Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 52

Hanzvadzi Dzechidiki​—⁠Ivai Neushamwari Hwakasimba naJehovha

Hanzvadzi Dzechidiki​—⁠Ivai Neushamwari Hwakasimba naJehovha

“Vakadzi vanofanirawo kuita zvinhu . . . zvine mwero, vakatendeka muzvinhu zvese.”—1 TIM. 3:11.

RWIYO 133 Namatai Jehovha Muchiri Vadiki

ZVICHADZIDZWA a

1. Tinofanira kuitei kuti tisvike pakuva vaKristu vakasimba pakunamata?

 TINOSHAMISWA chaizvo nekukurumidza kunoita mwana kukura ova munhu mukuru. Zvinoita sekuti kukura uku kunoita kwega. Asi kuva muKristu ane ushamwari hwakanaka naJehovha hakungoitiki kwega. b (1 VaK. 13:11; VaH. 6:1) Kuti tisvike ipapo, tinofanira kuva neushamwari hwepedyo chaizvo naJehovha. Tinodawo mweya wake mutsvene kuti utibatsire kuti tive neunhu hunodiwa naMwari, tive neunyanzvi hwekuita mabasa, uye tigadzirire zvinhu zvatichafanira kuita mune ramangwana.—Zvir. 1:5.

2. Tinodzidzei pana Genesisi 1:​27, uye tichakurukurei munyaya ino?

2 Jehovha akasika vanhurume nevanhukadzi. (Verenga Genesisi 1:27.) Zviri pachena kuti varume nevakadzi vakasiyana pamaumbirwo avo, asi vakasiyanawo mune dzimwe nzira. Semuenzaniso, Jehovha akaita kuti varume nevakadzi vaite zvinhu zvakasiyana, saka vanofanira kuva neunhu uye unyanzvi huchavabatsira pakuita zvinhu izvozvo. (Gen. 2:18) Munyaya ino tichakurukura zvingaitwa nehanzvadzi yechidiki kuti izova mukadzi wechiKristu akasimba pakunamata. Munyaya inotevera tichakurukura zvinogona kuitwa nehama dzechidiki.

IVA NEUNHU HUNODIWA NAMWARI

Kutevedzera unhu hwaiva nevakadzi vakatendeka vakadai saRibheka, Esteri uye Abhigairi kuchakubatsira kuti uve mukadzi wechiKristu akasimba pakunamata (Ona ndima 3-4)

3-4. Hanzvadzi dzechidiki dzinogona kuwana kupi mienzaniso yakanaka yekutevedzera? (Onawo mufananidzo.)

3 Bhaibheri rinotaura nezvevakadzi vakawanda vaida Jehovha uye vaimushumira. (Ona nyaya iri pajw.org inoti “Vakadzi Vanotaurwa muBhaibheri—Tingadzidzei Kwavari?”) Sezvinotaurwa nerugwaro rwedu rwuri kutungamirira, vaiita zvinhu “zvine mwero” uye vainge “vakatendeka muzvinhu zvese.” Kuwedzera pane ivava, hanzvadzi dzinogona kuwana mienzaniso yevakadzi vanoda Jehovha vadzinogona kutevedzera muungano.

4 Hanzvadzi dzechidiki, munoziva here hanzvadzi dzine mienzaniso yakanaka dzamunogona kutevedzera? Cherechedzai unhu hwadzo hwakanaka. Chibvai mafunga kuti mungahuratidzawo sei. Mundima dzinotevera, tichakurukura unhu hutatu hunokosha hunofanira kuratidzwa nevakadzi vechiKristu.

5. Nei kuzvininipisa kuchikosha kumukadzi wechiKristu akasimba pakunamata?

5 Kuti munhu ave muKristu akanaka anofanira kuzvininipisa. Kana mukadzi achizvininipisa, achava neushamwari hwakanaka naJehovha uye nevamwe. (Jak. 4:6) Semuenzaniso, mukadzi anoda Jehovha acharatidza kuzvininipisa, osarudza kutsigira zvinotaurwa naBaba vake vekudenga paurongwa hwemusoro. (1 VaK. 11:3) Urongwa ihwohwo hune pahunoshanda muungano uye mumhuri. c

6. Hanzvadzi dzechidiki dzinogona kudzidzei nezvekuzvininipisa kubva kuna Ribheka?

6 Funga nezvemuenzaniso waRibheka. Aiva mukadzi akachenjera uye aiita zvisarudzo zvakanaka muupenyu hwake hwese. (Gen. 24:58; 27:​5-17) Asi aiva neruremekedzo uye aizviisa pasi. (Gen. 24:​17, 18, 65) Kana uchitsigira urongwa hwaJehovha nekuzvininipisa sezvaiita Ribheka, uchava muenzaniso wakanaka kumhuri yako uye kuungano.

7. Hanzvadzi dzechidiki dzingatevedzera sei Esteri pakuva nemwero?

7 VaKristu vese vanofanirawo kuva nemwero. Bhaibheri rinoti “vane mwero ndivo vane uchenjeri.” (Zvir. 11:2) Esteri aiva mushumiri waJehovha ane mwero, uye akatendeka. Kuva nemwero kwakamubatsira kuti asazvikudza. Aiteerera mazano aaipiwa nehanzvadzi yake Modhekai, uye aiashandisa. (Est. 2:​10, 20, 22) Unogona kuratidza mwero saizvozvo kuburikidza nekutsvaga mazano akanaka woashandisa.—Tito 2:​3-5.

8. Maererano na1 Timoti 2:​9, 10, kuva nemwero kuchabatsira sei hanzvadzi kuti iite zvisarudzo zvekuchenjera pamapfekero ayo uye kuratidzika kwayo?

8 Esteri akaratidza kuva nemwero mune imwe nzira. Aiva “nechimiro chakanaka uye akanaka pachiso,” asi aisaita zvinhu zvekuda kuonekwa. (Est. 2:​7, 15) Hanzvadzi yechiKristu ingabatsirwa sei nemuenzaniso waEsteri? Kumwe kubatsirwa kwainoitwa kunoratidzwa pana 1 Timoti 2:​9, 10. (Verenga.) Muapostora Pauro anorayira vakadzi vechiKristu kuti vapfeke zvinoratidza kuva nemwero uye pfungwa dzakanaka. Mashoko echiGiriki akashandiswa pano anoratidza kuti mukadzi wechiKristu anofanira kupfeka zvinoremekedzeka uye zvinoratidza kuti anofunga nezvemanzwiro evamwe kana kuti maonero avo. Tinodada chaizvo nehanzvadzi dzechiKristu dzinopfeka zvine mwero!

9. Tinodzidzei pamuenzaniso waAbhigairi?

9 Ungwaru ndehumwe unhu hunofanira kuratidzwa nehanzvadzi dzese dzechiKristu dzakasimba pakunamata. Chii chinonzi ungwaru? Ungwaru kukwanisa kuziva kuti zvakarurama ndezvipi uye kuti zvakaipa ndezvipi wobva wasarudza kuita zvakarurama. Funga nezvemuenzaniso waAbhigairi. Murume wake akaita chisarudzo chakaipa chaizokanganisa chaizvo munhu wese wemumhuri yake. Abhigairi akakurumidza kuita chimwe chinhu. Ungwaru hwake hwakaponesa vanhu. (1 Sam. 25:​14-23, 32-35) Ungwaru hunotibatsirawo kuziva kuti ndepapi patinofanira kutaura uye kuti ndepapi patinofanira kuramba takanyarara. Uye hunotibatsira kuti tiratidze kuti tine hanya nevamwe asi tisingazoiti kuti vanzwe vasina kusununguka.—1 VaT. 4:11.

DZIDZA ZVINHU ZVINOBATSIRA MUUPENYU

Uri kubatsirwa sei nekudzidza kwawakaita kuverenga nekunyora? (Ona ndima 11)

10-11. Kuverenga nekunyora zvakanaka kunokubatsira sei uye kunobatsira sei vamwe? (Onawo mufananidzo.)

10 Mukadzi wechiKristu anofanira kudzidza zvinhu zvinogona kumubatsira muupenyu hwake. Zvimwe zvinhu zvinodzidzwa nemusikana paanenge achiri mudiki zvinoramba zvichimubatsira kweupenyu hwake hwese. Funga nezvemienzaniso mishomanana.

11 Dzidza kuverenga nekunyora zvakanaka. Mune dzimwe tsika, hazvioneki sezvinokosha kuti vakadzi vadzidze kuverenga nekunyora. Asi unyanzvi uhwu hunokosha kumuKristu wese. d (1 Tim. 4:13) Saka kunyange zvakaoma, ramba uchiedza kudzidza kuverenga nekunyora zvakanaka. Izvozvo zvichakubatsira sei? Unyanzvi ihwohwo hunogona kukubatsira kuti uwane basa uye urichengetedze. Uchava mudzidzi uye mudzidzisi akanaka weShoko raMwari. Kupfuura zvese, uchawedzera kuswedera pedyo naJehovha paunoverenga Shoko rake uye kufungisisa nezvaro.—Josh. 1:8; 1 Tim. 4:15.

12. Zvirevo 31:26 ingakubatsira sei kuti ukwanise kukurukura zvakanaka nevamwe?

12 Dzidza kukurukura zvakanaka nevamwe. Zvinokosha chaizvo kuti muKristu adaro. Panyaya iyi, mudzidzi Jakobho anotipa zano rakanaka rekuti: ‘Munhu wese anofanira kukurumidza kuteerera, uye kunonoka kutaura.’ (Jak. 1:19) Paunonyatsoteerera vamwe vachitaura, unoratidza kuti une hanya navo kana kuti ‘unovanzwira tsitsi.’ (1 Pet. 3:8) Kana usina chokwadi kuti wanzwisisa zviri kutaurwa nemumwe munhu kana kuti manzwiro ake, bvunza mibvunzo yakakodzera. Chibva wafunga usati wataura. (Zvir. 15:​28, mashoko emuzasi) Zvibvunze kuti: ‘Zvandiri kuda kutaura ndezvechokwadi here uye kuti zvinovaka here? Zvinoratidza ruremekedzo uye mutsa here?’ Dzidza kubva kuhanzvadzi dzakakura pakunamata dzinokurukura nevamwe zvakanaka. (Verenga Zvirevo 31:26.) Cherechedza matauriro adzinoita. Paunowedzera kudzidza unyanzvi uhwu, unowedzera kukurukura zvakanaka nevamwe.

Mukadzi akadzidza kuita mabasa anoitwa naamai vemba chikomborero kumhuri yake uye kuungano (Ona ndima 13)

13. Ungadzidza sei mabasa anoitwa naamai vemba? (Onawo mufananidzo.)

13 Dzidza mabasa anoitwa naamai vemba. Munzvimbo dzakawanda, vakadzi ndivo vanoita mabasa akawanda epamba. Amai vako kana kuti imwe hanzvadzi vanogona kukubatsira kudzidza mamwe emabasa aya. Imwe hanzvadzi inonzi Cindy inoti: “Chimwe chezvipo zvinonyanya kukosha zvandakapiwa naamai vangu kwaiva kundidzidzisa nezvemufaro unobva pakushanda nesimba. Kudzidza zvinhu zvakadai sekubika, kuchenesa, kusona, uye kutenga kwakaita kuti ndikwanise kuzviriritira uye ndiite zvakawanda pakushumira Jehovha. Amai vakandidzidzisawo kuti kugamuchira vaenzi kunoitwa sei, uye izvi zvakaita kuti ndikwanise kuonana nehama nehanzvadzi dzakawanda dzine mienzaniso yandinogona kutevedzera.” (Zvir. 31:​15, 21, 22) Mukadzi anoshanda nesimba uye anogamuchira vaenzi uyo akadzidza mabasa anoitwa naamai vemba chikomborero kumhuri yake uye kuungano.—Zvir. 31:​13, 17, 27; Mab. 16:15.

14. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Crystal uye pfungwa dzako dzinofanira kuramba dziri pai?

14 Dzidza kuzviriritira. Izvi zvinokosha kuvaKristu vese. (VaF. 4:11) Imwe hanzvadzi inonzi Crystal inoti: “Pandaiva kuchikoro, vabereki vangu vakandikurudzira kusarudza makosi aizondibatsira muupenyu. Baba vangu vakandikurudzira kuti ndiite zveakaunzi uye zvakandibatsira chaizvo.” Kuwedzera pakudzidza unyanzvi hunokubatsira kuwana basa, dzidza kuva nebhajeti woramba uchiitevedzera. (Zvir. 31:​16, 18) Kana ukagutsikana nezvinhu zvishoma usingazvipinzi muzvikwereti nekutenga zvinhu zvisingaenderani nekuwana kwako, zvichakubatsira kuti uise pfungwa dzako pazvinhu zvekunamata.—1 Tim. 6:8.

GADZIRIRA RAMANGWANA RAKO

15-16. Nei hanzvadzi dzisina kuroorwa dzichikosha chaizvo? (Mako 10:​29, 30)

15 Paunova neunhu hunofadza Jehovha, uye paunodzidza mabasa, zvichakubatsira pazvinhu zvauchaita mune ramangwana. Ona mienzaniso yezvaunogona kuzoita.

16 Unogona kusarudza kumboti mirei kuroorwa. Sezvakataurwa naJesu, vamwe vanogona kusarudza kusaroorwa, kunyange kana izvozvo zvisingaonekwi zvakanaka mutsika dzavo. (Mat. 19:​10-12) Vamwe vangasarudza kusapinda muwanano nekuda kwezvimwewo zvikonzero. Iva nechokwadi chekuti Jehovha naJesu havatarisiri pasi vaKristu vasiri muwanano. Pasi rese, hanzvadzi dzisina kuroorwa dzine zvakawanda zvakanaka zvadzinoita muungano. Kuda kwadzinoita vamwe uye kuva nehanya navo kunoita kuti dzive vakoma nevanin’ina uye vanaamai kune vakawanda.—Verenga Mako 10:​29, 30; 1 Tim. 5:2.

17. Hanzvadzi yechidiki ingaitei iye zvino kuti igadzirire kupinda mubasa renguva yakazara?

17 Unogona kupinda mubasa renguva yakazara. Pasi rese hanzvadzi dzinoita zvakawanda mubasa rekuparidza. (Pis. 68:11) Unokwanisa here kuronga iye zvino kuti upinde mubasa renguva yakazara? Unogona kupayona, kubatsira pakuvaka zvivakwa zvesangano, kana kushanda paBheteri. Nyengetera nezvechinangwa chako. Taura nevamwe vakazadzisa zvinangwa zvakadaro, uye ona kuti ungaitei kuti ukwanisewo kuita izvozvo. Ibva waronga kuti uzadzise chinangwa chako. Kuzadzisa chinangwa chako kuchakuvhurira mikana yakawanda pakushumira Jehovha.

Kana uri kufunga kuzoroorwa, unofanira kungwarira pakusarudza murume achakuroora (Ona ndima 18)

18. Nei hanzvadzi ichifanira kunyatsongwarira pakusarudza murume achairoora? (Onawo mufananidzo.)

18 Unogona kusarudza kuroorwa. Unhu uye unyanzvi hwatakurukura zvichakubatsira kuti uve mukadzi akanaka. Kana uri kufunga kuroorwa unofanira kunyatsongwarira pakusarudza murume achakuroora. Ichi ndechimwe chezvisarudzo zvinokosha chaizvo chaungaita. Yeuka kuti kana uchinge waroorwa uchange wava pasi pemurume achakuroora. (VaR. 7:2; VaEf. 5:​23, 33) Saka zvibvunze kuti: ‘Murume uyu muKristu akasimba pakunamata here? Anoisa Jehovha pekutanga muupenyu hwake here? Anoita zvisarudzo zvakanaka here? Anokwanisa here kubvuma zvaanenge akanganisa? Anoremekedza vakadzi here? Anozokwanisa here kundibatsira kuti ndirambe ndiine ushamwari hwakasimba naJehovha, kundichengeta, uye kuva shamwari yangu yakanaka? Anoita mabasa ake zvakanaka here? Semuenzaniso, anoita mabasa api muungano uye anoaita sei?’ (Ruka 16:10; 1 Tim. 5:8) Kana uchida kuwana murume akanaka unofanirawo kuva mukadzi akanaka.

19. Nei basa rekuva “mubatsiri” kuri kukudzwa?

19 Bhaibheri rinoti mudzimai akanaka “mubatsiri” kumurume wake uye “anonyatsoenderana naye.” (Gen. 2:18) Izvi zvinoreva here kuti madzimai ari kuderedzwa? Kwete! Basa remudzimai semubatsiri rinoita kuti akudzwe. Yeuka kuti Bhaibheri rinowanzotaura nezvaJehovha ‘semubatsiri.’ (Pis. 54:4; VaH. 13:6) Mudzimai anova mubatsiri akanaka kumurume wake paanomutsigira uye kumubatsira pakuita kuti zvisarudzo zvake zvibudirire mumhuri. Uye sezvo mudzimai achida Jehovha, anoshanda nesimba kuti vamwe vaone unhu hwakanaka hwemurume wake. (Zvir. 31:​11, 12; 1 Tim. 3:11) Unogona kugadzirira iye zvino kuti uzova mudzimai akanaka nekusimbisa kuda kwaunoita Jehovha uye kubatsira vamwe kumba uye muungano.

20. Zvinhu zvipi zvakanaka zvinogona kuitwa naamai kumhuri yavo?

20 Unogona kuzova amai. Pashure pekunge machata, iwe nemurume wako munogona kuva nevana. (Pis. 127:3) Saka zvakanaka kuti mugare mafunga nezvazvo. Unhu uye unyanzvi zvatakurukura munyaya ino zvichakubatsira kuti uve mudzimai uye amai vakanaka. Kana uine rudo, mutsa uye mwoyo murefu uchabatsira mhuri yako kuti ifare uye vana venyu vachanzwa vakachengeteka uye vachidiwa.—Zvir. 24:3.

Vakadzi vechidiki vakawanda avo vakadzidziswa Bhaibheri uye vanoshandisa zvavanodzidza vanova vaKristu vakasimba pakunamata (Ona ndima 21)

21. Tinonzwa sei nezvehanzvadzi dzedu uye nei tichinzwa saizvozvo? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

21 Tinokudai hanzvadzi dzedu nekuda kwezvese zvamunoitira Jehovha nevanhu vake. (VaH. 6:10) Munoshanda nesimba kuti muve neunhu hwechiKristu, kuti muve neunyanzvi hunokubatsirai uye hunobatsira vamwe, uye kuti munyatsogadzirira mabasa amunogona kuzoita mune ramangwana. Munokosha chaizvo kusangano raJehovha!

RWIYO 137 Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu

a Imi hanzvadzi dzedu dzechidiki munokosha chaizvo muungano. Munogona kuva vaKristu vakasimba pakunamata kana mukava neunhu hunofarirwa naJehovha, mukava neunyanzvi pamabasa akasiyana-siyana uye kana mukagadzirira mabasa amunogona kuzoita mune ramangwana. Izvi zvichaita kuti muwane makomborero akawanda mubasa raJehovha.

b KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Munhu anenge asvika pakuva muKristu akasimba pakunamata anotungamirirwa nemweya waMwari kwete neuchenjeri hwenyika. Anotevedzera Jesu, anoshanda nesimba kuti arambe aine ushamwari hwepedyo naJehovha, uye anonyatsoda vamwe.

d Kuti uone panotaurwa nezvekukosha kwekuverenga, ona nyaya iri pajw.org inoti “Nei Zvichikosha Kuti Vana Vagare Vachiverenga?—Chikamu 1: Chii Chiri Nani: Kuverenga Kana Kuona Mavhidhiyo?