Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Fambira Mberi Semunhu Ane Mafungiro aMwari!

Fambira Mberi Semunhu Ane Mafungiro aMwari!

“Rambai muchifamba maererano [nemweya].”​—VAG. 5:16.

NZIYO: 22, 75

1, 2. Imwe hama yakaonei pakunamata kwayo, uye yakaitei nazvo?

ROBERT akabhabhatidzwa aine makore 15, asi aisakoshesa chokwadi. Anoti: “Handina kumbobvira ndaita zvakaipa, asi ndaisaita zvinhu zvekunamata nemwoyo wese. Ndaiita sendakasimba pakunamata, ndichipinda misangano yese uye ndichiita upiyona hwebetsero kanoverengeka pagore. Asi pane chimwe chinhu chainge chisipo.”

2 Robert haana kuona kuti chii chakanga chisina kumira zvakanaka kusvika paakaroora. Iye nemudzimai wake vakatanga kupota vachibvunzana mibvunzo ine chekuita neBhaibheri. Mudzimai wake, uyo akasimba pakunamata, aisanetseka nekupindura mibvunzo yacho, asi Robert aigara achinyara nekuti aisaziva zvekutaura. Anoti: “Zvaiita sekuti handina chandaiziva. Ndakazviudza kuti, ‘Kana ndichizobudirira kutungamirira mudzimai wangu pakunamata, ndinotofanira kusunga dzisimbe.’” Ndizvo zvaakaita. Anoti: “Ndakadzidza Bhaibheri uye ndakaridzidza ndikaridzidzazve, uye zvinhu zvakatanga kujeka. Ndakanga ndava kunzwisisa, uye chinotonyanya kukosha ndechekuti ndakatanga kuva neushamwari hwepedyo naJehovha.”

3. (a) Tingadzidzei pane zvakaitika kuna Robert? (b) Ipfungwa dzipi dzinokosha dzatichakurukura?

3 Tinowana zvidzidzo zvinokosha kubva pane zvakaitika kuna Robert. Tinogona kunge tichiziva zvinotaurwa neBhaibheri uye tichigara tichiwadzana neungano yechiKristu, asi izvozvo handizvo zvega zvinoita kuti tive neushamwari hwakasimba naMwari. Kana kuti tinogona kunge takatofambira mberi pakunamata, asi patinozviongororazve, tinoona kuti tinogona kuwedzera kukura pakunamata. (VaF. 3:16) Kuti tione zvatingaita kuti tirambe tichifambira mberi, tichapindura mibvunzo mitatu inokosha iri munyaya ino, inoti: (1) Chii chichatibatsira kuongorora zvakanyatsoita ushamwari hwedu naJehovha? (2) Tingaita sei kuti tiwedzere kusimbisa ushamwari hwedu naJehovha? (3) Kuva neushamwari hwakasimba naJehovha kunotibatsira sei muupenyu hwedu hwezuva nezuva?

KUZVIONGORORA

4. Zano riri pana VaEfeso 4:23, 24 rinoshanda kunaani?

4 Patakava vashumiri vaMwari, takachinja upenyu hwedu. Kuchinja uku kwakaita kuti tichinje maitiro edu muupenyu. Izvi hazvina kuperera patakabhabhatidzwa. Tinoudzwa kuti ‘tirambe tichiitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dzedu dzishande.’ (VaEf. 4:23, 24) Sezvo tiine chivi, tese tinofanira kuramba tichichinja zvimwe zvinhu. Kunyange vaya vava nenguva vari vashumiri vaJehovha vanofanira kuita kuti ushamwari hwavo naMwari hurambe hwakasimba.​—VaF. 3:12, 13.

5. Mibvunzo ipi ingatibatsira kuzviongorora?

5 Kuti tisimbise ushamwari hwedu naMwari toramba tiinahwo, tinofanira kunyatsozviongorora. Tingava vadiki kana vakuru, tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Pane zvandiri kuona here pandiri zvinoratidza kuti ndiri kufambira mberi pakuva nemafungiro aMwari? Unhu hwangu huri kuita sehwaKristu here? Mafungiro nemaitiro angu pamisangano yechiKristu anoratidzei? Zvandinotaura zvinoratidza kuti ndinoda zvinhu zvakaita sei muupenyu? Madzidziro angu, mapfekero angu, kana kuti zvandinoita pandinopiwa zano zvinoratidzei nezvangu? Ndinoita sei pandinosangana nemuedzo? Ndafambira mberi here zvekuva muKristu akasimba pakunamata?’ (VaEf. 4:13) Kufunga nezvemapinduriro atinoita mibvunzo iyi kunogona kutibatsira kuona kuti tafambira mberi zvakadini pakunamata.

6. Chii chimwe chingatibatsira kuti tiongorore zvakaita ushamwari hwedu naJehovha?

6 Dzimwe nguva tinofanira kubatsirwa nevamwe kuti tiongorore zvakaita ushamwari hwedu naJehovha. Muapostora Pauro akati munhu wenyama haakwanisi kuona kuti maitiro ake haafadzi Mwari. Ukuwo, munhu ane mafungiro aMwari anonzwisisa maonero aMwari uyewo kukanganisa kwemunhu wenyama. (1 VaK. 2:14-16; 3:1-3) Sezvo vakuru vaine pfungwa dzaKristu, vanowanzoona kana munhu ava kutanga kuva nemafungiro enyama. Kana vakatiudza nezvazvo, tinobvuma zano ravo torishandisa here? Patinoita izvozvo, tinenge tichiratidza kuti tine chido chekusimbisa ushamwari hwedu naMwari.​—Mup. 7:5, 9.

KUSIMBISA USHAMWARI HWEDU NAJEHOVHA

7. Nei kuva nezivo yeBhaibheri kusiri iko kwega kunoita kuti munhu ave nemafungiro aMwari?

7 Yeuka kuti kuva nezivo yeBhaibheri hakusi iko kwega kunoita kuti munhu ave nemafungiro aMwari. Mambo Soromoni aiziva zvakawanda nezvenzira dzaJehovha. Zvaakataura zvakazova chikamu cheBhaibheri. Asi pakupedzisira ushamwari hwake naJehovha hwakaderera, uye haana kuramba akatendeka. (1 Madz. 4:29, 30; 11:4-6) Saka kuwedzera pakuziva Bhaibheri, chii chimwe chatinofanira kuita? Tinofanira kuramba tichifambira mberi pakunamata. (VaK. 2:6, 7) Asi izvozvo tinozviita sei?

8, 9. (a) Chii chichatibatsira kuti tive vakatsiga pakunamata? (b) Chinangwa chedu patinenge tichidzidza uye kufungisisa ndechei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

8 Pauro akakurudzira vaKristu vepakutanga kuti ‘vashande nesimba kuti vave vakuru.’ (VaH. 6:1) Matanho api atingatora kuti tishandise zano raPauro mazuva ano? Rimwe danho rinokosha nderekudzidza bhuku rinonzi Rambai Muri Murudo rwaMwari.” Kudzidza bhuku iroro kusvika rapera kuchakubatsira kuona kuti ungashandisa sei mazano eBhaibheri muupenyu hwako. Kana wakatopedza kuridzidza, unogona here kutanga kudzidza mamwe mabhuku anokubatsira kuti uve akatsiga pakunamata? (VaK. 1:23) Unofungisisa here kuti ungashandisa sei zvauri kudzidza muupenyu hwako?

9 Ramba uchiyeuka kuti sezvatinodzidza nekufungisisa, chinangwa chedu chinofanira kuva chekuti tive nechido chakasimba chekufadza Jehovha uye kuteerera mitemo yake. (Pis. 40:8; 119:97) Panguva imwe chete, tinoshanda nesimba kuti tidzivise zvinhu zvinotitadzisa kukura pakunamata.​—Tito 2:11, 12.

10. Vechidiki vangaita sei kuti vave vakasimba pakunamata?

10 Kana uri wechidiki, une zvinangwa zvekunamata zvawakaronga here? Painopinda magungano edunhu, imwe hama inoshumira paBheteri inowanzotaura nevanenge vachida kubhabhatidzwa purogiramu isati yatanga. Vakawanda vacho vanenge vari vechidiki. Hama yacho inovabvunza kuti vane zvinangwa zvipi pakunamata. Vakawanda vanopa mhinduro dzinoratidza kuti vanoziva zvavanoda kuita pakushumira Jehovha, zvakadai sekupinda mubasa renguva yakazara kana kunoshumira kunodiwa vazivisi veUmambo vakawanda. Asi vamwe vanoshaya kuti vopindura sei. Izvozvo zvingaratidza here kuti mumwoyo mavo havasati vasarudza kuva nezvinangwa zvine chekuita nekunamata? Sewechidiki, zvibvunze kuti: ‘Ndinoita zvinhu zvekunamata nemhaka yekungoti vabereki vangu vanotarisira kuti ndidaro here? Ndiri kuswedera pedyo naMwari here kuburikidza nekuvandudza ushamwari hwangu naye?’ Asi zano rekuti tive nezvinangwa pakunamata rinoshanda kuvanhu vese, vakuru nevadiki. Kuva nezvinangwa zvakadaro kuchatibatsira tese zvedu sevashumiri vaJehovha kuti tiwedzere kukura pakunamata.​—Mup. 12:1, 13.

11. (a) Chii chatinofanira kuita kuti tinyatsofambira mberi pakunamata? (b) Muenzaniso upi wemuBhaibheri watingatevedzera?

11 Tikangoona patinofanira kugadzirisa, tinofanira kubva tatora matanho anotibatsira kuti tifambire mberi. Kuva munhu ane mafungiro aMwari kunokosha chaizvo. Iyi inyaya yeupenyu nerufu. (VaR. 8:6-8) Zvisinei, kukura pakunamata hakurevi kuva vanhu vakakwana. Mweya waJehovha unogona kutibatsira kuti tifambire mberi. Kunyange zvakadaro, tinofanira kushanda nesimba. Makore akapfuura, Hama John Barr, avo vaiva muDare Rinotungamirira, vakataura nezvaRuka 13:24, vachiti, “Vakawanda havakwanisi kupinda nesuo rakamanikana nekuti havashandi nesimba kuti vakure.” Tinofanira kuita saJakobho, uyo asina kukanda mapfumo pasi paakaita mutsimba nengirozi kusvikira awana chikomborero. (Gen. 32:26-28) Kunyange zvazvo kudzidza Bhaibheri kuchinakidza, hatifaniri kutarisira kuti Bhaibheri riite senovhero rakangonyorerwa kunakidza vanhu. Tinofanira kushanda nesimba kuti tiwane pfuma iri mariri ichatibatsira.

12, 13. (a) Chii chichatibatsira kushandisa zviri pana VaRoma 15:5? (b) Muenzaniso wemuapostora Petro uye zano raakapa zvinotibatsira sei? (c) Chii chaungaita kuti uwedzere kuva nemafungiro aMwari? (Ona bhokisi rakanzi “ Zvaungaita Kuti Uwedzere Kuva Nemafungiro aMwari.”)

12 Sezvatinoedza kuti tirambe tiine mafungiro aMwari, mweya mutsvene uchatipa simba rekuchinja pfungwa dzedu. Tichibatsirwa nemweya mutsvene, zvishoma nezvishoma tinogona kutanga kufunga saKristu. (VaR. 15:5) Uyewo, uchatibatsira kuti tisiye zvido zvenyama, tova neunhu hunofadza Mwari. (VaG. 5:16, 22, 23) Kana tikaona kuti pfungwa dzedu dziri kuramba dziri papfuma kana kuti pazvido zvenyama, hatifaniri kukanda mapfumo pasi. Ramba uchikumbira mweya waMwari, uye Jehovha achakubatsira kuti udzose pfungwa dzako pazvinhu zvakakodzera. (Ruka 11:13) Yeuka muapostora Petro. Hapasi pese paaifunga saKristu. (Mat. 16:22, 23; Ruka 22:34, 54-62; VaG. 2:11-14) Asi haana kukanda mapfumo pasi. Zvishoma nezvishoma, achibatsirwa naJehovha, Petro akatanga kufunga saKristu. Tinogonawo kuita saizvozvo.

13 Petro akazotaura unhu hwatinogona kushandira kuti tive nahwo. (Verenga 2 Petro 1:5-8.) Sezvatinoshingaira “nomwoyo wose” kuti tive neunhu hwakadai sekuzvidzora, kutsungirira uye kudanana sehama, tinoramba tichifambira mberi pakuva nemafungiro aMwari. Zuva rimwe nerimwe wadii kuzvibvunza kuti, ‘Nhasi ndinofanira kuvandudza unhu hupi kuti ndive nemafungiro aMwari?’

KUSHANDISA MAZANO EBHAIBHERI ZUVA NEZUVA

14. Kuva nemafungiro aMwari kuchatibatsira sei muupenyu hwedu?

14 Kuva nemafungiro aKristu kuchatibatsira pamatauriro edu, pane zvatinoita tiri kubasa kana kuchikoro, uye pazvisarudzo zvatinoita zuva nezuva. Zvisarudzo zvedu zvicharatidza kuti tiri kuedza kutevedzera Kristu. Sevanhu vane mafungiro aMwari, hatidi kuti chero chii zvacho chikanganise ushamwari hwedu naBaba vedu vekudenga. Patinosangana nemiedzo yekuita zvakaipa, kuva nemafungiro aKristu kuchatibatsira kuirwisa. Patinoita zvisarudzo, tinotanga tafunga nezvemibvunzo yakadai seiyi: ‘Mazano api emuBhaibheri achandibatsira kusarudza? Kristu aizoita sei pakadai? Chisarudzo chipi chichaita kuti Jehovha afare?’ Kuti tizvidzidzise kufunga saizvozvo ngatitarisei mienzaniso mishomanana. Mumuenzaniso mumwe nemumwe, tichatsvaga zano remuMagwaro rinogona kutibatsira kuita chisarudzo chekuchenjera.

15, 16. Taura mienzaniso yekubatsirwa kwatinoitwa nekuva nemafungiro seaKristu (a) pakusarudza wekuroorana naye. (b) pakusarudza shamwari.

15 Kusarudza wekuroorana naye. Zano racho remuMagwaro rinowanika pana 2 VaKorinde 6:14, 15. (Verenga.) Mashoko aPauro anonyatsoratidza kuti hazviiti kuti munhu ane mafungiro aMwari anyatsowirirana nemunhu ane mafungiro enyama. Zano iri ringakubatsira sei pakusarudza wekuroorana naye?

16 Kusarudza shamwari. Ona zano remuMagwaro riri pana 1 VaKorinde 15:33. (Verenga.) Munhu ane mafungiro aMwari haashamwaridzani nevanhu vanogona kukanganisa kutenda kwake. Mibvunzo ipi ichakubatsira kushandisa zano iri? Semuenzaniso, izvi zvinoshanda sei panyaya yekushandisa masocial network? Kana kuti unofanira kuitei kana ukakokwa nevanhu vausingazivi kuti mutambe magemhu epaIndaneti?

Zvisarudzo zvangu zvichandibatsira here kukura pakunamata? (Ona ndima 17)

17-19. Kuva nemafungiro aMwari kunokubatsira sei kuti (a) udzivise zvinhu zvisina zvazvinobatsira? (b) uve nezvinangwa muupenyu? (c) ugadzirise kusawirirana?

17 Mabasa anotadzisa munhu kukura pakunamata. Tinowana yambiro inokosha pana VaHebheru 6:1. (Verenga.) Ndeapi “mabasa akafa” atinofanira kudzivisa? Izvi zvinhu zvisingatibatsiri kusimbisa ushamwari hwedu naMwari. Zano iri rinogona kutibatsira pamibvunzo yakawanda inogona kumuka muupenyu hwedu, yakadai seiyi: ‘Kuita izvi kunopindawo here pamabasa enyama? Ndoitawo here bhizinesi iri? Nei ndisingafaniri kujoina boka revanhu vari kuedza kuchinja zvinhu munyika?’

Zvisarudzo zvangu zvichandibatsira here kuva nezvinangwa zvekunamata? (Ona ndima 18)

18 Zvinangwa zvekunamata. Mashoko akataurwa naJesu muMharidzo yepaGomo anotipa zano rakajeka panyaya yekuva nezvinangwa. (Mat. 6:33) Munhu ane mafungiro aMwari anoisa Umambo pekutanga muupenyu hwake. Kugara tichifunga zano iroro kunotibatsira kupindura mibvunzo yakadai seiyi: ‘Ndinofanira kuronga kuva nedzidzo yepamusoro here? Ndopinda here basa iri randapiwa?’

Zvisarudzo zvangu zvichandibatsira here ‘kuva nerugare’? (Ona ndima 19)

19 Kusawirirana. Zano rakapiwa naPauro kuungano yaiva muRoma rinotibatsira sei kugadzirisa kusawirirana? (VaR. 12:18) Sevateveri vaKristu, tinoedza kuva “norugare nevanhu vose.” Kana pakava nekusawirirana, tinoita sei? Tinoomerwa here nekubvuma zvinotaurwa nevamwe, kana kuti tinozivikanwa sevanhu “vaya vanoita kuti pave norugare”?​—Jakobho 3:18.

20. Nei uchida kufambira mberi pakuva nemafungiro aMwari?

20 Iyi ingori mienzaniso mishoma inoratidza kuti kufungisisa mazano eBhaibheri kunogona kutibatsira kuita zvisarudzo zvinoenderana nezvinotarisirwa kumunhu ane mafungiro aMwari. Kuva nemafungiro aMwari kunogona kutibatsira kuti tiwedzere kufara uye kugutsikana zuva nezuva. Robert, uyo ataurwa nezvake kwatangira nyaya ino, anoti: “Pashure pekunge ndava neushamwari chaihwo naJehovha, ndakava murume uye baba vari nani. Ndakanga ndava kugutsikana uye kufara.” Kana tikaita zvese zvatinogona kuti tifambire mberi pakuva nemafungiro aMwari, tinogona kuwanawo makomborero akadaro. Sevanhu vane mafungiro aMwari tichararama upenyu hunogutsa iye zvino uye “upenyu chaihwo” mune ramangwana.​—1 Timoti 6:19.