Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chirangaridzo Chinobatanidza Vanhu vaMwari

Chirangaridzo Chinobatanidza Vanhu vaMwari

‘Zvakanaka sei uye zvinofadza sei kuti tigare pamwe chete takabatana!’—PIS. 133:1.

NZIYO: 18, 14

1, 2. Ndechipi chiitiko chichanyanya kubatanidza vanhu muna 2018, uye nei zvakadaro? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

MUSI wa31 March 2018, mamiriyoni evanhu pasi rese achaenda kumusangano unoitwa kamwe chete pagore. Zuva parinenge ranyura, Zvapupu zvaJehovha nevamwe vanhu vakawanda vachaungana pamwe chete kuti vachengete Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Gore rega rega, chiitiko ichi ndicho chinobatanidza vanhu zvinoshamisa kupfuura zvimwe zvese panyika.

2 Jehovha naJesu vanofanira kunge vachifara chaizvo pavanoona mamiriyoni evanhu achipinda musangano uyu. Bhaibheri rinotaura ‘nezveboka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nemunhu, vanobva kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi.’ Boka racho rinenge richishevedzera kuti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.” (Zvak. 7:9, 10) Zvinofadza kuti Jehovha naJesu vanokudzwa panoitwa Chirangaridzo gore negore!

3. Mibvunzo ipi ichapindurwa munyaya ino?

3 Munyaya ino uchawana mhinduro dzemibvunzo mina inoti: (1) Ndingagadzirira sei Chirangaridzo kuitira kuti ndinyatsobatsirwa nacho? (2) Chirangaridzo chinobatanidza sei vanhu vaMwari? (3) Ndingaitei kuti ndisimudzire kubatana pakati pevanhu vaMwari? (4) Kuchazombova neChirangaridzo chekupedzisira here? Kana zvakadaro, riini?

KUGADZIRIRA CHIRANGARIDZO UYE KUBATSIRWA NEKUCHIPINDA

4. Nei zvichikosha kuti tipinde Chirangaridzo?

4 Fungisisa nezvekukosha kwekupinda Chirangaridzo. Yeuka kuti misangano yeungano chikamu chekunamata kwedu. Jehovha naJesu vanocherechedza vaya vanoita zvese zvavanogona kuti vapinde musangano uyu unokosha kupfuura yese pagore. Tinoda kuti vaone kuti tichavapo paChirangaridzo kunze kwekuti zvisingatoiti zvachose kuti tipinde. Patinoratidza nezvatinoita kuti tinokoshesa misangano yekunamata, tinopa Jehovha chikonzero chekuchengeta zita redu ‘mubhuku rekuyeuchidza,’ kana kuti “bhuku roupenyu.” Bhuku iri rakanyorwa mazita evanhu avo Jehovha anoda kupa upenyu husingaperi.—Mar. 3:16; Zvak. 20:15.

5. Pachiine mavhiki kuti Chirangaridzo chiitwe, ‘tingazviedza sei kuti tione kana tiri mukutenda’?

5 Pachiine mavhiki kuti Chirangaridzo chiitwe, tinogona kuzvipa nguva yekunyengetera uye kufungisisa nezveushamwari hwedu naJehovha. (Verenga 2 VaKorinde 13:5.) Izvozvo tingazviita sei? Kuburikidza ‘nekuzviedza kuti tione kana tiri mukutenda.’ Kuti tiite izvozvo, tingaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyatsobvuma here kuti iri ndiro sangano rakasarudzwa naJehovha kuti riite kuda kwake? Ndiri kuita here zvese zvandinogona kuti ndiparidze mashoko akanaka eUmambo uye kuadzidzisa vanhu? Zvandinoita zvinonyatsoratidza here kuti ndinotenda kuti tiri mumazuva ekupedzisira uye kuti kutonga kwaSatani kwava kuguma? Ndichiri kuvimba naJehovha naJesu here sezvandaiita pandakatanga kushumira Jehovha?’ (Mat. 24:14; 2 Tim. 3:1; VaH. 3:14) Kufungisisa nezvemhinduro dzemibvunzo yakadaro kuchatibatsira kuramba tichizviedza kuti tione kuti takadini.

6. (a) Ndeipi nzira imwe chete inoenda kuupenyu? (b) Mumwe mukuru anogadzirira sei Chirangaridzo gore rega rega, uye iwe ungaitawo sei zvakadaro?

6 Verenga uye fungisisa nyaya dzinotaura nezvekukosha kweChirangaridzo. (Verenga Johani 3:16; 17:3.) Nzira imwe chete inoenda kuupenyu husingaperi ‘ndeyekusvika pakuziva’ Jehovha uye ‘kutenda’ muna Jesu, Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe ega. Kuti ugadzirire Chirangaridzo, wadii kusarudza zvinhu zvekudzidza nezvazvo zvichakubatsira kuswedera pedyo naJehovha naJesu? Funga zvinoitwa neimwe hama yava nenguva yakareba iri mukuru. Kwemakore, akaunganidza nyaya dzemuNharireyomurindi dzinonyanya kutaura nezveChirangaridzo uye rudo rwatakaratidzwa naJehovha naJesu. Pachiine mavhiki kuti Chirangaridzo chiitwe, anoverengazve nyaya idzi ofungisisa nezvekukosha kwechiitiko ichi. Apo neapo anowedzera nyaya imwe chete kana mbiri. Mukuru uyu akaona kuti paanoverengazve nyaya idzi uye paanoverenga nekufungisisa mavhesi eBhaibheri anoverengwa panguva yeChirangaridzo, anodzidza zvinhu zvitsva gore rega rega. Chinonyanya kukosha ndechekuti anoona kuti kuda kwaanoita Jehovha naJesu kunowedzera gore negore. Kudzidza kwakadaro kungakubatsira kuti uwedzere kuda uye kuonga Jehovha naJesu, uye kungaitawo kuti unyatsobatsirwa neChirangaridzo.

CHIRANGARIDZO CHINOTIBATSIRA SEI KUTI TIBATANE?

7. (a) Jesu akanyengeterera chii musi wakatangwa Kudya kwaShe Kwemanheru? (b) Chii chinoratidza kuti Jehovha akapindura munyengetero waJesu?

7 Musi wakatangwa Kudya kwaShe Kwemanheru, Jesu akanyengetera kuti vateveri vake vabatane sekubatana kwaakaita naBaba vake. (Verenga Johani 17:20, 21.) Jehovha akapindura munyengetero iwoyo weMwanakomana wake waanoda, uye iye zvino mamiriyoni evanhu ava kutenda kuti Jehovha akamutuma. Chirangaridzo chinonyatsoratidza kupfuura zvinoita mimwe misangano yevanhu vaMwari kuti Zvapupu zvaJehovha zvakabatana. Vanhu vemunyika dzakawanda uye vane ruvara rweganda rwakasiyana vanoungana pamwe chete pasi rese. Mune dzimwe nzvimbo kashoma chaizvo kuti vanhu vemarudzi akasiyana vaungane pamwe chete vachinamata uye kana vakadaro vanoshorwa. Asi Jehovha naJesu vanoona kubatana kwakadaro sechinhu chakanaka chaizvo!

8. Jehovha akapa Ezekieri mashoko api ane chekuita nekubatana?

8 Sevanhu vaJehovha, hatishamiswi nekubatana kwatakaita. Jehovha akagara azvitaura. Funga nezvemashoko aakapa muprofita Ezekieri ane chekuita nekubatanidzwa kwetutanda tuviri, katanda “nokuda kwaJudha” uye katanda “nokuda kwaJosefa.” (Verenga Ezekieri 37:15-17.) Nharireyomurindi yaJuly 2016 yakatsanangura paMibvunzo Inobva Kuvaverengi kuti: “Jehovha akapa Ezekieri mashoko etariro achivimbisa kuti vanhu verudzi rwaIsraeri vaizobatanidzwa pashure pekunge vadzokera kuNyika Yakapikirwa. Mashoko iwayo aifanotaurawo nezvekubatanidzwa kwevanhu vaMwari kwakatanga kuitika mumazuva ekupedzisira.”

9. Kubatana kunotaurwa muuprofita hwaEzekieri kunooneka sei gore rega rega paChirangaridzo?

9 Kubva muna 1919 zvichienda mberi, Jehovha akatanga zvishoma nezvishoma kurongazve uye kubatanidzazve vakazodzwa avo vanofananidzirwa nekatanda kakanyorwa kuti “nokuda kwaJudha.” Pashure paizvozvo vakawanda vane tariro yepanyika, avo vanofananidzirwa nekatanda kakanyorwa kuti “nokuda kwaJosefa,” vakatanga kubatana nevakazodzwa. (Joh. 10:16; Zek. 8:23) Jehovha akavimbisa kubatanidza tutanda utwu obva aita kuti twuve kamwe chete muruoko rwake. (Ezek. 37:19) Mapoka maviri aya anoshumira akabatana pasi paMambo mumwe chete, Jesu Kristu, uyo anonzi muuprofita hwaEzekieri ‘mushumiri waMwari Dhavhidhi.’ (Ezek. 37:24, 25) Kubatana kunotaurwa muna Ezekieri kunova pachena gore rega rega vakazodzwa pavanoungana pamwe chete nemamwe makwai kuti vayeuke rufu rwaJesu. Asi mumwe nemumwe wedu angaitei kuti achengetedze uye asimudzire kubatana ikoko?

SEMUNHU MUMWE NEMUMWE TINGASIMUDZIRA SEI KUBATANA?

10. Tingasimudzira sei kubatana pakati pevanhu vaMwari?

10 Imwe nzira yekusimudzira nayo kubatana kwevanhu vaMwari ndeyekushanda nesimba kuti tizvininipise. Jesu paaiva panyika akaudza vadzidzi vake kuti vazvininipise. (Mat. 23:12) Kana tichizvininipisa mumwoyo, hatizozvioneri pamusoro sezvinoita vanhu venyika. Asi kuzvininipisa kuchatibatsira kuzviisa pasi pevari kutungamirira, uye izvozvo zvinokosha pakubatana kweungano. Chinonyanya kukosha ndechekuti kuzvininipisa kwedu kuchaita kuti Mwari afare, nekuti “anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.”—1 Pet. 5:5.

11. Kufunga nezvechingwa newaini zvinoshandiswa paChirangaridzo kunotibatsira sei kuti tisimudzire kubatana?

11 Nzira yechipiri yekusimudzira nayo kubatana ndeyekufungisisa zvinorehwa nechingwa newaini zvinoshandiswa paChirangaridzo. Tinofanira kudaro musi weChirangaridzo usati wasvika uye kunyanya manheru emusi wacho. (1 VaK. 11:23-25) Chingwa chinomiririra muviri waJesu usina chivi wakapiwa sechibayiro, uye waini inomiririra ropa rake rakateurwa. Asi hatifaniri kungoperera pakunzwisisa zvinomiririrwa nechingwa newaini. Tinofanira kuyeuka kuti chibayiro chaJesu chinoratidza rudo rukuru runa Jehovha rwekupa Mwanakomana wake, uye runa Jesu uyo akatifira achida. Kufungisisa nezverudo rwavo kunoita kuti tivadewo. Uye kuda kwatinoita Jehovha kunotibatanidza uye kunosimbisa chisungo chedu chekubatana.

Kana tichikanganwira vamwe, tinosimudzira kubatana (Ona ndima 12, 13)

12. Mumufananidzo wamambo aida kugadzirisa zvemari dzake, Jesu akaratidza sei kuti Jehovha anotarisira kuti tikanganwire vamwe?

12 Nzira yechitatu yatinogona kusimudzira nayo kubatana ndeyekukanganwira vamwe nemwoyo wese. Patinokanganwira vaya vanotitadzira, tinoratidza kuti tinoonga kukanganwirwa kwezvivi zvedu pachishandiswa chibayiro chaKristu cherudzikinuro. Funga mumwe mufananidzo waJesu wakanyorwa pana Mateu 18:23-34. Zvibvunze kuti: ‘Ndinonzwa here ndichida kushandisa zvakataurwa naJesu? Ndinoratidza mwoyo murefu nekunzwisisa here kuhama nehanzvadzi dzangu? Ndakagadzirira here kukanganwira vaya vanenge vanditadzira?’ Ichokwadi kuti kukura kwezvivi kunosiyana-siyana, uye zvimwe zvivi zvakaoma chaizvo kuti vanhu vanotadza vakanganwire. Asi mufananidzo uyu unotidzidzisa zvinotarisirwa naJehovha. (Verenga Mateu 18:35.) Jesu anotijekesera kuti Jehovha haazotikanganwiri kana tisingakanganwiri hama dzedu ipo paine zvikonzero zvakanaka zvekuti tidaro. Iyi inyaya yatinofanira kunyatsofunga nezvayo. Tinodzivirira uye tinochengetedza kubatana kwedu kana tikakanganwira vamwe sezvatakadzidziswa naJesu.

13. Tinosimudzira sei kubatana patinoramba tiine rugare nevamwe?

13 Patinokanganwira vamwe, tinoratidza kuti tiri vanhu vanoita kuti pave nerugare. Yeuka kuti muapostora Pauro akati tinofanira kuvavarira “nomwoyo wose kuchengeta kubatana [kwemweya] muchisungo chorugare.” (VaEf. 4:3) Mumwaka uno weChirangaridzo, kunyanya manheru emusi weChirangaridzo, fungisisa mabatiro aunoita vamwe. Zvibvunze kuti: ‘Ndinonyatsoratidza here kuti ndiri munhu asingachengeti chigumbu? Ndinozivikanwa here semunhu anoedza chaizvo kuita kuti pave nerugare nekubatana?’ Iyi mibvunzo inokosha yekufunga nezvayo panguva ino yegore.

14. Tingaratidza sei kuti tiri ‘kushivirirana murudo’?

14 Nzira yechina yatingasimudzira nayo kubatana ndeyekutevedzera Jehovha pakuratidza rudo. (1 Joh. 4:8) Hatingambodi kutaura nezvevatinonamata navo tichiti, “Ndingafanira kuvada, asi handifaniri hangu kuvafarira.” Mafungiro akadaro anopesana nezano raPauro rekuti tinofanira ‘kushivirirana murudo.’ (VaEf. 4:2) Ona kuti Pauro haana kungoperera pakuti tinofanira ‘kushivirirana.’ Akawedzera kuti tinofanira kuzviita “murudo.” Pane musiyano uripo. Muungano dzedu mune vanhu vemarudzi ese avo Jehovha akaunza kwaari. (Joh. 6:44) Sezvo Jehovha akavaunza kwaari, anofanira kunge aine zvikonzero zvekuvada. Saka zvingaita here kuti tione mumwe muKristu seasina kukodzera kuti timude? Hatifaniri kurega kuratidza rudo rwatinorayirwa naJehovha kuti tiratidze!—1 Joh. 4:20, 21.

CHIRANGARIDZO CHEKUPEDZISIRA CHICHAITWA RIINI?

15. Tinoziva sei kuti pachava neChirangaridzo chekupedzisira?

15 Rimwe zuva Chirangaridzo chichaitwa kekupedzisira. Tinozviziva sei? Mutsamba yake yekutanga kuvaKorinde, Pauro akanyorera vaKristu vakazodzwa kuti nekuyeuka rufu rwaJesu gore negore ‘vanoramba vachizivisa rufu rwaShe, kusvikira asvika.’ (1 VaK. 11:26) Shoko rekuti “asvika” riri kutaurawo ‘nezvekuuya’ kwakataurwa naJesu muuprofita hwake hwenguva yekuguma. Achitaura nezvekutambudzika kukuru uko kwava pedyo, akati: “Chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaoneka kudenga, uye ipapo madzinza ose epanyika achazvirova achichema, uye achaona Mwanakomana womunhu achiuya ari pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. [Jesu] achatuma ngirozi dzake nokurira kukuru kwebhosvo, uye dzichaunganidza vakasarudzwa vake vachibva kumhepo ina, kubvira kumugumo mumwe wematenga kusvikira kune mumwe mugumo wao.” (Mat. 24:29-31) Uku ‘kuunganidzwa kwevakasarudzwa’ kuchaitika vaKristu vese vakazodzwa vanenge vachiri panyika pavachawana mubayiro wavo wekudenga. Kuchaitika pachapera chikamu chekutanga chekutambudzika kukuru asi hondo yeAmagedhoni isati yaitika. Vese ve144 000 vachabva vabatana naJesu pakukunda madzimambo enyika. (Zvak. 17:12-14) Chirangaridzo chatinenge tichangobva kuita Jesu asati ‘auya’ kuzotora vakazodzwa ndicho chichange chiri chekupedzisira.

16. Nei uchida kuva nechokwadi chekuti wapinda Chirangaridzo chegore rino?

16 Ngativei nechokwadi chekuti tapinda Chirangaridzo musi wa31 March 2018. Uye ngatikumbirei Jehovha kuti atibatsire kuramba tichisimudzira kubatana kwevanhu vake. (Verenga Pisarema 133:1.) Yeuka kuti rimwe zuva Chirangaridzo chatichaita chichange chiri chekupedzisira. Pari zvino ngatiitei nepatinogona napo kuti tivepo paChirangaridzo, uye ngatikoshesei kubatana kwedu kunofadza kwatinova nako pamusangano uyu.