Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 51

Tariro Yako Yeramangwana Ichazadzika

Tariro Yako Yeramangwana Ichazadzika

“Tariro haiiti kuti tiore mwoyo.”—VAR. 5:5.

RWIYO 142 Kubatisisa Tariro Yedu

ZVICHADZIDZWA a

1. Nei tichigona kutaura kuti Abrahamu aiva nechikonzero chakanaka chekuva netariro?

 JEHOVHA akavimbisa shamwari yake Abrahamu kuti marudzi ese epanyika aizozviwanira chikomborero nekumwana wake. (Gen. 15:5; 22:18) Sezvo Abrahamu aiva nekutenda kwakadzama muna Mwari, aiva nechokwadi chekuti vimbiso yaMwari yaizozadzika. Kunyange zvakadaro, Abrahamu paakanga ava nemakore 100 uye mudzimai wake aine makore 90, vaviri ava vakanga vasati vava nemwanakomana. (Gen. 21:​1-7) Asi Bhaibheri rinoti: “[Abrahamu] aiva nekutenda kwaibva patariro, kuti aizova baba vemarudzi mazhinji maererano nezvakanga zvataurwa.” (VaR. 4:18) Unoziva kuti zvaitarisirwa naAbrahamu zvakazozadzika. Akava nemwanakomana waakanga ava nenguva refu achitarisira, Isaka. Chii chakaita kuti Abrahamu ave nechivimbo chekuti Mwari aizozadzisa vimbiso yake?

2. Nei Abrahamu aiva nechokwadi chekuti vimbiso yaJehovha yaizozadzika?

2 Sezvo Abrahamu aiva neushamwari hwepedyo naJehovha, ‘aiva nechokwadi chakazara chekuti Mwari aikwanisa kuita zvaakanga avimbisa.’ (VaR. 4:21) Jehovha akafarira Abrahamu uye akamuti akarurama nekuti aiva nekutenda. (Jak. 2:23) Sezvinoratidzwa pana VaRoma 4:​18, kutenda kwaAbrahamu kwainge kwakabatana netariro yake. Iye zvino ngatikurukurei zvinotaurwa nemuapostora Pauro nezvetariro, sekunyorwa kwazvakaitwa muchitsauko 5 chaVaRoma.

3. Pauro anotsanangurei nezvetariro?

3 Pauro anotsanangura chikonzero nei tichigona kuva nechokwadi chekuti “tariro [yedu] haiiti kuti tiore mwoyo.” (VaR. 5:5) Anotibatsirawo kunzwisisa zvinoita kuti tariro yedu yechiKristu iwedzere kusimba. Patinenge tichiongorora zvinoitika kumuKristu, sezvakanyorwa naPauro pana VaRoma 5:​1-5, funga zvakaitika kutariro yako. Patinenge tichiita izvozvo, unogona kuona kuti nekufamba kwaita nguva, tariro yako yechiKristu yawedzera kusimba. Nyaya ino icharatidzawo zvaungaita kuti tariro yako itowedzera kusimba kupfuura zvayakaita iye zvino. Ngatitangei nekukurukura nezvetariro yakazonaka iyo Pauro akati haiiti kuti tiore mwoyo.

TARIRO YEDU YAKAZONAKA

4. Chii chinokurukurwa pana VaRoma 5:​1, 2?

4 Verenga VaRoma 5:​1, 2. Pauro akanyora mashoko iwayo kuungano yaiva muRoma. Hama nehanzvadzi dzemuungano iyoyo dzakanga dzadzidza nezvaJehovha naJesu, dzakanga dzaratidza kutenda, uye dzakanga dzava vaKristu. Saka Mwari akavati ‘vakarurama nekuda kwekutenda,’ uye akavazodza nemweya mutsvene. Vaigona kutarisira kuwana mubayiro wakazonaka, uye vaigona kuva nechokwadi chekuti vaizouwana.

5. Vakazodzwa vane tariro ipi?

5 Pauro akazonyorera vaKristu vakazodzwa vemuEfeso nezvetariro yavakadanirwa. Tariro iyoyo yaisanganisira kuwana ‘nhaka yevatsvene.’ (VaEf. 1:18) Uye Pauro akaratidzawo vaKorose kuti tariro yavo yaizozadzikira kupi. Akaidana kuti “tariro yezvamakachengeterwa kudenga.” (VaK. 1:​4, 5) Saka tariro yevaKristu vakazodzwa ndeyekuti vachamutswa kuti vararame nekusingaperi kudenga, kwavachatonga naKristu.—1 VaT. 4:​13-17; Zvak. 20:6.

Hama F. W. Franz vakataura zvakajeka chivimbo chine vaKristu vakazodzwa chekuti tariro yavo ichazadziswa (Ona ndima 6)

6. Imwe hama yakazodzwa yakatii nezvetariro yayo?

6 VaKristu vakazodzwa vanokoshesa tariro iyoyo. Mumwe wavo, Hama Frederick Franz, avo vakanga vashumira Mwari vakatendeka kwemakumi emakore vakataura zvichibva pamwoyo muna 1991 kuti: “Tariro yedu ichatozadzika, uye mumwe nemumwe wedu isu ve144 000 achawana zvatakavimbiswa naMwari. Mubayiro wedu uchapfuura nekure chero chii zvacho chatinofungidzira. . . . Tichiri kukoshesa tariro yedu chaizvo. . . . Patinoramba takaimirira, tinowedzera kuikoshesa. Tinoda kuimirira kunyange ikatora makore akawanda sei. Ndinoramba ndichiwedzera kukoshesa tariro yedu.”

7-8. Vanhu vakawanda vane tariro ipi? (VaRoma 8:​20, 21)

7 Vanamati vaJehovha vakawanda mazuva ano vane imwewo tariro. Itariro yaiva naAbrahamu yekurarama nekusingaperi panyika vachitongwa neUmambo hwaMwari. (VaH. 11:​8-10, 13) Pauro akanyora nezvetariro iyi yakazonaka. (Verenga VaRoma 8:​20, 21.) Pawakatanga kudzidza nezvevimbiso yeBhaibheri yeramangwana, chii chawakanyanya kufarira pairi? Kwaiva here kuti rimwe zuva uchange usisiri mutadzi? Kana kuti zvakakufadza here pawakadzidza kuti hama neshamwari dzako dzakafa dzichararamazve panyika inenge iri paradhiso? Tariro yatakapiwa naMwari inoita kuti uve nezvinhu zvakawanda zvekutarisira kuzoona.

8 Tingave tichitarisira kuzonakidzwa neupenyu husingaperi kudenga kana kuti panyika, tine tariro yakazonaka inoita kuti tifare. Uye tinogona kuwedzera kuva nechokwadi chekuti tariro yedu ichazadzika. Pauro anotsanangura kuti izvozvo zvingaitika sei. Ngatikurukurei zvaakanyora nezvetariro yedu. Mashoko ake achatibatsira kuti tiwedzere kuva nechivimbo chekuti tariro yedu ichazadzika.

KUKURA KUNOITA TARIRO

VaKristu vese vanogona kutarisira kutambudzwa (Ona ndima 9-10)

9-10. Sezvinoratidzwa nemuenzaniso waPauro, vaKristu vanogona kutarisirei? (VaRoma 5:3) (Onawo mifananidzo.)

9 Verenga VaRoma 5:3. Cherechedza kuti matambudziko anogona kuita kuti tariro yedu iwedzere kusimba. Izvozvo zvingatishamisa. Chokwadi chiripo ndechekuti vateveri vese vaKristu vanogona kutarisira kutambudzwa. Funga nezvemuenzaniso waPauro. Akaudza vaya vaiva muTesaronika kuti: “Pataiva nemi, taiwanzokuudzai kuti taizosangana nematambudziko, saka izvi ndizvo zvazoitika.” (1 VaT. 3:4) Uye akanyorera vaKorinde kuti: “Hama, tinoda kuti muzive nezvedambudziko ratakasangana naro . . . Takanga tisina chokwadi kana taizopona.”—2 VaK. 1:8; 11:​23-27.

10 VaKristu mazuva ano vanogonawo kutarisira kutambudzwa. (2 Tim. 3:12) Wakambotambudzwa here nekuti unotenda muna Jesu uye unomutevera? Hama neshamwari dzako dzinogona kunge dzakakuseka. Dzinogona kunge dzakatokuitira utsinye. Chido chako chekuva munhu akatendeseka muzvinhu zvese chakaita kuti utambudzwe kubasa here? (VaH. 13:18) Wakambopikiswa nehurumende here nekuti unoudza vamwe nezvetariro yako? Asi pasinei nekutambudzwa kwatingaitwa, Pauro akati tinofanira kufara. Nei akadaro?

11. Nei tichifanira kutsungirira chero dambudziko?

11 Tinogona kufara patinenge tiri mumatambudziko nekuti zvinotibatsira kuti tive nehumwe unhu hunokosha. Sezvinotaurwa pana VaRoma 5:​3, “kutambudzika kunoita kuti titsungirire.” VaKristu vese vachasangana nematambudziko, saka vese vanofanira kutsungirira. Tinofanira kutsungirira chero dambudziko ratinotarisana naro. Izvozvo ndizvo chete zvichaita kuti tikwanise kuona kuzadzika kwetariro yedu. Hatidi kuita sevaya vaifungwa naJesu paakataura nezvembeu yakawira pane matombo. Pakutanga vakagamuchira shoko nemufaro asi pakamuka ‘dambudziko kana kuti pavakatambudzwa,’ vakagumburwa. (Mat. 13:​5, 6, 20, 21) Ichokwadi kuti kupikiswa kana kuti kutambudzwa hakufadzi, asi kutsungirira kune zvakunobatsira. Kunobatsirei?

12. Tinobatsirwa sei patinotsungirira matambudziko?

12 Mudzidzi Jakobho akataura kubatsira kwazvinoita kutsungirira matambudziko. Akanyora kuti: “Kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka pazvinhu zvese, pasina chamusina.” (Jak. 1:​2-4) Jakobho akataura nezvekutsungirira sekunge kuti kune basa rakunofanira kuita. Kutsungirira kunoita basa ripi? Kunogona kukubatsira kuti uwedzere kuva nemwoyo murefu, kutenda uye kuvimba naMwari. Asi tinobatsirwa neimwe nzira inokosha patinotsungirira matambudziko.

13-14. Chii chinoitika patinotsungirira, uye tariro yedu inobva yaita sei? (VaRoma 5:4)

13 Verenga VaRoma 5:4. Pauro akataura kuti kutsungirira kunoita kuti “tifarirwe naMwari.” Saka paunotsungirira, Jehovha anokufarira. Izvi hazvirevi kuti Jehovha anofara kuti uri kusangana nematambudziko. Asi anofara nekuti uri kutsungirira wakatendeka. Zvinokurudzira chaizvo kuziva kuti patinotsungirira, tinofadza Jehovha!—Pis. 5:12.

14 Yeuka kuti Abrahamu akatsungirira miedzo uye akafarirwa naMwari. Jehovha aimuona seshamwari yake uye akamuti akarurama. (Gen. 15:6; VaR. 4:​13, 22) Izvozvo zvinogona kuitikawo kwatiri. Kufarirwa naMwari hakubvi pauwandu hwebasa ratinoita pakumushumira kana paropafadzo dzatiinadzo. Jehovha anofadzwa nesu patinoramba takatendeka pasinei nematambudziko. Uye pasinei nezera, mamiriro edu ezvinhu, kana unyanzvi hwatiinahwo, tese zvedu tinogona kutsungirira. Une dambudziko rauri kutsungirira here iye zvino? Kana zvakadaro, yeuka kuti uri kuita kuti Jehovha afare. Kuziva kuti tiri kufarirwa naMwari kunogona kutibatsira chaizvo. Kunogona kusimbisa tariro yedu.

TARIRO YAKASIMBA

15. Chii chimwe chakataurwa naPauro, uye nei izvozvo zvingashamisa vamwe?

15 Sezvakataurwa naPauro, Jehovha anofadzwa nesu patinoramba takatendeka kwaari uye tichitsungirira miedzo. Pauro akaenderera mberi achiti: “Kufarirwa ikoko kuchiita kuti tive netariro, uye tariro haiiti kuti tiore mwoyo.” (VaR. 5:​4, 5) Izvi zvingashamisa vamwe. Nei zvakadaro? Nekuti pana VaRoma 5:​2, Pauro akanga ambotaura kuti vaKristu vemuRoma vakanga vaine tariro, “tariro yekubwinya kwaMwari.” Saka kana vaKristu ivavo vakanga vagara vaine tariro, nei Pauro akataurazve nezvetariro?

Tariro yawaiva nayo pekutanga yawedzera kusimba uye wava kuikoshesa chaizvo (Ona ndima 16-17)

16. Munhu anowedzera sei kuva netariro? (Onawo mifananidzo.)

16 Tinogona kunzwisisa zvairehwa naPauro kana tikaziva kuti tariro chinhu chinokura. Semuenzaniso, unoyeuka here pawakatanga kunzwa nezvetariro yakazonaka iri muShoko raMwari? Panguva iyoyo unogona kunge wakaona tariro yekurarama nekusingaperi muparadhiso panyika seyakanaka chaizvo, asi waisava nechokwadi kana yaizozadzika. Asi pawakawedzera kuziva Jehovha uye vimbiso dzake dziri muBhaibheri, wakawedzera kuva nechokwadi chekuti tariro iyoyo yaizozadzika.

17. Tariro yako inoramba sei ichikura pashure pekunge wazvitsaurira uye wabhabhatidzwa?

17 Kunyange pawakanga wazvitsaurira uye wabhabhatidzwa, tariro yako yakaramba ichikura pawairamba uchidzidza zvakawanda uye uchikura pakunamata. (VaH. 5:13–6:1) Unogona kunge wakaona zvinotaurwa pana VaRoma 5:​2-4 zvichiitika kwauri. Wakasangana nematambudziko akasiyana-siyana, asi wakaatsungirira uye unonzwa kuti Jehovha anokufarira. Sezvo uchiziva kuti Jehovha anokuda uye anokufarira, iye zvino wava nezvikonzero zvakatokura zvekutarisira kuti uchawana zvaakakuvimbisa. Tariro yako yawedzera kusimba kupfuura zvayaiva pakutanga. Yawedzera kuva yechokwadi kwauri. Ine zvainoita pane zvese zvaunoita muupenyu hwako uye inoita kuti uchinje mabatiro aunoita vemumhuri mako, maitiro aunoita zvisarudzo, uye kunyange mashandisiro aunoita nguva yako.

18. Jehovha anoita kuti uve nechokwadi chei?

18 Muapostora Pauro anowedzera mashoko anokosha chaizvo ane chekuita netariro yaunowana kana wafarirwa naMwari. Anoita kuti uve nechokwadi chekuti tariro yako ichazadziswa. Nei ungava nechokwadi nazvo? Pauro anotaurawo mashoko aya anoita kuti vaKristu vave nechokwadi nazvo ekuti: “Tariro haiiti kuti tiore mwoyo; nekuti rudo rwaMwari rwakadururirwa mumwoyo medu nemweya mutsvene watakapiwa.” (VaR. 5:5) Une zvikonzero zvakawanda zvekuti uve nechokwadi netariro yawakapiwa naJehovha.

19. Unogona kuva nechokwadi chei nezvetariro yako?

19 Funga nezvevimbiso yaJehovha kuna Abrahamu uye kuti akasvika sei pakumufarira uye pakumuona seshamwari yake. Tariro yaAbrahamu yakazadzika. Bhaibheri rinoti: “Abrahamu paakanga aratidza mwoyo murefu, akawana vimbiso iyi.” (VaH. 6:15; 11:​9, 18; VaR. 4:​20-22) Haana kana kumboodzwa mwoyo. Unogona kuvawo nechokwadi chekuti kana ukaramba wakatendeka, uchawana mubayiro wauri kutarisira. Tariro yako ndeyechokwadi; inoita kuti ufare, uye haiiti kuti uore mwoyo! (VaR. 12:12) Pauro akanyora kuti: “Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nemufaro mukuru nerugare nekuvimba kwamunoita naye, kuti tariro yenyu iwedzere nesimba remweya mutsvene.”—VaR. 15:13.

RWIYO 139 Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva

a Munyaya ino tichakurukura kuti tariro yedu sevaKristu yakaita sei, uye kuti nei tingava nechokwadi chekuti ichazadziswa. VaRoma chitsauko 5 ichatibatsira kuona kuti tariro yedu yatiinayo iye zvino yakasiyana papi neyataiva nayo patakatanga kudzidza chokwadi.