Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 51

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

Misodzi Yako Inokosha Kuna Jehovha

Misodzi Yako Inokosha Kuna Jehovha

“Isai misodzi yangu muhombodo yenyu. Handiti yakanyorwa mubhuku renyu?”PIS. 56:8.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti Jehovha anonyatsonzwisisa kurwadziwa kwatinoita uye kuti achatinyaradza patinenge tichida kunyaradzwa.

1-2. Zvinhu zvipi zvinogona kuita kuti ticheme?

 TESE tinombochema pane dzimwe nguva. Panoitika zvimwe zvinhu zvinotifadza muupenyu, tinogona kubuda misodzi yekufara. Zvimwe wakachema pakaitika chimwe chinhu chinokufadza chakadai sekuva nemwana, kana kuti pawakaonana neshamwari yako yawakanga wava nemakore musina kumboonana.

2 Asi kakawanda kacho, misodzi yedu inoratidza kurwadziwa kwatinenge tichiita mumwoyo. Semuenzaniso, tinogona kuchema kana mumwe munhu akatirwadzisa. Tinogona kuchema patinoramba tichingorwara kana kuti patinofirwa. Panguva dzakadaro, tinogona kunzwa sezvakaita muprofita Jeremiya pakaparadzwa Jerusarema nevaBhabhironi. Jeremiya akati: “Maziso angu ari kuyerera hova dzemvura . . . Maziso angu ari kuchema zvisina zororo, haasi kumira.”—Mari. 3:​48, 49.

3. Jehovha anonzwa sei paanoona vashumiri vake vachitambura? (Isaya 63:9)

3 Jehovha anoziva pese patinobuda misodzi nemhaka yekushungurudzika kwatinenge tichiita. Bhaibheri rinotiudza kuti anoziva kurwadziwa kwese kunoita vashumiri vake, uye kuti anonzwa pavanochemera kubatsirwa. (Pis. 34:15) Asi Jehovha haangogumiri pakuona kurwadziwa kwatinenge tichiita uye pakutinzwa. Ndiye Baba vedu uye anotida chaizvo. Saka paanoona tichichema anorwadziwa, uye anokurumidza kutibatsira.—Verenga Isaya 63:9.

4. Tinodzidzei nezvaJehovha patinoongorora zvakaitika kune vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri?

4 MuShoko rake, Jehovha anotiudza manzwiro aaiita vashumiri vake pavaichema kwaari uye kuti aivabatsira sei. Tinoona izvi patinoongorora zvakaitika muupenyu hwaHana, Dhavhidhi, uye Mambo Hezekiya. Chii chakaita kuti vacheme? Jehovha akavabatsira sei? Zvakaitika kwavari zvinotinyaradza sei patinobuda misodzi nemhaka yekushungurudzika, kurwadziswa nevamwe vanhu, kana kuti patinonzwa tisisina tariro?

MISODZI YEKUSHUNGURUDZIKA

5. Zvaiitika kuna Hana zvaiita kuti anzwe sei?

5 Hana aiva nematambudziko akawanda aimuchemedza. Rimwe rematambudziko acho raiva rekuti murume wake aiva nemumwe mukadzi, ainzi Penina, uye mukadzi uyu aimushora. Uyewo Hana akanga asina mwana, asi Penina aiva nevana vakawanda. (1 Sam. 1:​1, 2) Penina airamba achishungurudza Hana nekusava kwake nevana. Dai uriwe waizonzwa sei? Hana airwadziwa chaizvo zvekuti “aichema uye aitadza kudya” uye ‘akashungurudzika zvakanyanya.’—1 Sam. 1:​6, 7, 10.

6. Hana akaitei kuti anyaradzwe?

6 Hana akanyaradzwa nei? Chimwe chinhu chakamubatsira ndechekuti akaenda kutebhenekeri kunonamata Jehovha. Ari ikoko, zvimwe ari pedyo nepaipindwa napo muchivanze chetebhenekeri, “akatanga kunyengetera kuna Jehovha, achichema zvisingaiti.” Akakumbira Jehovha kuti: ‘Onaiwo kutambudzika kwemuranda wenyu mondiyeuka.’ (1 Sam. 1:10b, 11) Hana akanyengetera achiudza Jehovha zvese zvaimushungurudza. Jehovha anofanira kunge akarwadziwa chaizvo paakaona mwanasikana wake uyu waaida achichema!

7. Hana akanyaradzwa sei paakadurura mwoyo wake kuna Jehovha?

7 Hana akanzwa sei pashure pekunge adurura mwoyo wake kuna Jehovha uye audzwa mashoko aisimbisa neMupristi Mukuru Eri? Nyaya yacho inoti: “Mukadzi wacho akabva aenda akadya, uye chiso chake chakanga chisisina kusuruvara.” (1 Sam. 1:​17, 18) Kunyange zvazvo dambudziko rake rakanga richiripo, Hana akanzwa azorodzwa. Akanga asiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha. Jehovha akaona kutambudzika kwake, akanzwa kuchema kwake, uye akazomukomborera nekuita kuti ave nepamuviri.—1 Sam. 1:​19, 20; 2:21.

8-9. Maererano naVaHebheru 10:​24, 25, nei tichifanira kuita zvese zvatinogona kuti tipinde misangano yechiKristu? (Onawo mufananidzo.)

8 Zvatinodzidza. Pane zviri kuitika muupenyu hwako here zvinoita kuti ubude misodzi nekushungurudzika? Pamwe wakafirwa nehama yako kana kuti shamwari. Pakadaro, zviri nyore kungonzwa hako uchida kuva wega. Asi yeuka kuti Hana akanyaradzwa uye akakurudzirwa paakaenda kutebhenekeri. Iwewo unogona kunyaradzwa kana ukapinda misangano yechiKristu kunyange paunenge uchinzwa usingadi. (Verenga VaHebheru 10:​24, 25.) Pamisangano, tinonzwa mavhesi eBhaibheri anotikurudzira, uye iyoyo inenge iri nzira yaJehovha yekutibatsira kuti tisaramba tichingofunga zvinhu zvinotishungurudza. Izvozvo zvinoita kuti tinzwe zviri nani, kunyange dambudziko redu rikasabva rangopera ipapo ipapo.

9 Pamisangano yedu, hama nehanzvadzi dzedu dzinotikurudzira, uye dzinotiratidza rudo. Izvi zvinoita kuti tinzwe zvakanaka. (1 VaT. 5:​11, 14) Funga nezveimwe hama inoshumira sapiyona chaiye yakafirwa nemudzimai wayo. Yakati: “Dzimwe nguva ndinongonzwa ndichida kuva ndega. Ndinochema kakawanda nekuti ndichiri kurwadziwa. Asi pandinoenda kumisangano ndinokurudzirwa chaizvo. Zvinhu zvakanaka zvinotaurwa nehama nehanzvadzi dzangu kumisangano zvinondinyaradza chaizvo. Dzimwe nguva ndinozvidya mwoyo uye ndinenge ndakasurukirwa ndisati ndasvika pamisangano, asi pandinenge ndavapo, ndinonzwa zvakanaka.” Patinenge tiri pamisangano yedu, Jehovha anogona kushandisa hama nehanzvadzi dzedu kuti dzitibatsire.

Tinogona kunyaradzwa nehama nehanzvadzi dzedu (Ona ndima 8-9)


10. Tingatevedzera sei Hana kana tichishungurudzika zvakanyanya?

10 Hana akanyaradzwawo nekunyengetera kuna Jehovha achimuudza manzwiro ake. Iwewo unogona ‘kukanda zvese zvinokudya mwoyo pana Jehovha,’ uine chivimbo chekuti achakunzwa. (1 Pet. 5:7) Imwe hanzvadzi ine murume akaurayiwa nematsotsi yakati: “Ndakanzwa sekuti mwoyo wangu wapwanyika zvekuti haucharapiki. Ndakanyaradzwa uye ndakatanga kunzwa zviri nani pandakanyengetera kuna Baba vangu vane rudo, Jehovha. Dzimwe nguva ndaishaya mashoko ekutaura, asi vaindinzwisisa. Pandairwadziwa zvakanyanya, ndaikumbira Jehovha kuti andidzikamise. Ndaibva ndanzwa kugadzikana ndokwanisa kuita zvandinenge ndichida kuita zuva iroro.” Paunoudza Jehovha zvinenge zvichikudya mwoyo, anorwadziwa nemisodzi yako yekushungurudzika, uye anokunzwisisa. Kunyange zvinenge zvichikudya mwoyo zvikaramba zviripo, Jehovha anokunyaradza okubatsira kuti uve nerugare. (Pis. 94:19; VaF. 4:​6, 7) Uye achakupa mubayiro wekutsungirira kwaunenge uchiita wakatendeka.—VaH. 11:6.

MISODZI INOKONZERWA NEKURWADZISWA NEVAMWE

11. Matambudziko aisangana naDhavhidhi aiita kuti anzwe sei?

11 Dhavhidhi akatsungirira zvinhu zvakawanda muupenyu hwake zvaiita kuti acheme. Aivengwa nevamwe vanhu uye akapandukirwa nevamwe vanhu vaaivimba navo. (1 Sam. 19:​10, 11; 2 Sam. 15:​10-14, 30) Pane imwe nguva, akanyora kuti: “Simba rangu rapera nekugomera kwangu; ndinozadza mubhedha wangu nemisodzi usiku hwese.” Nei Dhavhidhi ainzwa saizvozvo? ‘Nekuti paiva nevanhu vaimutambudza.’ (Pis. 6:​6, 7) Kubatwa zvisina kunaka kwaaiitwa nevamwe kwaimushungurudza chaizvo zvekuti aigara achichema.

12. Sezvinotaurwa pana Pisarema 56:​8, Dhavhidhi aiva nechokwadi chei?

12 Pasinei nematambudziko aakasangana nawo, Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha aimuda. Akanyora kuti: “Jehovha achanzwa kuchema kwangu.” (Pis. 6:8) Pane imwe nguva, Dhavhidhi akataura mashoko anobaya mwoyo atinowana pana Pisarema 56:8. (Verenga.) Mashoko iwayo anoratidza kuti Jehovha anotida chaizvo uye ane hanya nemanzwiro atinoita. Dhavhidhi ainzwa sekuti Jehovha aiisa misodzi yake muhombodo kana kuti aiinyora mubhuku. Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha aiona uye aiyeuka kurwadziwa kwaaiita. Aiva nechokwadi chekuti Baba vake vekudenga vane rudo vaiziva zvaaisangana nazvo uye kuti zvaimurwadza zvakadii.

13. Kana vamwe vanhu vakatirwadzisa, tinofanira kuyeukei? (Onawo mufananidzo.)

13 Zvatinodzidza. Uri kushungurudzika nekuti mumwe munhu wawaivimba naye akakurwadzisa here? Zvimwe uri kushungurudzika nekuti munhu wawaidanana naye kana kuti wawakaroorana naye akangoerekana akusiya, kana kuti mumwe munhu waunoda akarega kushumira Jehovha. Imwe hama yakasiyiwa nemudzimai wayo akanga aita upombwe yakati: “Ndaitadza kubvuma kuti izvi ndizvo zvakanga zvaitika kwandiri. Ndakarwadziwa, ndikaita hasha, uye ndainzwa ndisingabatsiri.” Kana wakarwadziswa nemumwe munhu wawaivimba naye, nyaradzwa nekuziva kuti Jehovha haazombokusiyi. Hama iya yakati: “Ndava kuziva kuti vanhu vanogona kukurwadzisa, asi Jehovha ndiye Dombo redu. Pasinei nezvingaitika, acharamba achitibatsira. Haazombosiyi vanhu vake vakavimbika.” (Pis. 37:28) Yeukawo kuti kudiwa kwatinoitwa naJehovha, kunopfuura nekure kudiwa kwatinoitwa nevanhu. Mumwe munhu anogona kutirwadzisa, asi izvozvo hazvichinji kudiwa kwatinoitwa naJehovha. (VaR. 8:​38, 39) Yeuka pfungwa iyi inokosha: Pasinei nekuti mumwe munhu akubata sei, Baba vako vekudenga vanokuda.

Bhuku raMapisarema rinotiudza kuti Jehovha ari pedyo nevakaora mwoyo (Ona ndima 13)


14. Ivimbiso ipi yatinowana pana Pisarema 34:18?

14 Kana takarwadziswa nemumwe munhu wataivimba naye, tinogona kunyaradzwa nemashoko aDhavhidhi ari pana Pisarema 34:18. (Verenga.) Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti, “vaya vakasuruvara” vanogona kunge vari “vaya vasisina tariro.” Jehovha anobatsira sei vanhu vakadaro? Sezvinongoita mubereki ane rudo uyo anobata mwana wake achimunyaradza paanenge achirwadziwa, Jehovha “ari pedyo nesu,” anotinzwira tsitsi uye akagadzirira kutibatsira paya patinenge tarwadziswa nemumwe munhu wataivimba naye. Anoda kutinyaradza patinenge takaora mwoyo uye patinenge tichiona sekuti hatichabatsiri. Uye anoita kuti tive nezvinhu zvakawanda zvekutarisira paya patinenge tichitsungirira matambudziko edu.—Isa. 65:17.

MISODZI INOKONZERWA NEKUSHAYA TARIRO

15. Chii chakaitika kuna Hezekiya chakaita kuti acheme chaizvo?

15 Mambo Hezekiya weJudha akarwara zvakaipisisa, paakanga ava nemakore 39. Muprofita Isaya akabva amuudza mashoko aJehovha ekuti aizofa nekurwara kwaaiita. (2 Madz. 20:1) Zvaiita sekuti pakanga pasisina tariro yekuti Hezekiya aizorarama. Hezekiya akanetseka nemashoko iwayo, zvekuti akachema chaizvo. Akanyengetera achiteterera kuna Jehovha kuti amubatsire.—2 Madz. 20:​2, 3.

16. Jehovha akaita sei Hezekiya paakanyengetera kwaari achichema?

16 Jehovha paakanzwa munyengetero waHezekiya uye paakaona misodzi yake, akamunzwira tsitsi achibva ati: “Ndanzwa munyengetero wako. Ndaona misodzi yako. Ndichakuporesa.” Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akaudza Hezekiya kuti aizowedzera makore ake ekurarama uye kuti aizonunura Jerusarema kubva mumaoko evaAsiriya.—2 Madz. 20:​4-6.

17. Jehovha anotibatsira sei patinenge tichirwara zvakanyanya? (Pisarema 41:3) (Onawo mufananidzo.)

17 Zvatinodzidza. Une dambudziko reutano riri kuita serisingaperi here? Nyengetera kuna Jehovha. Achakunzwa uye achaona misodzi yako. Bhaibheri rinotiudza kuti “Baba vengoni huru uye Mwari wekunyaradza kwese” achatinyaradza pamatambudziko edu ese. (2 VaK. 1:​3, 4) Mazuva ano hatitarisiri kuti Jehovha achabvisa matambudziko edu ese, asi tine chokwadi chekuti achatinyaradza. (Verenga Pisarema 41:3.) Achishandisa mweya wake mutsvene, Jehovha achatipa simba neuchenjeri, uye achaita kuti tisanyanya kunetseka zvoita kuti tikwanise kutsungirira. (Zvir. 18:14; VaF. 4:13) Anotisimbisawo netariro yekuti mune ramangwana hapana munhu achange achirwara.—Isa. 33:24.

Jehovha achapindura minyengetero yedu nekutipa simba, uchenjeri, uye nekuita kuti tisanetseke (Ona ndima 17)


18. Ivhesi ipi inokunyaradza paunenge uri mudambudziko rakakura? (Ona bhokisi rakanzi “ Mavhesi Anotinyaradza Patinenge Tiine Matambudziko Anotichemedza.”)

18 Hezekiya akanyaradzwa nezvaakaudzwa naJehovha. Isuwo tinogona kunyaradzwa neShoko raMwari. Patinenge tichinetseka, Shoko raMwari rinogona kutinyaradza uye kutibatsira kuti tirambe takadzikama. (VaR. 15:4) Imwe hanzvadzi yekuWest Africa yaigara ichichema payakabatwa kenza. Inoti: “Ndakanyaradzwa nemashoko ari pana Isaya 26:3. Kunyange zvazvo tingasagona kupedza dambudziko redu, vhesi iyi inotibatsira kuona kuti Jehovha anotipa rugare runoita kuti tirambe takadzikama uye tigone kutsungirira.” Pane here vhesi yaungafunga inokunyaradza paunenge uri mudambudziko raunofunga kuti hariperi?

19. Tiri kutarisirei mune ramangwana?

19 Tiri kurarama mumazuva ekupedzisira, uye tinotarisira kuti zvinhu zvinoita kuti ticheme zvicharamba zvichitowedzera. Asi sezvataona pana Hana, Dhavhidhi, naMambo Hezekiya, Jehovha anoona misodzi yedu uye anorwadziwa chaizvo. Misodzi yedu inokosha chaizvo kwaari. Saka patinenge tichishungurudzika, zvinokosha chaizvo kuti tinyengetere kuna Jehovha nemwoyo wese. Ngatisambozviparadzanisa nehama nehanzvadzi dzedu dzemuungano. Uye ngatirambei tichinyaradzwa neShoko raMwari Bhaibheri. Tinogona kuva nechokwadi chekuti kana tikaramba tichitsungirira takatendeka, Jehovha achatipa mubayiro. Mubayiro iwoyo unosanganisira nguva yaachabvisa misodzi inokonzerwa nekushungurudzika, kurwadziswa nevanhu vatinovimba navo, uye inokonzerwa nekushaya tariro. (Zvak. 21:4) Tichange tava kungochema misodzi yekufara chete.

RWIYO 4 “Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”