NYAYA YEUPENYU
“Haana Kumbondisiya Ndiri Ndega”
PANE zvinhu zvakawanda muupenyu zvinogona kuita kuti tisurukirwe. Kufirwa nehama neshamwari dzedu, kugara munzvimbo dzatisina kujaira, uye kuva tiri pedu tega. Ndakasangana nezvese izvi. Asi iye zvino, pandinofunga nezveupenyu hwangu, ndinoona kuti Jehovha haana kumbondisiya ndiri ndega. Regai ndikuudzei kuti chii chinoita kuti ndidaro.
KUDZIDZA KUBVA KUVABEREKI VANGU
Baba naamai vangu vaiva vakanyura muchechi yeRoma. Asi pavakadzidza kubva muBhaibheri kuti zita raMwari ndiJehovha, vakabva vava Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira. Baba vakasiya zvekugadzira zvifananidzo zvaJesu. Vakabva vatanga kushandisa unyanzvi hwavo hwekuveza kugadziridza chimwe chikamu cheimba yedu kuti chive Imba yeUmambo yekutanga muSan Juan del Monte, iyo iri muManila, guta guru rePhilippines.
Pashure pekunge ndaberekwa muna 1952, vabereki vangu vakatanga kundidzidzisawo Bhaibheri sezvavaiita vakoma vangu 4 nehanzvadzi dzangu 3. Pandaikura, baba vaindikurudzira kuti ndiverenge chitsauko chimwe chete cheBhaibheri zuva rega rega. Uye vakandibatsira kuti ndidzidze zvakawanda nezvaJehovha vachishandisa mabhuku akasiyana-siyana akabudiswa nesangano. Dzimwe nguva vabereki vangu vaikoka vatariri vanofambira uye hama dzaibva kuBheteri kuti vagare pamba pedu. Semhuri, taifara chaizvo uye taikurudzirwa chaizvo vanhu ava pavaitiudza zvinhu zvavakasangana nazvo. Izvozvo zvakaita kuti tese zvedu tiise basa rekuparidza pekutanga muupenyu hwedu.
Ndakadzidza zvakawanda kubva kuvabereki vangu avo vaiva vanhu vane kutenda kwakasimba. Amai vangu vakazorwara vakashaya, uye ini nababa takatanga kupayona tese muna 1971. Asi muna 1973, pandaiva nemakore 20, baba vakabva vashayawo. Kufirwa nevabereki vangu vese kwakandisiya ndichinetseka uye ndichinzwa sekunge ndiri ndega. Asi tariro “yechokwadi uye yakasimba” iri muBhaibheri yakandibatsira kuti ndisazununguswa. Yakaitawo kuti ndirambe ndakagadzikana uye ndakasimba pakunamata. (VaH. 6:19) Nguva pfupi pashure pekushaya kwababa, ndakabvuma kunoshumira sapiyona chaiye pachitsuwa chinonzi Coron, mupurovhinzi yePalawan.
KUITA MABASA AKAOMA NDIRI NDEGA
Ndaiva nemakore 21 pandakasvika kuCoron. Sezvo ndainge ndakurira muguta, ndakashamisika pandakaona kuti pachitsuwa ichi painetsa magetsi nemvura, uye motokari dzaiva shoma. Kunyange
zvazvo paiva neZvapupu zvishoma, ndaisava nemunhu wekupayona naye uye dzimwe nguva ndaiparidza ndiri ndega. Mumwedzi wekutanga, ndaisuwa chaizvo hama neshamwari dzangu. Usiku ndaitarisa denga rakazara nyeredzi ndotanga kuchema. Ndainzwa kuda kusiya basa rangu ndodzokera kumba.Panguva idzodzo dzandaive ndega, ndaidurura mwoyo wangu kuna Jehovha. Ndaifunga nezvezvinhu zvandainge ndaverenga muBhaibheri uye mumabhuku akabudiswa nesangano. Kazhinji ndaifunga nezvaPisarema 19:14. Ndakaona kuti Jehovha aizova “Dombo rangu neMudzikinuri wangu” kana ndikaramba ndichifunga zvinhu zvinomufadza, zvakadai semabasa ake uye zvaari. Nyaya yakabudiswa muNharireyomurindi yeChirungu yaiva nemusoro wekuti “You Are Never Alone” a yakandibatsira chaizvo. Ndakaiverenga ndaiverengazve. Ndingatoti ndaisava ndega asi Jehovha aiva neni panguva idzodzo uye izvozvo zvakandipa mikana yekunyengetera, kudzidza uye kufungisisa.
Ndichangosvika pachitsuwa cheCoron, ndakagadzwa semukuru muungano. Sezvo ndaiva ndega mukuru muungano iyi, ndini ndaiitisa Chikoro chaMwari Choushumiri, Musangano Webasa, Chidzidzo Chebhuku Cheungano uye Chidzidzo cheNharireyomurindi. Ndaipawo hurukuro yavose vhiki rega rega. Nemhaka yezvese izvi zvandakanga ndava kuita, ndakanga ndisisina nguva yekusurukirwa!
Kushanda kwandakaita pachitsuwa cheCoron kune zvakwakabatsira nekuti vamwe vadzidzi vangu veBhaibheri vakazobhabhatidzwa. Asi paivawo nematambudziko. Dzimwe nguva, ndaifanira kufamba kwemaawa akawanda kuti ndiende kundima yandaizonoparidza uye ndaisatomboziva kuti ndaizorara pai kana ndasvika ikoko. Ndima yeungano yedu yaisanganisirawo zvimwe zvitsuwa zvidiki zvakawanda. Kuti ndisvike ikoko, kazhinji ndaifamba nezvikepe uye dzimwe nguva mamiriro ekunze ainge asina kudzikama, apa ndakanga ndisingagoni kushambira! Pasinei nematambudziko ese aya, Jehovha akandidzivirira uye akanditsigira. Pave paya, ndakazoona kuti Jehovha aitondidzidzisa kuti ndizokwanisa kutsungirira matambudziko andaizosangana nawo kuPapua New Guinea.
PAPUA NEW GUINEA
Muna 1978, ndakanzi ndinoshumira ndiri muPapua New Guinea, iyo iri kumaodzanyemba kweAustralia. Papua New Guinea inyika yakazara makomo. Ndakashamisika pandakaona kuti munyika iyi yaiva nevanhu vanenge 3 miriyoni, maitaurwa mitauro inopfuura 800. Chaifadza ndechekuti vakawanda vavo vaikwanisa kutaura mutauro unonzi Melanesian Pidgin, iyo inonziwo Tok Pisin.
Ndakanzi ndimbonoshumira ndiri muungano yeChirungu, muguta guru rePapua New Guinea rinonzi Port Moresby. Asi ndakazotamira kuungano yeTok Pisin ndichibva ndapinda chikoro chekudzidzira mutauro wacho. Ndaishandisa zvandaidzidza kuchikoro ichi pandaiparidza. Izvi zvakandibatsira kuti ndikurumidze kubata mutauro wacho. Pasina nguva, ndakanga ndava kutokwanisa kupa hurukuro yavose mumutauro weTok Pisin. Ndakashamisika chaizvo pandakagadzwa semutariri wedunhu ndisati ndatombosvitsa gore ndasvika munyika yePapua New Guinea. Ndaifanira kufambira ungano dzemutauro weTok Pisin dzaiva mumapurovhinzi akawanda akanga akakura chaizvo.
Nemhaka yekuti paiva nemadaro akareba kubva pane imwe ungano kuenda pane imwe, ndaitofanira kuronga magungano edunhu akawanda uye kugara ndiri parwendo. Pakutanga, ndainzwa
kusurukirwa chaizvo nekuti ndaiva munyika yandakanga ndisina kujaira uye maiva nevanhu vane mutauro netsika dzakasiyana nedzangu. Nyika yacho yaisava nemigwagwa nekuti yakanga yakazara makomo, saka rinenge vhiki rega rega ndaitofanira kukwira ndege kubva kune imwe ungano ndichienda kune imwe. Dzimwe nguva, ndaitakurwa ndingori ndega mukandege kakasakara. Ndainzwa kutya pandaiita nzendo idzodzo sezvandaingoita pandaikwira zvikepe!Vanhu vakawanda vakanga vasina mafoni, saka ndaiita zvekunyorera ungano dzacho tsamba. Kazhinji ndaitangira tsamba dzacho kusvika zvekuti pandaisvika munzvimbo dzacho ndaitozobvunza kuti Zvapupu zvinogara kupi. Asi pese pandaionana nehama, dzaindigamuchira zvakanaka uye dzaindiratidza rudo, izvo zvaindibatsira kuona kuti ndakanga ndashandira zviripo. Ndakaona Jehovha achinditsigira munzira dzakawanda uye ushamwari hwangu naye hwakawedzera kusimba.
Pamusangano wangu wekutanga pachitsuwa chinonzi Bougainville, mumwe murume nemudzimai vakauya kwandiri vachinyemwerera, vachibva vandibvunza kuti: “Muchiri kutiyeuka here?” Ndakanga ndaparidzira murume nemudzimai ivavo pandakatanga kusvika muPort Moresby, ndichibva ndatanga kudzidza navo Bhaibheri. Ndakazovasiya vachidzidza neimwe hama. Iye zvino vakanga vabhabhatidzwa! Aya ndemamwe emakomborero andakawana mumakore matatu andakashumira muPapua New Guinea.
KUSHANDA PAMWE CHETE SEMHURI
Ndisati ndabva pachitsuwa cheCoron muna 1978, ndakatanga kuzivana neimwe hanzvadzi yakanga yakanaka uye yaizvipira kubatsira vamwe yainzi Adel. Aiva piyona wenguva dzese uku achirera vana vake vaviri, Samuel naShirley. Aichengetawo amai vake vakanga vakwegura. Muna May 1981, ndakadzokera kuPhilippines ndikanochata naAdel. Pashure pekunge tachata, ini naAdel takashumira semapiyona enguva dzese uku tichirera mhuri yedu.
Pasinei nekuti ndaiva nemhuri, muna 1983, ndakagadzwazve sapiyona chaiye ndichibva ndanzi ndiende kunoshumira ndiri kuchitsuwa cheLinapacan, chiri mupurovhinzi yePalawan. Mhuri yedu yese yakabva yatamira kunzvimbo iyoyo yaiva kwayo yega uye yakanga isina kana Zvapupu. Amai vaAdel vakashaya pashure perinenge gore tiri ikoko. Asi takaramba tichishanda nesimba muushumiri izvo zvakatibatsira kuti titsungirire kurasikirwa kwatakanga taitwa. Takatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvaifambira mberi pachitsuwa cheLinapacan zvekuti pasina nguva, takanga tava kutoda Imba yeUmambo. Saka takabva tazvivakira tega Imba yeUmambo diki yekuti tishandise. Pashure pemakore matatu tiri pachitsuwa ichi, takafara chaizvo kuona vanhu 110 vachipinda Chirangaridzo, uye vakawanda vavo vakatozofambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa pashure pekunge tabva.
Muna 1986, ndakanzi ndinoshumira kuchitsuwa cheCulion, uko kwaiva nenzvimbo yaigara vanhu vaiva nechirwere chemaperembudzi. Papera makore mashoma, Adel akagadzwawo sapiyona chaiye. Pakutanga, taizeza kuparidzira vanhu vakanga vakaremadzwa nechirwere ichi chemaperembudzi. Asi hama nehanzvadzi dzeko dzakatiudza kuti vanhu ava vakanga vatorapwa saka mikana yekubatira chirwere chacho yaiva mishoma. Vamwe vevarwere ava vaitopinda Ruka 5:12, 13.
misangano yeungano iyo yaiitirwa pamba peimwe hanzvadzi. Pasina nguva takanga tajaira kuparidzira vanhu ava. Zvaifadza chaizvo kuvaudza nezvetariro iri muBhaibheri nekuti vainzwa sekuti havakoshi kuna Mwari uye kune vamwe vanhu. Zvaibaya mwoyo kuona varwere ava vachifara chaizvo pavaidzidza kuti rimwe zuva vaizova neutano hwakanaka.—Chii chakabatsira vana vedu kuti vanakidzwe neupenyu hwepachitsuwa cheCulion? Ini naAdel takakumbira hanzvadzi dzechidiki mbiri dzekuchitsuwa cheCoron kuti dziuye kuzoshanda nesu kuitira kuti vana vedu vave neshamwari dzakanaka. Samuel naShirley, nehanzvadzi idzi mbiri, vainakidzwa chaizvo neushumiri uye vaidzidza nevana vakawanda. Ini naAdel taidzidza nevabereki vevana ivavo, zvekuti pane imwe nguva taidzidza nemhuri 11. Munguva pfupi takanga tava nezvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvaifambira mberi zvekuti takatokwanisa kutanga ungano itsva!
Pakutanga, ndini ndega ndaiva mukuru munharaunda iyoyo. Saka bazi rakandikumbira kuti vhiki rega rega ndiitise misangano muCulion umo maiva nevaparidzi 8, ndozonoitisawo misangano kuMarily kwaiva nevaparidzi 9. Kuti tisvike kuMarily taida maawa matatu tiri muchikepe. Pashure pekunge taitisa musangano ikoko, ini nemhuri yangu taifamba kwemaawa akawanda munharaunda yaiva nemakomo tichienda kunoitisa zvidzidzo zveBhaibheri kuHalsey.
Nekufamba kwenguva, vanhu vakawanda vekuMarily nekuHalsey vakauya muchokwadi zvekuti takatovaka Dzimba dzeUmambo munzvimbo dzacho dziri mbiri. Sezvakangoitika kuchitsuwa cheLinapacan, hama nehanzvadzi nevamwe vaifarira ndivo vakabvisa zvinhu zvakawanda zvaidiwa pakuvaka Dzimba dzeUmambo idzodzo uye ndivowo vakaita basa guru pakuvaka. Imba yeUmambo yekuMarily yaikwana vanhu 200 uye yaigona kuitwa kuti vanhu vakwanise kupindira magungano ipapo.
KUFIRWA, KUSURUKIRWA UYE KUVAZVE NEMUFARO
Muna 1993 vana vedu pavakanga vakura, ini naAdel takatanga kuita basa remudunhu kuPhilippines. Mugore ra2000, ndakapinda Chikoro Chekudzidzisa Vashumiri ndichidzidziswa kuti ndizova murayiridzi wechikoro ichocho. Ndainzwa sekuti handikwanisi kuita basa iri, asi Adel aigara achindikurudzira. Akandiyeuchidza kuti Jehovha aizondipa simba rekuita basa iri idzva randakanga ndapiwa. VaF. 4:13) Adel aikwanisa kutaura izvi nekuti aiona Jehovha achimusimbisa kuti arambe achiita basa rake pasinei neurwere.
(Muna 2006 pandaishanda semurayiridzi, Adel akabatwa nechirwere cheParkinson’s. Takanetseka chaizvo. Pandakamuudza kuti ndaifunga kusiya basa redu kuti ndimuchengete, Adel akandiudza kuti, “Ndokumbirawo kuti utsvage chiremba anogona kundibatsira nechirwere changu. Ndinoziva kuti Jehovha achatibatsira kuti tirambe tichimushumira.” Kwemakore 6 akatevera, Adel akaramba achishumira Jehovha asingambonyunyuti. Paakanga asisakwanisi kufamba, aiparidza ari muwiricheya yake. Paakanga asisanyatsogone kutaura, aipindura mhinduro pfupi kumisangano. Hama nehanzvadzi dzaigara dzichimunyorera mashoko ekutenda zvinhu zvakanaka zvaaiita uye kutsungirira kwaaiita kusvikira paakazofa muna 2013. Ndakanga ndaita makore anopfuura 30 ndiine mudzimai akatendeka uye ane rudo saka paakafa, ndakatangazve kunzwa kusuwa uye kusurukirwa.
Adel aida kuti ndirambe ndichiita basa rangu, saka ndizvo zvandakaita. Ndaigara ndiine zvakawanda zvekuita izvo zvakandibatsira kuti ndisanyanya kusurukirwa. Kubva muna 2014 kusvikira muna 2017, ndakanzi ndinoshanyira ungano dzemutauro weTagalog munyika dzatakanga tisingabvumirwi kuita basa redu takasununguka. Ndakazonziwo ndinoshanyira ungano dzemutauro weTagalog muTaiwan, muUnited States, uye muCanada. Muna 2019, ndakaitisa Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo mumutauro weChirungu kuIndia uyewo kuThailand. Mabasa ese aya akaita kuti ndifare chaizvo. Ndinonyanya kufara pandinenge ndakabatikana mubasa raJehovha.
JEHOVHA ANOGARA ACHITIBATSIRA
Pabasa rese randinopiwa, ndinosvika pakuda hama nehanzvadzi dzandinosangana nadzo zvekuti kuparadzana nadzo hakusi nyore. Panguva dzakadaro, ndakadzidza kuvimba naJehovha zvizere. Ndakaonawo Jehovha achinditsigira uye izvozvo zvakandibatsira kuti ndigamuchire chero zvinenge zvachinja muupenyu hwangu. Iye zvino ndava piyona chaiye muPhilippines. Ndiri kufara chaizvo ndiri muungano yangu itsva uye vanhu vemo vakaita semhuri yangu chaiyo inonditsigira. Ndinodadawo kuona Samuel naShirley vachitevedzera kutenda kwaamai vavo.—3 Joh. 4.
Ndakasangana nematambudziko akawanda muupenyu hwangu, kusanganisira kuona mudzimai wangu wandaida achirwara nechirwere chakaipisisa kusvikira pakufa. Panewo zvinhu zvakachinja muupenyu hwangu zvandaifanira kujairana nazvo asi ndakaona kuti Jehovha “[haasi] kure nemumwe nemumwe wedu.” (Mab. 17:27) Ruoko rwaJehovha “haruna kupfupika” zvekuti angatadza kutsigira kana kusimbisa vashumiri vake, kunyange pavanenge vachishumira munzvimbo dzekuti vanenge vangori vega. (Isa. 59:1) Jehovha, Dombo rangu, anga aineni muupenyu hwangu hwese, uye ndinomutenda chaizvo. Haana kumbondisiya ndiri ndega.
a Ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1972, mapeji 521-527.