Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tungamirirwa Nemaonero aMwari Panyaya Yedoro

Tungamirirwa Nemaonero aMwari Panyaya Yedoro

ZVIRI pachena kuti unokoshesa zvipo zvakasiyana-siyana zvinobva kuna Jehovha kusanganisira rusununguko rwauinarwo rwekusarudza kuti wonakidzwa sei nezvipo izvi. Bhaibheri rinotaura nezvewaini sechipo chinobva kuna Mwari uye rinototi: “Chingwa ndechekuti vanhu vaseke, uye waini inoita kuti upenyu hunakidze.” (Mup. 10:19; Pis. 104:15) Asi zvimwe wakaona kuti vamwe vanhu vakasvika pakukanganiswa nedoro. Uyewo pasi rese, vanhu vane maonero akasiyana-siyana nezvekunwa doro. Saka chii chingabatsira vaKristu kuti vaite zvisarudzo zvakanaka panyaya yekunwa doro?

Pasinei nekwatinogara kana kuti tsika dzekwatakakurira, tinofara chaizvo muupenyu kana tikabvumira maonero aMwari kuti atungamirire mafungiro edu uye zvisarudzo zvatinoita.

Zvimwe wakaonawo kuti vanhu vakawanda munyika vanogara vachinwa doro uye vanonwa zvakanyanya. Vamwe vanonwa doro nekuti rinoita kuti vanzwe vakadekara. Vamwe vanonwa kuti vambokanganwa nhamo dzavo. Uye mune dzimwe nzvimbo, kunwisa doro kunoita kuti munhu aonekwe semunhu anoziva upenyu kana kuti akasimba.

Asi vaKristu vanowana mazano euchenjeri kubva kuMusiki wavo ane rudo. Semuenzaniso, anotiudza zvinhu zvisina kunaka zvinozoitika zvichikonzerwa nekunwisa. Zvimwe takamboverenga pana Zvirevo 23:​29-35 nezvezvinoitwa nemunhu anenge adhakwa uye zvimwe zvinhu zvisina kunaka zvinoitika kwaari. a Mumwe mukuru wechiKristu ari kuEurope anonzi Daniel anoyeuka zvainge zvakaita upenyu hwake asati ava muKristu wechokwadi. Anoti: “Ndainwa doro zvakanyanya uye izvi zvakaita kuti ndiite zvisarudzo zvisina kunaka. Izvozvo zvakaita kuti ndisangane nezvimwe zvinhu zvinorwadza chaizvo uye ndichiri kurwadziwa pandinofunga nezvazvo.”

Tingaitei kuti tiite zvisarudzo zvakanaka panyaya yedoro torega kusangana nematambudziko anovapo kana munhu akanwisa? Tinofanira kubvumira mafungiro aMwari kuti atungamirire zvisarudzo zvedu uye zvatinoita.

Ngationei zvinotaurwa neBhaibheri nezvedoro, uye kuti vamwe vanorinwirei.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI PANYAYA YEKUNWA DORO

Shoko raMwari harirambidzi kunwa doro zvine mwero. Bhaibheri rinototi kunwa waini kunogona kuita kuti munhu afare. Tinoverenga kuti: ‘Idya zvekudya zvako uchifara, unwe waini yako nemwoyo unofara.’ (Mup. 9:7) Jesu ane paaimbonwa waini uye ndizvo zvaiitwawo nevamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka.—Mat. 26:​27-29; Ruka 7:34; 1 Tim. 5:23.

Asi Shoko raMwari rinoratidza musiyano wakajeka uri pakati pekunwa doro nekudhakwa. Rinotaura zvakajeka kuti: “Musadhakwa newaini.” (VaEf. 5:18) Rinototiwo ‘zvidhakwa hazvizogari nhaka yeUmambo hwaMwari.’ (1 VaK. 6:10) Jehovha haatombofariri kunwisa uye kudhakwa. Pane kungotevedzera zvinoitwa kwatakakurira, tinoita zvisarudzo zvedu zvichibva pane zvinofadza Mwari.

Vamwe vanonzwa sekuti vanogona kunwa doro rakawanda asi vasingadhakwi. Asi izvozvo zvakaipa chaizvo. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti kana munhu ‘akaitwa muranda newaini’ anogona kuita zvikanganiso zvakakura uye kutadzira Jehovha. (Tito 2:3; Zvir. 20:1) Jesu akatoyambira kuti “kunwisa” kunogona kutadzisa munhu kupinda munyika itsva yaMwari. (Ruka 21:​34-36) Saka chii chingabatsira muKristu kuti asasangana nematambudziko anogona kukonzerwa nekunwa doro?

ONGORORA CHIKONZERO CHAKO CHEKUNWA UYE MANWIRO AKO

Patinoita zvisarudzo panyaya yekunwa doro, zvakaipa chaizvo kungogutsikana nezvinoitwa nevanhu vekwatakakurira. VaKristu vanoita zvinofadza Jehovha panyaya dzine chekuita nezvekudya uye zvekunwa. Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Mungava muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu, itai zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe.” (1 VaK. 10:31) Ngationei mimwe mibvunzo yekufunga nezvayo uye zvinotaurwa neBhaibheri.

Ndinonwa doro kuitira kuti ndikwane pane vamwe here? Eksodho 23:2 inoti: “Usatevera vanhu vazhinji.” Pano Jehovha aiyambira vaIsraeri kuti vasatevedzera zvaiitwa nevanhu vaisamufadza. Zano iroro rinoshandawo kuvaKristu mazuva ano. Kana tikarega shamwari dzedu dzichiumba mafungiro edu uye zvisarudzo zvatinoita panyaya yedoro, tinogona kupedzisira tava kure naJehovha uye tisisatevedzeri mitemo yake.—VaR. 12:2.

Ndinonwa doro kuti ndiratidze kuti ndakasimba zvakadii here? Mune dzimwe tsika, zvakajairika uye zvinogamuchirika kuti munhu agare achinwa doro uye arinwe zvakanyanyisa. (1 Pet. 4:3) Asi ona zvatinokurudzirwa kuita pana 1 VaKorinde 16:13. Panoti: “Rambai makamuka, mirai makasimba mukutenda, rambai muchiita sevanhu vevarume, ivai nesimba.” Doro ringabatsira munhu kuti ave nesimba here? Rinotoita zvakasiyana naizvozvo. Rinogona kuita kuti munhu atadze kufunga zvakanaka, oita zvisarudzo zvisina kunaka. Saka kunwa doro rakawanda hakusi chiratidzo chekuti munhu akasimba, asi kutori kupusa. Isaya 28:7 inotaura nezvemunhu anorasika nemhaka yedoro ichiti anodzedzereka uye anokanganisa.

Simba ratinoda kuti tiite zvakarurama rinobva kuna Jehovha uye rinosanganisira kuramba takamuka, uye kumira takasimba mukutenda. (Pis. 18:32) Tinoita izvi nekuramba takangwarira uye nekuita zvisarudzo zvisingazokanganisi ushamwari hwedu naJehovha. Jesu akaratidza simba rakadaro paaiva panyika, uye vanhu vakawanda vaimuremekedza nekuti aiva neushingi uye aida kuramba achiita zvakarurama.

Ndinonwa doro kuti ndikanganwe nhamo dzangu here? Mumwe munyori wePisarema akafemerwa kunyora kuti: “Pandakawandirwa nezvaindidya mwoyo, [imi Jehovha] makandinyaradza uye makandizorodza.” (Pis. 94:19) Kana uine zviri kukudya mwoyo, vimba naJehovha kuti akubatsire, kwete nedoro. Nzira yakanaka inokubatsira kuti usaramba uchizvidya mwoyo ndeyekugara uchinyengetera kuna Jehovha. Uyewo vakawanda vakaona kuti kutsvaga mazano kushamwari yakasimba pakunamata yemuungano kunobatsira. Kana munhu akanwa doro aine chinangwa chekuti akanganwe nhamo dzake zvinoita kuti ashaye simba rekuita zvakarurama. (Hos. 4:11) Daniel ambotaurwa anoti: “Ndaizvidya mwoyo uye ndainzwa ndiine mhosva. Ndainwa kuti ndisanyanya kunetseka, asi zvakatokonzera mamwe matambudziko akawanda. Ndakarasikirwa neshamwari dzangu uye ndakanga ndava kuzvitarisira pasi.” Chii chakazobatsira Daniel? Anoti: “Ndakazoona kuti ndaifanira kuvimba naJehovha kwete nedoro. Ndakazokwanisa kukunda matambudziko angu.” Chokwadi ndechekuti Jehovha akagadzirira kutibatsira kunyange patinoona sekuti hatisisina tariro.—VaF. 4:​6, 7 1 Pet. 5:7.

Kana uchimbonwa doro, mibvunzo inotevera inogona kukubatsira kuti uongorore kana paine panoda kugadziriswa: ‘Pane mumwe munhu wemumhuri kana kuti shamwari yepedyo akataura kuti ari kunetseka nemanwiro andiri kuita here?’ Kana aripo, ichi chinogona kunge chiri chiratidzo chekuti wava kutanga tsika isina kunaka yausati wava kuona. ‘Ndava kunwa kupfuura zvandaiita here?’ Izvi ndizvo zvinogona kuitika kumunhu anenge asati apindwa muropa nedoro asi ava pedyo nekupindwa muropa naro. ‘Zvinondiomera here kuita mazuva kana kuti nguva yakati rebei ndisina kunwa?’ Kana zvichioma, chinogona kunge chiri chiratidzo chekuti wava kunwisa kana kuti wapindwa muropa. Saka pamwe ungatoda kutsvaga rubatsiro kuna vanachiremba kuti ukunde dambudziko racho.

Vamwe vaKristu vakasarudza kusanwa chero doro ripi zvaro nekuti vanoziva zvinhu zvisina kunaka zvinogona kuzoitika kana vakarinwa. Vamwe vanosarudza kusanwa nekuti havanakirwi narwo. Kana mumwe munhu waunombotandara naye akasarudza izvozvo unogona kuratidza kuti unonzwisisa nekuremekedza zvaanenge asarudza usingamutsoropodzi.

Zvimwe wakaona zvazvakanakira kuva nemiganhu. MuKristu anogona kugara asarudza kuti anoda kunwa doro rakawanda sei. Kana kuti anogona kuzviisira mutemo wekuti onwa kakawanda sei zvichida kamwe chete pavhiki kana kunwa shoma paanenge achidya. Vamwe vakazviisira miganhu pamhando dzezvinwiwa zvinodhaka zvavanoda kunwa, asi vachizviita zvine mwero vasingazonwi zvinwiwa zvine ukasha kunyange zvinwiwa izvozvo zvakasanganiswa nezvimwe. Kana munhu angozviisira miganhu yakajeka panyaya yekunwa, zvinenge zvava nyore kuti aitevedzere. Uye hapana chikonzero chekuti muKristu akasimba pakunamata anyare kana aine chisarudzo chaaita uye atsunga kuramba achichitevedzera.

Patinenge tichiita zvisarudzo panyaya yedoro, tinofanirawo kufunga kuti vamwe vanonzwa sei. VaRoma 14:21 inoti: “Zviri nani kurega kudya nyama kana kunwa waini kana kuti kuita chimwe chinhu chinogumbura hama yako.” Ungashandisa sei zano iri? Ratidza kuti unoda hama dzako. Kana uchinzwa sekuti kunwa doro kunogona kugumbura mumwe munhu, rudo runogona kuita kuti usarinwa kana munhu iyeye aripo. Kana ukadaro unenge uchiratidza kuti une hanya nevamwe uye unoremekedza manzwiro avo uchitsvaga zvakavanakira kwete zvakangokunakira.—1 VaK. 10:24.

Uyewo hurumende inogona kunge yakaisa mitemo ine chekuita nedoro, uye muKristu anofanira kuteerera mitemo iyoyo. Mitemo iyi inogona kunge ichitaura kuti doro rinofanira kunwiwa nemunhu anenge asvitsa makore api kana kuti ichirambidza kuti munhu anenge anwa doro asatyaira kana kushandisa mimwe michina.—VaR. 13:​1-5.

Jehovha akatipa zvipo zvakawanda zvakazonaka uye chimwe chacho rusununguko rwekusarudza kuti tinoda kushandisa sei zvipo izvi. Izvi zvinosanganisira rusungunuko rwekusarudza zvatinoda kudya uye zvatinoda kunwa. Kudai zvisarudzo zvedu zvikaratidza kuti tinokoshesa rusununguko urwu nekurushandisa kuti tifadze Baba vedu vekudenga.

a Rimwe sangano rezveutano riri kuUnited States rinoti mamwe matambudziko anokonzerwa nekunwisa doro kunyange kamwe chete anosanganisira tsaona dzemumugwagwa, kurwisana, kuzviuraya, mhirizhonga mudzimba, kubva pamuviri, uye zvirwere zvepabonde.