Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Kutenda Uye Kuteerera kwaNoa, Dhanieri naJobho

Tevedzera Kutenda Uye Kuteerera kwaNoa, Dhanieri naJobho

“Noa, Dhanieri naJobho . . . vaizonunura mweya yavo nokuda kwokururama kwavo.”​—EZEK. 14:14.

NZIYO: 89, 119

1, 2. (a) Nei tichigona kuwana ushingi kubva pamuenzaniso waNoa, Dhanieri naJobho? (b) Zvinhu zvainge zvakamira sei Ezekieri paakanyora mashoko ari pana Ezekieri 14:14?

UNE matambudziko akadai sekurwara, kushanya mari, kana kutambudzwa here? Zvinombokuomera here kuti urambe uchifara pakushumira Jehovha? Kana zvakadaro, wana ushingi kubva pamuenzaniso waNoa, Dhanieri naJobho. Vaiva vanhu vane chivi uye vakasanganawo nematambudziko atinosangana nawo, kusanganisira mamwe aiva nenjodzi kuupenyu. Asi vakaramba vakaperera kuna Mwari zvekuti akavaona semienzaniso yevanhu vane kutenda uye vanoteerera.​—Verenga Ezekieri 14:12-14.

2 Ezekieri paakanyora mashoko erugwaro rwedu ruri kutungamirira aiva muBhabhironi muna 612 B.C.E. * (Ezek. 1:1; 8:1) Jerusarema, iro rainge rapanduka rakanga rava pedyo nekuparadzwa kwaro sezvakanga zvataurwa, izvo zvakaitika muna 607 B.C.E. Paingova nevanhu vashomanana vaiva nekutenda sekwaiva naNoa, Dhanieri, naJobho uye vakaiswa chiratidzo chekuti vapone. (Ezek. 9:1-5) Vamwe vavo ndiJeremiya, Bharuki, Ebhedhi-mereki nevaRekabhi.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Saizvozvowo, mazuva ano vaya vanoonekwa naJehovha sevasina mhosva, semaonero aaiita Noa, Dhanieri naJobho, vachaiswa chiratidzo chekuti vapone pachaguma nyika ino. (Zvak. 7:9, 14) Saka ngatikurukurei kuti nei Jehovha akashandisa varume ivavo semienzaniso yekururama. Patichakurukura nezvemumwe nemumwe wavo, tichatarisa kuti (1) matambudziko api aakasangana nawo uye (2) tingatevedzera sei kutenda uye kuteerera kwake.

NOA AIVA NEKUTENDA UYE AITEERERA KWEMAKORE 900

4, 5. Noa akasangana nematambudziko api uye nei kutsungirira kwake kwaishamisa?

4 Matambudziko akasangana naNoa. Pakazosvika nguva yaInoki, tateguru vaNoa, vanhu vakanga vava kuita zvinhu zvakaipa chaizvo. Vaitotaura ‘mashoko ekutuka’ Jehovha. (Jud. 14, 15; Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.) Kurwisana kwaiwedzera. Kutaura zvazviri, panguva yaNoa, “nyika yakazara nechisimba.” Ngirozi dzakaipa dzakachinja miviri yadzo kuti dzive vanhu, dzikatora madzimai, ndokubereka vana vahombe vaiva neutsinye. (Gen. 6:2-4, 11, 12) Asi Noa ainge akasiyana nevamwe vanhu vese. “Noa akanzwirwa nyasha naJehovha. . . . Akanga asina mhosva pakati pevanhu venguva yake. Noa akafamba naMwari wechokwadi.”​—Gen. 6:8, 9.

5 Funga zvinorehwa nemashoko iwayo nezvemurume iyeye ainge akarurama. Noa haana kungofamba naMwari kwemakore 70 kana 80 munyika yakaipa yaivapo Mafashamo asati aitika. Akararama munyika iyoyo kwemakore anoda kusvika 600. (Gen. 7:11) Uye kusiyana nesu mazuva ano, akanga asina ungano yevamwe vanamati vaMwari yaigona kumutsigira pane zvekunamata, uye zviri pachena kuti paisava nemwana wababa vake aimutsigira. *

6. Noa akaratidza sei ushingi hwakakura?

6 Noa aisagutsikana nekungova munhu akanaka. Akavawo “muparidzi wokururama” aiva neushingi, achiratidza zviri pachena kuti aitenda muna Jehovha. (2 Pet. 2:5) “Nokutenda uku akapa nyika mhosva,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaH. 11:7) Saka hapana mubvunzo kuti Noa akasekwa uye akapikiswa, zvichida vanhu vachitomutyisidzira kuti vaizomurwisa. Asi akanga ‘asingatyi munhu.’ (Zvir. 29:25) Pane kutya, aiva neushingi uhwo Jehovha anopa vashumiri vake vakatendeka.

7. Noa akasangana nematambudziko api paaivaka areka?

7 Pashure pekunge Noa afamba naMwari kwemakore anopfuura 500, Jehovha akamuudza kuti avake areka yekuponesa vanhu nemhuka. (Gen. 5:32; 6:14) Basa racho rinofanira kunge rakanga rakaoma chaizvo. Asi hakusi kuvaka chete kwainge kwakaoma. Noa ainyatsoziva kuti basa iri raizoita kuti awedzere kusekwa uye kupikiswa. Kunyange zvakadaro, akateerera ndokuenderera mberi aine kutenda. “Akaita izvozvo chaizvo.”​—Gen. 6:22.

8. Noa akaratidza sei kuti aivimba naJehovha kuti aizomupa zvekurarama nazvo?

8 Rimwe dambudziko rakasangana naNoa raiva rekuriritira mudzimai wake nevana. Mafashamo asati aitika, vanhu vaifanira kushanda zvakaoma pakurima zvekudya, uye Noa ndizvo zvaaifanirawo kuita. (Gen. 5:28, 29) Kunyange zvakadaro, akaramba akaisa pfungwa dzake pana Mwari kwete pazvinhu zvekurarama nazvo. Kunyange paaivaka areka, iyo inogona kunge yakaita makore 40 kana kuti 50 ichivakwa, Noa akaramba akaisa pfungwa pazvinhu zvekunamata. Uye akaramba achidaro kwemamwe makore 350 pashure pemafashamo. (Gen. 9:28) Uyu muenzaniso wakazonaka wekutenda uye wekuteerera!

9, 10. (a) Tingatevedzera sei kutenda uye kuteerera kwaNoa? (b) Mwari anoona sei vese vanotsigira kururama kwake?

9 Tingatevedzera sei kutenda uye kuteerera kwaNoa? Tinoita kudaro patinotsigira kururama kwaMwari kuburikidza nekusava venyika yaSatani, uye nekuisa zvinhu zvine chekuita neUmambo pekutanga. (Mat. 6:33; Joh. 15:19) Kana tichiita izvozvo, mararamiro edu haafarirwi nenyika. Kunyange iye zvino, kutsigira kwatinoita mitemo yaMwari, yakadai seiya ine chekuita newanano uye zvebonde, kuri kuita kuti vanhu vataure zvakaipa nezvedu mune dzimwe nyika. (Verenga Maraki 3:17, 18.) Zvisinei, saNoa tinotya Jehovha kwete vanhu. Tinoziva kuti ndiye chete anopa upenyu husingaperi.​—Ruka 12:4, 5.

10 Asi ko iwe pachako? Ucharamba ‘uchifamba naMwari’ here kunyange vamwe vakakunyomba kana kukupikisa, kana kuti ukashaya chekurarama nacho? Kana ukatevedzera kutenda uye kuteerera kwaNoa, unogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achakubatsira.—VaF. 4:6, 7.

DHANIERI AIVA NEKUTENDA UYE AITEERERA ARI MUGUTA RAKAIPA

11. Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakatarisana nematambudziko api akakura? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

11 Matambudziko akasangana naDhanieri. Dhanieri aiva nhapwa muBhabhironi, guta rainge rakazara nekunamata zvidhori uye zvemidzimu. Uyewo, vaBhabhironi vaitarisira vaJudha pasi, vachitovanyomba pamwe chete naMwari wavo, Jehovha. (Pis. 137:1, 3) Izvi zvinofanira kunge zvakarwadza vaJudha vakatendeka vakaita saDhanieri! Vanhu vaidawo kuziva kuti chii chaizoitika kwaari neshamwari dzake nhatu, Hananiya, Mishaeri naAzariya nekuti vaifanira kudzidziswa kuti vashandire mambo. Vaitorongerwa kuti vodya zvinhu zvakaita sei. Pasina nguva, zvekudya nezvekunwa zvakava nyaya hombe nekuti Dhanieri akanga asingadi ‘kuzvisvibisa nezvekudya zvamambo zveumbozha.’​—Dhan. 1:5-8, 14-17.

12. (a) Dhanieri akaratidza unhu hupi hwakanaka? (b) Jehovha aiona sei Dhanieri?

12 Mumwe muedzo waDhanieri waisava pachena unogona kunge waiva wekuti aiva nezvimwe zvinhu zvaaigona kupfuura vamwe izvo zvakaita kuti apiwe mabasa aikosha. (Dhan. 1:19, 20) Asi pane kuti ave munhu anodada uye akaoma musoro, akaramba achizvininipisa, achigara achiita kuti Jehovha akudzwe. (Dhan. 2:30) Dhanieri akanga achiri mudiki Jehovha paakamuona semunhu akakodzera kuti ataurwe pamwe chete naNoa naJobho semuenzaniso wekururama. Mwari aiva nechikonzero chakanaka here chekuti avimbe naDhanieri? Hongu! Dhanieri akaramba akatendeka uye achiteerera kusvikira afa. Angangodaro akanga ava kusvitsa makore 100 ngirozi yaMwari payakamuudza kuti: “Haiwa Dhanieri, iwe murume anodiwa kwazvo.”​—Dhan. 10:11.

13. Dhanieri angangodaro aiva chikomborero kune vamwe vaJudha pakudini?

13 Achikomborerwa naMwari, Dhanieri akaitwa mukuru mukuru paitonga Bhabhironi uyewo paitonga Medhiya nePezhiya. (Dhan. 1:21; 6:1, 2) Zvimwe Jehovha akaita kuti zvinhu zvifambe saizvozvo kuitira kuti Dhanieri akwanise kubatsira vanhu vekwake, sezvakaitwa naJosefa muIjipiti uye naEsteri naModhekai muPezhiya. * (Dhan. 2:48) Fungidzira kuti zvainyaradza zvakadini kuvaJudha vaiva nhapwa, kusanganisira Ezekieri, kuti vaone Jehovha achivabatsira nenzira yakadaro!

Jehovha anokoshesa vaya vanoramba vakaperera kwaari (Ona ndima 14, 15)

14, 15. (a) Mamiriro edu ezvinhu akafanana papi neaDhanieri? (b) Vabereki mazuva ano vangadzidzei kubva kuvabereki vaDhanieri?

14 Tingatevedzera sei kutenda uye kuteerera kwaDhanieri? Mazuva ano, tinorarama sevatorwa munyika yakakanganiswa patsika uye pakunamata neBhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvenhema, “nzvimbo inogarwa nemadhimoni.” (Zvak. 18:2) Saka nesuwo takasiyana nevanhu venyika, uye tinotosekwa. (Mako 13:13) SaDhanieri, ngatiswederei pedyo naJehovha, Mwari wedu. Patinovimba naye tichizvininipisa uye tichiteerera, tichavawo vanokosha mumaziso ake.​—Hag. 2:7.

15 Vabereki vanogona kudzidza kubva pamuenzaniso wevabereki vaDhanieri. Vangadzidzei? Pasinei neuipi hwaiva muJudha paaiva mudiki, Dhanieri akakura achida Mwari. Izvi hazvina kungoitika netsaona. Zvinoratidza kuti vabereki vake vakanyatsomudzidzisa. (Zvir. 22:6) Kunyange zita raDhanieri iro rinoreva kuti “Mutongi wangu ndiMwari,” rinoratidza kuti vabereki vake vaitya Mwari. (Dhan. 1:6) Saka vabereki musakanda mapfumo pasi, asi dzidzisai vana venyu nemwoyo murefu. (VaEf. 6:4) Nyengeterai navo uye vanyengetererei. Pamunoshanda nesimba kuti muroverere chokwadi cheBhaibheri mumwoyo yavo, munoita kuti vave nechikomborero chaJehovha.​—Pis. 37:5.

JOBHO AIVA NEKUTENDA UYE AITEERERA ARI MUPFUMI UYE ARI MUROMBO

16, 17. Jobho aiva pamuedzo wekuita sei (a) paaiva neupfumi uye achiremekedzwa? (b) paaitambura?

16 Matambudziko akasangana naJobho. Pane zvatinodzidza kubva pazvinhu zviviri zvakasiyana zvakaitika muupenyu hwaJobho. Pakutanga aiva “mukuru pane Vokumabvazuva vose.” (Job. 1:3) Aizivikanwa chaizvo, aiva mupfumi, uye airemekedzwa zvikuru. (Job. 29:7-16) Asi pasinei nezvese izvozvo, Jobho haana kuzvikwidziridza kana kuzviona seasina chaanoda kuna Mwari. Jehovha akatomuti “mushumiri wangu,” ndokuwedzera kuti: “[Iye] murume asina chaanopomerwa, akarurama, anotya Mwari uye anonzvenga zvakaipa.”​—Job. 1:8.

17 Pasina nguva, upenyu hwaJobho hwakachinja zvikuru. Akasvika pakuva murombo wekupedzisira. Tinoziva kuti izvozvo zvakakonzerwa nemucheri Satani, uyo akapomera Jobho zvenhema kuti ainamata Mwari nekuti zvaimufambira zvakanaka. (Verenga Jobho 1:9, 10.) Jehovha haana kungofuratira kupomera kwakaipa kwakadaro. Panzvimbo pezvo, akapa Jobho mukana wekuti aratidze kuperera kwake uye kuti aimunamata nemwoyo wakachena usina udyire.

18. (a) Chii chaunoyemura pakuperera kwaJobho? (b) Tinodzidzei nezvaJehovha pamabatiro aakaita Jobho?

18 Satani akatambudza Jobho, zvikaita kuti Jobho afunge kuti Mwari ndiye aizvikonzera. (Job. 1:13-21) Pakabva pasvika vanyaradzi venhema vatatu ndokuudza Jobho mashoko eutsinye vachiti Mwari aimupa chirango chakakodzera. (Job. 2:11; 22:1, 5-10) Asi Jobho akaramba akaperera kuna Mwari. Pane imwe nguva Jobho akambotaura asina kufunga, asi Jehovha akanzwisisa kurwadziwa kwaaiita. (Job. 6:1-3) Jehovha aiona murume uyu ainge akaora mwoyo zvikuru, uyo asina kumbobvira amusiya kunyange zvazvo Satani ainge akandira Jobho pasi ndokumurova nemashoko enhema anorwadza. Dambudziko racho parakapera, Jehovha akapa Jobho zvinhu zvinopeta kaviri zvaaimbova nazvo, uyewo mamwe makore 140. (Jak. 5:11) Munguva yese iyoyo, akaramba akanyatsozvipira kuna Jehovha. Tinozviziva sei izvozvo? Jobho ainge ava nemazana emakore afa Ezekieri paakanyora mashoko erugwaro rwedu ruri kutungamirira.

19, 20. (a) Tingatevedzera sei kutenda uye kuteerera kwaJobho? (b) Tingaratidza sei tsitsi dzaJehovha pamabatiro atinoita vamwe?

19 Tingatevedzera sei kutenda uye kuteerera kwaJobho? Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, ngatirambei tichikoshesa Jehovha muupenyu hwedu, tichivimba naye zvizere, uye tichimuteerera nemwoyo wakakwana. Isu tinotova nezvikonzero zvakawanda zvekuti tidaro kupfuura zvaiva naJobho. Funga izvi: Tinoziva zvakawanda nezvaSatani uye mazano ake. (2 VaK. 2:11) Bhuku raJobho rinoitawo kuti tizive kuti nei Jehovha achibvumira kutambura. Kubva muuprofita hwaDhanieri tinonzwisisa kuti Umambo hwaMwari ihurumende inotungamirirwa naKristu Jesu. (Dhan. 7:13, 14) Tinozivawo kuti pasina nguva Umambo uhwu huchapedza zvachose kutambura kwese.

20 Zvakaitika kuna Jobho zvinotibatsira kuona kuti tinofanira kunzwira tsitsi vamwe vaKristu vari mumatambudziko. Kufanana naJobho, dzimwe nguva vamwe vangatotaura vasina kufunga. (Mup. 7:7) Asi pane kuti tivafungire zvisiri izvo, ngatiratidzei kunzwisisa uye tsitsi. Patinoita izvi tinenge tichitevedzera Baba vedu vane rudo uye vane tsitsi, Jehovha.​—Pis. 103:8.

JEHOVHA ‘ACHAKUSIMBISA’

21. Mashoko ari pana 1 Petro 5:10 anoratidza sei zvakaitika muupenyu hwaNoa, Dhanieri naJobho?

21 Kunyange zvazvo Noa, Dhanieri naJobho vakararama panguva dzakasiyana uye mumamiriro ezvinhu akasiyana zvikuru, vakatsungirira matambudziko avakasangana nawo. Nyaya dzeupenyu hwavo dzinotiyeuchidza mashoko emuapostora Petro, uyo akanyora kuti: “Pashure pokunge matambura kwenguva duku, Mwari womutsa wose usina kukodzera kuwanwa . . . achapedzisa kurovedzwa kwenyu, achaita kuti muve vakatsiga, achaita kuti muve vakasimba.”​—1 Pet. 5:10.

22. Tichakurukurei munyaya inotevera?

22 Achishandisa mashoko aakafemera Petro, Jehovha anotipa chivimbo chekuti achaita kuti vashumiri vake vave vakatsiga uye vakasimba. Mashoko aya anoshandawo kuvashumiri vaMwari mazuva ano. Tese tinoda kusimbiswa naJehovha uye kuramba takatsiga pakunamata kwedu. Saka tinoda kutevedzera kutenda uye kuteerera kwaNoa, Dhanieri naJobho. Sezvatichaona munyaya inotevera, kunyatsoziva Jehovha ndiko kwakanyanya kuvabatsira kuti varambe vakaperera kwaari. ‘Vainzwisisa zvese’ zvaaitarisira kuti vaite. (Zvir. 28:5) Izvi zvinogona kuitikawo kwatiri.

^ ndima 2 Ezekieri akatapwa muna 617 B.C.E. Akanyora zviri pana Ezekieri 8:1–19:14 “mugore rechitanhatu” rekutapwa ikoko, kana kuti muna 612 B.C.E.

^ ndima 5 Baba vaNoa, avo vaitya Mwari, vainzi Rameki, vakafa makore anenge 5 mafashamo asati aitika. Kana amai vaNoa uye vana vababa vake vaiva vapenyu pakatanga mafashamo, havana kupona.

^ ndima 13 Izvi ndizvo zvinofanira kunge zvakaitwawo neshamwari nhatu dzaDhanieri, idzo dzakanga dzapiwawo zvinzvimbo muhurumende yacho.​—Dhan. 2:49.