NYAYA YEKUDZIDZA 50
RWIYO 135 Chikumbiro chaJehovha Cherudo: “Mwanangu, Iva Akachenjera”
Vabereki—Batsirai Mwana Wenyu Kuti Asimbise Kutenda Kwake
“Muzive mega kuda kwaMwari kwakanaka kwaanogamuchira uye kwakakwana.”—VAR. 12:2.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza mazano anobatsira vabereki kuti vadzidze kukurukura nevana vavo zvakanaka vachivabatsira kuti vasimbise kutenda kwavo muna Mwari uye vawedzere kuvimba neBhaibheri.
1-2. Vabereki vanofanira kuita sei mwana wavo paanovabvunza mibvunzo ine chekuita nezvatinotenda?
VAKAWANDA vanobvuma kuti kurera vana kunoda kushanda nesimba. Kana uri mubereki, tinokutenda chaizvo nekushanda nesimba kwauri kuita kuti usimbise kutenda kwemwana wako. (Dheut. 6:6, 7) Mwana wako paanenge achikura anogona kutanga kuva nemibvunzo pamusoro pezvatinotenda uye pamararamiro atinoita tichitevedzera zviri muBhaibheri.
2 Pakutanga unogona kumbonetseka nezvinobvunzwa nemwana wako. Unogona kuona sekuti mibvunzo iyoyo inoratidza kuti kutenda kwake kwava kudzikira. Asi chokwadi ndechekuti vana pavanenge vachikura vanofanira kubvunza mibvunzo kuti vave nechokwadi nezvavanotenda. (1 VaK. 13:11) Saka haufaniri hako kutya. Unogona kuona mibvunzo inobvunzwa nemwana wako pamusoro pezvatinotenda semikana yekumubatsira kuti adzidze kudzamisa pfungwa.
3. Tichakurukurei munyaya ino?
3 Munyaya ino tichakurukura kuti vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti (1) vave nechokwadi nezvavanotenda, (2) vaone kubatsira kwazvinoita kuteerera zviri muBhaibheri, uye (3) vadzidze kutsanangurira vamwe zvavanotenda. Tichaonawo kuti nei zvakanaka kuti vana vabvunze mibvunzo uye tichakurukura zvingaitwa nevabereki kuti vawane mikana yekutaura zvatinotenda nevana vavo.
BATSIRAI MWANA WENYU KUTI AVE NECHOKWADI NEZVAANOTENDA
4. Mwana angava nemibvunzo ipi, uye nemhaka yei?
4 Vabereki vechiKristu vanoziva kuti mwana haaberekwi achitenda muna Mwari. Imi hamuna kuberekwa muchitenda muna Jehovha. Ndozvazviriwo nemwana wenyu. Mwana paanenge achikura anogona kuva nemibvunzo yakaita seiyi: ‘Ndinoziva sei kuti Mwari ariko? Zvinotaurwa neBhaibheri ichokwadi here?’ Bhaibheri rinototikurudzira kuti tishandise “pfungwa” dzedu uye tive “nechokwadi nezvinhu zvese.” (VaR. 12:1; 1 VaT. 5:21) Asi mungabatsira sei mwana wenyu kuti asimbise kutenda kwake?
5. Vabereki vangabatsira sei mwana wavo kuti asvike pakuzvionera ega kuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi? (VaRoma 12:2)
5 Kurudzirai mwana wenyu kuti asvike pakuzvionera ega kuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi. (Verenga VaRoma 12:2.) Kana mwana wenyu akabvunza mibvunzo, mubatsirei kuti adzidze kutsvaga mhinduro dzacho muchishandisa zvinhu zvatinoshandisa pakutsvakurudza, zvakadai seWatch Tower Publications Index, Raibhurari yeWatchtower, uye Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Mubhuku iri, anogona kuenda pamusoro wenyaya wakanzi “Bhaibheri,” otarisa pakanzi “Rakafuridzirwa naMwari” kuti aone uchapupu hunoratidza kuti Bhaibheri harisingori bhuku rakanaka rakanyorwa nevanhu asi ‘ishoko raMwari.’ (1 VaT. 2:13) Semuenzaniso, anogona kutsvakurudza mumabhuku edu nezveguta rekare revaAsiriya rainzi Ninivhi. Kare, vamwe vanhu vaiongorora Bhaibheri vaitaura kuti guta reNinivhi harina kumbobvira ravako. Asi pakazosvika makore ekuma1850, pakawanikwa matongo ainge akafushirwa eguta iri, zvichiratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi. (Zef. 2:13-15) Kana mwana wenyu achida kuona nezvekuzadzika kweuprofita hwekuparadzwa kweNinivhi, anogona kuverenga nyaya yakanzi “Waizviziva Here?” muNharireyomurindi yaNovember 2021. Kana akaenzanisa zvaanodzidza mumabhuku edu nezvinotaurwa nemamwe mabhuku anovimbwa nawo, kutenda kwake kuchawedzera kusimba uye achava nechokwadi nezvinotaurwa neBhaibheri.
6. Vabereki vangabatsira sei mwana wavo kuti aone uchapupu hunoratidza kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi? Taura muenzaniso. (Onawo mufananidzo.)
6 Batsirai mwana wenyu kuti aone uchapupu hunoratidza kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi. Vabereki vane mikana yakawanda yekukurukura nevana vavo nezveBhaibheri kana kuti nezvekutenda muna Mwari. Vanogona kudzidzisa vana vavo nezvezvinhu izvi pavanoshanyira nzvimbo dzakadai semamiziyamu, mapaki, uye mahofisi eZvapupu zvaJehovha. Semuenzaniso, munogona kuratidza mwana wenyu chimwe chinhu kana kumubatsira kuona kuti zvimwe zvinhu zvakaitika kare zvinoratidza sei kuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi. Munogona kudzidzisa mwana wenyu nezveDombo reMoabhi. Dombo iri rava nemakore 3 000 ranyorwa uye zita raMwari rakanyorwawo ipapo. Dombo racho riri mumiziyamu inonzi Louvre iri muParis, kuFrance. Uyewo mumiziyamu inonzi “Bhaibheri Uye Zita raMwari” iri kuMahofisi Makuru eZvapupu zvaJehovha kuWarwick, New York, mune dombo rakavezwa pachitevedzerwa zvakaita Dombo reMoabhi. Padombo iri pane mashoko anoratidza kuti Mambo Mesha weMoabhi akapandukira vaIsraeri. Izvi zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri. (2 Madz. 3:4, 5) Mwana wenyu paanoona uchapupu hunoratidza kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi, kutenda kwake kunowedzera kusimba.—Enzanisa na2 Makoronike 9:6.
7-8. (a) Tinodzidzei pamapatani akazonaka atinoona pazvinhu zvakasikwa? Taura muenzaniso. (Onawo mufananidzo.) (b) Mubvunzo upi unogona kubatsira mwana wenyu kuti asimbise kutenda kwake muna Mwari?
7 Batsirai mwana wenyu kuti afunge nezvezvinhu zvakasikwa naJehovha. Pamunenge muchifamba zvenyu nemwana wenyu kana kuti muri mugadheni, mubatsirei kuona mapatani anoshamisa ari pane zvimwe zvinhu zviri panyika. Izvi zvinoita kuti aone kuti pane Musiki ane uchenjeri akaita kuti zvinhu izvi zvivepo. Pane zvinhu zvakawanda zvatinoona zvine patani inoita kakutenderera sezviri kuratidzwa pamifananidzo inoenderana nendima 7 ne8. Masaindisti ava nemakore akawanda achiongorora zvakaita mapatani aya. Mapatani iwayo anooneka pazvinhu zvakawanda, zvakadai sepamapoka enyeredzi, pamatemhe edzimwe hozhwa dzemumvura, pamashizha uye pachimusoro chesunflower. a Mumwe musaindisti anonzi Nicola Fameli akataura kuti kana ukaongorora magadzirirwo akaitwa zvinhu izvi, unoona kuti zvine mapatani akafanana. Masaindisti anoisa manhamba pamapatani aya, uye manhamba iwayo anovabatsira pakuongorora kwavanenge vachiita zvimwe zvinhu. Manhamba acho vanoashevedza kuti Fibonacci.
8 Mwana wenyu paanenge achidzidza zvimwe zvinhu zvakawanda zvesainzi kuchikoro, anotanga kuona mapatani ari pane zvimwe zvinhu. Semuenzaniso, miti yakawanda yakafanana pamakuriro ainoita. Ine hunde, mapazi, uye tumapazi tudiki. Pane zvimwewo zvinhu zvakawanda zvine kufanana kwazvakaita. Asi ndiani akagadzira zvinhu izvi zvinoshamisa kudaro? Mwana wenyu paanofungisisa nezvekushamisa kunoita zvinhu zvaanoona, anogona kupedzisira ava kunyatsobvuma kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvese. (VaH. 3:4) Mwana wenyu paanenge achikura munogona kumubvunza kuti, “Kana Mwari ari iye akatisika, anoziva here mararamiro atinofanira kuita kuti tifare?” Munogona kubva mamutsanangurira kuti Mwari akatipa Bhaibheri kuti ritibatsire kuziva zvatinofanira kuita kuti tifare.
BATSIRAI MWANA WENYU KUTI ANZWISISE ZVAKANAKIRA KUTEERERA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
9. Chii chinogona kuita kuti mwana wenyu ave nemibvunzo nezvezvinotaurwa neBhaibheri kuti zvakaipa?
9 Dzimwe nguva mwana wenyu anogona kuva nemibvunzo pane zvinotaurwa neBhaibheri kuti zvakaipa. Edzai kunzwisisa chiri kuita kuti ave nemibvunzo iyoyo. Inyaya yekuti haasi kubvuma zvinotaurwa neBhaibheri here kana kuti haasi kuziva kuti otsanangura sei zvaanotenda kune vamwe vake? Pasinei nechikonzero chacho, munogona kumubatsira kuti anzwisise zvakanakira kuteerera mitemo yaJehovha nekudzidza naye bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! b
10. Mungabatsira sei mwana wenyu kuti ave neushamwari hwepedyo naJehovha?
10 Batsirai mwana wenyu kuti ave neushamwari hwepedyo naJehovha. Pamunenge muchidzidza Bhaibheri nemwana wenyu, shandisai mibvunzo uye mifananidzo iri mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! kuti munzwisise mafungiro emwana wenyu. (Zvir. 20:5) Semuenzaniso, chidzidzo 8 chebhuku iri chinotiudza kuti Jehovha akafanana neshamwari yakanaka inotiudza zvinhu zvinoita kuti tisapinda munjodzi uye zvinotibatsira. Pamunenge makurukura 1 Johani 5:3, munogona kumubvunza kuti, “Sezvo tava kuziva kuti Jehovha iShamwari yakanaka zvakadaro, tinofanira kuona sei zvaanotiudza kuti tiite?” Uyu unogona kuita semubvunzo uri nyore, asi kuubvunza mwana wenyu kunomubatsira kuti aone kuti mitemo yatinopiwa naJehovha inoratidza kuti anotida.—Isa. 48:17, 18.
11. Mungabatsira sei mwana wenyu kuona kuti zvakanakirei kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri? (Zvirevo 2:10, 11)
11 Kurukurai nemwana wenyu kuti zvakanakirei kuteerera zvinodzidziswa neBhaibheri. Pamunenge muchiverenga Bhaibheri kana kuti rugwaro rwezuva, kurukurai kuti zvinodzidziswa neBhaibheri zviri kubatsira sei mhuri yenyu. Semuenzaniso, mwana wenyu anoona kubatsira kwazvinoita here kushanda nesimba uye kuva akatendeseka? (VaH. 13:18) Munogona kumubatsirawo kuona kuti kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri kunomubatsira sei kuti ave neutano hwakanaka uye afare. (Zvir. 14:29, 30) Kukurukura zvinhu zvakadai kunogona kubatsira mwana wenyu kuti awedzere kukoshesa zvinotaurwa neBhaibheri.—Verenga Zvirevo 2:10, 11.
12. Vamwe baba vanobatsira sei mwana wavo kuti aone zvakanakira kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri?
12 Vamwe baba vekuFrance vanonzi Steve, vanotsanangura kuti ivo nemudzimai wavo vari kubatsira sei mwana wavo anonzi Ethan, ane makore 16 kuti aone kuti mitemo yaJehovha inoratidza kuti anotida. Vanoti: “Tinomubvunza mibvunzo yakadai seyekuti, ‘Nei Jehovha achida kuti titeerere mitemo yake? Izvi zvinoratidza sei kuti anotida? Chii chinogona kuitika kana ukarega kuteerera mitemo yake?’” Kukurukura seizvi kuri kubatsira Ethan kuti ave nechokwadi chekuti zvinotaurwa naJehovha zvakanaka. Steve anowedzera kuti: “Chinangwa chedu ndechekubatsira Ethan kuti aone kuti muBhaibheri mune huchenjeri hunopfuura hwevanhu nekure.”
13. Vabereki vangadzidzisa sei mwana wavo kuti ashandise zvinotaurwa neBhaibheri? Taura muenzaniso.
13 Dzidzisai mwana wenyu kuti ashandise zvinotaurwa neBhaibheri. Ngatitii mwana wenyu apiwa bhuku kuchikoro raari kutofanira kuverenga. Vanhu vanotaurwa mubhuku racho vanogona kunge vachiita zvinhu zvakadai seupombwe uye kurwisana, asi zvichitaurwa sekuti hazvina kumboipa. Munogona kubatsira mwana wenyu kuti afunge zvinoitwa nevanhu ivavo achizvienzanisa nezvinotaurwa neBhaibheri. (Zvir. 22:24, 25; 1 VaK. 15:33; VaF. 4:8) Kuita izvi kunogona kubatsira mwana wenyu kuti aone kuti zvakanaka kuteerera Jehovha. Uye kana mudzidzisi wake kana kuti vamwe vana vekuchikoro vakada kunzwa kuti anoti kudii nezvebhuku iri, achakwanisa kutsanangura zvaanotenda.
BATSIRAI MWANA WENYU KUTI ADZIDZE KUTSANANGURA ZVAANOTENDA
14. Inyaya ipi inogona kuomera muKristu wechidiki kuti atsanangure nezvayo, uye nei zvichimuomera?
14 Dzimwe nguva vechidiki vanozeza kuudza vamwe vavo zvavanotenda. Vanogona kutanga kutya kana vakabvunzwa kuti nei vasingabvumi kuti zvinhu zvakaita zvekushanduka. Chinoita kuti vatye ndechekuti vadzidzisi vavo vanogona kutaura zvinhu izvozvo nenzira inoita kuti zviite sezvechokwadi. Kana uri mubereki ungabatsira sei mwana wako kuti anyatsova nechokwadi nezvaanotenda?
15. Chii chingabatsira wechidiki kuti awedzere kuva nechokwadi nezvaanotenda?
15 Batsirai mwana wenyu kuti awedzere kuva nechokwadi nezvaanotenda. Mwana wenyu haafaniri kunyara nekutenda kwaanoita kuti zvinhu zvakasikwa. (2 Tim. 1:8) Nei asingafaniri kunyara? Masaindisti akawanda anobvuma kuti zvinhu zvipenyu hazvina kungoerekana zvavapo zvega. Anoona uchapupu hunoratidza kuti pane akasika zvinhu zvese izvi zvakasiyana-siyana uye zvinoshamisa. Saka izvozvo zvinoita kuti masaindisti iwayo asabvume dzidziso yekuti zvinhu zvakaita zvekushanduka inowanzodzidziswa kuzvikoro. Mwana wenyu anogona kusimbisa kutenda kwake nekuongorora zvikonzero zvakaita kuti dzimwe hama nehanzvadzi dzibvume kuti zvinhu zvakaita zvekusikwa. c
16. Vabereki vangabatsira sei mwana wavo kuti agone kutsanangurira vamwe kuti nei achitenda kuti kune Musiki? (1 Petro 3:15) (Onawo mufananidzo.)
16 Batsirai mwana wenyu kuti agone kutsanangurira vamwe kuti nei achitenda kuti kune Musiki. (Verenga 1 Petro 3:15.) Munogona kuverenga nemwana wenyu nyaya dzinogara dzichibuda pajw.org dzakanzi “Vechidiki Vanobvunza Kuti—Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?” Ibvai maita kuti mwana wenyu asarudze pfungwa dzaanoda kuzoshandisa kutsanangurira vamwe kuti kune Musiki, mobva madzikurukura. Muyeuchidzei kuti haafaniri hake kuitisana nharo nevamwe vaanodzidza navo kuchikoro. Mudzidzisei kuti angataura sei nevaya vanenge vachida kuteerera nenzira iri nyore uye achitaura zvikonzero zvine musoro. Ngatitii mumwe mwana wekuchikoro kwavo anoti: “Ini ndinongotenda zvinhu zvandinoona chete, Mwari handisati ndambomuona.” Anogona kumupindura achiti: “Ngatitii uri kufamba musango kure nekunogara vanhu wobva wangoona mugodhi wakanyatsovakirirwa. Unofungei? Kana zviri pachena kuti pane akachera mugodhi iwoyo, haufungiwo here kuti zvinhu zvese izvi zviripo zvine akazvigadzira?”
17. Vabereki vangabatsira sei mwana wavo kuti atsvage mikana yekuudza vamwe zviri muBhaibheri? Taura muenzaniso.
17 Batsirai mwana wenyu kuti atsvage mikana yekuudza vamwe zviri muBhaibheri. (VaR. 10:10) Munogona kumuudza kuti zvaanoedza kuita kuti audze vamwe chokwadi chiri muBhaibheri zvakafanana nekudzidzira kuridza gitare. Munhu ari kudzidzira gitare anogona kutanga nekudzidza kuridza mimhanzi iri nyore. Anozowedzera unyanzvi hwake nekufamba kwenguva. Izvi ndizvo zvinogona kuitwawo nemuKristu wechidiki. Anogona kutanga nenzira dziri nyore paanenge achiudza vamwe zvaanotenda. Anogona kubvunza mumwe wekuchikoro kwake kuti: “Unozviziva here kuti mainjiniya anowanzogadzira zvinhu achitevedzera zvinhu zvipenyu zviripo? Imboona vhidhiyo iyi.” Paanenge amuratidza vhidhiyo iri pakanzi Zvakangoitika Zvega Here?, anogona kumubvunza kuti: “Kana musaindisti achirumbidzwa nekuti agadzira chimwe chinhu achitevedzera chimwe chinhu chipenyu, ko kuzoti akaita kuti pave nechinhu chipenyu chacho?” Nzira iyi iri nyore uye inogona kuita kuti wechidiki ade kudzidza zvakawanda nezvaJehovha.
RAMBAI MUCHIBATSIRA MWANA WENYU KUTI ASIMBISE KUTENDA KWAKE
18. Vabereki vangabatsira sei mwana wavo kuti asimbise kutenda kwake muna Mwari?
18 Tiri kurarama munyika yakazara vanhu vasingatendi muna Jehovha. (2 Pet. 3:3) Saka imi vabereki pamunenge muchidzidza Bhaibheri nemwana wenyu, mukurudzirei kudzidza nyaya dzinowedzera kukoshesa kwaanoita Shoko raMwari uye mitemo yake. Mubatsirei kuti asimbise kutenda kwake muna Jehovha muchishandisa zvinhu zvakasikwa. Mubatsirei kunzwisisa uprofita huri muBhaibheri hwakatozadziswa kare. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti munyengetere nemwana wenyu uye mumunyengeterere. Kana mukadaro, munogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakomborera zvese zvamuri kuedza kuita pakubatsira mwana wenyu kuti asimbise kutenda kwake.—2 Mak. 15:7.
RWIYO 133 Namatai Jehovha Muchiri Vadiki
a Unogona kuwana mamwe mashoko muvhidhiyo iri pajw.org inonzi The Wonders of Creation Reveal God’s Glory.
b Kana kuri kuti mwana wenyu akapedza kudzidza bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! munogona kudzokorora naye zvikamu 3 ne4 zvinotibatsira kuona zvakanakira kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri.
c Ona nyaya yakanzi “Why We Believe in a Creator” iri muAwake!, yaSeptember 2006, uye bhurocha rinonzi The Origin of Life—Five Questions Worth Asking. Kana muchida kuziva zvimwe, onai mavhidhiyo ari pajw.org akanzi Zvinotaurwa Nevamwe Nezvekwakabva Upenyu.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO Peji 18: MuKristu wechidiki ari kuratidza mumwe wake waanodzidza naye kuchikoro vhidhiyo iri pachikamu chakanzi “Zvakangoitika Zvega Here?”