Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 49

RWIYO 147 Upenyu Husingaperi Hwakapikirwa

Unofanira Kuitei Kuti Urarame Nekusingaperi?

Unofanira Kuitei Kuti Urarame Nekusingaperi?

‘Munhu wese anobvuma Mwanakomana otenda maari achawana upenyu husingaperi.’JOH. 6:40.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti vakazodzwa uye vemamwe makwai vanobatsirwa sei nechibayiro chaJesu Kristu.

1. Nei vanhu vakawanda vachifunga kuti hazviiti kuti munhu ararame nekusingaperi?

 VANHU vakawanda vanongwarira zvavanodya uye vanoedza kugara vachiita maekisesaizi kuti varambe vaine utano hwakanaka. Asi vanoziva kuti kuita izvozvo hakuiti kuti varege kuchembera uye kufa. Vanotoona zvisingatomboiti kuti munhu ararame nekusingaperi. Asi Jesu akataura kuti zvinokwanisika kuti vanhu ‘vararame nekusingaperi,’ sezvinoratidzwa pana Johani 3:16 uye 5:24.

2. Johani chitsauko 6 inoti kudii nezveupenyu husingaperi? (Johani 6:​39, 40)

2 Rimwe zuva, Jesu akaita chishamiso chekupa zviuru zvevanhu chingwa nehove. a Asi zvaakazotaura mangwana acho, zvaitovhundutsa. Vanhu vakawanda vakanga vamutevera kuKapenaume, pedyo nemahombekombe eGungwa reGarireya, kwaakavaudza kuti vanhu vanogona kumutswa vorarama nekusingaperi. (Verenga Johani 6:​39, 40.) Funga kuti izvozvo zvinorevei kuhama neshamwari dzako dzakafa. Zvakataurwa naJesu zvinoratidza kuti vanhu vakawanda vakafa vanogona kumutswa uye kuti iwe nehama neshamwari dzako munogona kurarama nekusingaperi muchifara. Asi vanhu vakawanda vanoomerwa nekunzwisisa mashoko akataurwa naJesu ari muna Johani chitsauko 6. Ngatinyatsoongororai zvaakataura.

3. Maererano naJohani 6:​51, Jesu akatii nezvake?

3 Pashure pekunge Jesu aita chishamiso chekupa vanhu vakawanda zvekudya, vanhu ivavo vakatanga kufunga nezvemana iyo yainge yapiwa vaIsraeri naJehovha pavaiva murenje. Bhaibheri rinototi mana iyoyo “chingwa chaibva kudenga.” (Pis. 105:40; Joh. 6:31) Jesu akabva ataura zvimwe zvinhu zvaizivikanwa nevanhu ava nezvemana kuti avadzidzise chimwe chinhu chinokosha chaizvo. Kunyange zvazvo Mwari akanga aita chishamiso chekupa vanhu mana, vaya vakaidya vakazongofa. (Joh. 6:49) Kusiyana nemana iyi, Jesu akati iye ndiye “chingwa chechokwadi chinobva kudenga,” “chingwa chaMwari,” uye “chingwa cheupenyu.” (Joh. 6:​32, 33, 35) Jesu akataura musiyano mukuru uri pakati pake nemana. Akati: “Ndini chingwa chipenyu chakabva kudenga. Kana munhu akadya chingwa ichi achararama nekusingaperi.” (Verenga Johani 6:51.) Izvi zvakavhiringidza vaJudha ivavo. Vakatadza kunzwisisa kuti nei Jesu aizviti akabva kudenga ‘sechingwa’ chinokosha kupfuura mana iyo yakanga yapiwa madzibaba avo naMwari. Jesu akabva avaudza kuti: “Chingwa chandichapa inyama yangu.” Angangodaro airevei? Tinofanira kunzwisisa izvi nekuti mhinduro yacho inotibatsira kuona kuti zvinoita kuti isu nehama neshamwari dzedu tikwanise kurarama nekusingaperi. Ngationei zvairehwa naJesu.

CHINGWA CHIPENYU UYE NYAMA YAKE

4. Nei vamwe vanhu vakavhundutswa nezvakataurwa naJesu?

4 Vamwe vainzwa zvakataurwa naJesu vakavhunduka paakataura kuti aizopa ‘nyama yake kuti nyika iwane upenyu.’ Zvimwe vakafunga kuti aitoda kuti vadye nyama yake chaiyo. (Joh. 6:52) Jesu akabva atotaura zvimwe zvinhu zvakaita kuti vawedzere kuvhiringidzika achiti: “Kana mukasadya nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.”—Joh. 6:53.

5. Nei tiine chokwadi chekuti Jesu aisareva kuti vanhu vaifanira kunwa ropa rake?

5 Mumazuva aNoa, Mwari akarambidza vanhu kudya ropa. (Gen. 9:​3, 4) Jehovha akarayirawo vaIsraeri kuti vasadye ropa. Munhu wese aidya ropa ‘aifanira kuurayiwa.’ (Revh. 7:​27, mashoko emuzasi) Jesu akadzidzisawo vaJudha kuti vaite zvaiva muMutemo waMozisi. (Mat. 5:​17-19) Saka Jesu aisazomboudza vaJudha ivavo kuti vadye nyama yake kana kunwa ropa rake. Asi nemashoko iwayo, Jesu aida kudzidzisa vanhu kuti vangaitei kuti vawane “upenyu husingaperi.”—Joh. 6:54.

6. Tinofanira kunzwisisa sei zvakataurwa naJesu nezvekudya nyama yake uye kunwa ropa rake?

6 Jesu airevei? Zviri pachena kuti zvaaitaura zvine zvazvaifananidzira, kungofanana nezvaakanga amboita paakaudza mukadzi muSamariya kuti: “Munhu wese anonwa mvura yandichamupa haazonzwizve nyota, asi mvura yandichamupa ichava chitubu chemvura chiri maari chinotubuka chichipa upenyu husingaperi.” (Joh. 4:​7, 14) b Jesu akanga asiri kureva kuti mukadzi uyu muSamariya aizowana upenyu husingaperi nekungonwa mvura chaiyo. Saka paaitaura nevanhu vaiva muKapenaume, aisarevawo kuti kana vakadya nyama yake uye kunwa ropa rake vaizorarama nekusingaperi.

PAMWE PAKASHANDISWA NAJESU MASHOKO AKADA KUFANANA NEAAINGE AMBOTAURA

7. Vamwe vanhu vanoti kudii nezvakataurwa naJesu pana Johani 6:53?

7 Vamwe vanhu vezvitendero vanoti zvakataurwa naJesu pana Johani 6:53 nezvekudya nyama yake uye kunwa ropa rake zvinoratidza zvinofanira kuitwa paKudya kwaShe Kwemanheru, nekuti pachiitiko ichi, akashandisa mashoko akada kufanana neaainge ambotaura ari pavhesi iyoyo. (Mat. 26:​26-28) Vanoti munhu wese anenge aripo paKudya kwaShe Kwemanheru anofanira kudya chingwa uye kunwa waini zvinenge zvichipfuudzwa. Asi izvi ndezvechokwadi here? Zvinokosha kuti tiongorore kana zvavanotaura zviri zvechokwadi nekuti gore negore mamiriyoni evanhu pasi rese anoungana nesu pachiitiko ichocho. Tichaona misiyano iri pakati pezvakataurwa pana Johani 6:53 nezvakataurwa naJesu paKudya kwaShe Kwemanheru.

8. Misiyano ipi iri pazviitiko zviviri zvatiri kukurukura nezvazvo? (Onawo mifananidzo.)

8 Ngationei misiyano miviri yezviitiko izvi. Chekutanga, Jesu akataura mashoko ari pana Johani 6:​53-56 riini uye kupi? Akataura mashoko aya kuvaJudha vaiva muGarireya muna 32 C.E. Pakanga pachiine rinenge gore asati atanga Kudya kwaShe Kwemanheru muJerusarema. Chechipiri, mashoko aya aiudzwa ani? Vateereri vake vakawanda avo vaiva muGarireya vainyanya kufunga nezvekugutswa nezvinhu zvavaida pakurarama kupfuura kugutswa nezvinhu zvine chekuita nekunamata. (Joh. 6:26) Jesu paakataura chimwe chinhu chainge chakavaomera kunzwisisa, vakabva varega kutenda maari. Kunyange vamwe vadzidzi vake vakarega kumutevera. (Joh. 6:​14, 36, 42, 60, 64, 66) Ona musiyano wezvakaitika pachiitiko ichi nezvakazoitika pashure perinenge gore muna 33 C.E., Jesu paaiva nevaapostora vake 11 vakatendeka paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru. Pachiitiko ichocho, vaapostora vake vaiva naye kunyange zvazvo vaisanyatsonzwisisa zvese zvaaidzidzisa. Asi kusiyana nevanhu vakawanda vemuGarireya, vaapostora vaJesu vakatendeka vaiva nechokwadi chekuti Jesu aiva Mwanakomana waMwari uyo akabva kudenga. (Mat. 16:16) Akavaudza kuti: “Imi ndimi makaramba muineni mumiedzo yangu.” (Ruka 22:28) Misiyano miviri iyi chete inoratidza kuti pana Johani 6:53 Jesu akanga asiri kuedza kutsanangura zvaizoitika paKudya kwaShe Kwemanheru. Uye pane humwe uchapupu huripo hunoratidza kusiyana kwezviitiko izvi.

Johani chitsauko 6 inoratidza zvakataurwa naJesu kuvaJudha vakawanda vaiva muGarireya (kuruboshwe). Pashure pegore akataura kuvaapostora vake 11 muJerusarema (kurudyi) (Ona ndima 8)


ZVAKATAURWA NAJESU ZVINOKUBATSIRA SEI?

9. Mashoko aJesu aakataura paKudya kwaShe Kwemanheru anoshanda kuboka ripi?

9 Jesu paaiita Kudya kwaShe Kwemanheru, akapa vaapostora vake chingwa chisina mbiriso uye akavaudza kuti chinomiririra muviri wake. Akabva avapa waini akataura kuti yaimiririra “ropa resungano.” (Mako 14:​22-25; Ruka 22:20; 1 VaK. 11:24) Zvaakataura nezvesungano iyi zvinokosha chaizvo. Akaiti “sungano itsva” uye sungano iyi iri pakati paJehovha ‘neimba yaIsraeri,’ kureva vaya chete vachatonga naJesu “muUmambo hwaMwari.” (VaH. 8:​6, 10; 9:15) Vaapostora havana kunzwisisa izvi panguva iyoyo, asi vaizozodzwa nemweya mutsvene vova musungano itsva kuti vave pamwe chete naJesu kudenga.—Joh. 14:​2, 3.

10. Ndeupi mumwe musiyano uri pakati pezvakataurwa naJesu paKudya kwaShe Kwemanheru nezvaakataura muGarireya? (Onawo mufananidzo.)

10 Zvakataurwa naJesu paKudya kwaShe Kwemanheru zvinoshanda ‘kuboka diki’ revanhu. Boka iroro rakatanga nevaapostora vakatendeka vaiva naJesu mumba paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru. (Ruka 12:32) Vaapostora ivavo nevamwe vaizova muboka diki iri ndivo vaifanira kudya chingwa nekunwa waini paKudya kwaShe Kwemanheru. Ndivo vachava pamwe chete naJesu kudenga. Zvaakataura kuvaapostora vake pachiitiko ichi zvinosiyana nezvaakataura kuvanhu vakawanda muGarireya, paaitaura achifunga nezvevanhu vazhinji.

Vaya vanodya chingwa nekunwa waini iboka diki, asi munhu wese anogona kutenda muna Jesu owana upenyu husingaperi (Ona ndima 10)


11. Zvakataurwa naJesu muGarireya zvinoratidza sei kuti akanga asiri kutaura nezvevanhu vashoma?

11 Jesu paaiva muGarireya muna 32 C.E., akanga achinyanya kutaura nevaJudha vaida kuti avape chingwa. Asi akavabatsira kuti vafunge nezvechimwe chinhu chinokosha kupfuura chingwa, icho chaizoita kuti vakwanise kurarama nekusingaperi. Uye Jesu akataura kuti vaya vanofa vanogona kumutswa pazuva rekupedzisira vorarama nekusingaperi. Akanga asiri kutaura nezvevanhu vashoma, sezvaakazoita paKudya kwaShe Kwemanheru. Asi paaiva kuGarireya aitaura nezvekukomborerwa kwaigona kuitwa vanhu vese. Akatotaura kuti: “Kana munhu akadya chingwa ichi achararama nekusingaperi . . . Chingwa chandichapa inyama yangu kuti nyika iwane upenyu.”—Joh. 6:51. c

12. Tinofanira kuitei kuti tiwane makomborero akataurwa nezvawo naJesu?

12 Jesu haana kuudza vaJudha vaiva muGarireya kuti munhu wese aivapo kana kuti aizoberekwa aitozokomborerwa. Vaya chete ‘vaidya chingwa ichi,’ kureva vaya vanotenda muna Jesu, ndivo vaizokomborerwa. Vanhu vakawanda mazuva ano vanoti ‘vanotenda muna Jesu’ uye vanoti ndiye muponesi wavo, asi pane zvimwe zvavanofanira kuita. (Joh. 6:29) Vakawanda vaiva muGarireya avo vaimbotenda muna Jesu vakarega kutenda maari. Nei vakarega kutenda maari?

13. Munhu anofanira kuitei kuti ave mudzidzi waJesu wechokwadi?

13 Chikonzero chaiita kuti vanhu vakawanda vatevere Jesu ndechekuti aivapa zvavaida. Vaida kuti avaporese, avape zvekudya, uye avaudze zvinhu zvavaida kunzwa. Asi Jesu akaratidza kuti izvozvo handizvo zvega zvinodiwa kuti munhu ave mudzidzi wake wechokwadi. Chinangwa chake chekuuya panyika chaisangova chekuitira vanhu zvavaida. Vaifanira ‘kuenda kwaari’ izvo zvinoreva kuti vaifanira kuteerera zvese zvaaidzidzisa.—Joh. 5:40; 6:44.

14. Tinofanira kuitei kuti tiwane upenyu husingaperi?

14 Jesu akavadzidzisa kuti vaifanira kuva nekutenda. Vaifanira kuva nekutenda pachii? Kutenda kuti kufa kwaizoita Jesu achibvuma kurasikirwa nenyama yake uye neropa rake kwaizoita kuti vakwanise kurarama nekusingaperi. Kutenda kwakadaro kwaikosha kuvaJudha ivavo uye kuchiri kukoshawo mazuva ano. (Joh. 6:40) Saka zvakataurwa naJesu pana Johani 6:53 zvinoratidza kuti tinofanira kuva nekutenda murudzikinuro kuti tiwane upenyu husingaperi. Vanhu vakawanda vanogona kuwana makomborero iwayo.—VaEf. 1:7.

15-16. Zvinhu zvipi zvinokosha zvatadzidza muchitsauko 6 chaJohani?

15 Zvinotaurwa muna Johani chitsauko 6 zvinokosha chaizvo kwatiri uye kuhama neshamwari dzedu. Zvinoratidza pachena kuti Jesu anoda vanhu. Paaiva muGarireya, akaporesa vairwara, akadzidzisa nezveUmambo, uye akava nechokwadi chekuti vanhu vawana zvekudya zvakakwana. (Ruka 9:11; Joh. 6:​2, 11, 12) Chinonyanya kukosha ndechekuti akadzidzisa kuti ndiye “chingwa cheupenyu.”—Joh. 6:​35, 48.

16 Vaya vaakadana kuti “mamwe makwai” havadyi chingwa nekunwa waini panoitwa Kudya kwaShe Kwemanheru gore negore uye havafaniri kudaro. (Joh. 10:16) Kunyange zvakadaro, vanobatsirwa nenyama uye neropa raJesu Kristu. Izvi zvinoitika pavanova nekutenda muchibayiro cherudzikinuro chaKristu. (Joh. 6:53) Asi vaya vanofanira kudya chingwa nekunwa waini vanenge vachiratidza kuti vakapinda musungano itsva uye vane tariro yekutonga muUmambo hwekudenga. Saka pasinei nekuti tiri vakazodzwa kana kuti vemamwe makwai, zvinotaurwa muchitsauko 6 chaJohani zvinokosha chaizvo kwatiri. Zvinotibatsira kuona kuti tinofanira kuva nekutenda kuti tiwane upenyu husingaperi.

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

a Johani 6:​5-35 yakakurukurwa munyaya yakapfuura.

b Mvura yakataurwa nezvayo naJesu inomiririra zvese zvakaitwa naJehovha uye zvaari kuita kuitira kuti vanhu vararame nekusingaperi.

c Muna Johani chitsauko 6 makashandiswa mashoko anogona kunyorwa achinzi “wese” uye “munhu wese” panenge pachitaurwa nezvevaya vanogona kurarama nekusingaperi.—Joh. 6:​35, 40, 47, 54, 56-58.