Ramba Mweya Wekuzvifunga Wakazara Munyika
WAKAMBOONA here kuti vanhu vakawanda mazuva ano vanofunga kuti vanofanira kubatwa zvakanaka kupfuura vamwe kana kuti kupiwa kodzero dzisina vamwe? Pasinei nekuti vanobatwa zvakanaka sei vanoramba vachifunga kuti vanofanira kuitirwa zvinotopfuura ipapo. Mafungiro aya anokonzerwa nekuzvifunga uye kusaonga kunoitwa nevanhu vemazuva ekupedzisira.—2 Tim. 3:2.
Asi mafungiro aya haana kutanga nhasi. Adhamu naEvha vaida kuva nekodzero yekuzvisarudzira vega kuti zvakanaka nezvakaipa ndezvipi asi izvozvo zvakatoita kuti tese titambure. Papera mazana emakore, Mambo Uziya weJudha akafunga kuti aiva nekodzero yekupisa rusenzi patemberi asi ikoko kwaitova kukanganisa. (2 Mak. 26:18, 19) Uyewo vaFarisi nevaSadhusi vaifunga kuti Mwari aifanira kuvabata zvakasiyana nevamwe nekungoti chete vaiva vedzinza raAbrahamu.—Mat. 3:9.
Tiri kurarama munyika yakazara vanhu vanongozvifunga uye vanozvikudza saka mafungiro avo anogona kutikanganisa. (VaG. 5:26) Tinogona kutanga kufunga kuti tine kodzero yekuwana imwe ropafadzo kana kuti tinofanira kubatwa zvakasiyana nevamwe. Asi tingaita sei kuti tisava nemafungiro akadaro? Kutanga tinoda kunzwisisa kuti Jehovha anoti kudini nezvenyaya yacho. Pane zvinhu zviviri zvatinodzidza muBhaibheri zvinogona kutibatsira.
Jehovha akagara ataura kodzero dzine munhu mumwe nemumwe. Funga mienzaniso inotevera.
-
Mumhuri, murume ane kodzero yekuremekedzwa nemudzimai wake uye mudzimai ane kodzero yekudiwa nemurume wake. (VaEf. 5:33) Vanhu vakaroorana vanofanira kungodanana ivo chete, pasina mumwe anoenda kunze. (1 VaK. 7:3) Vabereki vakakodzera kuteererwa nevana vavo, uye vana vanofanira kudiwa uye kuchengetwa nevabereki vavo.—2 VaK. 12:14; VaEf. 6:2.
-
Muungano vakuru vanoshanda nesimba vanofanira kuremekedzwa. (1 VaT. 5:12) Asi havana kodzero yekumanikidza hama nehanzvadzi dzavo kuti dziite zvavanoda.—1 Pet. 5:2, 3.
-
Mwari akapa hurumende dzevanhu kodzero yekupiwa mutero uye yekuti dzikudzwe nevanhu vadzinotonga.—VaR. 13:1, 6, 7.
Nerudo rwake, Jehovha anotipa zvakawanda kupfuura zvatinokodzera kuwana. Nemhaka yekuti tine chivi, chatinongokodzerwa nacho chete, rufu. (VaR. 6:23) Asi Jehovha anotipa makomborero akawanda nemhaka yerudo rwake rusingachinji. (Pis. 103:10, 11) Anotipa makomborero aya kwete nekuti tinokodzera kuawana, asi dzinenge dzitori nyasha dzatinenge tichiratidzwa.—VaR. 12:6-8; VaEf. 2:8.
ZVATINGAITA KUTI TISAVA NEMWEYA WEKUNGOZVIFUNGA KANA KUZVIKUDZA
Ngwarira kuti usava nemweya wenyika. Tisingatombozvioni, tinogona kutanga kufunga kuti tinokodzera kuwana zvakawanda kupfuura vamwe. Jesu akaratidza kuti zviri nyore kuva nemafungiro akadaro achishandisa mufananidzo wevashandi vakapiwa mubhadharo wedhinari. Vamwe vavo vakatanga kushanda achiri mangwanani-ngwanani uye vakaswera vachitsva nezuva. Asi pane vamwe vakazouya vakashanda kweawa imwe chete. Vaya vakanga vaswera vachishanda vaifunga kuti vaifanira kupiwa mubhadharo wakakura nemhaka yebasa ravakanga vaita. (Mat. 20:1-16) Achitaura zvatinodzidza pamufananidzo uyu, Jesu akaratidza kuti vateveri vake vanofanira kugutsikana nezvavanopiwa naMwari.
Iva munhu anoonga uye usatarisira kuti vamwe vakupe zvinhu. (1 VaT. 5:18) Tevedzera muapostora Pauro, uyo akanga asingakumbiri kupiwa zvinhu nehama dzake dzemuKorinde kunyange zvazvo aiva nekodzero yacho. (1 VaK. 9:) Tinofanira kuonga chero makomborero atinogamuchira torega kutarisira kupiwa zvinhu nevanhu. 11-14
Iva munhu anozvininipisa. Kana munhu achizvionera pamusoro, anowanzofunga kuti anokodzera kuwana zvinhu zvakawanda kupfuura zvaainazvo. Kuzvininipisa ndiko kunobatsira kuti munhu asava nemafungiro akadaro.
Muprofita Dhanieri akaratidza muenzaniso wakanaka wekuzvininipisa. Mhuri yaaibva, chitarisiko chake, uchenjeri hwake, uye unyanzvi hwaaiva nahwo zvaigona kuita kuti afunge kuti aikodzera kubatwa zvakasiyana nevamwe uye kupiwa ropafadzo dzaakapiwa. (Dhan. 1:3, 4, 19, 20) Asi Dhanieri akaramba achizvininipisa, uye ndizvo zvakaita kuti akoshe kuna Jehovha.—Dhan. 2:30; 10:11, 12.
Ngatirambei zvachose mweya wekuzvifunga uye wekuzvikudza wakazara munyika mazuva ano. Uye ngatirambei tichiwana mufaro kubva pamakomborero atinopiwa naJehovha kuburikidza nenyasha dzake.