona mufananidzo uri pakavha.)
19 Upenyu muParadhiso hauzombofinhi. Ticharamba tiine vanhu vakasiyana-siyana vekuzivana navo uye basa rinogutsa. Kupfuura zvese, zuva rimwe nerimwe tichawedzera kuziva Baba vedu vekudenga uye tichifadzwa nezvinhu zvavanenge vachitipa. Hatizombopererwi nezvinhu zvekudzidza nezvaJehovha, uye pachava nezvakawanda zvekudzidza pazvinhu zvaakasika. Tichawedzera kuda Mwari makore zvaacharamba achipindana. Tinotenda chaizvo Jehovha naJesu nekutivimbisa kuti tinogona kurarama nekusingaperi muParadhiso!
RWIYO 22 Umambo Hwavapo—Ngahuuye!
a Unowanzofunga nezvekuti upenyu huchange hwakaita sei muParadhiso here? Izvozvo zvinobatsira. Tikaramba tichifunga zvatichaitirwa naJehovha mune ramangwana, tinova nechido chekudzidzisa vamwe nezvenyika itsva. Nyaya ino ichatibatsira kuwedzera kutenda muvimbiso yaJesu yeparadhiso iri kuuya.
b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama inotarisira kuzodzidzisa vanhu vanenge vamutswa iri kutodzidzisa vamwe iye zvino.