Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 5

“Musoro Wemurume Wese ndiKristu”

“Musoro Wemurume Wese ndiKristu”

“Musoro wemurume wese ndiKristu.”—1 VAK. 11:3.

RWIYO 12 Mwari Mukuru, Jehovha

ZVICHADZIDZWA *

1. Chii chinogona kukanganisa mabatiro ayo murume anoita mudzimai wake nevana?

PAUNONZWA nezvemashoko ekuti “kuva musoro,” unofungei? Vamwe varume vanobata madzimai avo nevana vachitevedzera tsika dzekwavanobva, kana kuti zvichibva pane zvaiitwa mumhuri dzavakakurira. Imwe hanzvadzi inonzi Yanita inogara kuEurope inoti, “Kwandinogara, pfungwa yakadzika midzi ndeyekuti vakadzi vakaderera pane varume, uye vanofanira kuonekwa sevaranda.” Imwe hama inonzi Luke inogara kuUnited States inoti, “Vamwe vanababa vanodzidzisa vanakomana vavo kuti zvinotaurwa nevakadzi hazvikoshi, saka varume havafaniri kuteerera zvinotaurwa nevakadzi.” Asi Jehovha haadi kuti varume vabate madzimai avo saizvozvo. (Enzanisa naMako 7:13.) Saka murume angadzidza sei kuva musoro wemba akanaka?

2. Musoro wemba anofanira kuzivei, uye nei achifanira kuziva izvozvo?

2 Kuti murume ave musoro wemba akanaka, anofanira kutanga anzwisisa zvaanotarisirwa naJehovha kuti aite. Anofanirawo kuziva kuti nei Jehovha akaita kuti vamwe vanhu vave nesimba pamusoro pevamwe, uye kuti iye angatevedzera sei Jehovha naJesu. Nei zvichikosha kuti murume azive izvozvo? Nekuti Jehovha akapa misoro yemba simba, uye anoda kuti varishandise zvakanaka.—Ruka 12:48b.

JEHOVHA AKARONGA SEI MHURI YAKE YEKUDENGA NEPANYIKA?

3. Tinodzidzei nezvemusoro pamashoko ari pana 1 VaKorinde 11:3?

3 Verenga 1 VaKorinde 11:3. Vhesi iyi inoratidza marongero akaita Jehovha mhuri yake yekudenga nepanyika. Sezvo ari musoro, ane simba pazvinhu zvese. Achishandisa urongwa hwekuti pave nemusoro, akapa vamwe simba, asi vanozvidavirira kwaari pamashandisiro avanoita simba ravo. (VaR. 14:10; VaEf. 3:14, 15) Jehovha akapa Jesu simba pamusoro peungano, asi Jesu anozvidavirira kuna Jehovha pamabatiro aanotiita. (1 VaK. 15:27) Jehovha akapawo murume simba pamusoro pemudzimai wake nevana, asi murume anozvidavirira kuna Jehovha naJesu pamabatiro aanoita mhuri yake.—1 Pet. 3:7.

4. Jehovha naJesu vane kodzero yekuitei?

4 Sezvo ari iye musoro wemhuri yekudenga nepanyika, Jehovha ane kodzero yekudzika mitemo yezvinofanira kuitwa nevana vake, uye anokwanisa kuita kuti vateerere mitemo iyoyo. (Isa. 33:22) Jesu, musoro weungano yechiKristu, anewo kodzero yekudzika mitemo uye yekuita kuti iteererwe.—VaG. 6:2; VaK. 1:18-20.

5. Musoro wemhuri yechiKristu ane kodzero ipi, uye simba rake rinogumira papi?

5 Musoro wemhuri yechiKristu anewo kodzero yekuitira mhuri yake zvisarudzo. (VaR. 7:2; VaEf. 6:4) Asi simba rake rine parinogumira. Semuenzaniso, mitemo yaanodzika inofanira kuenderana nezvinotaurwa neShoko raMwari. (Zvir. 3:5, 6) Uye musoro wemhuri haana kodzero yekupa mitemo kuvanhu vasiri vemumhuri make. (VaR. 14:4) Uyewo vanakomana vake nevanasikana vake pavanokura vobva pamba, vanoramba vachimuremekedza, asi anenge asisiri musoro wavo.—Mat. 19:5.

NEI JEHOVHA AKAITA URONGWA HWEKUTI PAVE NEMUSORO?

6. Nei Jehovha akaita urongwa hwekuti pave nemusoro?

6 Jehovha akaita urongwa hwekuti pave nemusoro nekuti anoda mhuri yake. Urongwa uhwu chipo chinobva kwaari. Hunoita kuti mumhuri yaJehovha muve nerugare uye kurongeka. (1 VaK. 14:33, 40) Dai zvisina kujeka kuti ndiani musoro, mhuri yaJehovha yaizova mhuri isina kurongeka uye isina mufaro. Semuenzaniso, hapana aizoziva kuti ndiani anofanira kuita zvisarudzo zvekupedzisira uye kuti ndiani achaita zvinenge zvasarudzwa zvacho.

7. Maererano naVaEfeso 5:25, 28, Jehovha aida kuti varume vatonge madzimai avo here?

7 Kana urongwa hwaMwari hwekuti pave nemusoro hwakanaka, nei vakadzi vakawanda vachiona sekuti vari kudzvinyirirwa uye vari kutongwa nevarume vavo? Izvi zvakadaro nekuti varume vakawanda havateereri zvinotaurwa naJehovha panyaya yemhuri, asi vanosarudza kutevedzera zvinoitwa nevanhu vekwavanogara kana kuti tsika dzavo. Vanogona kuitira madzimai avo zvakaipa kuti vangogutsa zvido zvavo. Semuenzaniso, murume anogona kudzvinyirira mudzimai wake kuitira kuti aonekwe semurume chaiye, kana kuti anzwe seanokosha. Murume angaona kuti haakwanisi kumanikidza mudzimai wake kuti amude, saka anogona kuita zvinhu zvinoita kuti mudzimai wake amutye. Uye kana mudzimai wacho ava kumutya anenge ava kuita zvaanoda naye. * Mafungiro nemaitiro iwayo anoita kuti vakadzi vasapiwa rukudzo neruremekedzo rwavanofanira kupiwa uye akanyatsosiyana chaizvo nezvinodiwa naJehovha.—Verenga VaEfeso 5:25, 28.

MURUME ANGADZIDZA SEI KUVA MUSORO WEMHURI AKANAKA?

8. Murume angadzidza sei kuva musoro wemhuri akanaka?

8 Murume anogona kudzidza kuva musoro wemhuri akanaka kana akatevedzera Jehovha naJesu pamashandisiro avanoita simba ravo. Funga zvinhu zviviri zvakaratidzwa naJehovha naJesu, uye ona kuti murume angazviratidzawo sei pamabatiro aanoita mudzimai wake nevana.

9. Jehovha anoratidza sei kuzvininipisa?

9 Kuzvininipisa. Jehovha akachenjera kupfuura chero ani zvake, asi anoteerera zvinofungwa nevashumiri vake. (Gen. 18:23, 24, 32) Akambobvumira vaya vaiva pasi pake kuti vataure zvavaifunga. (1 Madz. 22:19-22) Jehovha akakwana, asi pari zvino haatarisiri kuti tive vanhu vakakwana. Anotobatsira vanhu vane chivi vanomushumira kuti vafare muupenyu. (Pis. 113:6, 7) Bhaibheri rinoti Jehovha “mubatsiri.” (Pis. 27:9; VaH. 13:6) Mambo Dhavhidhi akati akakwanisa kuita basa rakakura raakapiwa nekuti Jehovha akazvininipisa uye akamubatsira.—2 Sam. 22:36.

10. Jesu akaratidza sei kuzvininipisa?

10 Funga zvakaitwa naJesu. Kunyange zvazvo aiva Ishe uye Tenzi kuvadzidzi vake, akageza tsoka dzavo. Ndechipi chimwe chikonzero chakaita kuti Jehovha aite kuti nyaya iyi inyorwe muBhaibheri? Ndechekuti munhu wese kusanganisira misoro yemhuri vawane muenzaniso wekutevedzera. Jesu akati: “Ndakuratidzai muenzaniso, kuti zvandakuitirai, muitewo saizvozvo.” (Joh. 13:12-17) Kunyange zvazvo aiva nesimba rakakura, Jesu aisatarisira kushumirwa, asi aishumira vamwe.—Mat. 20:28.

Musoro wemhuri anogona kuratidza kuti anozvininipisa uye ane rudo nekuita mabasa epamba uye nekubatsira mhuri yake pane zvekunamata (Ona ndima 11, 13)

11. Musoro wemhuri angatevedzera sei Jehovha naJesu pakuzvininipisa?

11 Zvatinodzidza. Murume anogona kuratidza kuti anozvininipisa munzira dzakawanda. Semuenzaniso, haatarisiri kuti mudzimai wake nevana vasatombokanganisa. Anoteerera zvinotaurwa nemudzimai wake nevana, kunyange zvisingawirirani nezvaari kufunga. Marley, uyo anogara kuUnited States, anoti: “Dzimwe nguva ini nemurume wangu tinombofunga zvakasiyana. Asi ndinoona kuti anondikoshesa uye anondiremekedza nekuti anoda kunzwawo mafungiro angu uye anofungisisa nezvawo asati aita chisarudzo.” Uyewo murume anozvininipisa ane chido chekuita mabasa epamba, kunyange zvazvo kwaanogara mabasa aya achionekwa seevakadzi. Izvozvo zvinogona kuoma. Nemhaka yei? Imwe hanzvadzi inonzi Rachel inoti, “Kwandinobva, kana murume akabatsira mudzimai wake kusuka ndiro kana kuchenesa pamba, vavakidzani vake uye veukama vanofunga kuti haasi murume chaiye. Vanofunga kuti haakwanisi kuudza mudzimai wake zvekuita.” Kana vanhu vakawanda vekwaunogara vaine maonero akadaro, yeuka kuti Jesu akageza tsoka dzevadzidzi vake, kunyange zvazvo basa iroro raionekwa seremuranda. Murume ane rudo haadi kuti vamwe vafunge kuti ane simba kana kuti anokosha. Anoda kuti mudzimai wake nevana vafare. Kuwedzera pakuzvininipisa, chii chimwe chinodiwa kuti munhu ave musoro wemhuri akanaka?

12. Rudo runoita kuti Jehovha naJesu vaitei?

12 Rudo. Zvese zvinoitwa naJehovha zvinobva parudo. (1 Joh. 4:7, 8) Anotipa zvatinoda pakunamata achishandisa Shoko rake Bhaibheri uye sangano rake. Anoita kuti tinzwe takachengeteka nekutiratidza kuti anotida. Jehovha anotibatsirawo sei pane zvatinoda pakurarama? “Anotipa zvinhu zvese zvinotifadza.” (1 Tim. 6:17) Patinokanganisa, anotiruramisa, uye anoramba achitida. Nerudo rwake, Jehovha akaita urongwa hwekutidzikinura. Kana ari Jesu, anotida kwazvo zvekuti akatifira. (Joh. 3:16; 15:13) Hapana chinogona kutadzisa Jehovha naJesu kuti varambe vachida vaya vakavimbika kwavari.—Joh. 13:1; VaR. 8:35, 38, 39.

13. Nei zvichikosha kuti musoro wemhuri aratidze kuti anoda mhuri yake? (Onawo bhokisi rakanzi “ Murume Achangobva Kuroora Angaitei Kuti Aremekedzwe Nemudzimai Wake?”)

13 Zvatinodzidza. Zvese zvinoitwa nemusoro wemhuri zvinofanira kunge zvichibva parudo. Nei izvozvo zvichikosha chaizvo? Muapostora Johani akati: “Munhu asingadi hama [kana mhuri] yake yaanoona haangadi Mwari waasina kumboona.” (1 Joh. 4:11, 20) Murume anoda mhuri yake uye anoda kutevedzera Jehovha naJesu achaibatsira kuti ive neushamwari hwakasimba naJehovha, achaita kuti inzwe yakachengeteka, uye achaipa zvainoda pakurarama. (1 Tim. 5:8) Achadzidzisa uye acharayira vana vake. Acharambawo achidzidza kuita zvisarudzo zvinokudza Jehovha uye zvinobatsira mhuri yake. Ngationei kuti angaita sei chimwe nechimwe chezvinhu izvi uye kuti angatevedzera sei Jehovha naJesu.

ZVII ZVINOFANIRA KUITWA NEMUSORO WEMHURI?

14. Musoro wemhuri anobatsira sei mhuri yake kuti iswedere pedyo naJehovha?

14 Kubatsira mhuri yake kuti iswedere pedyo naJehovha. Achitevedzera Baba vake, Jesu aida chaizvo kuti vateveri vake varambe vaine kutenda kwakasimba. (Mat. 5:3, 6; Mako 6:34) Saka chinonyanyawo kukosha kumusoro wemhuri, kubatsira mhuri yake kuti iswedere pedyo naJehovha. (Dheut. 6:6-9) Anoita izvi nekuva nechokwadi chekuti iye nemhuri yake vanoverenga uye vanodzidza Shoko raMwari, vanopinda misangano, vanoparidza mashoko akanaka, uye vanoramba vaine ushamwari hwakanaka naJehovha.

15. Musoro wemhuri angaitei kuti mhuri yake inzwe yakachengeteka?

15 Anoita kuti mhuri yake inzwe yakachengeteka. Jehovha akaratidza pachena kuti aida Jesu. (Mat. 3:17) Jesu aigara achiratidza kuti anoda vateveri vake nezvaaiita uye zvaaitaura. Naivowo vakaratidza kuti vaimuda. (Joh. 15:9, 12, 13; 21:16) Murume anoratidza kuti anoda mudzimai wake nevana nezvaanoita, zvakadai sekudzidza Bhaibheri navo. Anofanirawo kuvaudza kuti anovada uye anovakoshesa, uye pazvinenge zvakakodzera anovarumbidza pamberi pevamwe.—Zvir. 31:28, 29.

Kuti afadze Jehovha, musoro wemhuri anofanira kuriritira mhuri yake (Ona ndima 16)

16. Ndezvipi zvimwe zvinofanira kuitwa nemusoro wemhuri uye zvii zvaasingafaniri kuzoita?

16 Anoriritira mhuri yake. Jehovha aipa vaIsraeri zvinhu zvinokosha pakurarama kunyange pavainge vachirangwa nemhaka yekusateerera. (Dheut. 2:7; 29:5) Anotipawo zvinhu zvinokosha zvatinoda pakurarama mazuva ano. (Mat. 6:31-33; 7:11) Jesu akapawo zvekudya vaya vaimutevera. (Mat. 14:17-20) Akaporesawo vakawanda vairwara. (Mat. 4:24) Musoro wemhuri anofanira kuriritira mhuri yake kuti afadze Jehovha. Asi pane chimwe chinhu chaasingafaniri kuzoita. Haafaniri kupedza nguva yakawandisa ari kubasa zvekuti anotadza kubatsira mhuri yake kuti iswedere pedyo naJehovha uye kuti inzwe yakachengeteka.

17. Jehovha naJesu vanotidzidzisa uye vanotirayira sei?

17 Kudzidzisa mhuri. Jehovha anotidzidzisa uye anotirayira nekuti anoda kutibatsira. (VaH. 12:7-9) Sezvinoita Baba vake, Jesu anodzidzisa nerudo vaya vari pasi pake. (Joh. 15:14, 15) Anotsiura zvakasimba asi zvine rudo. (Mat. 20:24-28) Anonzwisisa kuti tine chivi uye kuti tinowanzokanganisa.—Mat. 26:41.

18. Musoro wemhuri akanaka anoyeukei?

18 Murume anotevedzera Jehovha naJesu anoyeuka kuti mudzimai wake nevana vanokanganisawo. Haaitiri “hasha” mudzimai wake kana vana. (VaK. 3:19) Asi anoshandisa zano riri pana VaGaratiya 6:1 uye anoedza kuvaruramisa “neunyoro,” achiyeuka kuti naiyewo anokanganisa. Kungofanana naJesu, musoro wemhuri anoziva kuti nzira yakanaka kupfuura dzese pakudzidzisa vamwe ndeyekuvaratidza muenzaniso nezvaanoita.—1 Pet. 2:21.

19-20. Panyaya yekuita zvisarudzo, musoro wemhuri angatevedzera sei Jehovha naJesu?

19 Anoita zvisarudzo zvakanakira vamwe. Jehovha anoita zvisarudzo zvakanakira vamwe. Semuenzaniso, akasarudza kusika upenyu, kwete kuti zvinakire iye, asi kuti vamwe vanakidzwewo neupenyu. Hapana akamumanikidza kupa Mwanakomana wake kuti afire zvivi zvedu. Akaita izvozvo nekuti aida kutibatsira. Jesu akaitawo zvisarudzo zvainyanya kubatsira vamwe. (VaR. 15:3) Paakanga akaneta, akadzidzisa vanhu vakauya kwaari pane kuti azorore.—Mako 6:31-34.

20 Musoro wemhuri anoziva kuti chimwe chezvinhu zvakaoma chaizvo zvaanofanira kuita kusarudza zvakanakira mhuri yake, uye izvozvo anozvikoshesa chaizvo. Anoedza kusaita zvisarudzo asina kunyatsofunga kana kuti zvichibva pakuti ari kunzwa sei panguva iyoyo. Asi anobvumira Jehovha kuti amudzidzise kuita zvisarudzo zvakanaka. * (Zvir. 2:6, 7) Kana akadaro achafunga zvakanakira vamwe.—VaF. 2:4.

21. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

21 Jehovha akapa misoro yemhuri basa rakaoma, uye anotarisira kuti vaite zvese zvavanogona pabasa racho. Asi kana murume akaedza kutevedzera Jehovha naJesu, achava musoro wemhuri akanaka. Uye kana mudzimai wake akaitawo zvaanofanira kuita, vachafara mumba mavo. Mudzimai anofanira kuona sei basa remurume wake semusoro wemhuri, uye matambudziko api aanosangana nawo? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyoyo.

RWIYO 16 Rumbidzai Jehovha Nekuda kweMwana Wake, Muzodziwa

^ ndima 5 Murume paanoroora, anova musoro wemhuri. Munyaya ino tichakurukura kuti zvinorevei kuva musoro, nei Jehovha akaita kuti pave nemusoro, uye kuti varume vangadzidzei pamuenzaniso waJehovha naJesu. Munyaya inotevera, tichakurukura kuti murume nemudzimai vangadzidzei pana Jesu nevamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri. Uye munyaya yechitatu tichakurukura kuti hama dzingashandisa sei simba radzakapiwa muungano.

^ ndima 7 Pfungwa yekuti zvinogamuchirika kuti murume abate mudzimai wake zvisina kunaka kunyange kumurova, inowanzoratidzwa mumafirimu, mumitambo, uye mune mamwe mapurogiramu epaTV. Saka vanhu vanogona kufunga kuti hazvina kuipa kuti murume adzvinyirire mudzimai wake.

^ ndima 20 Kana uchida mamwe mashoko anotaura nezvekuita zvisarudzo zvakanaka, ona nyaya inoti: “Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari,” yakabudiswa muNharireyomurindi yaApril 15, 2011, mapeji. 13-17.