Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

“Ngirozi dzakasarudzwa” dzinotaurwa pana 1 Timoti 5:21 ndedzipi?

Muapostora Pauro akanyorera Timoti uyo aivawo mukuru kuti: “Ndinokuudza zvakasimba pamberi paMwari naKristu Jesu nengirozi dzakasarudzwa, kuti uchengete mirayiro iyi usina divi rawakarerekera kana kuita rusarura.”—1 Tim. 5:21.

Ngatitangei nekukurukura kuti ndivanaani vasiri kutaurwa pavhesi iyi. Zviri pachena kuti havasi vaya ve144 000. Pauro paakanyorera Timoti, vaKristu vakazodzwa vakanga vasati vatanga kumutswa kuti vaende kunorarama vari kudenga. Vaapostora uye vamwe vakazodzwa vakanga vasati vava zvisikwa zvemweya, saka havasi ivo “ngirozi dzakasarudzwa” dziri kutaurwa pavhesi iyi.—1 VaK. 15:​50-54; 1 VaT. 4:​13-17; 1 Joh. 3:2.

Uyewo paakataura ‘nezvengirozi dzakasarudzwa,’ akanga asiri kutaura nezvengirozi dziya dzisina kuteerera munguva yeMafashamo. Ngirozi idzodzo dzakabatana naSatani dzikava madhimoni, uye dzaiva vavengi vaJesu. (Gen. 6:2; Ruka 8:​30, 31; 2 Pet. 2:4) Mune ramangwana, dzichasungwa dzokandwa mugomba rakadzikadzika kwemakore 1 000 uye dzichabva dzazoparadzwa pamwe chete naDhiyabhorosi.—Jud. 6; Zvak. 20:​1-3, 10.

“Ngirozi dzakasarudzwa” dzinotaurwa naPauro dzinofanira kunge dziri ngirozi dziri kudenga idzo dzinotsigira ‘Mwari naKristu Jesu,’ avo vanotaurwawo muvhesi iyoyo.

Kune zviuru nezviuru zvengirozi dzakatendeka. (VaH. 12:​22, 23) Hatifaniri hedu kufunga kuti dzese dzinoita basa rakafanana panguva imwe chete. (Zvak. 14:​17, 18) Yeuka kuti pane imwe nguva, imwe ngirozi yakapiwa basa rekuenda kunoparadza uto revaAsiriya 185 000. (2 Madz. 19:35) Asi dzimwe ngirozi dzakawanda dzinogona kunge dzakapiwa basa ‘rekuunganidza dzichibudisa muUmambo hwaJesu zvinhu zvese zvinogumbura nevanhu vasingateereri mutemo.’ (Mat. 13:​39-41) Dzimwewo dzinogona kunge dzichapiwa basa ‘rekuunganidza vanhu vake vaakasarudza’ kuti vaende kudenga. (Mat. 24:31) Uye dzimwewo dzakarayirwa kuti ‘dzitirinde munzira dzedu dzese.’—Pis. 91:11; Mat. 18:10; enzanisa naMateu 4:11; Ruka 22:43.

“Ngirozi dzakasarudzwa” dzinotaurwa pana 1 Timoti 5:21 dzinofanira kunge dziri ngirozi dzakapiwa mabasa anokosha ane chekuita nevanhu vaMwari. Mune mamwe mavhesi ari muchitsauko chacho, Pauro akarayira vakuru kuti vangaita sei mabasa avo uye kuti vaya vari muungano vanofanira kuremekedza vakuru. Vakuru vanofanira kuita mabasa avo ‘vasina divi ravakarerekera kana kuita rusarura,’ uye havafaniri kuita zvisarudzo kana kupa mutongo vasina kunyatsofunga. Chikonzero chikuru nei vakuru vachifanira kutevedzera zano iri raPauro rakafemerwa ndechekuti vari kuita basa ravo “pamberi paMwari naKristu Jesu nengirozi dzakasarudzwa.” Saka zviri pachena kuti dzimwe ngirozi dzakapiwa mabasa ane chekuita neungano akadai sekuidzivirira, kutungamirira pabasa rekuparidza, uye kuudza Jehovha zvinenge zvichiitika.—Mat. 18:10; Zvak. 14:6.