ZVAUNOGONA KUDZIDZA
Kuratidza Ushingi Pazvinenge Zvakaoma
Verenga Jeremiya 38:1-13 kuti udzidze nezveushingi hwakaratidzwa nemuprofita Jeremiya naEbhedhi-mereki, uyo aiva mukuru muimba yamambo.
Ongorora zvaiitika. Jeremiya akaratidza sei ushingi pakuparidza mashoko aJehovha? (Jer. 27:12-14; 28:15-17; 37:6-10) Vanhu vakaita sei pavakanzwa mashoko aiparidzwa naJeremiya?—Jer. 37:15, 16.
Tsvakurudza. Vanhu vaida kuti Jeremiya aite sei? (jr 26-27 20-22) Tsvaga kuti migodhi yekare yakanga yakaita sei uye kuti yaishandiswei. (w11 1/1 19) Jeremiya anofanira kunge akanzwa sei paakakandwa mumugodhi waiva nemadhaka? Ebhedhi-mereki anogona kunge aityei?—w12 5/1 31 ¶2-3.
Tsvaga zvidzidzo zvacho. Zvibvunze kuti:
-
‘Nyaya iyi inondidzidzisei nezvekudzivirira kunoita Jehovha vashumiri vake vakavimbika?’ (Pis. 97:10; Jer. 39:15-18)
-
‘Ndepapi pandingada kuratidza ushingi?’
-
‘Zvii zvandingaita kuti ndiwedzere kuva neushingi kana zvinhu zvakaoma?’(w11 3/1 30) a
a Kuti uone zvimwe zvaunogona kudzidza, ona nyaya yakanzi “Zvaungaita Pakudzidza” iri muNharireyomurindi yaJuly 2023.