Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 8

RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

Ramba Uchibvuma Kutungamirirwa naJehovha

Ramba Uchibvuma Kutungamirirwa naJehovha

“Ini, Jehovha, ndini . . . iye anokutungamirira.”ISA. 48:17.

ZVATICHADZIDZA

Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti Jehovha ari kutungamirira sei vanhu vake mazuva ano uye kuti tinokomborerwa sei patinobvuma kutungamirirwa naye.

1. Nei tichifanira kutungamirirwa naJehovha? Taura muenzaniso.

 FUNGIDZIRA warasika musango. Musango macho mune mhuka nenyoka dzinotyisa, mawere, uye tupukanana twunokonzera zvirwere. Unofara chaizvo kana ukawana mumwe munhu anokutungamirira anonyatsoziva nzvimbo yacho. Nyika ino yakafanana nesango iroro. Yakazara nezvinhu zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Asi tine Mutungamiriri anonyatsoziva zvaanoita, Jehovha. Anotitungamirira achitibvisa pane ngozi achitiendesa kuupenyu husingaperi munyika itsva.

2. Jehovha anotitungamirira sei?

2 Jehovha anotitungamirira sei? Anonyanya kushandisa Shoko rake Bhaibheri. Asi anoshandisawo vanhu vanomumiririra. Semuenzaniso, anoshandisa “muranda akatendeka, akangwara,” kuti atipe zvekudya zvekunamata zvinotibatsira kuita zvisarudzo zvekuchenjera. (Mat. 24:45) Jehovha anoshandisawo vamwe varume vakagadzwa kuti atitungamirire. Semuenzaniso, vatariri vematunhu nevakuru vemuungano vanotikurudzira uye vanotipa mirayiridzo inogona kutibatsira kuti titsungirire panguva dzakaoma. Tinotenda chaizvo kuti Jehovha ari kutitungamirira zvakanaka mumazuva ano akaoma ekupedzisira. Izvi zvinotibatsira kuti tirambe tichifarirwa naJehovha uye kuti tirambe tiri mumugwagwa unoenda kuupenyu.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva tinogona kuomerwa nekubvuma kutungamirirwa naJehovha, kunyanya paanoshandisa varume vane chivi. Nei zvakadaro? Zvavanotiudza zvinogona kunge zvisiri izvo zvatinoda. Kana kuti tinogona kuona sekuti mirayiridzo yavatipa haisi yekuchenjera, tobva tafunga kuti zvavari kutaura hazvisi kubva kuna Jehovha. Panguva dzakadaro, tinofanira kuva nechivimbo chekuti Jehovha ndiye ari kutungamirira vanhu vake uye kuti kubvuma kutungamirirwa naye kunoita kuti tikomborerwe. Kuti tisimbise kuvimba kwatinoita naye, munyaya ino tichakurukura kuti (1) Jehovha akatungamirira sei vanhu vake munguva dzinotaurwa muBhaibheri (2) ari kutitungamirira sei mazuva ano, uye (3) tinobatsirwa sei patinoramba tichibvuma kutungamirirwa naye.

Kubvira kare kusvika iye zvino, Jehovha ari kushandisa vanhu vanomumiririra kuti atungamirire vanhu vake (Ona ndima 3)


JEHOVHA AKATUNGAMIRIRA SEI VAISRAERI?

4-5. Jehovha akaratidza sei kuti aitungamirira vaIsraeri achishandisa Mozisi? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

4 Jehovha akagadza Mozisi kuti atungamirire vaIsraeri pakubuda muIjipiti. Uye akapa vaIsraeri uchapupu hunooneka hwekuti aivatungamirira achishandisa Mozisi. Semuenzaniso akaita kuti pave neshongwe yegore masikati uye shongwe yemoto usiku. (Eks. 13:21) Mozisi akatevera shongwe iyoyo, zvikaita kuti iye nevaIsraeri vasvike paGungwa Dzvuku. Vanhu vakatya pavakaona sekuti vakanga vasisina kwekutizira vari pakati pegungwa neuto revaIjipiti raivatevera. Vakafunga kuti Mozisi ainge akanganisa paakavaendesa kuGungwa Dzvuku. Asi kwainge kusiri kukanganisa. Jehovha ndiye akanga aendesa vanhu vake ikoko achishandisa Mozisi. (Eks. 14:2) Mwari akazovanunura nenzira inoshamisa chaizvo.—Eks. 14:​26-28.

Mozisi aivimba neshongwe yegore kuti atungamirire vanhu vaMwari murenje (Ona ndima 4-⁠5)


5 Kwemakore anopfuura 40 pashure pacho, Mozisi akaramba achivimba neshongwe iyoyo yegore kuti atungamirire vanhu vaMwari murenje. a Kwenguva yakati, Jehovha aiita kuti shongwe yacho ive pamusoro petende raMozisi payaigona kuonekwa nevaIsraeri vese. (Eks. 33:​7, 9, 10) Jehovha aitaura naMozisi ari mushongwe yacho, uye Mozisi aizoudza vanhu mirayiridzo yaainge apiwa naJehovha. (Pis. 99:7) VaIsraeri vaiva neuchapupu hwakajeka hwekuti Jehovha aivatungamirira achishandisa Mozisi.

Mozisi aina Joshua, uyo akamutsiva (Ona ndima 5, 7)


6. VaIsraeri vaiita sei Jehovha paaivatungamirira? (Numeri 14:​2, 10, 11)

6 Zvinosuruvarisa kuti vaIsraeri vakawanda vairamba uchapupu hwakajeka hwekuti Jehovha aishandisa Mozisi semumiririri wake. (Verenga Numeri 14:​2, 10, 11.) Vaigara vachiramba kuti Jehovha aivatungamirira achishandisa Mozisi. Izvi zvakaita kuti Jehovha asabvumira chizvarwa ichocho chevaIsraeri kuti chipinde muNyika Yakapikirwa.—Num. 14:30.

7. Taura mienzaniso yevaya vakabvuma kutungamirirwa naJehovha. (Numeri 14:24) (Onawo mufananidzo.)

7 Asi vamwe vaIsraeri vakabvuma kutungamirirwa naJehovha. Semuenzaniso, Jehovha akati: “Karebhi . . . akaramba achinditevera nemwoyo wese.” (Verenga Numeri 14:24.) Mwari akakomborera Karebhi, uye akamubvumira kusarudza paaida kugara muNyika Yakapikirwa. (Josh. 14:​12-14) Chizvarwa chakatevera chevaIsraeri chakaratidzawo muenzaniso wakanaka nekubvuma kutungamirirwa naJehovha. Joshua paakatsiva Mozisi semutungamiriri akagadzwa wevaIsraeri, “vaimuremekedza zvikuru mazuva ese eupenyu hwake.” (Josh. 4:14) Izvi zvakaita kuti Jehovha avakomborere nekuvapinza munyika yaakanga avavimbisa.—Josh. 21:​43, 44.

8. Tsanangura kuti Jehovha aitungamirira sei vanhu vake panguva yemadzimambo. (Onawo mufananidzo.)

8 Papera makore akawanda, Jehovha akagadza vatongi kuti vatungamirire vanhu vake. Pashure pacho, panguva yemadzimambo, Jehovha akagadza vaprofita kuti atungamirire vanhu vake. Madzimambo akatendeka aiteerera mazano evaprofita. Semuenzaniso, Mambo Dhavhidhi akabvuma achizvininipisa kururamiswa kwaakaitwa nemuprofita Natani. (2 Sam. 12:​7, 13; 1 Mak. 17:​3, 4) Mambo Jehoshafati akavimba nemuprofita Jahazieri kuti amutungamirire uye akakurudzira vanhu veJudha kuti ‘vatende muvaprofita vaMwari.’ (2 Mak. 20:​14, 15, 20) Mambo Hezekiya paainetseka, akaenda kumuprofita Isaya. (Isa. 37:​1-6) Pese paibvuma madzimambo kutungamirirwa naJehovha, aikomborerwa uye Jehovha aidzivirira vanhu vake. (2 Mak. 20:​29, 30; 32:22) Zvinofanira kunge zvaiva pachena kune vese kuti Jehovha aitungamirira vanhu vake achishandisa vaprofita. Asi madzimambo akawanda pamwe chete nevanhu vaaitonga vairamba vaprofita vaJehovha.—Jer. 35:​12-15.

Mambo Hezekiya uye muprofita Isaya (Ona ndima 8)


JEHOVHA AITUNGAMIRIRA SEI VAKRISTU VEKUTANGA?

9. Jehovha aishandisa vanaani kuti atungamirire vaKristu vekutanga? (Onawo mufananidzo.)

9 PaPendekosti ya33 C.E., Jehovha akaumba ungano yechiKristu. Aitungamirira sei vaKristu ivavo vekutanga? Akagadza Jesu kuti ave musoro weungano. (VaEf. 5:23) Asi Jesu aisataura nemudzidzi mumwe nemumwe achimuudza zvekuita. Akatungamirira ungano achishandisa vaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema. (Mab. 15:​1, 2) Uyewo vakuru vaigadzwa kuti vatungamirire ungano.—1 VaT. 5:12; Tito 1:5.

Vaapostora nevarume vakuru muJerusarema (Ona ndima 9)


10. (a) VaKristu vekutanga vakawanda vaiita sei nemirayiridzo yavaipiwa? (Mabasa 15:​30, 31) (b) Nei vamwe vasina kubvuma kutungamirirwa nevaya vaimiririra Jehovha? (Ona bhokisi rakanzi “ Nei Vamwe Vachiramba Uchapupu Huri Pachena?”)

10 VaKristu vekutanga vaiita sei nemirayiridzo yavaipiwa? Vakawanda vavo vaifarira kuishandisa. ‘Vaitofara nekukurudzirwa kwavaiitwa.’ (Verenga Mabasa 15:​30, 31.) Asi Jehovha ari kutungamirira sei vanhu vake mazuva ano?

JEHOVHA ARI KUTITUNGAMIRIRA SEI MAZUVA ANO?

11. Taura muenzaniso unoratidza kuti Jehovha ari kushandisa sei vanhu vari kutungamirira mazuva ano.

11 Jehovha ari kuramba achitungamirira vanhu vake mazuva ano. Ari kuita izvozvo achishandisa Shoko rake uye Mwanakomana wake, musoro weungano. Tinogona here kuona uchapupu hunoratidza kuti Mwari ari kurambawo achishandisa vanhu vanomumiririra? Hongu. Semuenzaniso, funga zvakaitika gore ra1870 rapfuura. Charles Taze Russell neshamwari dzake vakatanga kunzwisisa kuti 1914 raizova gore rinokosha kuUmambo hwaMwari. (Dhan. 4:​25, 26) Vakaziva izvi nekuti vakanga vatsvakurudza muBhaibheri, uye vaivimba kuti vaizoona uprofita ihwohwo huchizadzika. Jehovha aivatungamirira here pakutsvakurudza kwavaiita muBhaibheri? Zviri pachena kuti aidaro. Muna 1914, zvinhu zvaiitika munyika zvakaratidza kuti Umambo hwaMwari hwakanga hwatanga kutonga. Hondo Yenyika I yakatanga, kukabva kwazouya matenda, kudengenyeka kwenyika, uye nzara. (Ruka 21:​10, 11) Jehovha akanga achishandisa varume ivavo vakatendeka vechiKristu kuti abatsire vanhu vake.

12-13. Zvii zvakaitwa nehama dzaitungamirira pairwiwa Hondo Yenyika II kuti basa rekuparidza riwedzere?

12 Fungawo zvakaitika pairwiwa Hondo Yenyika II. Pashure pekudzidza Zvakazarurwa 17:​8, hama dzaitungamirira kumahofisi makuru dzakanzwisisa kuti hondo iyoyo yaisazoguma neAmagedhoni, asi kuti paizova nenguva yerugare iyo yaizoita kuti pave nemikana yekuwedzera basa rekuparidza. Saka kunyange zvazvo izvozvo zvaiita sezvisina musoro panguva iyoyo, hama dzaitungamirira dzakatanga Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi kuti dzidzidzise mamishinari kuita basa rekuparidza nekudzidzisa munyika dzakasiyana-siyana pasi rese. Mamishinari akatumirwa munyika dzakasiyana-siyana kunyange pairwiwa hondo iyoyo. Uye muranda akatendeka akangwara akaronga kuti pave neKosi yeUshumiri hwaMwari b kuti adzidzise vese muungano kuti vave vaparidzi nevadzidzisi vakanaka. Izvi zvakaita kuti vanhu vaMwari vagadzirire kuita basa rakanga riri mberi.

13 Tichifunga zvakaitika kare, tinonyatsoona kuti Jehovha aitungamirira vanhu vake panguva iyoyo yakaoma. Kubva panguva yeHondo Yenyika II, vanhu vaJehovha munyika dzakawanda vari kuparidza vakasununguka. Basa iroro riri kubudirira.

14. Nei tichivimba nemirayiridzo inobva kusangano raJehovha uye kuvakuru vakagadzwa? (Zvakazarurwa 2:1) (Onawo mufananidzo.)

14 Mazuva ano nhengo dzeDare Rinotungamirira dzinoramba dzichitsvaga kutungamirirwa naKristu. Dzinoda kuti mirayiridzo yadzinopa hama iratidze maonero aMwari naKristu. Dare Rinotungamirira rinoshandisa vatariri vematunhu nevakuru pakupa mirayiridzo kuungano. c Vakuru vakazodzwa vari ‘muruoko rwerudyi’ rwaKristu. (Verenga Zvakazarurwa 2:1.) Vakuru ava vanhuwo vane chivi uye vanokanganisa. Mozisi naJoshua vaimbokanganisa, uye ndizvo zvaiitwawo nevaapostora. (Num. 20:12; Josh. 9:​14, 15; VaR. 3:23) Kunyange zvakadaro, zviri pachena kuti Kristu ari kunyatsotungamirira muranda akatendeka uye vakuru vakagadzwa, uye acharamba achidaro “kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mat. 28:20) Saka tine zvikonzero zvakanaka zvekuvimba nekutungamirirwa kwatinoitwa naye achishandisa vaya vakagadzwa kuti vatungamirire.

Dare Rinotungamirira mazuva ano (Ona ndima 14)


TINOKOMBORERWA PATINORAMBA TICHIBVUMA KUTUNGAMIRIRWA NAJEHOVHA

15-16. Unodzidzei kubva pane vaya vanoramba vachibvuma kutungamirirwa naJehovha?

15 Patinoramba tichibvuma kutungamirirwa naJehovha, tinowana makomborero kunyange iye zvino. Semuenzaniso, Andy nemudzimai wake Robyn vakateerera zano rinobva kumuranda akatendeka rekuita kuti upenyu hwavo husava netwakawanda-wanda. (Ona study note Mat. 6:22) Izvi zvakaita kuti vakwanise kuzvipira kuita basa rekuvaka zvivakwa zvesangano. Robyn anoti: “Dzimwe nguva pataigara paiva padiki chaizvo, uye kakawanda kacho taisava nekicheni. Uye ndaitofanira kutengesa zvinhu zvakawanda zvandaishandisa pakutora mifananidzo kunyange zvazvo ndaida chaizvo kutora mifananidzo. Izvozvo zvakaita kuti ndicheme. Asi kufanana nemudzimai waAbrahamu, Sara, ndainge ndakatsunga kuramba ndakatarisa mberi, kwete shure.” (VaH. 11:15) Murume nemudzimai ava vakawanei pane zvavakaita? Robyn anoti: “Tinogutsikana chaizvo patinoziva kuti tiri kupa Jehovha zvese zvatiinazvo. Patinoita mabasa atinenge tapiwa nesangano, tinoravira zvichange zvakaita upenyu munyika itsva.” Andy anobvumirana naye achiti: “Tinofara nekuti tiri kupa nguva yedu uye simba redu rese pakuita basa raJehovha.”

16 Ndeapi mamwe makomborero atinowana patinoramba tichibvuma kutungamirirwa naJehovha? Pashure pekunge apedza chikoro chesekondari, Marcia aida kushandisa zano raakapiwa rekuti apayone. (Mat. 6:33; VaR. 12:11) Anoti: “Ndakapiwa mukana wekudzidza kuyunivhesiti kwemakore 4, ndichibhadharirwa mari yechikoro. Asi ndaida kuitira Jehovha zvakawanda. Saka ndakasarudza kuenda kuchikoro chinodzidzisa mabasa emaoko kuitira kuti ndidzidze basa raizondibatsira pakupayona. Ichi ndicho chaiva chimwe chezvisarudzo zvakanaka chaizvo zvandakaita. Iye zvino ndiri piyona wenguva dzese, uye basa randinoita rinondibvumira kuti ndipote ndichienda kuBheteri kunobatsira uye ndine zvimwe zvinhu zvakanaka chaizvo zvandinoita mubasa raJehovha.”

17. Ndeapi mamwe makomborero atinowana patinoramba tichibvuma kutungamirirwa naJehovha? (Isaya 48:​17, 18)

17 Dzimwe nguva sangano rinotipa mazano anotichengetedza. Semuenzaniso tinoyambirwa nezvekuda mari uye kuita zvinhu zvinozoita kuti tipedzisire tatyora mitemo yaMwari. Kubvuma kutungamirirwa naJehovha pazvinhu izvozvo kunotibatsira chaizvo. Tinoramba tiine hana yakachena uye tinonzvenga matambudziko akawanda. (1 Tim. 6:​9, 10) Tinobva takwanisa kushumira Jehovha nemwoyo wedu wese uye izvozvo zvinoita kuti tiwedzere kuva nemufaro, rugare uye kugutsikana.—Verenga Isaya 48:​17, 18.

18. Nei uchida kuramba uchibvuma kutungamirirwa naJehovha?

18 Zviri pachena kuti Jehovha acharamba achititungamirira achishandisa vanhu pakutambudzika kukuru uye muMakore 1 000 Ekutonga kwaKristu. (Pis. 45:16) Ticharamba here tichibvuma mirayiridzo yatinenge tichipiwa kunyange patinonzwa tichida kuita zvinhu neimwewo nzira? Zvichatiitira nyore kuteerera kana kuri kuti tiri kubvuma kutungamirirwa naJehovha iye zvino. Saka ngatibvumei kutungamirirwa naJehovha nguva dzese kusanganisira kutungamirira kwaanotiita achishandisa varume vakagadzwa kuti vatichengetedze. (Isa. 32:​1, 2; VaH. 13:17) Uye patinoita izvozvo, tinova nezvikonzero zvakawanda zvekuvimba nekutungamirirwa kwatinoitwa naJehovha, uyo anotibvisa pazvinhu zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu naye, achitiendesa kuupenyu husingaperi munyika itsva.

UNGAPINDURA SEI?

  • Jehovha aitungamirira sei vaIsraeri?

  • Jehovha aitungamirira sei vaKristu vekutanga?

  • Tinobatsirwa sei nekubvuma kutungamirirwa naJehovha mazuva ano?

RWIYO 48 Kufamba naJehovha Zuva Nezuva

a Jehovha akagadzawo ngirozi kuti ‘itungamirire ungano yevaIsraeri’ pakuenda kuNyika Yakapikirwa. Zviri pachena kuti ngirozi iyoyo yaiva Mikaeri, iro riri zita raJesu paanoshumira semutungamiriri wengirozi dzese.—Eks. 14:19; 32:34.

b Yakazopedzisira yava kuzivikanwa seChikoro chaMwari Choushumiri. Mazuva ano, chikoro ichocho chikamu chemusangano wedu wepakati pevhiki.

c Ona bhokisi rakanzi “Basa Rinoitwa neDare Rinotungamirira” riri muNharireyomurindi yaFebruary 2021, peji 18.