Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 8

Zvatingaita Kuti Tirambe Tiine Mufaro Patinotsungirira Matambudziko

Zvatingaita Kuti Tirambe Tiine Mufaro Patinotsungirira Matambudziko

“Hama dzangu, pamunosangana [nematambudziko akasiyana-siyana,] farai kwazvo.”—JAK. 1:2.

RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Maererano naMateu 5:11, tinofanira kuona sei matambudziko?

JESU akavimbisa vateveri vake kuti vaizova nemufaro wechokwadi. Akayambirawo vaya vanomuda kuti vaizosangana nematambudziko. (Mat. 10:22, 23; Ruka 6:20-23) Kuva vadzidzi vaKristu kunoita kuti tifare. Asi tinonzwa sei patinofunga nezvekuti tinogona kupikiswa nevemumhuri, kutambudzwa nehurumende, kana kuti kumanikidzwa kuita zvakaipa nevatinoshanda navo kana kuti vatinodzidza navo? Patinofunga nezvazvo, tinogona kuzvidya mwoyo.

2 Vanhu havaoni sekuti kutambudzwa kungaita kuti vafare. Asi Shoko raMwari rinotiudza kuti tifare patinenge tiri mumatambudziko. Semuenzaniso, mudzidzi Jakobho akanyora kuti patinosangana nematambudziko, hatifaniri kuona sekuti hatichabatsiri, asi tinofanira kufara. (Jak. 1:2, 12) Uye Jesu akati tinofanira kufara kunyange patinenge tichitambudzwa. (Verenga Mateu 5:11.) Tingaitei kuti tirambe tichifara patinosangana nematambudziko? Tinogona kudzidza zvakawanda kana tikaongorora mashoko akataurwa naJakobho mutsamba yaakanyorera vaKristu vekutanga. Ngatitangei nekuona matambudziko akasangana nevaKristu ivavo.

VAKRISTU VEKUTANGA VAKASANGANA NEMATAMBUDZIKO API?

3. Chii chakaitika Jakobho achangobva kuva mudzidzi waJesu?

3 Jakobho munin’ina waJesu achangobva kuva mudzidzi, vaKristu vemuJerusarema vakatanga kutambudzwa. (Mab. 1:14; 5:17, 18) Uye mudzidzi Stefani paakaurayiwa, vaKristu vakawanda vakatiza muguta racho “vakapararira neJudhiya yese neSamariya,” uye vamwe vavo vakaenda kunzvimbo dziri kure chaizvo dzakadai seSaipurasi neAndiyoki. (Mab. 7:58–8:1; 11:19) Hama idzi dzakasangana nematambudziko akawanda. Kunyange zvakadaro, vairamba vachiparidza mashoko akanaka kwese kwavaienda, uye ungano dzakatangwa munzvimbo dzakawanda dzaitongwa neumambo hweRoma. (1 Pet. 1:1) Asi kwaiva nemamwe matambudziko akakura aiva mberi.

4. Ndeapi mamwe matambudziko aifanira kutsungirirwa nevaKristu vekutanga?

4 VaKristu vekutanga vaifanira kutsungirira matambudziko akasiyana-siyana. Semuenzaniso, munenge mugore ra50 C.E., Mutongi weRoma ainzi Kraudhiyo akarayira kuti vaJudha vese vabve muRoma. Saka vaJudha vainge vava vaKristu vaifanira kusiya misha yavo vachienda kunogara kune dzimwe nzvimbo. (Mab. 18:1-3) Munenge muna 61 C.E., muapostora Pauro akanyora kuti vamwe vaKristu vaainamata navo vaimiswa pamberi peruzhinji vachizvidzwa, vachiiswa mujeri, uye vachitorerwa zvinhu zvavo. (VaH. 10:32-34) Uye sezvaingoita vamwe vanhu, vamwe vaKristu vaifanira kutsungirira urombo uye kurwara.—VaR. 15:26; VaF. 2:25-27.

5. Mibvunzo ipi yatichapindura?

5 Jakobho paakanyora tsamba yake gore ra62 C.E. risati rasvika, ainyatsoziva matambudziko aisangana nehama nehanzvadzi dzake. Jehovha akafemera Jakobho kuti anyore tsamba kuvaKristu ivavo yaiva nemazano aivabatsira kuti varambe vachifara kunyange pavaisangana nematambudziko. Ngationgororei tsamba yaJakobho topindura mibvunzo inotevera: Jakobho aitaura nezvemufaro wakaita sei? Chii chingaita kuti muKristu atadze kuramba achifara? Uye uchenjeri, kutenda, uye ushingi, zvingatibatsira sei kuramba tichifara pasinei nematambudziko atinosangana nawo?

CHII CHINOITA KUTI MUKRISTU AFARE?

Kufanana nemoto werambi rakadzivirirwa negirazi, mufaro unopiwa muKristu naJehovha, unoramba uchibvira mumwoyo make (Ona ndima 6)

6. Maererano naRuka 6:22, 23, nei muKristu achikwanisa kufara paanosangana nematambudziko?

6 Vanhu vanofunga kuti vanogona kungofara chete kana vaine utano hwakanaka, vaine mari yakawanda, uye vachigarisana zvakanaka mumhuri dzavo. Asi mufaro unotaurwa nezvawo naJakobho unovapo kuburikidza nemweya mutsvene waMwari, uye mufaro iwoyo unovapo pasinei nekuti munhu ari mumamiriro ezvinhu akaita sei. (VaG. 5:22) MuKristu anowana mufaro wechokwadi, paanoziva kuti ari kufadza Jehovha uye ari kutevera muenzaniso waJesu. (Verenga Ruka 6:22, 23; VaK. 1:10, 11) Mufaro wedu unogona kufananidzwa nemoto werambi rakadzivirirwa negirazi, uyo usingadzimwi nemhepo kana nemvura. Hauperi patinenge tiine matambudziko eutano kana kuti patinenge tisina mari. Tinotofara patinosekwa kana kupikiswa nevemumhuri kana kuti nevamwe vanhu. Pane kuti upere, mufaro wacho unotowedzera vanhu pavanoedza kuudzima. Matambudziko atinosangana nawo nemhaka yekutenda kwedu anoratidza kuti tiri vadzidzi vaKristu vechokwadi. (Mat. 10:22; 24:9; Joh. 15:20) Ndosaka Jakobho akanyora kuti, “Hama dzangu, pamunosangana [nematambudziko akasiyana-siyana,] farai kwazvo.”—Jak. 1:2.

Nei matambudziko angafananidzwa nemoto unoshandiswa pakugadzira bakatwa resimbi? (Ona ndima 7) *

7-8. Kutenda kwedu kunoita sei patinotsungirira matambudziko?

7 Jakobho akataura chimwe chikonzero nei vaKristu vachida kutsungirira matambudziko akakura. Akati: “Kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoita kuti mutsungirire.” (Jak. 1:3) Matambudziko edu anogona kufananidzwa nemoto unoshandiswa pakugadzira bakatwa resimbi. Bakatwa racho parinopiswa rotonhodzwa, rinowedzera kusimba. Patinotsungirirawo matambudziko, kutenda kwedu kunowedzera kusimba. Ndosaka Jakobho akanyora kuti: “Kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka pazvinhu zvese.” (Jak. 1:4) Patinoona kuti matambudziko atiri kusangana nawo ari kuita kuti kutenda kwedu kusimbe, tinogona kuatsungirira tichifara.

8 Mutsamba yake, Jakobho akataurawo zvimwe zvinhu zvinogona kuita kuti titadze kuramba tichifara. Zvinhu zvacho ndezvipi, uye tingazvikunda sei?

KUKUNDA ZVINHU ZVINOGONA KUTISHAYISA MUFARO

9. Nei tichida uchenjeri?

9 Chii chinogona kutishayisa mufaro? Kusaziva zvekuita. Patinosangana nematambudziko, tinoda kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuita zvisarudzo zvinomufadza, zvinosimbisa uye zvinokurudzira hama nehanzvadzi dzedu, uye zvinotibatsira kuramba takaperera kwaari. (Jer. 10:23) Tinoda uchenjeri kuti tizive zvatinofanira kuita uye zvatinofanira kuudza vaya vanotipikisa. Kana tikatadza kuziva zvekuita, tinogona kuora mwoyo tobva tashaya mufaro.   

10. Jakobho 1:5 inotiudza kuti tinofanira kuitei kuti tiwane uchenjeri?

10 Chii chatingaita kuti tirambe tichifara? Kumbira Jehovha kuti akupe uchenjeri. Kuti titsungirire matambudziko edu tichifara, tinofanira kutanga takumbira Jehovha kuti atipe uchenjeri hunodiwa kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. (Verenga Jakobho 1:5.) Tinofanira kuita sei kana tikaona sekuti Jehovha haana kupindura munyengetero wedu nekukurumidza? Jakobho akati tinofanira ‘kuramba tichikumbira’ Mwari. Jehovha haasvotwi nazvo patinoramba tichimukumbira uchenjeri. Baba vedu vekudenga vanopa “nemwoyo wese” patinonyengetera tichikumbira uchenjeri hwekuti titsungirire matambudziko edu. (Pis. 25:12, 13) Vanoona matambudziko edu, vanorwadziwa patinotambura, uye vanoda kutibatsira. Izvi zvinoita kuti tifare chaizvo! Asi Jehovha anotipa sei uchenjeri?

11. Chii chimwe chatinofanira kuita kuti tiwane uchenjeri?

11 Jehovha anotipa uchenjeri achishandisa Shoko rake. (Zvir. 2:6) Kuti tiwane uchenjeri ihwohwo, tinofanira kudzidza Shoko raMwari uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Asi hatifaniri kungoperera pakuwana ruzivo. Tinofanira kuita zvatinoudzwa naMwari kuti tiite. Jakobho akati: “Ivai vaiti veshoko kwete vanzwi chete.” (Jak. 1:22) Patinoshandisa zvatinoudzwa naMwari, tinowedzera kuva vanhu vane rugare, vanonzwisisa, uye vane tsitsi. (Jak. 3:17) Izvozvo zvinotibatsira kuti titsungirire chero dambudziko tichifara.

12. Nei zvichikosha kuti tinyatsoziva Bhaibheri?

12 Shoko raMwari rakaita segirazi iro rinotibatsira kuona zvatinofanira kugadzirisa uye kuti tingazviita sei. (Jak. 1:23-25) Semuenzaniso, pashure pekunge tadzidza Shoko raMwari, tinogona kuona kuti tinofanira kudzora hasha dzedu. Tichibatsirwa naJehovha, tinogona kudzidza kuva vanhu vanyoro patinotsamwiswa nevamwe kana kuti panoitika zvinhu zvinotigumbura. Kana tiri vanhu vanyoro, tinoramba takadzikama patinosangana nematambudziko. Tinokwanisa kufunga zvakanaka uye kuita zvisarudzo zviri nani. (Jak. 3:13) Zvinokosha chaizvo kuti tinyatsoziva Bhaibheri!

13. Nei tichifanira kudzidza zvakaitwa nevanhu vanotaurwa muBhaibheri?

13 Dzimwe nguva tinodzidza zvatisingafaniri kuita pashure pekunge takanganisa. Asi ikoko kudzidza nenzira yakaoma. Nzira yakanaka yekuwana nayo uchenjeri ndeyekudzidza pane zvakagonekwa nevamwe uye pane zvavakakanganisa. Ndosaka Jakobho achitikurudzira kuti titarise zvakaitwa nevanhu vari muBhaibheri vainge vakavimbika vakadai saAbrahamu, Rakabhi, Jobho, uye Eriya. (Jak. 2:21-26; 5:10, 11, 17, 18) Vashumiri vaJehovha ivavo vakakwanisa kutsungirira matambudziko aigona kuvashayisa mufaro. Kutsungirira kwavakaita kunoratidza kuti tinogonawo kutsungirira tichibatsirwa naJehovha.

14-15. Nei tichifanira kugadzirisa kusava nechokwadi kwatingava nako?

14 Chii chingatishayisa mufaro? Kusava nechokwadi nezvatinotenda. Dzimwe nguva zvinogona kutiomera kunzwisisa zvimwe zvinhu zvinotaurwa muShoko raMwari. Kana kuti Jehovha angasapindura minyengetero yedu nenzira yataitarisira. Izvi zvinogona kuita kuti tisava nechokwadi nezvatinotenda. Kana tikaramba tisina chokwadi, kutenda kwedu kunopedzisira kusisina kusimba, zvokanganisa ushamwari hwedu naJehovha. (Jak. 1:7, 8) Uye zvingatoita kuti tisava netariro yeramangwana.

15 Muapostora Pauro akafananidza tariro yedu yeramangwana nechinhu chinotsigisa ngarava. (VaH. 6:19) Chinhu chinotsigisa chinodzikamisa ngarava pakunenge kuine dutu uye chinoita kuti isaenda kune matombo. Asi chinhu chinotsigisa chinoshanda chete kana cheni inochibatanidza nengarava ikasadambuka. Sezvinoita ngura iyo inokanganisa cheni yechinhu chinotsigisa ngarava, kusava nechokwadi nezvatinotenda kunokanganisa kutenda kwedu. Paanopikiswa, munhu asina chokwadi anogona kutadza kutenda kuti Jehovha achazadzisa zvaakavimbisa. Kana tisisina kutenda, tinenge tisisina tariro. Jakobho akati munhu asina chokwadi “akafanana nefungu regungwa rinofambiswa nemhepo richisairirwa kwese kwese.” (Jak. 1:6) Kashoma kuti munhu akadaro afare.

16. Tinofanira kuitei kana tisina chokwadi nezvatinotenda?

16 Chii chatingaita kuti tirambe tichifara? Gadzirisa kusava nechokwadi kwaungava nako; simbisa kutenda kwako. Ita izvozvo nekukurumidza. Mumazuva emuprofita Eriya, vanhu vaJehovha vakanga vasisina chokwadi nezvavaitenda. Eriya akavaudza kuti: “Mucharamba muine mwoyo miviri kusvikira riini? Kana Jehovha ari iye Mwari wechokwadi, muteverei; asi kana ari Bhaari, muteverei!” (1 Madz. 18:21) Ndizvo zvazvakaitawo mazuva ano. Tinofanira kutsvakurudza kuti tive nechokwadi kuti Jehovha Mwari ariko, Bhaibheri iShoko rake, uye kuti Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu vake. (1 VaT. 5:21) Kuita zvese izvozvo kuchaita kuti tive nechokwadi nezvatinotenda uye kuchasimbisa kutenda kwedu. Kana tichida kubatsirwa kuti tigadzirise kusava nechokwadi kwatingava nako, tinogona kukumbira vakuru. Tinofanira kukurumidza kuzviita kana tichida kuramba tichifara pakushumira Jehovha!

17. Chii chichaitika kana tikasava neushingi?

17 Chii chingatishayisa mufaro? Kuora mwoyo. Shoko raMwari rinoti: “Kana ukaora mwoyo pazuva rekutambudzika, simba rako rinova shoma.” (Zvir. 24:10) Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “ukaora mwoyo” rinogona kureva “kusava neushingi.” Kana usisina ushingi, uchangoerekana usisafari.

18. Kutsungirira kuita sei?

18 Chii chatingaita kuti tirambe tichifara? Vimba naJehovha kuti akupe ushingi hwekutsungirira. Tinofanira kuva neushingi kuti titsungirire matambudziko. (Jak. 5:11) Shoko rakashandiswa naJakobho iro rakashandurwa kuti “kutsungirira” rinoita kuti tifunge nezvemunhu anoramba akamira zvakasimba paanenge ari. Tinogona kufunga nezvemusoja anoshinga kumira paanenge ari asingambotizi paanorwiswa nevavengi.

19. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa nemuapostora Pauro?

19 Muapostora Pauro akatisiyira muenzaniso wakanaka chaizvo wekuva neushingi uye wekutsungirira. Dzimwe nguva aimbonzwa asina simba. Asi akakwanisa kutsungirira nekuti aivimba naJehovha kuti amupe simba raaida. (2 VaK. 12:8-10; VaF. 4:13) Tinogona kuva nesimba uye ushingi hwakadaro kana tikabvuma kuti tinoda kubatsirwa naJehovha.—Jak. 4:10.

SWEDERA PEDYO NAMWARI URAMBE UCHIFARA

20-21. Chii chatinogona kuva nechokwadi nacho?

20 Tine chokwadi kuti matambudziko atinosangana nawo hakusi kurangwa naJehovha. Jakobho anotiudza kuti: “Munhu paanenge achiedzwa ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nekuti hapana angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa, uye iye haaedzi munhu.” (Jak. 1:13) Kana tikava nechokwadi naizvozvo, tinowedzera kuswedera pedyo naBaba vedu vekudenga vane rudo.—Jak. 4:8.

21 Jehovha ‘haachinji.’ (Jak. 1:17) Akabatsira vaKristu vekutanga pavaiva mumatambudziko, uye achabatsirawo mumwe nemumwe wedu mazuva ano. Kumbira Jehovha nemwoyo wese kuti akubatsire kuva neuchenjeri, kutenda, uye ushingi. Achapindura minyengetero yako. Uchabva wava nechokwadi chekuti achakubatsira kuti urambe uchifara paunenge uchitsungirira matambudziko!

RWIYO 128 Kutsungirira Kusvika Kumugumo

^ ndima 5 Bhuku raJakobho rine mazano akawanda anotibatsira patinenge tichisangana nematambudziko. Nyaya ino ichataura nezvemamwe mazano atinopiwa naJakobho. Mazano aya anogona kutibatsira kuti titsungirire matambudziko asi tichiramba tiine mufaro wedu pakushumira Jehovha.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yasungwa iri pamba payo. Mudzimai wayo nemwanasikana vakatarisa ichitorwa nemapurisa. Murume wacho paari mujeri, dzimwe hama nehanzvadzi dzemuungano dzinouya kuzoita kunamata kwemhuri nehanzvadzi yacho nemwanasikana wayo. Amai vacho nemwanasikana vanogara vachikumbira Jehovha kuti avape simba rekutsungirira dambudziko ravo. Jehovha anovapa rugare neushingi. Izvi zvinoita kuti kutenda kwavo kuwedzere kusimba, vokwanisa kutsungirira vachifara.