Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 8

Mazano Ako ‘Anofadza Mwoyo’ Here?

Mazano Ako ‘Anofadza Mwoyo’ Here?

“Mafuta nerusenzi zvinofadza mwoyo; ndizvo zvinoitawo ushamwari hwakanaka hunobva pakupiwa zano nemwoyo wese.”—ZVIR. 27:9.

RWIYO 102 ‘Batsirai Vaya Vasina Simba’

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Imwe hama yakadzidzei panyaya yekupa zano?

MAKORE akawanda apfuura, vakuru vaviri vakashanyira imwe hanzvadzi yakanga yava nenguva isingapindi misangano. Mumwe wevakuru vacho akaverengera hanzvadzi iyi mavhesi anotaura nezvekupinda misangano. Mukuru uyu akafunga kuti kushanya kwavakanga vaita kwakanga kwakurudzira hanzvadzi iyi, asi iye nemumwe wake pavakanga vava kuenda, hanzvadzi yacho yakati, “Hamutombozivi zviri kuitika muupenyu hwangu.” Hama idzi dzakanga dzapa zano dzisati dzatanga dzabvunza hanzvadzi yacho kuti matambudziko api ayaisangana nawo. Izvi zvakaita kuti isaona kubatsira kwezano racho.

2 Achifunga zvakaitika, mukuru ainge aratidza hanzvadzi yacho mavhesi eBhaibheri anoti: “Panguva yacho ndakafunga kuti hanzvadzi iyi yakanga isiri kutiremekedza. Asi pandakaramba ndichifunga nezvazvo, ndakaona kuti ndakanga ndairatidza magwaro ese akakodzera pane kuti ndiibvunze mibvunzo yese yakakodzera yakadai sekuti, ‘Pane zviri kunetsa here?’ ‘Pane zvandingaita here kuti ndikubatsirei?’” Mukuru wacho akawana chidzidzo chinokosha kubva pane zvakaitika. Iye zvino ava mufudzi anonzwisisa manzwiro anoita vamwe uye anobatsira.

3. Muungano, ndivanaani vangapa zano?

 3 Sevafudzi, vakuru vane basa rekupa zano pazvinenge zvakakodzera. Asi pane nguva dzekuti vamwewo vari muungano vangafanira kupa zano. Semuenzaniso, hama kana hanzvadzi ingapa shamwari yayo zano rinobva muBhaibheri. (Pis. 141:5; Zvir. 25:12) Kana kuti hanzvadzi yechikuru ‘ingarayira vakadzi vadiki’ panyaya dzakadai sedzinotaurwa pana Tito 2:3-5. Uye vabereki vanofanira kugara vachipa vana vavo mazano uye vachivatsiura. Saka kunyange zvazvo nyaya ino yakanyanya kunyorerwa vakuru vemuungano, tese zvedu tinogona kubatsirwa nekuongorora nzira dzatingapa nadzo vamwe mazano anobatsira, uye ‘anofadza mwoyo.’—Zvir. 27:9.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Munyaya ino tichakurukura mibvunzo 4 panyaya yekupa zano inoti: (1) Ndechipi chikonzero chakanaka chekupa zano? (2) Zano racho rinotofanira kupiwa here? (3) Ndiani anofanira kupa zano racho? (4) Ungaitei kuti upe zano rinobatsira?

NDECHIPI CHIKONZERO CHAKANAKA CHEKUPA ZANO?

5. Nei zviri nyore kuti vanhu vagamuchire zano remukuru kana akaripa nerudo? (1 VaKorinde 13:4, 7)

5 Vakuru vanoda hama nehanzvadzi dzavo. Dzimwe nguva vanoratidza rudo irworwo nekutsiura munhu anenge ava kurasika. (VaG. 6:1) Asi asati ataura nemunhu wacho, mukuru anogona kutanga afunga zvakataurwa naPauro nezverudo. “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. . . . Runoshingirira zvinhu zvese, runotenda zvinhu zvese, rune tariro pazvinhu zvese, runotsungirira zvinhu zvese.” (Verenga 1 VaKorinde 13:4, 7.) Mukuru paanofungisisa nezvemavhesi iwayo eBhaibheri, zvichamubatsira kuti ave nechokwadi chekuti apa zano racho nerudo. Kana munhu ari kupiwa zano akaona kuti mukuru wacho ane hanya naye, kakawanda kacho achagamuchira zano racho.—VaR. 12:10.

6. Muapostora Pauro akaratidza muenzaniso upi wakanaka?

6 Muapostora Pauro akaratidza muenzaniso wakanaka wezvinofanira kuitwa nemukuru. Semuenzaniso, vaKristu vekuTesaronika pavaifanira kupiwa zano, Pauro haana kuzeza kuvapa. Asi mutsamba yaakavanyorera, Pauro akatanga ataura nezvebasa ravaiita nekutenda, basa ravo rerudo, uye kutsungirira kwavo. Akafungawo nezveupenyu hwavo, ndokuvaudza kuti aiziva kuti upenyu hwavo hwakanga husiri nyore, uye kuti vaitsungirira kutambudzwa. (1 VaT. 1:3; 2 VaT. 1:4) Akatoudza hama idzodzo kuti dzaiva muenzaniso kune vamwe vaKristu. (1 VaT. 1:8, 9) Hama idzi dzakafara chaizvo nekurumbidzwa kwadzakaitwa naPauro. Hapana mubvunzo kuti Pauro aida chaizvo hama dzake. Ndosaka akakwanisa kupa mazano anobatsira mutsamba mbiri dzaakanyorera vaTesaronika.—1 VaT. 4:1, 3-5, 11; 2 VaT. 3:11, 12.

7. Chii chingaita kuti mumwe munhu arambe zano?

7 Chii chinogona kuitika kana tikasapa zano zvakanaka? Mumwe mukuru agara nebasa anoti, “Vamwe vanoramba zano kwete nekuti pane chakaipa nezano racho, asi nekuti harina kupiwa nerudo.” Izvi zvinotidzidzisei? Zano riri nyore kugamuchira parinopiwa nerudo, kwete nekuti ari kuripa wacho anenge aine chinhu chamusvota.

ZANO RACHO RINOTOFANIRA KUPIWA HERE?

8. Mukuru anofanira kuzvibvunza kutii paanenge achida kuona kuti opa munhu zano here kana kuti kwete?

8 Vakuru havafaniri kumhanyirira kupa zano. Asati aripa, mukuru anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinotofanira here kutaura chimwe chinhu? Ndine chokwadi here chekuti zviri kuitwa nemunhu wacho zvakaipa? Pane murayiro weBhaibheri waakatyora here? Kana kuti hakusi kungosiyana kwemaonero here?’ Vakuru vanongwarira kuti ‘vasakurumidza kutaura.’ (Zvir. 29:20) Kana mukuru asina chokwadi chekuti anofanira kupa munhu zano, anogona kubvunza mumwe mukuru kuti anzwe kuti iyewo anofunga kuti zviri kuitwa nemunhu wacho zvinopesana neBhaibheri here uye kuti anofanira kupiwa zano.—2 Tim. 3:16, 17.

9. Tinodzidzei pana Pauro pakupa zano panyaya yemapfekero? (1 Timoti 2:9, 10)

9 Funga nezvemuenzaniso unotevera. Ngatitii mukuru ari kunetseka nezvemapfekero emumwe muKristu. Mukuru wacho anogona kuzvibvunza kuti, ‘Pane chikonzero chiri muBhaibheri here chekuti nditaure chimwe chinhu?’ Sezvo mukuru wacho asingadi kungotaura mafungiro ake, angabvunza mumwe mukuru kana kuti imwe hama kana hanzvadzi ine maonero akanaka. Vanogona kukurukura vese zano rakataurwa naPauro panyaya yekupfeka. (Verenga 1 Timoti 2:9, 10.) Pauro akataura nezvezvimwe zvinhu zvinogona kubatsira panyaya yemapfekero. Akati muKristu anofanira kupfeka zvine mutsigo, zvinoratidza kuva nemwero uye pfungwa dzakanaka. Asi Pauro haana kunyora pasi zvinhu zvinogona kupfekwa nemuKristu uye zvaasingafaniri kupfeka. Aiziva kuti vaKristu vane kodzero yekupfeka zvavanofarira zvisingapesani neMagwaro. Saka vakuru vasati vapa munhu zano panyaya yekupfeka vanofanira kutanga vaona kuti zvechokwadi mapfekero emunhu wacho haana mwero uye haaratidzi pfungwa dzakanaka here.

10. Tinofanira kuyeukei pazvisarudzo zvinoitwa nevamwe?

10 Tinofanira kuziva kuti vaKristu vaviri vakasimba pakunamata vanogona kuita zvisarudzo zvakasiyana uye zvese zvichigamuchirika. Hatifaniri kumanikidza hama dzedu kuti dziite zvatinofunga kuti ndizvo zvakanaka.—VaR. 14:10.

NDIANI ANOFANIRA KUPA ZANO RACHO?

11-12. Kana zano richifanira kupiwa, mukuru anofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi uye nei achifanira kudaro?

11 Kana zviri pachena kuti zano rinofanira kupiwa, mubvunzo unotevera ndewekuti, Ndiani anofanira kuripa? Asati apa zano hanzvadzi yakaroorwa kana kuti mwana mudiki, mukuru anotaura nemusoro wemhuri uyo angada kugadzirisa nyaya yacho ega. * Kana kuti musoro wemhuri angakumbira kuvapo mukuru paanenge achipa zano racho. Uye sezvataurwa  mundima 3, dzimwe nguva zviri nani kuti hanzvadzi yechikuru ipe zano kuhanzvadzi yechidiki.

12 Pane zvimwewo zvekufunga nezvazvo. Mukuru angazvibvunza kuti, ‘Ndini ndakanyatsokodzera kupa zano racho here kana kuti ringagamuchirwa zvakanaka kana rikapiwa nemumwe munhu?’ Semuenzaniso, zvinogona kuva nyore kuti munhu ane dambudziko rekuzvitarisira pasi agamuchire zano kana akaripiwa nemukuru akambova nedambudziko racho. Mukuru akambosangana nedambudziko rakadaro anogona kunyatsonzwisisa munhu wacho, uye angataura zvinhu zvinokurumidza kugamuchirwa nemunhu wacho. Asi ibasa revakuru vese kukurudzira hama nehanzvadzi dzavo padzinenge dzichifanira kuchinja kuti dziite zvinodiwa neMagwaro. Saka chinonyanya kukosha ndechekuti zano rapiwa, kunyange zvazvo mukuru ari kuripa asina kumbova nedambudziko rakadaro.

UNGAITEI KUTI UPE ZANO RINOSHANDA?

Nei vakuru vechiKristu vachifanira “kukurumidza kuteerera”? (Ona ndima 13-14)

13-14. Nei zvichikosha kuti mukuru ateerere?

13Iva nechido chekuteerera. Mukuru paanenge achigadzirira kupa zano anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Chii chandinoziva nezvehama yangu? Chii chiri kuitika muupenyu hwake? Kuti angava ari kusangana nematambudziko andisiri kuziva here? Angava achida rubatsiro rwakaita sei iye zvino?’

14 Mashoko ari pana Jakobho 1:19 anoshanda kune vaya vanopa zano. Jakobho akanyora kuti: “Munhu wese anofanira kukurumidza kuteerera, kunonoka kutaura, uye kunonoka kutsamwa.” Mukuru anogona kufunga kuti ari kuziva zvese zvinenge zvichiitika, asi anenge achinyatsozviziva here? Zvirevo 18:13 inotiyeuchidza kuti: “Kana munhu achipindura nyaya asati anzwa mashoko ese, upenzi uye kuzvinyadzisa.” Zvakanyanya kunaka kuwana mashoko kubva kumunhu wacho pachake. Saka mukuru anofanira kuteerera asati ataura. Yeuka chidzidzo chakabatwa nemukuru ataurwa patangira nyaya ino. Akaona kuti pane kuti atange nemashoko aakanga agadzirira, aifanira kunge akabvunza hanzvadzi yacho mibvunzo yakadai sekuti: “Pane zviri kunetsa here?” “Pane zvandingaita here kuti ndikubatsirei?” Kana vakuru vakawana nguva yekuongorora mamiriro akaita zvinhu, kakawanda kacho vanokwanisa kubatsira hama nehanzvadzi dzavo uye kudzikurudzira.

15. Vakuru vangashandisa sei pfungwa iri pana Zvirevo 27:23?

15Zivai makwai. Sezvataurwa kwekutanga, kupa zano rinoshanda haisi nyaya yekungoverenga magwaro mashomanana kana kuudza munhu zvaunofunga kuti zvinobatsira. Hama nehanzvadzi dzedu dzinofanira kuona kuti tine hanya nadzo, tinodzinzwisisa uye kuti tinoda kudzibatsira. (Verenga Zvirevo 27:23.) Vakuru vanofanira kuita zvese zvavanogona kuti vave neushamwari hwepedyo nehama nehanzvadzi dzavo.

Chii chinoita kuti zvive nyore kuti vakuru vape zano? (Ona ndima 16)

16. Chii chichabatsira vakuru kuti vape zano rinoshanda?

16 Vakuru havadi kuti hama dzavo dzifunge kuti havana nguva yekutaura nadzo, kunze kwekunge vachida kudzipa zano. Asi vanogara vachitaura nehama nehanzvadzi dzavo, vachiratidza kuti vane hanya nadzo padzinenge dzichisangana nematambudziko. Mumwe mukuru agara nebasa anoti, “Kana mukaita izvozvo, muchava neushamwari hwakanaka navo. Pamunenge mava kufanira kuzovapa zano, zvichava nyore kuti mudaro.” Uye zvichava nyore kuti munhu anenge achipiwa zano arigamuchire.

Nei mukuru achifanira kuva nemwoyo murefu nemutsa paanenge achipa zano? (Ona ndima 17)

17. Mukuru anofanira kunyanya kuva nemwoyo murefu nemutsa papi?

17Ivai nemwoyo murefu nemutsa. Mwoyo murefu nemutsa zvinodiwa kunyanya kana munhu wacho akatanga asingadi kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri. Mukuru anofanira kungwarira kuti arege kusvotwa kana zano rake rikasakurumidza kugamuchirwa kana kushandiswa. Bhaibheri rinotaura nezvaJesu richiti: “Hapana tsanga yakasvuuka yaachapwanya, uye hapana tambo inopfungaira yaachadzima.” (Mat. 12:20) Saka paanenge achinyengetera ari ega, mukuru angakumbira Jehovha kuti akomborere munhu ari kufanira kupiwa zano uye amubatsire kunzwisisa chikonzero chiri kuita kuti apiwe zano uye kuti arishandise. Hama iri kupiwa zano ingada nguva yekuti ifunge nezvezano racho. Kana mukuru aine mwoyo murefu nemutsa, zvichava nyore kuti munhu waari kuedza kubatsira ateerere zano racho. Nguva dzese, zano racho rinofanira kubva muShoko raMwari.

18. (a) Chii chatinofanira kuyeuka pakupa zano? (b) Sezvinoratidzwa mumufananidzo uri pabhokisi, vabereki vari kukurukurei?

18Dzidza pane zvaunokanganisa. Chivi chatiinacho chinotitadzisa kushandisa mazano ari munyaya ino zvakakwana. (Jak. 3:2) Tichaita zvikanganiso, asi patinodaro, tinofanira kuedza kudzidza pazviri. Kana hama nehanzvadzi dzedu dzikaona kuti tinodzida, zvinogona kudziitira nyore kuti dzitikanganwire patinodzigumbura nezvatinotaura kana kuti nezvatinoita.—Onawo bhokisi rakanzi “ Mashoko Kuvabereki.”

TADZIDZEI?

19. Tingaitei kuti tifadze hama nehanzvadzi dzedu?

19 Sezvataona, hazvisi nyore kupa zano rinoshanda. Tine chivi, uye ndizvo zvakaitawo vanhu vatinopa zano. Yeuka zvatakurukura munyaya ino. Iva nechokwadi chekuti zano racho rapiwa nechikonzero chakanaka. Uyewo tanga wava nechokwadi chekuti rinotofanira kupiwa uye kuti wakakodzera kuripa. Usati wapa zano, bvunza mibvunzo uye nyatsoteerera kuitira kuti unzwisise dambudziko rine munhu wacho. Edza kuona zvinhu semaonero aari kuita. Iva munyoro, uye iva neushamwari hwepedyo nehama nehanzvadzi dzako. Yeuka izvi: Tinoda kuti zano redu rishande uyewo kuti ‘rifadze mwoyo.’—Zvir. 27:9.

RWIYO 103 Vafudzi—Zvipo Zviri Varume

^ ndima 5 Hapasi pese pazviri nyore kutsiura mumwe munhu. Patinenge tichifanira kutsiura mumwe munhu tingazviita sei nenzira inomubatsira uye inomuzorodza? Nyaya ino ichanyanya kubatsira vakuru kuti vape vamwe mazano nenzira inoita kuti vade kuateerera uye vade kuashandisa.

^ ndima 11 Ona nyaya inoti “Kunzwisisa Nyaya Yemusoro Muungano” iri muNharireyomurindi yaFebruary 2021.