Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 6

Unovimba Kuti Jehovha Anogara Achiita Zvakarurama Here?

Unovimba Kuti Jehovha Anogara Achiita Zvakarurama Here?

“Iye iDombo, basa rake rakakwana, nekuti nzira dzake dzese dzakarurama. NdiMwari akatendeka, asingaiti zvisina kururama; iye akarurama uye akatendeseka.”—DHEUT. 32:4.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Nei vanhu vakawanda mazuva ano vachiomerwa nekuvimba nevaya vane masimba? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

MAZUVA ano vanhu vakawanda vanoomerwa nekuvimba nevaya vane masimba. Vanoona kuti hurumende uye mitemo iripo zvinowanzobatsira vanhu vakapfuma uye vane simba, asi hazvinyanyi kubatsira varombo. Bhaibheri rinoti: ‘Munhu anotonga munhu achimubata zvakaipa.’ (Mup. 8:9) Uyewo vamwe vatungamiriri vezvitendero vanoita zvakaipa, izvo zviri kuita kuti vamwe vanhu vapedzisire vasisavimbi naMwari. Saka munhu paanobvuma kudzidza Bhaibheri nesu, tinofanira kumubatsira kuti adzidze kuvimba naJehovha uye nevaya vaakagadza vari panyika.

2 Vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri handivo vega vanofanira kudzidza kuvimba naJehovha nesangano rake. Kunyange isu tava nemakore akawanda tichishumira Jehovha tinofanira kuramba tichiyeuka kuti nzira yaJehovha yekuita zvinhu ndiyo yakanaka kupfuura dzimwe dzese. Asi dzimwe nguva panogona kuitika chimwe chinhu chinoedza kuvimba kwatinoita naJehovha. Munyaya ino tichakurukura kuti kutenda kwedu kungaedzwa sei: (1) patinoverenga dzimwe nyaya dziri muBhaibheri, (2) patinopiwa mirayiridzo nesangano raJehovha, uye (3) patichasangana nematambudziko mune ramangwana.

VIMBA NAJEHOVHA PAUNENGE UCHIVERENGA BHAIBHERI

3. Dzimwe nyaya dziri muBhaibheri dzingaedza sei kuvimba kwatinoita naJehovha?

 3 Patinenge tichiverenga Shoko raMwari, tinogona kuva nemibvunzo nezvakaitwa naJehovha kune vamwe vanhu kana kuti nezvezvimwe zvisarudzo zvaakaita. Semuenzaniso, mubhuku raNumeri tinoverenga kuti Jehovha akatongera rufu mumwe muIsraeri akatsvaga huni paSabata. Mubhuku rechipiri raSamueri, tinoona kuti papera mazana emakore, Jehovha akaregerera Mambo Dhavhidhi mhosva yeupombwe uye yeumhondi. (Num. 15:32, 35; 2 Sam. 12:9, 13) Tinganetseka kuti, ‘Nei Jehovha akaregerera Dhavhidhi mhosva yeumhondi uye yeupombwe asi akatongera rufu mumwe murume akanga aita mhosva yaiita seisina kunyanya kukura?’ Kuti tipindure mubvunzo uyu, funga zvinhu zvitatu zvatinofanira kuyeuka patinenge tichiverenga Bhaibheri.

4. Mashoko ari pana Genesisi 18:20, 21 uye Dheuteronomi 10:17 anotibatsira sei kuti tiwedzere kuvimba nemitongo yaJehovha?

4Dzimwe nyaya dziri muBhaibheri hadzina mashoko ese. Semuenzaniso, tinoziva kuti Dhavhidhi akapfidza nemwoyo wese pane zvaakaita. (Pis. 51:2-4) Asi murume akatyora mutemo weSabata aiva munhu akaita sei? Akademba zvaakanga aita here? Akanga ambotyora mitemo yaJehovha here munguva yapfuura? Akanga ambopira gotsi kana kuramba yambiro dzaakanga apiwa here? Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo. Asi tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha ‘haaiti zvisina kururama.’ (Dheut. 32:4) Anoita zvisarudzo achizvitorera pamashoko akakwana ane chekuita nenyaya yacho, kwete pane zvinotaurwa nevanhu, maonero asina kunaka evamwe kana kuti zvimwewo zvinokanganisa matongero evanhu. (Verenga Genesisi 18:20, 21; Dheuteronomi 10:17.) Patinoramba tichidzidza nezvaJehovha uye nezvemitemo yake, tinowedzera kuvimba nemitongo yake. Kunyange tikaverenga Bhaibheri tova nemibvunzo yatisina mhinduro dzacho iye zvino, zvatinoziva nezvaMwari wedu zvakakwana kuti tive nechokwadi chekuti “akarurama munzira dzake dzese.”—Pis. 145:17.

5. Chivi chinokanganisa sei matongero edu? (Onawo bhokisi rakanzi “ Chivi Chinokanganisa Maonero Edu.”)

5Chivi chinokanganisa matongero atinoita. Mwari akatisika nemufananidzo wake, saka tinoda chaizvo kuona vanhu vachibatwa zvakanaka. (Gen. 1:26) Asi nemhaka yekuti tine chivi, tinogona kutonga nyaya zvisiri izvo, kunyange patinenge tichifunga kuti tine mashoko ese akakwana. Yeuka kusafara kwakaita Jona Jehovha paakasarudza kunzwira tsitsi vanhu vemuNinivhi. (Jona 3: 10-4:1) Kuregererwa kwakaitwa vanhu ava naJehovha kwakaguma nei? Vanhu vanopfuura 120 000 vemuNinivhi vakapona nekuti vakanga vapfidza. Jona ndiye aifanira kururamiswa, kwete Jehovha.

6. Nei Jehovha asingafaniri hake kutitsanangurira kuti nei achiita zvisarudzo zvake?

6Jehovha haafaniri hake kutitsanangurira kuti nei achiita zvisarudzo zvake. Ichokwadi kuti kare Jehovha akabvumira vashumiri vake kuti vataure zvaivanetsa pamusoro pezvisarudzo zvaakanga aita kana kuti zvaakanga achida kuita. (Gen. 18:25; Jona 4:2, 3) Uye dzimwe nguva aitsanangura zvikonzero zvake. (Jona 4:10, 11) Asi Jehovha haafaniri hake kutitsanangurira kuti nei akaita zvimwe zvinhu. Sezvo ari Musiki wedu, hapana chikonzero chekuti atange anzwa kuti tinobvumirana nazvo here asati aita chimwe chinhu, kana kuti atochiita.—Isa. 40:13, 14; 55:9.

VIMBA NAJEHOVHA PAUNOPIWA MIRAYIRIDZO

7. Chii chingatiomera, uye nei zvakadaro?

7 Tinobvuma nemwoyo wese kuti Jehovha anogara achiita zvakarurama. Asi zvinogona kutiomera kuti tivimbe nevarume vaakagadza. Tinganetseka kuti vaya vakagadzwa musangano raJehovha vari kuita zvinhu maererano nemirayiridzo yaJehovha here kana kuti yavo. Iwayo ndiwo anogona kunge aiva mafungiro evamwe vakararama panguva dzinotaurwa muBhaibheri. Funga nezvemienzaniso iri  mundima 3. Hama yemurume akatyora mutemo weSabata inogona kunge yakanetseka kuti Mozisi akanga abvunza Jehovha here asati apa mutongo werufu. Uye shamwari yaUriya muHiti, uyo ane mudzimai akaita upombwe naDhavhidhi, inogona kunge yakafunga kuti Dhavhidhi akashandisa chinzvimbo chake samambo kuti asarangwa. Chokwadi ndechekuti hatigoni kutaura kuti tinovimba naJehovha kana tisingavimbi nevamiririri vake vari panyika, vaya vaanovimba navo.

8. Zvinotaurwa pana Mabasa 16:4, 5 zvakafanana pakudii nemashandiro anoita ungano yechiKristu mazuva ano?

8 Mazuva ano Jehovha ari kutungamirira chikamu chepanyika chesangano rake achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45) Sezvaiitwa nedare rinotungamirira remunguva yevaapostora, muranda uyu anotungamirira vanhu vaMwari pasi rese uye anopa mirayiridzo kuvakuru vemuungano. (Verenga Mabasa 16:4, 5.) Vakuru vanobva vava nechokwadi chekuti vashandisa mirayiridzo yacho muungano. Tinoratidza kuti tinovimba nenzira yaJehovha yekuita zvinhu nekuteerera mirayiridzo yatinopiwa nesangano uye nevakuru.

9. Ndepapi pazvingatiomera kuti titsigire chisarudzo chinenge chaitwa nevakuru, uye nei zvakadaro?

9 Dzimwe nguva zvingatiomera kutsigira zvisarudzo zvinoitwa nevakuru. Semuenzaniso, mumakore achangopfuura, ungano dzakawanda nematunhu zvange zvichirongwa patsva. Pamwe pacho vakuru vange vachikumbira vaparidzi kuti vatsigire imwe ungano nechinangwa chekuti zvigaro zvakawanda zvemudzimba dzedu dzeUmambo zvinge zviine vanhu panoitwa misangano. Kana tikakumbirwa kuti tipinde neimwe ungano, zvinogona kutiomera kuti tisiye hama neshamwari dzedu. Vakuru vanoita zvekuudzwa naMwari here kwekuendesa muparidzi mumwe nemumwe? Aiwa. Saka izvozvo zvingaita kuti tiomerwe nekuteerera mirayiridzo yatinopiwa. Asi Jehovha anovimba nevakuru kuti vaite zvisarudzo zvakadaro, uye isuwo tinofanira kuvimba navo. *

10. Maererano naVaHebheru 13:17, nei tichifanira kutsigira vakuru?

10 Nei tichifanira kutsigira zvisarudzo zvevakuru kunyange zvazvo zvisarudzo zvacho zvisiri izvo zvatingada? Nekuti patinoita izvozvo, tinoita kuti vanhu vaMwari varambe vakabatana. (VaEf. 4:2, 3) Tese patinozvininipisa totsigira zvisarudzo zvinoitwa nedare revakuru, ungano dzinosimba. (Verenga VaHebheru 13:17.) Chinonyanya kukosha ndechekuti tinoratidza Jehovha kuti tinovimba naye patinotsigira vaya vaanovimba navo kuti vatichengetedze.—Mab. 20:28.

11. Chii chinogona kutibatsira kuti tiwedzere kuvimba nemirayiridzo yatinopiwa nevakuru?

11 Tinowedzera kuvimba kwatinoita nemirayiridzo yatinopiwa nevakuru nekuyeuka kuti vanonyengeterera mweya mutsvene pavanokurukura nyaya dzine chekuita neungano. Vanonyatsoongorora mazano eBhaibheri ane chekuita nenyaya dzacho uye vanotarisa mirayiridzo yavanopiwa nesangano raJehovha. Vanoda chaizvo kufadza Jehovha uye kunyatsochengetedza vanhu vake. Varume ava vakatendeka vanoziva kuti vanozvidavirira kuna Mwari pamaitiro avanoita mabasa avo. (1 Pet. 5:2, 3) Funga izvi: Munyika yakaparadzaniswa nekusiyana kwemarudzi, zvitendero uye zvematongerwe enyika, vanhu vaJehovha vakabatana pakunamata Mwari mumwe chete wechokwadi. Izvi zvinongoitika chete nekuti Jehovha ari kukomborera sangano rake!

12. Ndezvipi zvinofanira kunyatsofungwa nevakuru pavanenge vachitarisa kana munhu apfidza?

12 Jehovha akapa vakuru basa rinokosha chaizvo rekuita kuti ungano irambe yakachena. Kana muKristu akaita chivi chakakura, Jehovha anotarisira kuti vakuru vasarudze kuti munhu wacho oramba ari muungano here kana kuti kwete. Pazvinhu zvavanoongorora, vanotarisawo kuti munhu wacho anyatsopfidza pane zvaakaita here. Anogona kutaura kuti apfidza, asi anonyatsovenga here zvaakaita? Akatsunga here kusadzokorora chivi chacho? Kana ushamwari hwakaipa huri ihwo hwakaita kuti aite chivi, anoda here kugura ushamwari hwacho? Vakuru vanonyengetera, voongorora zvakaitika vachishandisa zvinotaurwa neBhaibheri, uye vanotarisa kuti mutadzi wacho anoona sei zvaakaita. Vanobva vasarudza kuti mutadzi wacho oramba ari muungano here. Pamwe pacho anotofanira kudzingwa.—1 VaK. 5:11-13.

13. Chii chinogona kutinetsa panodzingwa shamwari yedu kana munhu weukama?

13 Kuvimba kwatinoita nevakuru kungaedzwa sei? Kana munhu anenge adzingwa asiri shamwari yepedyo kana kuti weukama, zvinogona kutiitira nyore kuti tibvumirane nechisarudzo chevakuru. Asi ko kana munhu anenge adzingwa ari shamwari yedu yepedyo? Tingafunga kuti vakuru havana kunyatsotarisa zvese zvakaitika, kana kuti tinganetseka kuti vakanyatsotonga nyaya yacho sezvaizoitwa naJehovha here. Chii chingatibatsira kuti tione chisarudzo ichocho neziso rakanaka?

14. Chii chingatibatsira kana chisarudzo chinenge chaitwa nevakuru pamutadzi chichitirwadza?

14 Tinofanira kuyeuka kuti kudzinga urongwa hwaJehovha uye kuti kunobatsira ungano uye kunogona kubatsira mutadzi wacho. Kana mutadzi asingapfidzi akabvumirwa kuramba ari muungano, anogona kukanganisa vamwe. (VaG. 5:9) Kuwedzera pane izvozvo, angasaona kukura kwechivi chake, uye angasava nechikonzero chekuchinja mafungiro nemaitiro ake kuitira kuti afarirwezve naJehovha. (Mup. 8:11) Tinogona kuva nechokwadi chekuti vakuru vanonyatsoita zvese zvinodiwa pavanenge vachisarudza kuti munhu odzingwa here. Kungofanana nevatongi vaiva muIsraeri, vakuru vanoziva kuti ‘havatongeri munhu asi Jehovha.’—2 Mak. 19:6, 7.

TINOFANIRA KUVIMBA NAJEHOVHA IYE ZVINO KUITIRA KUTI TIZOVIMBA NAYE MUNE RAMANGWANA

Chii chichatibatsira kuti tivimbe nemirayiridzo yatichapiwa pakutambudzika kukuru uye kuti tiiteerere? (Ona ndima 15)

15. Nei tichifanira kuvimba nemirayiridzo yaJehovha iye zvino kupfuura zvataimboita?

15 Mugumo wenyika ino yakaipa wava pedyo chaizvo, saka tinofanira kuvimba nenzira yaJehovha yekuita zvinhu kupfuura zvataimboita. Nei tichifanira kudaro? Pakutambudzika kukuru, tinogona kupiwa mirayiridzo ingaita seisinganzwisisiki, kana kuti inoita seisiri nyore kuteerera. Jehovha pachake haasi kuzotaura nesu. Anogona kutipa mirayiridzo achishandisa vamiririri vake vakagadzwa. Iyoyo ichange isiri nguva yekusava nechokwadi nemirayiridzo yatinenge tichipiwa, kana kuti yekutanga kufunga kuti, ‘Zviri kutaurwa izvi zviri kubva kuna Jehovha here, kana kuti hama dziri kutungamirira dziri kuita zvemumusoro madzo?’ Uchaita sei panguva iyoyo inokosha? Maonero aunoita mirayiridzo iyi inobva kuvamiririri vaMwari iye zvino anogona kukubatsira kupindura mubvunzo iwoyo. Kana uchivimba nemirayiridzo yatiri kupiwa iye zvino uye uchikurumidza kuiteerera, unogona kuzoita zvimwe chetezvo pakutambudzika kukuru.—Ruka 16:10.

16. Kuvimba kwatinoita nemitongo yaJehovha kungaedzwa sei nguva pfupi iri kuuya?

16 Tinofanirawo kufunga nezvemitongo ichapiwa naJehovha pakuguma kwenyika ino yakaipa. Iye zvino tine tariro yekuti vakawanda vasiri kushumira Jehovha kusanganisira hama dzedu dzisiri Zvapupu vachamushumira mugumo usati wasvika. Asi paAmagedhoni, Jehovha achishandisa Jesu, achaita chisarudzo chekupedzisira nezveramangwana ravo. (Mat. 25:​31-​33; 2 VaT. 1:​7-⁠9) Handisu tinosarudza kuti ndiani achanzwirwa ngoni naJehovha kana kuti ndiani asiri. (Mat. 25:​34, 41, 46) Tichavimba nemitongo yaJehovha here, kana kuti ticharega kumushumira nekuti tinenge tisingabvumirani nezvisarudzo zvake? Iye zvino ndiyo nguva yekuti tiwedzere kuvimba naJehovha kuitira kuti tizovimba naye zvizere mune ramangwana.

17. Mitongo yaJehovha yaachapa pachaguma nyika ino ichatibatsira sei?

17 Fungidzira kuti tichanzwa sei munyika itsva yaMwari patichaona zvinenge zvaitika nemhaka yemitongo yaMwari. Chitendero chenhema chichange chisisipo, uye kuchange kusisina vezvekutengeserana vane makaro kana kuti hurumende dzinodzvinyirira vanhu uye dzava nemakore dzichiita kuti vatambure. Tichange tava kurarama tisisina matambudziko eutano, kukwegura kana kufirwa nehama neshamwari. Satani nemadhimoni vachange vasingachakwanisi kukanganisa vanhu kwemakore 1 000. Zvinhu zvese zvakaipa zvaiitika nemhaka yekupanduka kwavo zvichange zvisisipo. (Zvak. 20:2, 3) Tichafara chaizvo kuti takavimba nenzira yaJehovha yaanoita nayo zvinhu!

18. Sezvakanyorwa pana Numeri 11:4-6 uye 21:5, tinodzidzei pane zvakaitwa nevaIsraeri?

18 Zvingaitika here kuti munyika itsva yaMwari muve nezvinhu zvingaedza kuvimba kwatinoita nenzira yaJehovha yekuita zvinhu? Funga zvakaitika kuvaIsraeri vachangobuda muIjipiti mavaiva varanda. Vamwe vakatanga kunyunyuta nekuti vakanga vasisawani zvekudya zvavaiwana kuIjipiti, uye vakanga vava kusemburwa nemana yavaipiwa naJehovha. (Verenga Numeri 11:4-6; 21:5.) Zvingazoitikawo here kuti tive nemafungiro akadaro kana kutambudzika kukuru kwapera? Hatizivi kuti pachava nebasa rakawanda zvakadii rekuchenesa nyika kusvikira yava paradhiso. Kunenge kuti pachava nebasa rakawanda, uye upenyu hungasava nyore pakutanga. Tichanyunyuta here nezvezvinhu zvatichapiwa naJehovha panguva iyoyo? Chokwadi ndechekuti: Kana tichionga zvatinopiwa naJehovha iye zvino, tichaonga zvaachatipa panguva iyoyo.

19. Taura muchidimbu pfungwa huru dzenyaya ino.

19 Nzira yaJehovha yekuita zvinhu yagara yakanaka nguva dzese. Tinofanira kuva nechokwadi naizvozvo. Tinofanirawo kuvimba nevaya vakagadzwa naJehovha kuti vatipe mirayiridzo yake. Usambokanganwa mashoko aJehovha aakataura achishandisa muprofita wake Isaya ekuti: “Simba renyu richabva pakuramba makadzikama uye pakuvimba neni.”—Isa. 30:15.

RWIYO 98 Magwaro—Akafuridzirwa naMwari

^ ndima 5 Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti nei zvichikosha kuti tiwedzere kuvimba kwatinoita naJehovha uye nevaya vaakagadza vari panyika. Tichaonawo kuti kuita izvozvo kunotibatsira sei iye zvino uye kunotibatsira sei kuti tigadzirire matambudziko ari mberi.

^ ndima 9 Dzimwe nguva panogona kuva nemamwe mamiriro ezvinhu angaita kuti mumwe munhu kana kuti imwe mhuri irambe iri muungano yairi kupinda nayo. Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2002, “Bhokisi Remibvunzo.”