Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAUNOGONA KUDZIDZA

Vanhu Vakatendeka Vanozadzisa Mhiko Dzavo

Vanhu Vakatendeka Vanozadzisa Mhiko Dzavo

Verenga Vatongi 11:​30-40 udzidze nezvekuzadzisa mhiko panyaya yaJefta nemwanasikana wake.

Ongorora zvimwe zvine chekuita nenyaya yacho. VaIsraeri vakatendeka vaiona sei mhiko dzaiitwa kuna Jehovha? (Num. 30:2) Jefta nemwanasikana wake vakaratidza sei kuti vaiva nekutenda muna Jehovha?—Vat. 11:​9-11, 19-24, 36.

Wedzera kuongorora. Jefta anofanira kunge aifunga nezvei paakaita mhiko yake? (w16.04 7 ¶12) Jefta nemwanasikana wake vakabvuma kurasikirwa nei kuti azadzise mhiko yake? (w16.04 7-8 ¶14-16) Mazuva ano vaKristu vanogona kuita mhiko dzipi?—w17.04 5-8 ¶10-19.

Funga kuti ungashandisa sei zvaunenge wadzidza. Zvibvunze kuti:

  • ‘Chii chingandibatsira kuti ndiite zvinoenderana nemhiko yangu yekuzvitsaurira?’ (w20.03 13 ¶20)

  • ‘Zvii zvandingasarudza kurasikirwa nazvo kuti ndiitire Jehovha zvakawanda?’

  • ‘Chii chingandibatsira kuti ndirambe ndakatendeka kumhiko yandakaita yemuchato?’ (Mat. 19:​5, 6; VaEf. 5:​28-33)