Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini egore rino eNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Jehovha anobata sei vanhukadzi, uye tingamutevedzera sei?

Haavasaruri uye haaoni vanhurume sevanokosha kupfuura vanhukadzi. Mwari anoteerera vanhukadzi. Ane hanya nemanzwiro avo uye anobatikana pavanosangana nematambudziko. Anovimba navo zvekutovapa mabasa ekuita.—w24.01, mapeji 15-16.

Mashoko ari pana VaEfeso 5:7 ekuti: “Musabatana navo” tingaashandisa sei muupenyu hwedu?

Muapostora Pauro aitiyambira kuti tisashamwaridzana nevanhu vanoita kuti zvitiomere kuramba tichiteerera mitemo yaMwari. Vanhu ava vanosanganisira vatinenge tiri pamwe chete navo kana kuti vatinoshamwaridzana navo pasocial media.w24.03, mapeji 22-23.

Inyaya dzipi dzenhema dzatinofanira kungwarira?

Tinofanira kungwarira nyaya dzatinenge tisina chokwadi nadzo dzatinenge tatumirwa neshamwari, kana kuti maemail anobva kuvanhu vatisingazivi, uye mashoko anotaurwa nevanhu vakatsauka pakutenda avo vanogona kunyepedzera kunge vanhu vanofarira zveBhaibheri.—w24.04, peji 12.

Zvii zvatinoziva uye zvatisingazivi nezvematongero achaita Jehovha Mambo Soromoni pamwe chete nevaya vakaparadzwa muSodhomu neGomora uye pamafashamo akaitika panguva yaNoa?

Hatizivi kuti vanhu ivavo vachamutswa here kana kuti kwete. Asi chatinoziva ndechekuti Jehovha ndiMwari azere netsitsi uye haazoparadzi mumwe munhu zvachose kunze kwekunge paine chikonzero chakanaka chekuti adaro.—w24.05, mapeji 3-4.

Kuziva kuti Mwari “iDombo” kunotibatsirei? (Dheut. 32:4)

Tinogona kupotera kuna Jehovha. Akavimbika uye haambotisiyi, anogara achizadzisa zvaanovimbisa. Uye haachinji zvaari uye chinangwa chake hachichinji.—w24.06, mapeji 26-28.

Chii chichakubatsira kuti ujaire ungano itsva?

Vimba naJehovha nekuti akabatsirawo vashumiri vake kare uye achakubatsirawo. Usaenzanisa ungano yawava neyawaimbopinda nayo. Ita zvakawanda muungano yako itsva uye tsvaga shamwari itsva.—w24.07, mapeji 26-28.

Zvidzidzo zvipi zvatinowana pamifananidzo mitatu iri muna Mateu chitsauko 25?

Mufananidzo wemakwai nembudzi unotikurudzira kuti tive vanhu vakatendeka uye vakavimbika. Mufananidzo wemhandara dzakangwara nedzakapusa unotidzidzisa kuti tigare takagadzirira uye takarinda. Mufananidzo wematarenda unosimbisa nyaya yekushanda nesimba.—w24.09, mapeji 20-24.

Vharanda retemberi yaSoromoni rainge rakakwirira zvakadini?

Pana 2 Makoronike 3:​4, zvimwe zvinyorwa zvinoti “makubhiti 120,” kureva mamita 53 kuenda mudenga. Asi zvimwe zvinyorwa zvinovimbwa nazvo zvinoti “makubhiti 20,” kureva mamita 9 kuenda mudenga. Tsanangudzo yekupedzisira iyi inoita seine musoro kana tichienzanisa nekukora kwemadziro etemberi.w24.10, peji 31.

Zvinorevei kuti mushumiri weungano ‘anofanira kuva nemudzimai mumwe chete’? (1 Tim. 3:12)

Zvinoreva kuti anofanira kunge akaroora mudzimai mumwe chete uye haafaniri kuita upombwe. Haafaniriwo kutanga kuchiva mumwe munhukadzi.—w24.11, peji 19.

Nemhaka yei tichiti mashoko ari pana Johani 6:53 akanga asiri kureva kuti ndiwo maitirwo anofanira kuzoitwa Kudya kwaShe Kwemanheru?

Johani 6:53 inotaura kuti tinofanira kudya nyama yaJesu nekunwa ropa rake. Jesu akataura mashoko iwayo muna 32 C.E., ari muGarireya, achiudza vaJudha vakanga vachiri kufanira kuva nekutenda maari. Asi kana kuri Kudya kwaShe Kwemanheru, kwakazotanga kuitwa muJerusarema gore rakazotevera racho. Panguva iyoyo ndipo paakataura nevaya vaaizotonga navo kudenga.—w24.12, mapeji 10-11.