Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 7

RWIYO 15 Rumbidzai Dangwe raJehovha!

Unobatsirwa Sei Nekuregererwa Kwatinoitwa naJehovha?

Unobatsirwa Sei Nekuregererwa Kwatinoitwa naJehovha?

“Imi munokanganwira zvechokwadi.”PIS. 130:4.

ZVATICHADZIDZA

Tichakurukura mimwe mienzaniso yemuBhaibheri inotsanangura nzira yatinoregererwa nayo naJehovha. Nyaya ino ichatibatsira kuti tiwedzere kuonga kuregerera kwaanotiita.

1. Nei kakawanda kacho kuregerera kwevanhu kusinganzwisisiki?

 “NDAKUREGERERA.” Shoko iri rinogona kuzorodza chaizvo, kunyanya kana uchiziva kuti wakarwadzisa mumwe munhu nezvawakataura kana kuti zvawakaita. Asi shoko rekuti “ndakuregerera” rinonyatsorevei? Munhu wawakarwadzisa ari kuti here muchiri shamwari? Kana kuti ari kungoreva kuti haachadi kutaurazve nezvenyaya yacho? Dzimwe nguva kuregerera kwevanhu hakunzwisisiki.

2. Kuregerera kunoita Jehovha kunotsanangurwa sei muBhaibheri? (Onawo mashoko emuzasi.)

2 Kuregererwa kwatinoitwa naJehovha isu vanhu vane chivi kwakasiyana chaizvo nekuregererana kwatinoita. Hapana munhu anoregerera sezvinoita Jehovha. Munyori weMapisarema akati nezvaJehovha: “Imi munokanganwira zvechokwadi, zvekuti munotyiwa.” a (Pis. 130:4) Kuregerera kunoita Jehovha ndiko ‘kukanganwira kwechokwadi.’ Ndiye anotiratidza kuti kuregerera kunonyatsorevei. Mune mamwe mavhesi ari mumagwaro echiHebheru vanyori veBhaibheri vakatsanangura kuregerera kunoita Jehovha vachishandisa shoko ravasina kumbobvira vashandisa pakutsanangura kuregerera kunoita vanhu.

3. Kuregerera kunoita Jehovha kwakasiyana sei nekwedu? (Isaya 55:​6, 7)

3 Jehovha paanoregerera mumwe munhu, chivi chemunhu iyeye chinodzimwa. Munhu wacho anovazve neushamwari hwepedyo naJehovha. Tinoonga chaizvo kuti Jehovha anoramba achitiregerera zvakakwana.—Verenga Isaya 55:​6, 7.

4. Jehovha anotibatsira sei kunzwisisa zvinonyatsorehwa nekuregerera?

4 Kana kuregerera kunoita Jehovha kwakasiyana nekwedu, isu vanhu vane chivi tinganyatsonzwisisa sei zvinorehwa nekuregerera kunoita Jehovha? Jehovha anotibatsira achishandisa fananidzo dzinotsanangura nezvekuregerera kwake. Munyaya ino tichaongorora dzimwe dzacho. Dzichatiratidza kuti Jehovha anobvisa sei chivi, uye panguva imwe chete, achiita kuti tivezve neushamwari hwepedyo naye. Patinenge tichikurukura fananidzo idzi, tichawedzera kuda uye kuonga Baba vedu vane tsitsi, avo vanotiregerera munzira dzakawanda chaizvo.

JEHOVHA ANOBVISA CHIVI

5. Chii chinoitika Jehovha paanoregerera zvivi zvedu?

5 MuBhaibheri, zvivi zvinowanzofananidzwa nemitoro inorema. Mambo Dhavhidhi akatsanangura zvivi zvake achiti: “Zvitadzo zvangu zvatutirana pamusoro wangu; zvandikurira semutoro unorema.” (Pis. 38:4) Asi Jehovha anoregerera zvivi zvevatadzi vanopfidza. (Pis. 25:18; 32:5) Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “kuregerera” rinoreva “kusimudza” kana kuti “kutakura.” Tinogona kufunga nezvaJehovha semurume akasimba uyo anoita seari kusimudza mutoro wechivi kubva pamapfudzi edu oenda nawo.

“Kuregerera” (Pis. 32:⁠5)


6. Jehovha anoendesa zvivi zvedu kure zvakadii?

6 Imwe fananidzo inoratidza kuti Jehovha anotakura zvivi zvedu achienda nazvo kure zvakadii. Pisarema 103:12 inotiudza kuti: “Sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira, saizvozvowo akaisa zvitadzo zvedu kure nesu.” Kumabvazuva ndiyo nzvimbo iri kure zvikuru nekumavirira. Nzvimbo mbiri idzi hadzifi dzakasangana. Izvi zvinoreva kuti Jehovha anoendesa zvivi zvedu kure nesu kupfuura zvatingafungidzira. Izvi zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha anotiregerera zvakakwana!

“Sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira” (Pis. 103:​12)


7. Bhaibheri rinotsanangura sei zvinoitwa naJehovha nezvivi zvedu? (Mika 7:​18, 19)

7 Kunyange zvazvo Jehovha achiita seanotakura zvivi zvedu, zvinoreva here kuti anoramba akatakura zvivi zvedu? Aiwa. Mambo Hezekiya akanyora nezvaJehovha achiti: “Makarasira zvivi zvangu zvese shure kwenyu.” Mashoko emuzasi epavhesi iri anoti, “makabvisa zvivi zvangu zvese pamberi penyu.” (Isa. 38:​9, 17; mashoko emuzasi) Fananidzo iyi inoratidza kuti Jehovha anotakura zvivi zvevanhu vanenge vapfidza ozvirasira kure. Mashoko aya anogonawo kunyorwa achinzi: “Makaita kuti [zvivi zvangu] zviite sekuti hazvina kumbobvira zvaitika.” Bhaibheri rinotaurawo pfungwa iyi richishandisa imwe fananidzo iri pana Mika 7:​18, 19. (Verenga.) Mavhesi iwayo anotaura kuti Jehovha anokanda zvivi zvedu pasi pegungwa. Kare, zvaisaita kuti munhu akwanise kutora chinhu chainge chakandwa pasi pegungwa.

“Makarasira zvivi zvangu zvese shure kwenyu” (Isa. 38:⁠17)

“Muchakanda zvivi zvavo zvese pasi pegungwa” (Mika 7:​19)


8. Kusvika pari zvino tadzidzei?

8 Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti, Jehovha paanotiregerera, anobvisa zvivi zvedu zvachose zvekuti hatifaniri kuzombonzwa tiine mhosva. Sezvakataurwa naDhavhidhi, “vanofara vaya vakaregererwa mabasa avo ekutyora mutemo, uye vane zvivi zvakafukidzwa; anofara munhu ane chivi chisingazoyeukwi naJehovha.” (VaR. 4:​7, 8) Uku ndiko kuregerera kwechokwadi!

JEHOVHA ANOCHENESA ZVIVI

9. Ifananidzo dzipi dzinoshandiswa naJehovha pakutsanangura kutiregerera kwaanoita?

9 Jehovha anoshandisa dzimwe fananidzo dzinotibatsira kuona kuti achishandisa chibayiro cherudzikinuro, anochenesa zvivi zvevatadzi vanenge vapfidza. Jehovha anotaurwa nezvake achiita sekuti ari kugeza zvivi zvemunhu osara achena. Mutadzi wacho anobva anatswa. (Pis. 51:7; Isa. 4:4; Jer. 33:8) Jehovha pachake anotsanangura kuti izvi zvinoguma nei achiti: “Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri, zvichacheneswa sechando; kunyange zvazvo zvakatsvuka semucheka mutsvuku, zvichaita semvere dzemakwai.” (Isa. 1:18) Zvakaoma chaizvo kubvisa ruvara rutsvuku runenge rwaenda pachipfeko. Asi achishandisa fananidzo iyi, Jehovha anoita kuti tive nechokwadi chekuti zvivi zvedu zvinogona kugezwa zvochena zvekuti zvinosara zvisisaoneki.

“Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri, zvichacheneswa sechando” (Isa. 1:​18)


10. Ndeipi imwe fananidzo inoshandiswa naJehovha inoratidza kukura kwakaita kuregerera kwaanoita?

10 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, zvivi zvinofananidzwawo nezvikwereti. (Mat. 6:12; Ruka 11:4; mashoko emuzasi) Saka pese patinotadzira Jehovha, zvinoita sekuti tiri kuramba tichinyura muchikwereti. Chikwereti chatiinacho naye chakakura chaizvo! Asi Jehovha paanotiregerera, zvinoita sekuti akanzura chikwereti chatainge tichifanira kuzobhadhara. Haazotiti tine chikwereti pazvivi zvaakatotiregerera nechekare. Jehovha paanotiregerera zvivi zvedu seizvi, tinonzwa kuzorodzwa chaizvo!

“Tiregerereiwo zvikwereti zvedu” (Mat. 6:​12; mashoko emuzasi)


11. Bhaibheri rinorevei parinotaura kuti zvivi zvedu ‘zvadzimwa’? (Mabasa 3:19)

11 Jehovha haangogumiri pakukanzura zvikwereti zvedu, kana kuti zvivi zvedu, asi anozvidzima. (Verenga Mabasa 3:19.) Kana chikwereti chichinge chakanzurwa, zvinoita sekuti pakanyorwa manhamba acho pachekwa. Asi manhamba acho anenge achiri kuoneka nekuti haana kudzimwa. Asi kudzima chimwe chinhu kwakatosiyana nekuchikanzura. Kuti tinzwisise izvi, tinofanira kuyeuka kuti ingi yaishandiswa kare yakanga iri nyore kudzima. Munhu aigona kutora chinhu chinyoro odzima zvinenge zvakanyorwa. Saka chikwereti ‘pachaidzimwa,’ vanhu vaisazokwanisa kuona kuti painge pakanyorwei. Zvaizoita sekuti chikwereti chacho hachina kumbobvira chavapo. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Jehovha haangogumiri pakukanzura zvivi zvedu asiwo anozvidzima zvachose!—Pis. 51:9.

“Kuti zvivi zvenyu zvidzimwe” (Mab. 3:​19)


12. Tinodzidzei kubva pafananidzo yegore dema?

12 Jehovha ane imwe fananidzo yaanoshandisa inoratidza kudzima kwaanoita zvivi zvedu zvachose. Anoti: “Ndichavhara kudarika kwako sekunge negore nezvivi zvako sekunge negore dema.” (Isa. 44:22) Jehovha paanoregerera zvinoita sekuti anoshandisa gore dema kuvhara zvivi zvedu zvekuti hazvizombooneki zvachose.

“Ndichavhara kudarika kwako sekunge negore” (Isa. 44:​22)


13. Unonzwa sei Jehovha paanoregerera zvivi zvako?

13 Fananidzo idzi dzinotidzidzisei? Jehovha paanotiregerera zvivi zvedu, hatifaniri kuramba tichizvipa mhosva yezvivi izvozvo kweupenyu hwedu hwese. Chibayiro chaJesu chakabhadhara zvivi zvedu zvachose. Jehovha paanotiregerera chivi chatinenge taita, zvinoita sekuti hatina kumbobvira tachiita. Uku ndiko kuregererwa kwatinoitwa naJehovha patinopfidza zvivi zvedu.

JEHOVHA ANOITA KUTI TIVEZVE SHAMWARI DZAKE

Kuregerera kunoita Baba vedu vekudenga kunoita kuti tikwanise kuva neushamwari hwakanaka navo (Ona ndima 14)


14. Nei tiine chokwadi chekuti kana Jehovha atiregerera anenge atiregerera? (Onawo .)

14 Jehovha paanotiregerera tinogona kuva nechokwadi chekuti tava shamwari yake zvakare. Hatizorambi tichizvipa mhosva yezvivi zvatakaita kare. Hatifaniri hedu kufunga kuti Jehovha achiri akatigumbukira uye kuti ari kutsvaga nzira yekutiranga. Haangamboiti zvakadaro. Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha paanotaura kuti atiregerera tinogona kuvimba naye? Jehovha akaudza muprofita Jeremiya kuti: “Ndichavaregerera kukanganisa kwavo, uye handichazoyeukizve chivi chavo.” (Jer. 31:34) Pauro akashandisa mashoko iwayo, paakataura kuti: “Handizoyeukizve zvivi zvavo.” (VaH. 8:12) Asi izvozvo zvinombonyatsorevei?

“Handichazoyeukizve chivi chako” (Jer. 31:​34)


15. Jehovha haazorambi achiyeuka zvivi zvedu pakuti kudii?

15 MuBhaibheri, hapasi pese panoshandiswa shoko rekuti “kuyeuka” richireva kufunga nezvechimwe chinhu chakaitika kare asi pamwe pacho rinenge richireva kuita chimwe chinhu. Murume aiva gororo uyo akaturikwa padanda padivi paJesu akati: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muUmambo hwenyu.” (Ruka 23:​42, 43) Akanga asiri kungokumbira Jesu kuti amufunge panguva iyoyo. Mhinduro yaJesu inoratidza kuti aizomumutsa. Saka Jehovha paanotaura kuti haachayeuki zvivi zvedu, haazotirangiri zvivi zvaakatotiregerera.

16. Bhaibheri rinotsanangura sei rusununguko rwatinova narwo patinoregererwa naJehovha?

16 Bhaibheri rinoshandisa imwe fananidzo inotibatsira kunzwisisa rusununguko rwatinowana patinoregererwa naJehovha. Rinotaura kuti nemhaka yechivi chatiinacho, tiri “varanda vechivi.” Asi Jehovha paanotiregerera, tinova sevaranda ‘vakasunungurwa pachivi.’ (VaR. 6:​17, 18; Zvak. 1:5) Patinoziva kuti Jehovha atiregerera tinofara sezvinoita muranda anenge asunungurwa.

“Makasunungurwa pakuva varanda vechivi” (VaR. 6:​18)


17. Kuregererwa kwatakaitwa naJehovha kunoguma sei nekuporeswa kwedu? (Isaya 53:5)

17 Verenga Isaya 53:5. Fananidzo yekupedzisira yatava kukurukura nezvayo inotifananidza nevanhu vane chirwere chinouraya. Sezvo takapiwa rudzikinuro naJehovha achishandisa Mwanakomana wake, Jehovha akatotiporesa. (1 Pet. 2:24) Patinotadza tinokanganisa ushamwari hwedu naJehovha, asi achishandisa rudzikinuro Jehovha anotiregerera uye tinokwanisa kuva neushamwari hwepedyo naye zvakare. Sezvo munhu anenge aporeswa pachirwere chakaipa chaizvo achifara, isuwo tinofara nekuti takaporeswa pakunamata uye tava kukwanisazve kufarirwa naJehovha zvichibva pakutiregerera kwaakaita.

“Maronda ake akaita kuti tiporeswe” (Isa. 53:⁠5)


TINOBATSIRWA SEI NEKUREGERERA KUNOITA JEHOVHA?

18. Tadzidzei nekuongorora fananidzo dzakasiyana-siyana dziri muBhaibheri dzine chekuita nekuregerera kunoita Jehovha? (Onawo bhokisi rakanzi, “Jehovha Anotiregerera Sei?”)

18 Tadzidzei nekuongorora fananidzo dzakasiyana-siyana dziri muBhaibheri dzine chekuita nekuregerera kunoita Jehovha? Jehovha paanotiregerera zvivi zvedu, zvinoita sekuti hatina kumbobvira taita zvivi izvozvo uye tinogona kuva nechokwadi chekuti haazotirangiri zvivi zvacho mune ramangwana. Izvi zvinoita kuti tive neushamwari hwakanaka naBaba vedu vekudenga. Asi tinoziva kuti kuregerera kwaanotiita, chitori chipo chaanotipa chinobva parudo rwake nenyasha dzake, kwete kuti tine kodzero yekuregererwa.—VaR. 3:24.

19. (a) Chii chatinofanira kuonga? (VaRoma 4:8) (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

19 Verenga VaRoma 4:8. Tinoonga chaizvo kuti Jehovha ndiMwari “anokanganwira zvechokwadi”! (Pis. 130:4) Asi kana tichida kuti Jehovha atiregerere tine chimwe chinhu chinokosha chatinofanira kuita. Jesu akati: “Kana muchiregerera vanhu vanokutadzirai, Baba venyu vekudenga vachakuregereraiwo.” (Mat. 6:​14, 15) Saka zvinokosha kuti titevedzere kuregerera kunoita Jehovha. Asi tingazviita sei? Nyaya inotevera ichatiratidza kuti tingazviita sei.

RWIYO 46 Tinokutendai Jehovha

a Shanduro dzakawanda dzeBhaibheri pavhesi iri hadzina shoko rekuti “zvechokwadi” asi muShanduro Yenyika Itsva shoko iri ririmo. Shoko iri rinosiyanisa kuregerera kunoita Jehovha nekumwewo kuregerera uye izvi zvinosiyanisa shanduro iyi nedzimwe pamashandurirwo akaitwa Pisarema 130:4.