Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini egore rino eNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Zvinorevei kuti “pfungwa dzenyu ngadzishandurwe”? (VaR. 12:2)

Hazvingogumiri pakuita mabasa akanaka muupenyu hwedu. Zvinosanganisira kuongorora zvatiri nechemukati, tochinja chero chii zvacho chinoda kuchinjwa kuitira kuti upenyu hwedu huenderane nezvinodiwa naJehovha.—w23.01, mapeji 8-9.

Tingaitei kuti tive nemaonero akanaka patinenge tichitarisa zviri kuitika munyika?

Tinoda chaizvo kuziva kuti zviri kuitika munyika zviri kuzadzisa sei uprofita hweBhaibheri. Pane kuti tiudze vamwe zvatinofunga kuti ndizvo zvichaitika, izvo zvingakonzera kusabatana, tinoita kuti zvatinotaura zvibve pazvinhu zvinobudiswa nesangano raJehovha. (1 VaK. 1:10)—w23.02, peji 16.

Kubhabhatidzwa kwaJesu kwakasiyana papi nekubhabhatidzwa kwevateveri vake?

Sezvo akaberekerwa murudzi rwakatsaurirwa kuna Mwari, Jesu aisafanira hake kuzvitsaurira kuna Jehovha sezvatinoita. Akanga asina chivi, saka paisava nechikonzero chekuti apfidze zvivi.—w23.03, peji 5.

Tingabatsira sei vamwe kuti vapindure pamisangano?

Tinogona kuita kuti mhinduro dzedu dzive pfupi, zvopawo vamwe mukana wekupindura. Tinoregawo kutaura pfungwa dzakawandisa. Izvi zvichaita kuti vamwe vasashaya zvekutaura.—w23.04, peji 23.

“Nzira yeUtsvene” inotaurwa pana Isaya 35:8 inorevei?

Pakutanga, mugwagwa uyu waiva nzira yakashandiswa nevaJudha vachibva kuBhabhironi vachidzokera kunyika yavo. Ko mazuva ano? Kwemazana emakore 1919 asati asvika, basa rekugadzira mugwagwa uyu rakaitwa kuburikidza nekushandura uye kuprinda maBhaibheri nezvimwewo. Vanhu vaMwari vari kufamba ‘muNzira yeUtsvene’ iyo inopfuura nemuparadhiso yemweya yakananga kumakomborero achaunzwa neUmambo.—w23.05, mapeji 15-19.

Zvirevo chitsauko 9 ine mazano ane chekuita nevakadzi vapi vaviri vekufananidzira?

Zvirevo inotaura ‘nezvemukadzi benzi’ uyo anokoka vanhu achivaendesa “muGuva” uye inotaura ‘nezveuchenjeri hwechokwadi’ uhwo hunofananidzwa nemukadzi anokoka vanhu achivaendesa “munzira yekunzwisisa” uye kuupenyu. (Zvir. 9:​1, 6, 13, 18)—w23.06, mapeji 22-24.

Kuzvininipisa uye kunzwisisa kwaMwari kwakaoneka sei pamabatiro aakaita Roti?

Jehovha akaudza Roti kuti atizire kunzvimbo ine makomo achibva muSodhomu. Roti paakakumbira kutizira kuZoari, Mwari akamubvumira.—w23.07, peji 21.

Mudzimai angaitei kana murume wake achiona zvinonyadzisira?

Mudzimai wacho anofanira kuyeuka kuti haisi mhosva yake. Anofanira kuramba achifunga nezveushamwari hwake naMwari uye kufungisisa nezvenyaya dzemuBhaibheri dzinotaura nezvevakadzi vaishungurudzika vakanyaradzwa naJehovha. Anogona kubatsira murume wake kuti atambire kure nezvinhu zvinomuisa pamuedzo wekuona zvinonyadzisira.—w23.08, mapeji 14-17.

Patinobvunzwa kana kuti patinoitiswa nharo pamusoro pezvatinotenda, njere dzinotibatsira sei kuti tive vanyoro?

Mubvunzo wemunhu wacho unogona kutibatsira kuti tizive zvaanofunga kana kuti zvaanokoshesa. Izvi zvichatibatsira kuti timupindure neunyoro.—w23.09, peji 17.

Tinodzidzei pana Mariya nezvekuwana simba?

Paakaziva kuti aizova amai vaMesiya, Mariya akasimbiswa nevamwe. Gabrieri naErizabheti vakakurudzira Mariya vachishandisa Magwaro. Isuwo tinogona kusimbiswa nehama nehanzvadzi dzedu.—w23.10, peji 15.

Jehovha anogona kupindura sei minyengetero yedu?

Anovimbisa kuteerera minyengetero yedu uye anotarisa kuti inopindirana papi nechinangwa chake. (Jer. 29:12) Anogona kupindura zvikumbiro zvakafanana, achizviita nenzira dzakasiyana, asi achagara achititsigira.—w23.11, mapeji 21-22.

VaRoma 5:2 inotaura ‘nezvetariro,’ saka nei tariro ichitaurwazve nezvayo muvhesi 4?

Paanonzwa mashoko akanaka, munhu anova netariro yekurarama nekusingaperi muparadhiso panyika. Asi paanosangana nematambudziko, oatsungirira, uye onyatsonzwa kuti anofarirwa naMwari, kakawanda kacho tariro yake inowedzera kusimba uye inowedzera kukosha kwaari.—w23.12, mapeji 12-13.