Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvese Zvakabva Pakunyemwerera!

Zvese Zvakabva Pakunyemwerera!

Vamwe vakadzi vaviri vechidiki vaifamba muguta reBaguio, kuPhilippines. Vakaona chingoro chemabhuku, asi havana kuenda pachaiva. Imwe hanzvadzi inonzi Helen, iyo yainge yakamira pedyo nechingoro chacho yakatarisa vakadzi ivavo ichinyemwerera chaizvo. Vakadzi vacho vakaramba vachienda, asi vakafarira kunyemwerera kwakaitwa naHelen.

Vakadzi vaya pavaiva mubhazi vava kudzokera kumba, vakaona chikwangwani chejw.org paImba yeUmambo. Zvavakaona pachikwangwani ichi zvakavayeuchidza mashoko avanga vamboona pachingoro chemabhuku. Vakabva vaburuka mubhazi ndokunotarisa papurogiramu yemisangano yainge yakaiswa pagedhi repaImba yeUmambo.

Vakadzi vacho vakabva vapinda musangano wakatevera. Vachingopinda muImba yeUmambo vakashamiswa kuona Helen! Vakabva vangomuziva nekunyemwerera kwake. Helen anoti: “Pavaifamba vachiuya kwandiri, ndakamboita kakutya. Ndakafunga kuti zvimwe pane zvandakanganisa.” Asi vakadzi vacho vakabva vaudza Helen zvakanga zvaitika.

Vakanakidzwa nemisangano, uye vakanzwa vakasununguka kuva pamwe chete nehama nehanzvadzi. Pavakaona vamwe vachichenesa muImba yeUmambo misangano yapera, vakakumbira kubatsirawo. Mumwe mukadzi wacho haachagari muPhilippines, asi mumwe wacho akatanga kupinda misangano uye kudzidza Bhaibheri. Zvese izvi zvakabva pakunyemwerera!