Zvaungaita Kuti Uve Shamwari Yechokwadi
WAKAMBOSANGANA nedambudziko here ukashaya anokubatsira? Tiri kurarama munguva “dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri” idzo dzinogona kuita kuti tinzwe takaora mwoyo uye tisingafare nekuti tinenge tingori tega. (2 Tim. 3:1) Asi kune vanhu vanogona kutibatsira patinosangana nematambudziko. Bhaibheri rinotaura nezvekukosha kwekuva neshamwari dzechokwadi “panguva yekutambudzika.”—Zvir. 17:17.
SHAMWARI DZECHOKWADI DZINOTIBATSIRA SEI?
Muapostora Pauro akabatsirwa neshamwari dzake dzaaifamba nadzo. (VaK. 4:7-11) Pauro paaiva mujeri kuRoma, shamwari dzake dzaimuitira zvinhu zvaaisakwanisa kuita ega. Semuenzaniso, Epafrodhito akaunzira Pauro zvinhu zvaakanga atumirwa nehama nehanzvadzi dzekuFiripi. (VaF. 4:18) Tikiko akatumwa kuti aendese tsamba dzaPauro kuungano dzakasiyana-siyana. (VaK. 4:7, ona study note muBhaibheri reChirungu rekudzidza) Nekuti aitsigirwa neshamwari dzake, Pauro akakwanisa kuita ushumiri hwake pasinei nekuti ainge ari musungwa achigara pamba kana kuti ainge akavharirwa mujeri ari ega. Zvii zvaungaita kuti uve shamwari yechokwadi mazuva ano?
Mazuva ano, kune hama nehanzvadzi dzinoita zvinhu zvinoratidza kuti kuva neshamwari dzechokwadi kunokosha. Funga nezveimwe hanzvadzi yakaratidza kuti yaiva shamwari yechokwadi yaElisabet, mumwe piyona wenguva dzese wekuSpain. Amai vaElisabet pavakabatwa nechirwere chekenza, hanzvadzi iyi yaitumira Elisabet mameseji akawanda anokurudzira aiva nemashoko anobva muBhaibheri. Elisabet anoti: “Pandaiona mameseji ehanzvadzi iyi, ndainzwa kufara kuziva kuti pane mumwe munhu aindifungawo uye izvozvo zvaindisimbisa kuti ndirambe ndichiita zvandaifanira kuita zuva rega rega.”—Zvir. 18:24.
Tinogona kusimbisa ushamwari hwedu nevatinonamata navo patinovatsigira kuti vakwanise kuita zvekunamata. Semuenzaniso, tinogona kutakura nemotokari hama kana hanzvadzi yakwegura tichiiendesa kumisangano kana kuti kunoparidza. Kana tikaita izvi, tichakwanisa kukurudzirana. (VaR. 1:12) Asi tingava sei shamwari yechokwadi kune vamwe vaKristu vasingakwanisi kubva pamba?
IVA SHAMWARI YECHOKWADI KUNE VAYA VASINGAKWANISI KUBVA PAMBA
Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu hadzikwanisi kupinda misangano paImba yeUmambo nekuda kweutano kana mamwewo mamiriro ezvinhu. Funga nezvemuenzaniso waDavid, uyo akabatwa nechirwere chekenza inonzi lymphoma. Kwemwedzi inopfuura 6 aipiwa mishonga inobatsira pachirwere ichi. Panguva yese yaaipiwa mishonga iyi, David nemudzimai wake, Lidia, vaipindira misangano kumba.
Hama nehanzvadzi dzemuungano dzakavatsigira sei? Pashure pemusangano wega wega, vamwe vaiva paImba yeUmambo vaitaura naDavid naLidia vachiita zvekuonana navo pavhidhiyo. Uyewo, David naLidia pavaipa mhinduro, vamwe vaivatumira mameseji anokurudzira. Izvozvo zvakavabatsira sei? Zvakaita kuti David naLidia vasanyanya kusurukirwa.
Pane here zvatinokwanisa kuita kuti tiparidze nehama kana hanzvadzi dzisingakwanise kubva pamba? Tinogona kuchinja zvimwe zvinhu papurogiramu yedu kuti tikwanise kushanda navo muushumiri. Patinoita izvi, tinovaratidza kuti hatina kuvakanganwa. (Zvir. 3:27) Wadii waronga kuti uite navo ushumiri hwekunyora tsamba kana kuti hwepafoni? Vaya vasingakwanisi kubva pamba vanogona kupinda misangano yebasa vachishandisa mavhidhiyo. David naLidia vanotenda chaizvo kuti ungano yavo yaiva neurongwa uhwu. David anoti: “Zvaitikurudzira chaizvo kungova pamwe chete nehama nehanzvadzi kwenguva pfupi tichikurukura zvinhu zvaizotibatsira muushumiri tobva tanyengetera.” Uyewo, kana zvichiita, wadii waronga kuti umbopota uchienda nemudzidzi wako weBhaibheri kumba kwemumwe muparidzi asingakwanisi kubva pamba kuti muitire zvidzidzo zvenyu ikoko?
Patinoshanda nehama nehanzvadzi dzedu dzisingakwanisi kubva pamba, toona zvakanaka zvavanoita, tinowedzera kuswedera pedyo navo. Semuenzaniso, patinoshanda navo muushumiri toona kuti vanoshandisa sei Shoko raMwari zvine unyanzvi kuti vasvike mwoyo wemunhu, tinowedzera kuswedera pedyo navo. Paunobatsira vaunonamata navo kuti vakwanise kuita zvinhu zvekunamata, zvinotokubatsira kuti uwane dzimwe shamwari.—2 VaK. 6:13.
Pauro akanyaradzwa nekuti Tito shamwari yake, aiva naye. (2 VaK. 7:5-7) Nyaya iyi inotiyeuchidza kuti kunyange zvazvo zvakanaka kuti tiudze hama nehanzvadzi dzedu mashoko anokurudzira, hatifaniri kungogumira ipapo. Tinofanirawo kuvanyaradza nekuita nguva navo uye kuvabatsira pane zvimwe zvinhu zvavanoda.—1 Joh. 3:18.
IVA SHAMWARI YECHOKWADI HAMA NEHANZVADZI DZAKO PADZINOTAMBUDZWA
Hama nehanzvadzi dzedu dzekuRussia dziri kushanda nesimba kuti dzitsigirane uye tinogona kudzitevedzerawo. Funga nezvaSergey nemudzimai wake, Tatyana. Pashure pekunge imba yavo yasechwa nemapurisa vakanobvunzurudzwa kukamba. Tatyana ndiye akatanga kubvumidzwa kudzokera kumba. Sergey anoti: “[Tatyana] achingosvika kumba, imwe hanzvadzi ine ushingi yakauya kuzomuona. Dzimwe hama nehanzvadzi dzakauyawo dzikatibatsira kurongedza mumba medu.”
Sergey anoti: “Ndinofarira mashoko ari pana Zvirevo 17:17, panoti: ‘Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.’ Ndava kunyatsoona kushanda kwemashoko aya panguva ino yandiri kutambudzwa yandinoda kutsigirwa nevamwe. Jehovha akandipa shamwari dzisingatyi uye dzakagadzirira kundibatsira.” a
Zvinhu pazviri kuwedzera kuoma, tinotoda shamwari dzatinogona kuvimba nadzo. Tichatonyanya kudzida pakutambudzika kukuru. Saka ngatiitei zvese zvatinogona kuti tive shamwari yechokwadi iye zvino!—1 Pet. 4:7, 8.
a Ona nyaya iri pajw.org yakanzi “Jehovha Akandipa Shamwari Dzisingatyi.”