Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaitika

Zvakaitika

Kunzwira Vanhu Vese Tsitsi

Rimwe zuva imwe hanzvadzi yekuNew Zealand yakaona vhidhiyo inonzi Chengetanai,” iyo inotaura kuti Jehovha haangogumiri pakunzwira vamwe tsitsi asiwo anodziratidza. (Isa. 63:​7-9) Yakafunga kushandisa zvayakanga yadzidza kuburikidza nekubatsira mumwe munhu. Musi iwoyo payakanga yaenda kunotenga, yakaona mumwe mukadzi aisava nepekugara uye yakati yaida kumutengera zvekudya. Mukadzi wacho akabvuma. Hanzvadzi yacho payakadzoka nezvekudya, yakashandisa mukana iwoyo kuti imuparidzire ichishandisa turakiti rakanzi Kutambura Kuchazombopera Here?

Mukadzi wacho akatanga kuchema. Akataura kuti akarerwa mumhuri yeZvapupu asi haana kufambira mberi pakunamata. Zvisinei nguva pfupi asati aonana nehanzvadzi iyi, ainyengetera kuna Jehovha achikumbira kuti amubatsire kuti adzoke kwaari. Hanzvadzi yacho yakamupa Bhaibheri uye vakaronga kudzidza vese. a

Tinogona kutevedzera Jehovha pakunzwira vamwe tsitsi kusanganisira veukama uye hama nehanzvadzi dzedu dzemuungano. Uye tinogona kunzwira vamwe tsitsi patinotsvaga mikana yekuvaparidzira.

a Kuti udzidze kuti ungabatsira sei vasingachaiti basa ona nyaya inoti “Dzokai Kwandiri” iri muNharireyomurindi yaJune 2020.