Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Anopa Munhu Akaneta Simba”

“Anopa Munhu Akaneta Simba”

Rugwaro rwedu rwegore rwa2018: “Vaya vanotarira kuna Jehovha vachawanazve simba.”—ISA. 40:31.

NZIYO: 3, 47

1. Tinofanira kukurira matambudziko api, asi Jehovha ane chikonzero chipi chekuti afarire vashumiri vake? (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.)

SEZVAMUNOZIVA, upenyu munyika ino hwakaoma. Vakawanda venyu imi hama nehanzvadzi, vari kutambura neurwere hwakanyanya. Vamwe vari kuriritira hama dzavo dzakwegura kunyange zvazvo ivo vacho vatokwegurawo. Kunyange zvakadaro, zviri kuomera vamwe kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo. Uye tinoziva kuti vazhinji vari kutarisana nemamwe ematambudziko akadaro panguva imwe chete. Izvi zvinoda simba rakawanda uye nguva nemari yakawanda. Zvisinei, mune chivimbo chakasimba pane zvakavimbiswa naMwari; mune kutenda kwakasimba kuti kuchava neramangwana rakanaka. Kutenda kwenyu kunoita kuti Jehovha afare!

2. Mashoko api anokurudzira atinowana pana Isaya 40:29, asi tingaita chikanganiso chipi chakakura?

2 Asi dzimwe nguva unombonzwa here sekuti matambudziko eupenyu anyanya kuoma zvekuti hauchakwanisi kuatsungirira? Kana uchimbonzwa saizvozvo, ziva kuti hausi wega. Bhaibheri rinotaura kuti vamwe vashumiri vakatendeka vekare vakambonzwawo sekuti vakanga vasisakwanisi kutsungirira. (1 Madz. 19:4; Job. 7:7) Zvisinei, pane kuti vakande mapfumo pasi, vakatarira kuna Jehovha kuti avape simba. Havana kuodzwa mwoyo nekuti Mwari wedu “anopa munhu akaneta simba.” (Isa. 40:29) Zvinosuwisa kuti vamwe vevanhu vaMwari mazuva ano vakafunga kuti nzira iri nani yekuti vakurire matambudziko eupenyu ‘ndeyekumbomira kuita zvekunamata,’ sekunge kuti mabasa echiKristu haasi chikomborero asi mutoro unorema. Saka sezvinotarisirwa naSatani, vanorega kuverenga Shoko raMwari, kupinda misangano yeungano, uye kuita ushumiri hwemumunda.

3. (a) Tingadzivisa sei chinangwa chaSatani chekutipedza simba? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Dhiyabhorosi anoziva kuti kuita mabasa echiKristu zvizere kunotipa simba, uye haadi kuti tive vakasimba. Paunonzwa kupera simba, usazvibvisa pana Jehovha. Nyatsoswedera pedyo naye nekuti ‘achaita kuti uve akatsiga, achaita kuti uve akasimba.’ (1 Pet. 5:10; Jak. 4:8) Munyaya ino tichaongorora zvinhu zviviri zvinogona kuita kuti tiderere pakushumira Mwari uye tichakurukura kuti kushandisa mazano eBhaibheri kungatibatsira sei. Asi ngatitangei nekuona kuti Jehovha anokwanisa kutipa simba sezvinoratidzwa pana Isaya 40:26-31.

VAYA VANOTARIRA KUNA JEHOVHA VACHAWANAZVE SIMBA

4. Chidzidzo chipi chatingawana pana Isaya 40:26?

4 Verenga Isaya 40:26. Hapana munhu ati akwanisa kuverenga nyeredzi dzese. Masaindisiti anoti Milky Way galaxy chete inogona kunge iine nyeredzi dzinosvika mabhiriyoni 400. Asi Jehovha anopa nyeredzi imwe neimwe zita. Izvi zvinotidzidzisei? Kana Jehovha achifarira nyeredzi dzisina upenyu, fungidzira kuti anonzwa sei nezvako. Unomushumira kwete nekungoti ndizvo zvaunofanira kuita, asi nekuti unomuda. (Pis. 19:1, 3, 14) Baba vedu vanonyatsokuziva. ‘Kunyange bvudzi remusoro wako vakariverenga rese.’ (Mat. 10:30) Uye munyori wemapisarema anotivimbisa kuti: ‘Jehovha anoziva zvinoitika kune vasina mhosva.’ (Pis. 37:18) Anoziva matambudziko aunosangana nawo, uye anogona kukupa simba rekuti utsungirire rimwe nerimwe rawo.

5. Tingava sei nechokwadi chekuti Jehovha anokwanisa kutipa simba?

5 Verenga Isaya 40:28. Simba rese rinobva kuna Jehovha. Semuenzaniso, funga nezvesimba raanoisa muzuva. Mumwe munyori wesainzi anonzi David Bodanis akati: ‘Simba rinobudiswa nezuva pasekondi yega yega rakaenzana nesimba remabhiriyoni emabhomba enyukireya.’ Mumwe muongorori akaona kuti simba rinobudiswa nezuva pasekondi yega yega rinokwana kuti vanhu vese vari panyika vashandise kwemakore 200 000! Pane angava nemubvunzo here kuti Iye anopa zuva simba rakadaro anokwanisa kutipa simba ratinoda kuti titsungirire matambudziko edu?

6. Joko raJesu nderemutsa pakudini, uye kuziva izvozvo kunofanira kutibatsira sei?

6 Verenga Isaya 40:29. Kushumira Jehovha kunounza mufaro wakakura. Jesu akati kuvadzidzi vake: “Takurai joko rangu.” Uye akawedzera kuti: “Muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mat. 11:28-30) Mashoko iwayo ndeechokwadi. Dzimwe nguva tinogona kunzwa tisina simba patinobuda mumba tichienda kumisangano kana kuushumiri. Asi tinonzwa sei patinodzoka? Tinenge tazorodzwa, uye tinenge tagadzirira kusangana nematambudziko eupenyu. Zvechokwadi, joko raJesu nderemutsa!

7. Taura zvakaitika zvinoratidza kuti mashoko aMateu 11:28-30 ndeechokwadi.

7 Imwe hanzvadzi yatichati Kayla yaifanira kurwisana nezvinhu zvakadai sekugara yakarukutika, chirwere chedepression, uye kutemwa nemusoro. Zvinonzwisisika kuti dzimwe nguva aiomerwa nekupinda misangano yeungano. Asi pashure pekunge aedza zvaaigona kuti apinde mumwe musangano wavose, akanyora kuti: “Hurukuro yacho yanga ichitaura nezvekuora mwoyo. Yapiwa nenzira inoratidza tsitsi nehanya zvekuti misodzi yangu yabuda. Zvandiyeuchidza kuti ndinofanira kuvapo pamisangano.” Akafara chaizvo kuti akaita zvaaigona kuti apinde musangano wacho.

8, 9. Muapostora Pauro airevei paakanyora kuti: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba”?

8 Verenga Isaya 40:30. Pasinei nekuti tingava nezvakawanda zvatinogona, hatikwanisi kuita zvese nesimba redu pachedu. Ichocho chidzidzo chatinofanira kudzidza tese zvedu. Muapostora Pauro ane zvakawanda zvaaigona, asi aisakwanisa kuita zvese zvaaida kuita. Paakaudza Mwari nhuna dzake, akaudzwa kuti: “Simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” Pauro akanzwisisa pfungwa yacho. Akagumisa achiti: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.” (2 VaK. 12:7-10) Airevei paakataura izvozvo?

9 Pauro akaona kuti aiva nezvishoma zvaaigona kuita asingabatsirwi naMwari. Mweya mutsvene waMwari waigona kuita kuti Pauro ave nesimba raakanga asina. Uyewo mweya mutsvene waigona kutomupa simba rekuita mabasa aaisatombofa akakwanisa kuita nesimba rake pachake. Ndizvo zvinogona kuitikawo kwatiri. Kana Jehovha akatipa mweya wake mutsvene, tinova nesimba!

10. Jehovha akabatsira sei Dhavhidhi kuti atsungirire matambudziko aaisangana nawo?

10 Dhavhidhi, munyori wemapisarema, aiwanzoona simba remweya mutsvene waMwari muupenyu hwake. Akaimba kuti: “Nokuti nemi ndinogona kumhanyira boka revapambi; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.” (Pis. 18:29) Mamwe matambudziko edu akaita semasvingo akareba atisingakwanisi kukwira, saka hatikwanisi kuakurira tega. Tinoda kubatsirwa naJehovha.

11. Rondedzera kushanda kunoita mweya mutsvene pakutibatsira kuti titsungirire matambudziko edu.

11 Verenga Isaya 40:31. Gondo hariendi mudenga uye haribhururuki daro rakareba richishandisa simba raro chete. Mhepo inodziya inenge ichikwira mudenga ndiyo inoita kuti rikwanise kudaro, zvoita kuti richengetedze simba raro. Saka kana uine basa riri kukuomera, yeuka gondo. Teterera Jehovha kuti akupe simba achishandisa “mubatsiri, iwo [mweya] mutsvene.” (Joh. 14:26) Zvinofadza kuti tinokwanisa kuuwana chero patinenge tichiuda. Uye tinganyanya kuda rubatsiro rwaMwari patinopesana nemumwe munhu muungano. Asi nei kupesana kwakadaro kuchiitika?

12, 13. (a) Nei vaKristu vachimbopesana? (b) Nyaya yaJosefa inotidzidzisei nezvaJehovha?

12 Kupesana kunoitika nekuti tese tine chivi. Saka pane dzimwe nguva tichasvotwa nemashoko kana zviito zvevamwe kana kuti ivo vachasvotwawo nezvedu. Uyu unogona kuva muedzo wakakura. Sezvaanoita pane mimwe miedzo, Jehovha anotisiya kuti tiratidze kuti takavimbika kuburikidza nekudzidza kushanda takabatana nevarume nevakadzi vakazvitsaurira vaanoda pasinei nekuti vane chivi.

Jehovha haana kusiya Josefa; uye haazombokusiyiwo (Ona ndima 13)

13 Nyaya yaJosefa inoratidza kuti Jehovha haavharidziri vashumiri vake kuti vasaedzwa. Paaiva mudiki, Josefa akatengeswa semuranda nevakoma vake vaiva negodo ndokuendeswa kuIjipiti. (Gen. 37:28) Jehovha akaona zvaiitika uye hapana mubvunzo kuti airwadziwa paaiona Josefa, shamwari yake yainge yakarurama ichibatwa zvisina kunaka. Kunyange zvakadaro, haana kupindira. Pava paya, Josefa paakapomerwa kuti akaedza kubata chibharo mudzimai waPotifari ndokukandwa mujeri, Jehovha haanazve kupindira. Asi Mwari ane paakarasa Josefa here? Aiwa. Bhaibheri rinotaura kuti “Jehovha akanga aina Josefa uye Jehovha aiita kuti zvaakanga achiita zvibudirire.”—Gen. 39:21-23.

14. ‘Kurega’ kutsamwa kunotibatsira sei?

14 Ngationei mumwe muenzaniso. Vashoma vakambobatwa zvisina kunaka sezvakaitwa Dhavhidhi. Zvisinei, shamwari yaMwari iyoyo haina kuchengeta chigumbu. Pane kudaro, yakanyora kuti: “Rega kutsamwa, usiye hasha; usashatirwa kuti ungoita zvakaipa.” (Pis. 37:8) Chikonzero chikuru chinoita kuti ‘tirege’ kutsamwa ndechekuti tinenge tichitevedzera Jehovha, uyo asina “kutiitira zvatakafanirwa nazvo maererano nokukanganisa kwedu.” (Pis. 103:10) Asi ‘kurega’ kutsamwa kune zvimwe zvakunobatsira. Hasha dzinogona kukonzera matambudziko akadai sechirwere cheBP uye kutadza kufema. Hasha dzinogonawo kukanganisa chiropa nerwatata, uye dzinogona kuvhiringidza kugaiwa kwechikafu. Patinenge takatsamwa, hatiwanzofungi zvakanaka. Uye dzimwe nguva hasha dzakanyanya dzinogona kuita kuti munhu aite chirwere chedepression kwenguva yakareba. Asi Bhaibheri rinotaura kuti “mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviri.” (Zvir. 14:30) Saka tingaita sei vamwe pavanotirwadzisa uye tingaita sei kuti tive nerugare nehama dzedu? Tinogona kuzviita kuburikidza nekushandisa mazano euchenjeri ari muBhaibheri.

PATINORWADZISWA NEHAMA DZEDU

15, 16. Tinofanira kuita sei kana mumwe munhu akatirwadzisa?

15 Verenga VaEfeso 4:26. Hatishamisiki patinobatwa zvisina kunaka nevanhu vari munyika. Asi kana mumwe watinonamata naye kana kuti wemumhuri akataura kana kuita chimwe chinhu chinotirwadza chaizvo, zvinogona kutiodza mwoyo. Ko kana tisingakwanisi kukanganwa zvakaitika? Ticharamba tiine chigumbu kwemakore here? Kana kuti tichatevera here uchenjeri huri muBhaibheri hwekuti tikurumidze kugadzirisa zvinhu? Kana tikaramba tichiverengera kugadzirisa nyaya yacho, zvinoramba zvichiwedzera kuoma kuti tive nerugare nehama yedu.

16 Ngatitii wakarwadziswa neimwe hama uye uri kuramba uchifunga nezvazvo. Matanho api aungatora kuti uite kuti pave nerugare? Kutanga, nyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese. Mukumbire kuti akubatsire kukurukura zvakanaka nehama yako. Yeuka kuti hama yako mumwe weshamwari dzaJehovha. (Pis. 25:14) Mwari anomuda. Jehovha anoitira shamwari dzake mutsa, uye anotarisira kuti tiitewo izvozvo. (Zvir. 15:23; Mat. 7:12; VaK. 4:6) Zvadaro, nyatsofunga zvauchataura. Usafungira kuti hama yako yanga yakaronga kukurwadzisa. Pamwe zvakangoitikawo kana kuti pane zvausina kunzwisisa. Uye ramba uchiyeuka kuti unogonawo kunge uine zvawakaita zvakazokonzera kuti musawirirana. Unogona kutanga kutaura naye uchiti, “Pamwe ndini ndakakurumidza hangu kutsamwa, asi patakataura tese nezuro ndakanzwa sekuti . . . ” Kana kukurukura kwenyu kukasava nechimuko, tsvaga mumwe mukana wekuita kuti pave nerugare. Nyengeterera hama yako uye kumbira Jehovha kuti aikomborere. Kumbira Mwari kuti akubatsire kuisa pfungwa dzako paunhu hwakanaka hune hama yako. Pasinei nezvinozoitika, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achafara nezvaunenge waita kuti uwane hama yako, iyo iri shamwari yaMwari.

PATINONETSEKA NEZVATAKAMBOKANGANISA

17. Jehovha anogona kushandisa chii kuti atibatsire patinenge taita chivi, uye nei tichifanira kubvuma rubatsiro rwake?

17 Vamwe vanofunga kuti havakodzeri kushumira Jehovha nekuti vakamboita chivi chakakura. Kuzvipa mhosva kunogona kuita kuti tisava nerugare, mufaro uye simba. Mambo Dhavhidhi, uyo ainetseka nekuzvipa mhosva, akataura kuti: “Pandakaramba ndakanyarara, mapfupa angu akasakara nokugomera kwandaiita zuva rose. Nokuti ruoko rwenyu rwaindiremera masikati nousiku.” Zvinofadza kuti Dhavhidhi akakwanisa kukurira dambudziko iri. Akanyora kuti: “Ndakazoreurura chivi changu kwamuri, uye . . . imi makaregerera kukanganisa kwezvivi zvangu.” (Pis. 32:3-5) Kana kuri kuti wakaita chivi chakakura, Jehovha akagadzirira kukubatsira kuti unaye. Asi unofanira kubvuma rubatsiro rwaanopa achishandisa ungano. (Zvir. 24:16; Jak. 5:13-15) Usanonoka, unogona kurasikirwa neupenyu husingaperi! Asi ko kana hana yako ichiri kukupa mhosva pashure penguva refu chivi chako charegererwa?

18. Muenzaniso waPauro ungabatsira sei vaya vanoona sekuti havakodzeri kushumira Jehovha?

18 Zviri pachena kuti dzimwe nguva muapostora Pauro ainetseka nezvinhu zvaakakanganisa kare. Akati: “Ndiri muduku pavaapostora vose, uye handina kukodzera kunzi muapostora, nokuti ndakatambudza ungano yaMwari.” Zvisinei, Pauro akawedzera kuti: “Asi ndiri zvandiri nomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.” (1 VaK. 15:9, 10) Jehovha akagamuchira Pauro pasinei nezvaakambokanganisa, uye aitarisira kuti Pauro anzwisise izvozvo. Kana wakanyatsopfidza zvivi zvawakamboita uye wakataura naJehovha nezvazvo uye nevakuru kana zvivi zvacho zviri zvikuru, unogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achakunzwira ngoni. Saka vimba kuti Jehovha akakuregerera, uye gamuchira kuregerera kwake.—Isa. 55:6, 7.

19. Rugwaro rwegore rwa2018 runotii, uye nei rwakakodzera?

19 Nyika ino zvainosvika kumugumo, tinogona kutarisira kuti matambudziko achawedzera. Zvisinei, iva nechokwadi chekuti Uyo “anopa munhu akaneta simba; uye anowedzera simba kune uya asina simba guru” anogona kukupa chero chaunoda kuti urambe uchimushumira. (Isa. 40:29; Pis. 55:22; 68:19) Muna 2018, ticharamba tichiyeuchidzwa chokwadi ichi chinokosha pese patinopinda musangano muImba yeUmambo. Chokwadi ichi chiri mumashoko erugwaro rwedu rwegore runoti: “Vaya vanotarira kuna Jehovha vachawanazve simba.”Isa. 40:31.