Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 53

Hama Dzechidiki​—⁠Ivai Neushamwari Hwakasimba naJehovha

Hama Dzechidiki​—⁠Ivai Neushamwari Hwakasimba naJehovha

“Simba, uratidze kuti uri murume.”—1 MADZ. 2:2.

RWIYO 135 Chikumbiro chaJehovha Cherudo: ‘Mwanangu, Iva Akachenjera’

ZVICHADZIDZWA a

1. Murume wechiKristu anofanira kuitei kuti abudirire?

 MAMBO Dhavhidhi akarayira Soromoni kuti: “Simba, uratidze kuti uri murume.” (1 Madz. 2:​1-3) Varume vese vechiKristu mazuva ano vanoita zvakanaka kana vakateerera zano iroro. Kuti vabudirire, vanofanira kudzidza kuteerera mitemo yaJehovha uye kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri pane zvese zvavanoita muupenyu hwavo. (Ruka 2:52) Nei zvichikosha chaizvo kuti hama dzechidiki dzive neushamwari hwakasimba naJehovha?

2-3. Nei zvichikosha kuti hama yechidiki ive neushamwari kwakasimba naJehovha?

2 Murume wechiKristu anoita mabasa anokosha mumhuri uye muungano. Hama dzechidiki, zviri pachena kuti makafunga nezvemabasa amunogona kuzoita mune ramangwana. Zvimwe mune chinangwa chekupinda mubasa renguva yakazara, chekuva mushumiri weungano, uye chekuzova mukuru muungano. Zvimwe munodawo kuzoroora uye kuva nevana. (VaEf. 6:4; 1 Tim. 3:1) Kuti mukwanise kuzozadzisa zvinangwa zvese izvi, munofanira kuva neushamwari hwakasimba naJehovha. b

3 Chii chingakubatsirai kuti muve neushamwari hwakasimba naJehovha? Pane zvinhu zvinokosha zvamunofanira kudzidza mova neunyanzvi pazviri. Saka mungaitei iye zvino kuti mugadzirire uye mubudirire pamabasa chero api amuchazoita mune ramangwana?

ZVAUNGAITA KUTI UVE NEUSHAMWARI HWAKASIMBA NAJEHOVHA

Kutevedzera unhu hwaJesu kunogona kukubatsira kuti uve murume wechiKristu anoda Jehovha (Ona ndima 4)

4. Ungawanepi mienzaniso yakanaka yekutevedzera? (Onawo mufananidzo.)

4 Sarudza mienzaniso yakanaka yekutevedzera. Bhaibheri rakazara nemienzaniso yakanaka yevarume vechidiki vaunogona kutevedzera. Varume ivavo vaida Mwari uye vakachengetedza vanhu vaMwari nenzira dzakasiyana-siyana. Unogonawo kuwana mienzaniso yakanaka pavarume vechiKristu vakasimba pakunamata vemumhuri menyu uye vemuungano menyu. (VaH. 13:7) Jesu Kristu ndiye muenzaniso wakanaka kupfuura mimwe yese yaunogona kutevedzera. (1 Pet. 2:21) Paunonyatsodzidza nezvemienzaniso iyi, funga nezveunhu hwakanaka hwaunoyemura pavarume ava. (VaH. 12:​1, 2) Chibva wasarudza kuti uchavatevedzera sei.

5. Ungaitei kuti udzidze kushandisa pfungwa, uye nei izvozvo zvichikosha? (Pisarema 119:9)

5 Dzidza ‘kushandisa pfungwa.’ (Zvir. 3:21) Munhu anoshandisa pfungwa anotanga anyatsofunga asati aita chimwe chinhu. Saka shanda nesimba kuti udzidze kushandisa pfungwa uye kuti urambe uchizviita. Nei uchifanira kudaro? Nyika ino yakazara nevakomana vanongoita zvemumusoro mavo kana kuti vanoita zvisarudzo zvichibva pamanzwiro avanoita. (Zvir. 7:7; 29:11) Zvinhu zvakadai seTV, mafirimu, Indaneti uye social media zvinogona kukanganisa mafungiro ako uye maitiro ako. Asi ungaitei kuti udzidze kushandisa pfungwa? Tanga nekudzidza zvinotaurwa neBhaibheri uye funga kuti kuita izvozvo kunokubatsira sei. Chibva washandisa zvaunenge wadzidza kuti zvikubatsire pakuita zvisarudzo zvichafadza Jehovha. (Verenga Pisarema 119:9.) Kana ukadzidza kufunga seizvi, uchange watora danho rinokosha kuti uve murume wechiKristu akasimba pakunamata. (Zvir. 2:​11, 12; VaH. 5:14) Funga kuti kushandisa pfungwa kuchakubatsira sei mumamiriro ezvinhu maviri anotevera: (1) pamabatiro aunoita hanzvadzi, uye (2) pakusarudza zvekupfeka uye kutaridzika kwako.

6. Kushandisa pfungwa kuchabatsira sei hama yechidiki kuti iremekedze hanzvadzi?

6 Kushandisa pfungwa kuchakubatsira kuti uremekedze vanhukadzi. Hapana chakaipa kuti hama yechidiki ifarire hanzvadzi yechiKristu. Asi hama yechidiki inoshandisa pfungwa haizotauri, kunyora, kana kuita chero chinhu chinoita kuti hanzvadzi ifunge kuti ari kuida iye asiri kuda kuiroora. (1 Tim. 5:​1, 2) Kana iri kufambidzana nehanzvadzi, inochengetedza mukurumbira wakanaka wehanzvadzi yacho nekusatombova vega pasina mumwe munhu anenge achivaperekedza.—1 VaK. 6:18.

7. Kushandisa pfungwa kuchabatsira sei hama yechidiki pakusarudza zvekupfeka uye magererwo?

7 Hama yechidiki inoratidzawo kuti iri kukwanisa kunyatsoshandisa pfungwa dzayo nekuita zvisarudzo zvakanaka pakupfeka uye pamagererwo. Kakawanda kacho, zvipfeko zvinenge zviri mufashoni zvinogadzirwa nevanhu vasingaremekedzi Jehovha kana kuti vanoita unzenza. Mafungiro avo eunzenza, anooneka pazvipfeko zvavanogadzira izvo zvinobata kana zvinoita kuti varume varatidzike sevakadzi. Painosarudza zvekupfeka, hama yechidiki iri kukura pakunamata ichatungamirirwa nezvinotaurwa neBhaibheri uye ichatevedzera mienzaniso yakanaka yevamwe vari muungano. Inogona kuzvibvunza kuti: ‘Zvandinosarudza zvinoratidza here kuti ndine pfungwa dzakanaka uye ndinoremekedza vamwe? Mapfekero angu anoita kuti zvive nyore here kuti vamwe vaone kuti ndinonyatsoshumira Mwari?’ (1 VaK. 10:​31-33; Tito 2:6) Hama yechidiki inoshandisa pfungwa, icharemekedzwa nehama nehanzvadzi dzayo uyewo naBaba vayo vekudenga.

8. Hama yechidiki ingadzidza sei kuva munhu anovimbwa naye?

8 Iva munhu anovimbwa naye. Hama yechidiki inovimbwa nayo inoshanda nesimba kuti iite mabasa ayo ese. (Ruka 16:10) Funga nezvemuenzaniso waJesu. Aisaita zvinhu achingoitira kuti zvimubve. Asi akaita mabasa ake ese aakapiwa naJehovha kunyange pazvainge zvakaoma kuti adaro. Aida vanhu, kunyanya vadzidzi vake uye akazvipira kuvafira. (Joh. 13:1) Uchitevedzera Jesu, shanda nesimba kuti uite chero basa raunenge wapiwa. Kana usiri kuziva kuti rinoitwa sei, zvininipise uye kumbira kubatsirwa nehama dzakasimba pakunamata. Usava neusimbe. (VaR. 12:11) Asi pedza basa raunenge wapiwa uchiriitira “Jehovha, kwete vanhu.” (VaK. 3:23) Yeuka kuti uri munhu anokanganisa, saka zvininipise uye bvuma zvaunenge wakanganisa.—Zvir. 11:2.

DZIDZA ZVINHU ZVINOBATSIRA MUUPENYU

9. Nei hama yechidiki ichifanira kudzidza zvimwe zvinhu zvinobatsira muupenyu?

9 Kuti uve murume wechiKristu akasimba pakunamata, unofanira kudzidza zvinhu zvinokubatsira muupenyu. Izvi zvichakubatsira kuti ukwanise kuita mabasa ako muungano, uwane uye uchengetedze basa rinokuwanisa cheuviri kana kuti ukwanise kuriritira mhuri, uye kuti ukwanise kugarisana nevamwe zvakanaka. Ngatimbokurukurai nezvezvimwe zvinhu zvinobatsira muupenyu.

Kuverenga uye kunyora zvakanaka kuchakubatsira uye kuchabatsirawo ungano (Ona ndima 10-11)

10-11. Kana hama yechidiki ikadzidza kuverenga nekunyora zvakanaka zvichaibatsira sei uye zvichabatsira sei ungano? (Pisarema 1:​1-3) (Onawo mufananidzo.)

10 Dzidza kuverenga nekunyora zvakanaka. Bhaibheri rinoti munhu anoverenga Shoko raMwari zuva nezuva uye anorifungisisa anofara uye zvinhu zvinomufambira zvakanaka. (Verenga Pisarema 1:​1-3.) Kana munhu achiverenga Bhaibheri zuva nezuva, achaziva mafungiro aJehovha, uye izvozvo zvichamubatsira kuti afunge zvakanaka. (Zvir. 1:​3, 4) Varume vanoita izvozvo vanodiwa muungano. Nei vachidiwa?

11 Hama nehanzvadzi dzedu dzinoda kubatsirwa nevarume vanokwanisa kudzidzisa uye kupa mazano anobva muBhaibheri. (Tito 1:9) Kana uchikwanisa kuverenga uye kunyora zvakanaka, uchakwanisa kugadzirira hurukuro nemhinduro dzinobatsira vamwe uye dzinosimbisa kutenda kwavo. Uchakwanisawo kunyora pfungwa dzinobatsira paunenge uchidzidza uri wega uye paunenge uchiteerera hurukuro pamisangano yeungano nepamagungano. Pfungwa idzodzo dzichakubatsira kuti usimbise kutenda kwako uye ukurudzire vamwe.

12. Chii chichakubatsira kuti ukwanise kukurukura nevamwe zvakanaka?

12 Dzidza kukurukura nevamwe zvakanaka. Murume wechiKristu anofanira kudzidza kukurukura nevamwe zvakanaka. Izvi zvinoreva kuti anofanira kuteerera uye kunzwisisa mafungiro nemanzwiro evamwe. (Zvir. 20:5) Anokwanisa kuziva kuti mumwe munhu ari kufunga uye ari kunzwa sei kubva painzwi remunhu wacho, zvaanoita chiso chake uye muviri wake. Haukwanisi kuita izvozvo kana usingawani nguva yekuva nevanhu. Kana ukagara uchishandisa zvinhu zvakadai semameseji pakukurukura, zvinogona kuzokuomera kuti ukwanise kukurukura nevanhu muchionana. Saka ita kuti pave nemikana yekukurukura nevamwe muchionana.—2 Joh. 12.

Zvakanaka kudzidza unyanzvi huchakubatsira kuti uwane basa (Ona ndima 13)

13. Ndezvipi zvimwe zvinogona kudzidzwa nehama yechidiki? (1 Timoti 5:8) (Onawo mufananidzo.)

13 Dzidza kuzviriritira. Murume wechiKristu akasimba pakunamata anofanira kunge achikwanisa kuzviriritira uye kuchengeta mhuri yake. (Verenga 1 Timoti 5:8.) Mune dzimwe nyika, hama dzechidiki dzinogona kudzidza mamwe mabasa kubva kuna vanababa vadzo kana vamwe veukama. Mune dzimwewo nyika hama yechidiki inogona kudzidza rimwe basa painenge ichiri kuchikoro. Zvakanaka kudzidza zvimwe zvinhu zvinogona kuzokubatsira kuti uwane basa. (Mab. 18:​2, 3; 20:34; VaEf. 4:28) Zivikanwa semunhu anoshanda nesimba uye anopedza basa raanenge atanga. Kana ukadaro, kakawanda kacho uchawana basa uye ucharichengetedza. Zvinhu zvatakurukura nezvazvo zvinokoshawo kuhama yechidiki kuitira kuti izokwanisa kuita mamwe mabasa mune ramangwana. Ngatikurukurei mamwe emabasa acho.

GADZIRIRA MABASA AUCHAZOITA MUNE RAMANGWANA

14. Hama yechidiki ingagadzirira sei kupinda mubasa renguva yakazara?

14 Basa renguva yakazara. Varume vechiKristu vakawanda vakasimba pakunamata vakatanga kuita basa renguva yakazara vachiri vadiki. Kupayona kunobatsira hama yechidiki kuti idzidze kushanda zvakanaka nevanhu vakasiyana-siyana. Kunoibatsirawo kuti ikwanise kuita bhajeti uye yorarama zvinoenderana nebhajeti yacho. (VaF. 4:​11-13) Danho rakanaka rekuti munhu azopinda mubasa renguva yakazara nderekuita upiyona hwebetsero. Vakawanda vanoshumira semapiyona ebetsero kwenguva yakati, izvo zvinozovabatsira kuti vaite upiyona hwenguva dzese. Kupayona kunogona kuvhura mikana yakawanda yekuita mamwe mabasa enguva yakazara, kusanganisira kushumira saconstruction servant kana paBheteri.

15-16. Hama yechidiki ingaitei kuti ikodzere kuva mushumiri weungano kana kuti mukuru?

15 Mushumiri weungano kana kuti mukuru. Varume vechiKristu vanofanira kuva nechinangwa chekuti vakodzere kushumira hama nehanzvadzi dzavo sevakuru muungano. Bhaibheri rinoti varume vari kuvavarira basa iri ‘vanoda basa rakanaka.’ (1 Tim. 3:1) Hama inofanira kutanga yashumira semushumiri weungano isati yashumira semukuru. Vashumiri veungano vanobatsira vakuru munzira dzakawanda. Vese vakuru nevashumiri veungano vanozvininipisa pakushumira hama nehanzvadzi dzavo uye vanoshingaira muushumiri. Hama dzechidiki dzinogona kukodzera kushumira sevashumiri veungano kunyange padzinenge dzichiri nemakore anobva pa17 kusvika pa19. Uye mushumiri weungano ane makore 20 kana kuti ati darikei uyo anonyatsokodzera, anogona kugadzwa semukuru.

16 Bhaibheri rinotaura zvinhu zvinoita kuti munhu akodzere kuva mushumiri weungano kana kuti mukuru uye izvi zvinobva pakuda Jehovha, mhuri yake, uye ungano. (1 Tim. 3:​1-13; Tito 1:​6-9; 1 Pet. 5:​2, 3) Ungaitei kuti ukodzere kushumira seizvi? Edza kunzwisisa chinhu chimwe nechimwe chinodiwa kuti munhu akodzere. Nyengetera kuti ubatsirwe naJehovha kuti ukwanise kuva nezvinhu izvi. c

Jehovha anoda kuti murume ade mudzimai wake nevana vake uye avariritire, ave shamwari yakanaka kwavari, uye kupfuura zvese avabatsire kuti varambe vari pedyo naJehovha (Ona ndima 17)

17. Hama yechidiki ingagadzirira sei kuzova nemudzimai uye kuva musoro wemhuri? (Onawo mufananidzo.)

17 Kuva nemudzimai uye kuva musoro wemhuri. Sezvakaratidzwa naJesu, vamwe varume vechiKristu vakasimba pakunamata vanoramba vasina kuroora. (Mat. 19:12) Asi kana ukasarudza kuroora, uchava nemamwe mabasa ekuita semurume uye musoro wemhuri. (1 VaK. 11:3) Jehovha anotarisira kuti murume ade mudzimai wake, amuriritire, ave shamwari yakanaka kwaari, uye amubatsire kuramba ari pedyo naJehovha. (VaEf. 5:​28, 29) Zvinhu zvatambokurukura zvakadai sekudzidza kushandisa pfungwa, kuremekedza vanhukadzi uye kuva munhu anogona kuvimbwa naye, zvichakubatsira kuti uve murume akanaka. Uchange wanyatsogadzirira kuita mabasa ako semurume uye musoro wemhuri.

18. Hama yechidiki ingagadzirira sei kuzova baba?

18 Baba. Kana waroora, unogona kuzova baba. Chii chaunogona kudzidza pana Jehovha nezvekuva baba vakanaka? Pane zvidzidzo zvakawanda. (VaEf. 6:4) Jehovha akaudza Mwanakomana wake Jesu kuti aimuda uye aimufarira. (Mat. 3:17) Kana ukava baba, iva nechokwadi chekuti unogara uchiita kuti vana vako vazive kuti unovada. Gara uchivarumbidza nezvezvinhu zvakanaka zvavanoita. Vanababa vanotevedzera muenzaniso waJehovha vanobatsira vana vavo kuti vazova varume nevakadzi vechiKristu vakasimba pakunamata. Unogona kugadzirira iye zvino kuti uzoita basa iri kana uchiratidza kuti unoda vanhu vemumhuri mako uye vemuungano. Uye dzidza kuvaudza kuti unovada uye kuti vanokosha kwauri. (Joh. 15:9) Izvi zvichakubatsira kuti uzoita mabasa ako semurume uye sababa. Panguva ino, uchava munhu anokosha kuna Jehovha, kune vemumhuri menyu, uye kuungano.

MUCHAITEI IYE ZVINO?

Varume vechidiki vakawanda vakadzidziswa kubva muMagwaro uye vakashandisa zvavakadzidza vakava vaKristu vanoda Jehovha (Ona ndima 19-​20)

19-20. Chii chichabatsira hama dzechidiki kuti dzive varume vechiKristu vakasimba pakunamata? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

19 Hama dzechidiki, hamungoerekani mava varume vechiKristu vakasimba pakunamata. Munofanira kusarudza mienzaniso yakanaka yekutevedzera, kudzidza kushandisa pfungwa, kuva vanhu vanovimbwa navo, kudzidza mabasa anokosha muupenyu, uye kugadzirira mabasa amuchazoita mune remangwana.

20 Dzimwe nguva mungatya pamunofunga nezvemabasa akakumirirai. Asi munogona kubudirira. Yeukai kuti Jehovha anoda kukubatsirai. (Isa. 41:​10, 13) Hama nehanzvadzi dzenyu dzemuungano dzichakubatsiraiwo. Paunova murume uyo Jehovha anoda kuti uve, uchanakidzwa uye uchagutswa neupenyu. Tinokudai imi hama dzechidiki! Jehovha ngaakukomborerei chaizvo sezvamunoshanda iye zvino kuti muve varume vechiKristu vakasimba pakunamata.—Zvir. 22:4.

RWIYO 65 Fambira Mberi!

a Varume vanoda Jehovha vanodiwa muungano yechiKristu. Munyaya ino tichakurukura kuti imi hama dzechidiki mungava sei varume vechiKristu vanoda Jehovha.

b Ona “Kutsanangurwa Kwemashoko” kuri munyaya yakapfuura.

c Ona Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, chitsauko 5 ne6.