Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 50

Kutenda Nemabasa Zvinoita Kuti Tive Vakarurama

Kutenda Nemabasa Zvinoita Kuti Tive Vakarurama

‘Famba zvakanaka mumakwara ekutenda kwaiva nababa vedu Abrahamu.’—VAR. 4:12.

RWIYO 119 Tinofanira Kuva Nekutenda

ZVICHADZIDZWA a

1. Patinofunga nezvekutenda kwaAbrahamu, mubvunzo upi watingava nawo?

 KUNYANGE zvazvo vanhu vakawanda vakanzwa nezvaAbrahamu, vazhinji vavo vanoziva zvishoma nezvake. Asi iwe unoziva zvakawanda nezvaAbrahamu. Semuenzaniso, unoziva kuti Abrahamu akanzi “baba vevaya vese vanotenda.” (VaR. 4:11) Asi ungabvunza kuti, ‘Zvingaita here kuti ndive nekutenda sekwaiva naAbrahamu?’ Hongu, unokwanisa kuva nakwo.

2. Nei zvichikosha kuti tidzidze nezvemuenzaniso waAbrahamu? (Jakobho 2:​22, 23)

2 Imwe nzira ingatibatsira kuti tive nekutenda sekwaiva naAbrahamu, ndeyekudzidza muenzaniso wake. Arayirwa naMwari, Abrahamu akaenda kunyika iri kure, akagara mumatende kwemakumi emakore, uye ainge akagadzirira kupa mwanakomana wake waaida Isaka, sechibayiro. Zvaakaita izvozvo zvinoratidza kuti aiva nekutenda kwakasimba. Kutenda kwaAbrahamu uye mabasa aakaita zvakaita kuti afarirwe naMwari uye ave shamwari yake. (Verenga Jakobho 2:​22, 23.) Jehovha anoda kuti tese zvedu kusanganisira iwe tiwanewo makomborero iwayo. Ndosaka akafemera vamwe vanyori veBhaibheri vakadai saPauro naJakobho kuti vanyore nezvemuenzaniso waAbrahamu. Ngatikurukurei nezvemuenzaniso wake sekutaurwa kwazvinoitwa muna VaRoma chitsauko 4 uye Jakobho chitsauko 2. Zvitsauko zvacho zvese zvinotaura nezvechimwe chinhu chinokosha nezvaAbrahamu.

3. Pauro naJakobho vakatora mashoko muvhesi ipi yeBhaibheri?

3 Pauro naJakobho vakatora mashoko ari pana Genesisi 15:​6, ayo anoti: “[Abrahamu] akatenda muna Jehovha, akanzi akarurama.” Munhu akarurama ndeuya anogamuchirika kuna Mwari kana kuti anoonekwa seasina mhosva. Zvinoshamisa kuti Mwari anogona kuona munhu ane chivi seasina mhosva. Zviri pachena kuti unodawo kuti Mwari akuone semunhu akarurama, uye izvozvo zvinoita. Kuti tione kuti izvozvo zvingaitika sei kwatiri tinofanira kunzwisisa kuti nei Abrahamu akanzi naJehovha akarurama.

TINOFANIRA KUVA NEKUTENDA KUTI TINZI TAKARURAMA

4. Chii chinotadzisa vanhu kuti vave vakarurama?

4 Mutsamba yake yaakanyorera vaRoma, Pauro akataura kuti vanhu vese vatadzi. (VaR. 3:23) Saka zvingaitika sei kuti munhu aonekwe seakarurama kana kuti seasina mhosva ofarirwa naMwari? Kuti abatsire vaKristu vese vanoda kuziva mhinduro yemubvunzo iwoyo, Pauro akataura nezvemuenzaniso waAbrahamu.

5. Nei Jehovha akati Abrahamu ainge akarurama? (VaRoma 4:​2-4)

5 Jehovha akati Abrahamu ainge akarurama paakanga achigara munyika yeKenani. Nei Jehovha akati Abrahamu akanga akarurama? Kwaiva here kuti Abrahamu ainyatsotevedzera Mutemo waMozisi? Aiwa. (VaR. 4:13) Mutemo iwoyo wakapiwa vaIsraeri papfuura makore 400 Abrahamu anzi naMwari akarurama. Saka nei Mwari akati Abrahamu ainge akarurama? Jehovha akaratidza nyasha kuna Abrahamu uye akamuti akarurama nekuti aiva nekutenda.—Verenga VaRoma 4:​2-4.

6. Nei Jehovha achigona kutaura nezvemutadzi achimuti akarurama?

6 Pauro akati kana munhu akatenda muna Mwari, “kutenda kwake kunonzi kururama.” (VaR. 4:5) Pauro akawedzera kuti: “Sekutaura kunoitawo Dhavhidhi nezvemufaro wemunhu anonzi naMwari akarurama zvisingabvi pamabasa achiti: ‘Vanofara vaya vakaregererwa mabasa avo ekutyora mutemo, uye vane zvivi zvakafukidzwa; anofara munhu ane chivi chisingazoyeukwi naJehovha.’” (VaR. 4:​6-8; Pis. 32:​1, 2) Mwari anoregerera kana kuti anofukidza zvivi zvevaya vanotenda maari. Anovaregerera zvachose uye anenge asingachayeuki zvivi zvavo. Anoona vanhu vakadaro sekuti havasisina mhosva uye sekuti vakarurama zvichibva pakutenda kwavo.

7. Nei tingati vashumiri vaMwari vekare vainge vakarurama?

7 Kunyange zvazvo vakanzi vakarurama, Abrahamu, Dhavhidhi, uye vamwe vanamati vaMwari vainge vakatendeka vakanga vachiri vatadzi. Asi kutenda kwavo kwaiita kuti Mwari avaone sevanhu vasina mhosva kunyanya pavaienzaniswa nevaya vaisatenda muna Mwari. (VaEf. 2:12) Mutsamba yaakanyorera vaRoma, Pauro akatsanangura kuti tinofanira kuva nekutenda kana tichida kuva shamwari dzaMwari. Abrahamu naDhavhidhi vakanzi shamwari dzaMwari nekuti vaitenda maari. Isuwo tinogona kuva shamwari dzaMwari kana tiine kutenda.

KUTENDA UYE MABASA ZVAKABATANA PAPI?

8-9. Vamwe vanhu vane maonero api asiri echokwadi pane zvakanyorwa naPauro naJakobho, uye nei vaine maonero iwayo?

8 Vatungamiriri vezvitendero vava nemazana emakore vachiitisana nharo panyaya yekuti kutenda uye mabasa zvakabatana papi. Vamwe vafundisi vanodzidzisa kuti chaunongofanira kuita chete kuti uponeswe, kutenda muna Ishe Jesu Kristu. Zvimwe wakambovanzwa vachiti, “Gamuchira Jesu, uponeswe.” Vafundisi vangatotsigira pfungwa iyoyo vachishandisa mashoko aPauro ekuti: “Munhu anonzi naMwari akarurama zvisingabvi pamabasa.” (VaR. 4:6) Asi vamwe vanoti unogona kuponeswa kana ukashanyira nzvimbo dzinonzi nechechi itsvene uye kana ukaita mabasa akanaka. Zvimwe vanototsigira pfungwa yavo nemashoko ari pana Jakobho 2:24 ekuti: “Munhu anoonekwa kuti akarurama nemabasa, kwete nekutenda chete.”

9 Zvichibva pakusiyana kwezvinotendwa nevanhu, vamwe vanoongorora Bhaibheri vanofunga kuti Pauro naJakobho havabvumirani panyaya yezvinofanira kuitwa nemunhu kuti afarirwe naMwari. Vamwe vafundisi vanoti kunyange zvazvo Pauro achiti munhu anonzi naMwari akarurama nekutenda zvisingabvi pamabasa, Jakobho akadzidzisa kuti mabasa anokosha kuitira kuti munhu afarirwe naMwari. Mumwe purofesa anodzidzisa zvechitendero akataura kuti: “Jakobho haana kunzwisisa chakaita kuti Pauro ataure kuti munhu [anonzi akarurama] nekutenda chete kwete nemabasa.” Asi Jehovha ndiye akafemera Pauro naJakobho kuti vanyore zvavakanyora. (2 Tim. 3:16) Saka panofanira kunge paine nzira iri nyore yekuti tinzwisise zvavaitaura. Tinofanira kuongorora kuti zvii zvimwe zvavaitaura nezvazvo pavakazonyora mashoko iwayo.

Achitaura nevaKristu vechiJudha vaiva muRoma, Pauro akajekesa kuti kutenda ndiko kwaidiwa, kwete mabasa eMutemo waMozisi (Ona ndima 10) b

10. “Mabasa” api ainyanya kutaurwa nezvawo naPauro? (VaRoma 3:​21, 28) (Onawo mufananidzo.)

10 “Mabasa” api aitaurwa nezvawo naPauro muna VaRoma 3 ne4? Ainyanya kutaura ‘nezvemabasa emutemo,’ kureva Mutemo waMozisi wakapiwa muGomo reSinai. (Verenga VaRoma 3:​21, 28.) Zvinoita sekuti mumazuva aPauro, vamwe vaKristu vechiJudha vaiomerwa nekubvuma kuti Mutemo waMozisi uye mabasa aidiwa neMutemo iwoyo zvakanga zvisingachashandi. Izvi zvakaita kuti Pauro ashandise muenzaniso waAbrahamu kuti aratidze kuti kana munhu achinzi naMwari akarurama, hazvibvi ‘pamabasa emutemo.’ Zvinobva pakutenda. Izvi zvinokurudzira nekuti zvinotidzidzisa kuti kana tiine kutenda muna Mwari uye muna Kristu, tinogona kufarirwa naMwari.

Jakobho akakurudzira vaKristu kuti varatidze kutenda kwavo “nemabasa” akadai sekuratidza mutsa vasingasaruri (Ona ndima 11-12) c

11. “Mabasa” api aitaurwa nezvawo naJakobho?

11 “Mabasa” akataurwa muna Jakobho chitsauko 2 haasi ezvinhu zvaidiwa neMutemo waMozisi zvakataurwa naPauro. Jakobho ari kutaura nezvemabasa kana kuti zvinoitwa nevaKristu muupenyu hwavo hwezuva nezuva. Mabasa akadaro anoratidza kuti muKristu anonyatsotenda muna Mwari here kana kuti kwete. Ngationei mienzaniso miviri yakashandiswa naJakobho.

12. Jakobho akatsanangura sei kubatana kwakaita kutenda nemabasa? (Onawo mufananidzo.)

12 Mumuenzaniso wekutanga, Jakobho akataura kuti vaKristu havafaniri kusarura pamabatiro avanoita vamwe. Akajekesa izvozvo nekutaura nezvemunhu aiitira zvakanaka mupfumi asi achibata murombo zvisina kunaka. Jakobho akataura kuti munhu akadaro angataura kuti ane kutenda asi zvaanoita hazviratidzi kuti ane kutenda. (Jak. 2:​1-5, 9) Mumuenzaniso wechipiri, Jakobho anotaura nezvemunhu anoona ‘hama kana hanzvadzi isina chekupfeka kana kuti chekudya’ asi orega kuibatsira. Kunyange kana munhu iyeye akataura kuti ane kutenda, zvaanoita hazviratidzi kuti ane kutenda. Jakobho akanyora kuti “kutenda kusina mabasa kwakafa.”—Jak. 2:​14-17.

13. Jakobho akashandisa muenzaniso upi unoratidza kuti tinofanira kuva nekutenda kunoratidzwa nemabasa? (Jakobho 2:​25, 26)

13 Jakobho akataura nezvaRakabhi semunhu akaratidza kutenda kwake nemabasa. (Verenga Jakobho 2:​25, 26.) Rakabhi akanga anzwa nezvaJehovha uye aiziva kuti Jehovha aitsigira vaIsraeri. (Josh. 2:​9-11) Akaratidza kutenda kwake nemabasa paakaponesa vasori vaviri vechiIsraeri. Izvi zvakaita kuti mukadzi uyu aisava muIsraeri uye aiva nechivi anzi akarurama sezvakaitwa Abrahamu. Muenzaniso wake unonyatsoratidza kukosha kwekuva nekutenda kunoratidzwa nemabasa.

14. Nei tichigona kutaura kuti zvakanyorwa naPauro uye naJakobho hazvipesani?

14 Vanyori veBhaibheri vaviri ava, Pauro naJakobho, vakanga vachitaura nezvenyaya yekutenda uye yemabasa nenzira dzakasiyana. Pauro aiudza vaKristu vechiJudha kuti vaisazofarirwa naJehovha nekungoita mabasa aidiwa neMutemo waMozisi. Jakobho aitaura nezvekuti vaKristu vese vanofanira kuratidza kutenda kwavo nekuitira vamwe mabasa akanaka.

Kutenda kwako kunoita kuti uite mabasa anofarirwa naJehovha here? (Ona ndima 15)

15. Mabasa api atingaita kuti tiratidze kuti tine kutenda? (Onawo mifananidzo.)

15 Jehovha haatauri kuti kana tichida kunzi takarurama, tinofanira kunyatsotevedzera zvese zvakaitwa naAbrahamu. Asi pane zvakawanda zvatinogona kuita kuti tiratidze kuti tine kutenda. Tinogona kugamuchira vatsva muungano, kubatsira hama nehanzvadzi dzinenge dzichinyatsoda kubatsirwa, uye kuitira zvakanaka vemumhuri medu. Zvese izvozvo zvichaita kuti tifarirwe uye tikomborerwe naMwari. (VaR. 15:7; 1 Tim. 5:​4, 8; 1 Joh. 3:18) Rimwe remabasa akanaka ratinogona kuita kuti tiratidze kuti tine kutenda kuudza vamwe mashoko akanaka. (1 Tim. 4:16) Tese tinogona kuratidza nemabasa edu kuti tinotenda kuti vimbiso dzaJehovha dzichazadzika uye kuti nzira dzake ndidzo dzakanaka kupfuura dzimwe dzese. Kana tikadaro tinogona kuva nechokwadi chekuti Mwari achationa setakarurama uye tichava shamwari dzake.

TARIRO INOSIMBISA KUTENDA

16. Tariro yainge yakabatana papi nekutenda kwaAbrahamu?

16 VaRoma chitsauko 4 inotaura chimwe chidzidzo chatinogona kudzidza pana Abrahamu chekukosha kwetariro. Jehovha akavimbisa kuti kuburikidza naAbrahamu, “marudzi mazhinji” aizokomborerwa. Iyi yaiva tariro yakazonaka yaiva naAbrahamu! (Gen. 12:3; 15:5; 17:4; VaR. 4:17) Asi kunyange Abrahamu paakanga ava nemakore 100 uye Sara ava nemakore 90, vimbiso yekuti vaizova nemwanakomana yakanga isati yazadzika. Mukuona kwevanhu zvaiita sekuti Abrahamu naSara vaisazova nemwanakomana. Iwoyo waiva muedzo chaiwo kuna Abrahamu. Asi “aiva nekutenda kwaibva patariro, kuti aizova baba vemarudzi mazhinji.” (VaR. 4:​18, 19) Uye zvaaitarisira zvakazoitika. Akazobereka Isaka, mwanakomana waainge amirira kwenguva refu.—VaR. 4:​20-22.

17. Tinoziva sei kuti tinogona kunzi shamwari dzaMwari dzakarurama?

17 Tinogona kufarirwa naMwari tova shamwari dzake, sezvainge zvakaita Abrahamu. Pauro akataura nezvazvo paakanyora kuti: “Shoko rekuti ‘akanzi’ harina kungonyorerwa [Abrahamu] chete; rakanyorerwawo isu tichanzi vakarurama, nekuti tinotenda muna iye akamutsa Jesu.” (VaR. 4:​23, 24) Kungofanana naAbrahamu, tinofanira kuva nezvese zviri zviviri, kutenda nemabasa pamwe chete netariro. Pauro anobva ataura nezvetariro yedu muna VaRoma chitsauko 5, iyo yatichakurukura nezvayo munyaya inotevera.

RWIYO 28 Kuva Shamwari yaJehovha

a Tinoda kufarirwa naMwari uye kuonekwa naye sevanhu vakarurama. Kubva pane zvakanyorwa naPauro uye naJakobho, nyaya ino ichataura kuti tingafarirwa sei naMwari uye kuti kutenda kwedu nemabasa zvinoita sei kuti tifarirwe naJehovha.

b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Pauro akakurudzira vaKristu vechiJudha kuti vaise pfungwa dzavo pakutenda, kwete “pamabasa emutemo” akadai sekupfeka nguo dzine shinda yebhuruu, kupemberera Paseka, uye tsika dzaitevedzerwa pakugeza maoko.

c KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Jakobho akakurudzira vamwe kuti varatidze kutenda kwavo nekuitira vamwe mabasa akanaka, akadai sekubatsira varombo