Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 48

RWIYO 97 Shoko raMwari Upenyu

Chishamiso Chekupa Vanhu Chingwa

Chishamiso Chekupa Vanhu Chingwa

“Ndini chingwa cheupenyu. Wese anouya kwandiri haazombonzwi nzara.”JOH. 6:35.

ZVATICHADZIDZA

Tichaongorora nyaya iri muna Johani chitsauko 6 inotaura nezvechishamiso chakaitwa naJesu paakaita kuti zvingwa nehove zviwande zvekuti zvakakwana vanhu vakawanda, uye tichaona zvatinodzidza panyaya iyi.

1. Chingwa chaikosha zvakadii panguva yakararama vanhu vanotaurwa muBhaibheri?

 CHINGWA ndicho chimwe chezvinhu zvainyanya kudyiwa panguva yakararama vanhu vanotaurwa muBhaibheri. (Gen. 14:18; Ruka 4:4) Chaikosha chaizvo zvekuti mune mamwe mavhesi ari muBhaibheri makashandiswa shoko rekuti “chingwa” richingomiririra zvimwewo zvekudya. (Mat. 6:​11, mashoko emuzasi) Jesu akashandisawo chingwa pane zvimwe zvishamiso zviviri zvaakaita zvinonyanya kuzivikanwa. (Mat. 16:​9, 10) Chimwe chishamiso chacho chakanyorwa muchitsauko 6 chebhuku raJohani. Patichange tichiongorora nyaya iyi, tichaona zvidzidzo zvatinogona kushandisa muupenyu hwedu.

2. Zvakafamba sei kuti pazodiwa zvekudya?

2 Pashure pekunge vaapostora vaJesu vapedza kuparidza, Jesu akayambuka navo Gungwa reGarireya vari muchikepe kuti vambonozorora. (Mako 6:​7, 30-32; Ruka 9:10) Vakaenda munzvimbo iri kure nekunogara vanhu kuBhetisaidha. Asi pasina nguva, zviuru zvevanhu zvakasvika zvikavaunganira. Jesu haana kurega kuvabatsira. Akavadzidzisa nezveUmambo uye akaporesa vairwara. Nguva padzainge dzafamba, vadzidzi vakatanga kunetseka kuti vanhu vakawanda kudaro vaizowanepi zvekudya. Zvimwe vamwe vacho vaingova nezvekudya zvishoma, asi vakawanda vavo vaifanira kuenda mumisha vonotenga zvekudya. (Mat. 14:15; Joh. 6:​4, 5) Jesu aizoita sei?

CHISHAMISO CHEKUPA VANHU CHINGWA

3. Jesu akaudza vaapostora vake kuti vaite sei? (Onawo mufananidzo uri pakavha.)

3 Achitaura nezvevanhu ivavo, Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Havafaniri kuenda; vapei zvekudya imimi.” (Mat. 14:16) Izvi zvaiita sekuti hazviiti nekuti paiva nevarume vangasvika 5 000. Uye kana tikabatanidza vakadzi nevana vaivapo, vanhu vacho vese vaida zvekudya vaigona kusvika pa15 000. (Mat. 14:21) Andreya akabva ati: “Pane kakomana aka kane zvingwa zvebhari zvishanu netuhove tuviri. Asi panei chiripo ipapa nekuwanda kwakaita vanhu uku?” (Joh. 6:9) Zvingwa zvebhari zvaiwanzodyiwa nevarombo nevamwewo vanhu, uye hove dzacho dzinogona kunge dzaiva nemunyu uye dzakaomeswa. Kunyange zvakadaro, hove idzodzo nechingwa zvaiva nekakomana aka zvaisazokwana munhu wese.

Jesu ari kubatsira vanhu pane zvekunamata, uye ari kuvapa zvekudya (Ona ndima 3)


4. Tinodzidzei pana Johani 6:​11-13? (Onawo mifananidzo.)

4 Jesu aida kubata vanhu zvakanaka, saka akavati vagare vari muzvikwata pauswa. (Mako 6:​39, 40; verenga Johani 6:​11-13.) Tinoverenga kuti Jesu akanyengetera kuna Baba vake achivatenda nekuda kwechingwa uye hove. Zvainge zvakakodzera kuti atende Mwari nekuti ndiye akaita kuti zvekudya izvozvo zvivepo. Izvi zvinotiyeuchidza kuti tinofanira kutevedzera Jesu kuburikidza nekunyengetera tisati tadya, pasinei nekuti tiri tega kana kuti tiri pane vamwe vanhu. Jesu akaita kuti zvekudya zvacho zvipiwe vanhu uye vakadya vakaguta. Jesu aisada kuti zvakasara zvipambadzwe. Saka akaita kuti zviunganidzwe, kuti zvizodyiwa pane imwe nguva. Jesu akatidzidzisa kuti tishandise zvinhu zvatiinazvo zvakanaka. Kana uri mubereki, unogona kuongorora nyaya iyi nevana vako mokurukura zvidzidzo zvatinowana panyaya yekunyengetera, kubata vanhu zvakanaka, uye kuva nerupo.

Zvibvunze kuti, ‘Ndinotanga ndanyengetera ndisati ndadya sezvaiitwa naJesu here?’ (Ona ndima 4)


5. Vanhu vakaita sei pavakaona zvakanga zvaitwa naJesu, uye Jesu akaita sei?

5 Vanhu vakabayiwa mwoyo nemadzidzisiro aiita Jesu uye nezvishamiso zvaaiita. Vaiziva kuti Mozisi ainge akataura kuti Mwari aizovamutsira muprofita akasiyana nevamwe, saka vanogona kunge vakatanga kufunga kuti Jesu ndiye aiva muprofita wacho. (Dheut. 18:​15-18) Kana zviri izvo zvavakafunga, vanogona kunge vakaona sekuti aizova mutongi akanaka anogona kupa zvekudya nyika yese yeIsraeri. Saka vanhu vacho vakanga vava kuda ‘kubata Jesu kuti vamuite mambo.’ (Joh. 6:​14, 15) Kudai Jesu aizobvuma kuti vamuite mambo zvaizoreva kuti aizenge ava kuita zvematongerwo enyika. Saka akaita sei? Bhaibheri rinotaura kuti Jesu ‘akabva aenda mugomo’ ari ega. Haana kuita zvematongerwo enyika pasinei nekuti vanhu vaimumanikidza kuti adaro. Ichi chidzidzo chinokosha chaizvo kwatiri!

6. Tinoratidza sei kuti tinoda kutevedzera zvakaitwa naJesu? (Onawo mufananidzo.)

6 Vanhu vangasatikumbira havo kuti tiite chishamiso chekuvapa zvekudya, kuporesa vanorwara kana kuedza kutiita madzimambo kana kuti vatongi venyika. Asi vanogona kutikurudzira kuti tiite zvematongerwo enyika zvakadai sekuvhota kana kuita zvimwe zvinhu zvinoratidza kuti tiri kutsigira mumwe munhu wavanofunga kuti ndiye achagadzirisa zvinhu. Isu tinonyatsoziva zvakaitwa naJesu. Akaramba kubatanidzwa mune zvematongerwo enyika uye akatozotaura kuti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Joh. 17:14; 18:36) VaKristu vanofanira kutevedzera mafungiro aJesu uye zvaakaita. Tinotsigira Umambo hwaMwari, tinoparidza nezvahwo, uye tinohunyengeterera. (Mat. 6:10) Ngatiendererei mberi nekukurukura chishamiso chakaitwa naJesu chekupa vanhu chingwa toona zvimwe zvatingadzidza.

Jesu haana kuita zvematongerwo enyika uye tinofanira kumutevedzera (Ona ndima 6)


ZVAIREHWA NECHISHAMISO CHECHINGWA

7. Jesu akaita chishamiso chei uye vaapostora vake vakaitei? (Johani 6:​16-20)

7 Pashure pekunge apa vanhu zvekudya, Jesu akaudza vaapostora vake kuti vaende kuKapenaume nechikepe uye iye akabva akwira mugomo achitiza vanhu vaida kumuita mambo. (Verenga Johani 6:​16-20.) Vaapostora pavakanga vari muchikepe, kwakaita dutu raiva nemhepo ine simba nemasaisai. Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pemvura, uye akashevedza muapostora Petro kuti afambewo pamusoro pemvura. (Mat. 14:​22-31) Jesu paakangopinda muchikepe, mhepo yacho yakabva yadzikama. Vadzidzi vakabva vati: “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.” a (Mat. 14:33) Kunyange zvakadaro, havana kuona kubatana kwakaita chishamiso ichi nechiya chaainge amboita chekupa vanhu vakawanda zvekudya. Mako achitaura nezvechiitiko ichi akawedzera mashoko ekuti: ‘Vaapostora vakashamiswa kwazvo, nekuti vakanga vasina kunzwisisa chishamiso chaakanga aita chechingwa, asi mwoyo yavo yakaramba yakagomara pakunzwisisa.’ (Mako 6:​50-52) Vaapostora vakanga vasiri kunzwisisa kukura kwesimba rekuita zvishamiso rakanga rapiwa Jesu naJehovha. Asi izvi zvichangobva kuitika, Jesu pachake akataurazve nezvechishamiso chaakanga aita chechingwa uye chimwe chidzidzo chatinowana panyaya yacho.

8-9. Nei vanhu vakatsvaga Jesu? (Johani 6:​26, 27)

8 Vanhu vakapiwa zvekudya naJesu vaiisa pfungwa dzavo pakuwana zvinhu zvavaida muupenyu hwavo uye pakugutsa zvido zvavo. Nei tichidaro? Zuva rakatevera, vakaona kuti Jesu nevaapostora vake vakanga vaenda. Saka vanhu vakakwira zvikepe zvaibva kuTibheriyasi, ndokunanga kuKapenaume kunotsvaga Jesu. (Joh. 6:​22-24) Vaimutsvagira kuti vanzwe zvakawanda nezveUmambo hwaMwari here? Aiwa. Vaingoda kupiwa chingwa. Nei tichidaro?

9 Funga zvakaitika pavakasvika kwaiva naJesu pedyo neKapenaume. Jesu akavaudza pachena kuti vaimutsvagira kuti avape chingwa. Akataura kuti ‘vakadya chingwa vakaguta’ uye kuti chingwa ichocho chaiva “zvekudya zvinoparara.” Akabva avaudza kuti vaifanira kushandira “zvekudya zvinoramba zviripo kweupenyu husingaperi.” (Verenga Johani 6:​26, 27.) Jesu akataura kuti Baba vake ndivo vaizovapa zvekudya zvakadaro. Vanofanira kunge vakashamiswa chaizvo paakavaudza kuti pane zvekudya zvaigona kuita kuti vararame nekusingaperi. Ndezvipi zvekudya zvaitaurwa naJesu, uye vateereri vake vaizozviwana sei?

10. ‘Ibasa raMwari’ ripi iro vanhu vaifanira kuziva nezvaro?

10 Zviri pachena kuti vaJudha ivavo vaida kuziva zvavaifanira kuita kuti vawane zvekudya izvozvo. Vanogona kunge vaifunga ‘nezvemabasa’ anotaurwa muMutemo waMozisi. Asi Jesu akavaudza kuti: “Iri ndiro basa raMwari kuti mutende muna iye waakatuma.” (Joh. 6:​28, 29) Vaifanira kutenda muna Jesu kuti vawane “upenyu husingaperi.” Jesu wacho akanga atombotaura nezvazvo. (Joh. 3:​16-18, 36) Uye ane zvimwe zvaaizotaura panyaya yekuti tingaitei kuti tiwane upenyu husingaperi.—Joh. 17:3.

11. VaJudha vakaratidza sei kuti vaingofunga zvekudya chete? (Pisarema 78:​24, 25)

11 VaJudha ivavo havana kubvuma zvaidzidziswa naJesu ‘nezvebasa raMwari’ idzva. Vakamubvunza kuti: “Muri kuita chiratidzo chipi, kuti tichione titende mamuri?” (Joh. 6:30) Vakataura kuti madzitateguru avo epanguva yaMozisi akapiwa mana iyo yaifananidzwa nechingwa. (Neh. 9:15; verenga Pisarema 78:​24, 25.) Zviri pachena kuti vaingofunga nezvekudya chingwa chete. Jesu paakazotaura ‘nezvechingwa chechokwadi chinobva kudenga’ icho chakasiyana nemana pakuti chaizovapa upenyu husingaperi, havana kana kuda kumubvunza kuti airevei. (Joh. 6:32) Pfungwa dzavo dzaingova pane zvekudya zvekuti vakatadza kuteerera chokwadi chavaidzidziswa naJesu icho chaizovabatsira kuti vawane upenyu husingaperi. Tinodzidzei panyaya iyi?

TINOFANIRA KUNYANYA KUKOSHESEI?

12. Jesu akaratidza sei kuti ndezvipi zvinonyanya kukosha muupenyu?

12 Tinowana chidzidzo chipi chinokosha muna Johani chitsauko 6? Tinofanira kukoshesa ushamwari hwedu naJehovha kupfuura zvimwe zvinhu zvese muupenyu. Jesu akataurawo pfungwa iyi paaiedzwa naSatani. (Mat. 4:​3, 4) Uye muMharidzo Yepagomo, Jesu akaratidza kuti zvinokosha chaizvo kuziva kuti tinoda kutungamirirwa naMwari. (Mat. 5:3) Saka tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Mararamiro angu anoratidza here kuti ndinokoshesa zvinhu zvekunamata kupfuura zvimwe zvinhu zvandinoda muupenyu?’

13. (a) Nei zvisina kuipa kuti tinakirwe nezvekudya? (b) Iyambiro ipi yatinofanira kuteerera? (1 VaKorinde 10:​6, 7, 11)

13 Hapana chakaipa nekunyengeterera zvinhu zvatinoda pakurarama uye nekuva nazvo. (Ruka 11:3) Bhaibheri rinoti zvakanaka kuti munhu “adye, anwe uye afadzwe nekushanda kwake nesimba,” uye izvi “zvinobva muruoko rwaMwari wechokwadi.” (Mup. 2:24; 8:15; Jak. 1:17) Asi tinofanira kungwarira kuti zvinhu zvatinoda pakurarama zvisava izvo zvinonyanya kukosha muupenyu hwedu. Muapostora Pauro akataurawo pfungwa iyi mutsamba yaakanyorera vaKristu, makore mashoma Jerusarema risati raparadzwa. Akataurawo zvakaipa zvakaitwa nevaIsraeri pavaiva murenje uye zvavakaita pedyo neGomo reSinai. Akayambira vaKristu kuti ‘vasade zvinhu zvakaipa, sezvakaitwa nevaIsraeri.’ (Verenga 1 VaKorinde 10:​6, 7, 11.) Jehovha akaita chishamiso chekupa vaIsraeri mana. Asi kukara zvekudya kwakaita kuti vagume vava kuiona ‘sezvinhu zvakaipa.’ (Num. 11:​4-6, 31-34) Pavakanamata mhuru yegoridhe, vaIsraeri vakaratidza kuti pfungwa dzavo dzaiva pakudya, kunwa, uye mafaro panzvimbo pekuteerera Jehovha. (Eks. 32:​4-6) Pauro akataura zvakaitwa nevaIsraeri kuti ayambire vaKristu vakararama Jerusarema netemberi yaro zvisati raparadzwa muna 70 C.E. Isuwo tava pedyo nenguva ichaparadzwa nyika ino, saka zvakakosha kuti titeerere yambiro yakapiwa naPauro.

14. Bhaibheri rinotii panyaya yezvekudya munyika itsva?

14 Jesu paakati tinyengeterere “zvekudya zvedu zvanhasi,” akatiudzawo kuti tikumbire kuti kuda kwaMwari “kuitwe panyika sekudenga.” (Mat. 6:​9-11) Izvi zvinoita kuti ufunge nezvei? Bhaibheri rinoratidza kuti chimwe chichaitwa naMwari panyika ndechekuti pave nezvekudya zvakanaka. Isaya 25:​6-8 inoratidza kuti Umambo hwaJehovha huchaita kuti panyika pave nezvekudya zvinonaka uye zvakawanda. Pisarema 72:16 inoti: “Panyika pachava nezvirimwa zvakawanda chaizvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.” Uri kutarisira kushandisa zvimwe zvirimwa izvozvo kubika zvekudya zvinonaka zvaunofarira kana kuti zvimwe zvausati wambobika here? Unogonawo kuzonakirwa nemazambiringa aunenge warima uyewo newaini inobva pamazambiringa acho. (Isa. 65:​21, 22) Vanhu vese vachange vari panyika vachange vainewo zvinhu izvi zvinofadza.

15. Vanhu vachamutswa vachadzidziswei? (Johani 6:35)

15 Verenga Johani 6:35. Funga zvakare nezvevanhu vakapiwa chingwa nehove naJesu. Unogona kuzoona vamwe vacho pachamutswa vakafa. Kunyange zvazvo vaisatenda muna Jesu, vanogona kumutswa. (Joh. 5:​28, 29) Vanhu vakadaro vachafanira kudzidza zvinorehwa nemashoko aJesu ekuti: “Ndini chingwa cheupenyu. Wese anouya kwandiri haazombonzwi nzara.” Vachafanira kutenda muchibayiro cherudzikinuro chaJesu, kureva kutenda kuti Jesu akavafira. Panguva iyoyo, pachava neurongwa hwekudzidzisa chokwadi nezvaJehovha uye chinangwa chake kune vaya vachamutswa uye vana vanogona kuzoberekwa panguva iyoyo. Zvichange zvichifadza chaizvo kubatanidzwa pakudzidzisa vanhu ivavo! Uchanakidzwa nebasa iroro kupfuura kunakirwa kwauchaitwa nechingwa kana kuti nezvekudya. Tichafadzwa chaizvo nekuita zvinhu zvekunamata kupfuura kufara kwatichaita nezvekudya.

16. Tichadzidzei munyaya inotevera?

16 Takurukura zvimwe zvinhu zviri muna Johani chitsauko 6, asi Jesu ane zvimwe zvaakadzidzisa ‘nezveupenyu husingaperi.’ VaJudha vaifanira kunyatsoteerera zvinhu izvozvo uye isuwo tinofanira kudaro. Tichaenderera mberi nekukurukura zvimwe zvinhu zviri muna Johani chitsauko 6 munyaya inotevera.

RWIYO 20 Makatipa Mwanakomana Wenyu Anokosha

a Kuti udzidze zvimwe nezvenyaya iyi, ona bhuku rinonzi Jesu—Nzira, Nechokwadi, Neupenyu papeji 131 uye rinonzi Tevedzera Kutenda Kwavo, papeji 185.