Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichipa Iye Ane Zvese?

Nei Tichipa Iye Ane Zvese?

“Haiwa Mwari wedu, tiri kukuongai nokurumbidza zita renyu rakanaka.”​—1 MAK. 29:13.

NZIYO: 80, 50

1, 2. Jehovha anoshandisa sei zvinhu zvake nenzira inoratidza kuti ane rupo?

JEHOVHA ndiMwari ane rupo. Zvinhu zvese zvatiinazvo zvinobva kwaari. Goridhe, sirivha uye zvimwe zviwanikwa zvese zviri panyika ndezvaJehovha uye anozvishandisa pakutsigira upenyu. (Pis. 104:13-15; Hag. 2:8) Bhaibheri rine nyaya dzakawanda dzinoratidza kuti Jehovha akashandisa sei zvinhu zvake nenzira inoshamisa kuti atsigire vanhu vake.

2 Kwemakore 40, Jehovha aipa rudzi rwevaIsraeri mana nemvura pavaiva murenje. (Eks. 16:35) Nekudaro “hapana chavakashaya.” (Neh. 9:20, 21) Achishandisa muprofita Erisha, Jehovha akaita chishamiso chekuwedzera mafuta echirikadzi yainge yakatendeka. Mafuta iwayo akaita kuti chirikadzi yacho ikwanise kubhadhara zvikwereti zvayo uye kuti izova nemari yaikwana kuti iyo nevanakomana vayo vararame. (2 Madz. 4:1-7) Achibatsirwa naJehovha, Jesu akaita chishamiso chekuti pave nezvekudya uye kunyange mari payaidiwa.—Mat. 15:35-38; 17:27.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Jehovha anogona kushandisa chero chaanoda kuti atsigire zvisikwa zvake zvepanyika. Kunyange zvakadaro, anokumbira vashumiri vake kuti vashandise zvinhu zvavo kuti vatsigire basa resangano rake. (Eks. 36:3-7; verenga Zvirevo 3:9.) Nei Jehovha achitarisira kuti timupewo chimwe chinhu kubva pazvinhu zvinokosha zvaakatipa? Vanhu vakatendeka vekare vakatsigira sei mabasa evamiririri vaJehovha vachishandisa mari yavo? Sangano rinoshandisa sei mari yezvipo mazuva ano? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya ino.

NEI TICHIPA JEHOVHA?

4. Chii chatinoratidza Jehovha patinotsigira basa rake?

4 Tinopa Jehovha nekuti tinomuda uye tinoonga zvaakatiitira. Tinokangwa mate mukanwa patinofunga zvese zvatakaitirwa naJehovha. Paaitaura zvaidiwa pabasa rekuvaka temberi, Mambo Dhavhidhi akaratidza kuti zvese zvatiinazvo zvinobva kuna Jehovha uye kuti chese chatinopa Jehovha chinobva pane zvaakatipa.—Verenga 1 Makoronike 29:11-14.

5. Magwaro anoratidza sei kuti kupa nemwoyo wese kunokosha chaizvo pakunamata kwechokwadi?

5 Kupa ndeimwe nzira yekunamata kwatinoita Jehovha. Pane zvaakaratidzwa, muapostora Johani akanzwa vashumiri vaJehovha kudenga vachiti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” (Zvak. 4:11) Zvechokwadi Jehovha akakodzera kukudzwa nekuremekedzwa, saka tinoda kumupa zvinhu zvedu zvakanakisisa. Achishandisa Mosesi, Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vamire pamberi paJehovha pamitambo mitatu yaiitwa gore negore. Kunamata kwavo pamitambo iyoyo kwaisanganisira kupa Jehovha. Vanhu vakaudzwa kuti vaisafanira ‘kuenda pamberi paJehovha vasina chinhu.’ (Dheut. 16:16) Saizvozvowo, mazuva ano kupa kwatinoita nemwoyo wese tichionga uye tichitsigira basa rechikamu chepanyika chesangano raJehovha kunokosha chaizvo pakunamata kwedu.

6. Nei kuva nerupo kwakatinakira? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

6 Zvakatinakira kuva nerupo pane kungogamuchira. (Verenga Zvirevo 29:21.) Tinogona kufunga nezvemwana anoshandisa imwe yemari yaanopiwa nevabereki vake kuti avatengere chipo. Vabereki vacho vanoonga chaizvo chipo ichocho. Mwanakomana kana mwanasikana anopayona uye achigara pamba angapa vabereki vake mari yekushandisa pane zvimwe zvinhu pamba. Kunyange zvazvo vabereki vacho vangasatarisira izvozvo, vanogona kugamuchira zvipo zvacho nekuti mwana wavo anenge achiratidza kuti anoonga zvese zvavanomuitira. Saizvozvowo, Jehovha anoziva kuti kumupa zvinhu zvedu zvinokosha kwakatinakira.

VASHUMIRI VAMWARI VEKARE VAIPA SEI?

7, 8. Vanhu vaJehovha vekare vakaratidza sei muenzaniso pavakapa zvinhu zvavo (a) pakutsigira mabasa aida kuitwa? (b) pakutsigira vaya vaitungamirira basa rake?

7 Nyaya yekupa zvipo inotaurwa nezvayo muMagwaro. Dzimwe nguva vanhu vaJehovha vaipa zvipo kuti vatsigire zvinhu zvakasiyana-siyana zvaida kuitwa. Semuenzaniso, Mosesi akakurudzira vanhu kuti vape zvipo zvekuvaka tebhenekeri, sezvakaitwa naMambo Dhavhidhi pakuvakwa kwetemberi. (Eks. 35:5; 1 Mak. 29:5-9) Panguva yaMambo Jehoashi, vapristi vakashandisa mari yakanga yaunganidzwa kuti vagadziridze imba yaJehovha. (2 Madz. 12:4, 5) Hama dzemuungano yevaKristu vepakutanga padzakaziviswa kuti paidiwa rubatsiro nemhaka yenzara, ‘dzakasarudza, mumwe nomumwe wadzo maererano nezvaaigona, kuti dzitumire zvinhu zvekuyamura kuhama dzaigara muJudhiya.’—Mab. 11:27-30.

8 Pamwe pacho vanhu vaJehovha vakashandisawo mari yavo kutsigira vaya vaitungamirira basa rake. Maererano neMutemo waMosesi, vaRevhi havana kupiwa nhaka sezvakaitwa mamwe madzinza. Asi vaIsraeri vaivapa chegumi, uye izvozvo zvaiita kuti vaRevhi vakwanise kuisa pfungwa pabasa ravo repatebhenekeri. (Num. 18:21) Saizvozvowo, Jesu nevaapostora vake vakabatsirwa nerupo rwevakadzi “vakanga vachivashumira nezvinhu zvavo.”—Ruka 8:1-3.

9. Zvipo zvaipiwa kare zvaibva kupi?

9 Zvipo izvozvo zvaibva kwakasiyana-siyana. VaIsraeri pavaipa zvipo zvekuvaka tebhenekeri murenje, vangangodaro vakapawo zvinhu zvavakanga vabva nazvo kuIjipiti. (Eks. 3:21, 22; 35:22-24) Panguva yevaKristu vepakutanga, vamwe vaKristu vakatengesa zvinhu zvavo zvakadai seminda kana dzimba, uye vakaendesa mari yacho kuvaapostora. Vaapostora vakaendesa mari yacho kuvanhu vaida rubatsiro. (Mab. 4:34, 35) Vamwe vaiisa mari padivi uye vaigara vachipa zvipo kuti vatsigire mabasa echiKristu. (1 VaK. 16:2) Saka vanhu vakasiyana-siyana, vangava vakapfuma chaizvo kana varombo chaizvo, vakakwanisa kupawo chimwe chinhu.—Ruka 21:1-4.

KUPA KWATINOITA MAZUVA ANO

10, 11. (a) Tingatevedzera sei rupo rwevanhu vaMwari vanotaurwa muBhaibheri? (b) Unonzwa sei neropafadzo yauinayo yekutsigira basa reUmambo?

10 Mazuva ano tinogonawo kukumbirwa kupa zvipo zvekutsigira chimwe chinhu chinenge chichida kuitwa. Semuenzaniso, pane urongwa hwekuvaka Imba yeUmambo ichashandiswa neungano yenyu here? Kana kuti Imba yeUmambo yenyu iri kugadziridzwa here? Tinogona kuziviswa kuti pari kudiwa mari yekugadziridza hofisi yebazi redu, kutsigira gungano ratinenge tichipinda, kana kuti kutsigira hama dzedu dzakawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega. Tinopawo zvipo kuti titsigire vaya vanoshumira vari pamahofisi edu makuru uye pamahofisi emapazi pasi rese. Zvipo zvatinopa zvinotsigira mamishinari, mapiyona chaiwo uye vaya vari mubasa remudunhu. Uyewo hapana mubvunzo kuti ungano yenyu inogara ichitumira mari kuti ibatsire pakuvaka Dzimba Dzemagungano neDzimba dzeUmambo, uye izvi zvinobatsira hama dzedu pasi rese.

11 Tese tine zvatinokwanisa kuita pakutsigira basa riri kuitwa naJehovha mumazuva ano ekupedzisira. Zvipo zvakawanda hazvizivikanwi kuti zvinopiwa naani. Patinoisa mari mubhokisi remupiro riri paImba yeUmambo, kana kuti patinopa mari yezvipo paIndaneti tichishandisa jw.org, hatiiti kuti vamwe vazvizive. Tinogona kuona sekuti mari shoma yatinopa haina zvainonyanya kubatsira. Asi mari yakawanda inobva pazvipo zvidiki zvakawanda kwete pazvishoma zvakakura. Kunyange hama dzedu dzine mari shoma chaizvo dzinotevedzera vaKristu vaiva muMakedhoniya. VaKristu ivavo vaiva ‘nourombo hukuru,’ asi vakateterera kuti vawane ropafadzo yekupa uye vakaita kudaro nemwoyo wese.—2 VaK. 8:1-4.

12. Sangano rinoedza sei kushandisa zvakanaka mari yezvipo?

12 Dare Rinotungamirira rakatendeka uye rakangwara pakushandisa mari yesangano. (Mat. 24:45) Rinoronga kuti mari yezvipo yoshandiswa sei uye inobva yashandiswa saizvozvo. (Ruka 14:28) Munguva inotaurwa muBhaibheri, varume vakatendeka vaiona nezvemari yezvipo vaiva nechokwadi chekuti mari yacho yashandisirwa zvinangwa zvayo chete. Semuenzaniso, Ezra akadzokera kuJerusarema aine zvipo zvakanga zvapiwa namambo wePezhiya zvaisanganisira goridhe, sirivha nezvimwe zvinhu, uye zvese zvaigona kuita mari inopfuura US$100 000 000 mazuva ano. Ezra akaona zvipo izvozvo sezvibayiro zvainge zvapiwa kuna Jehovha uye akapa mirayiridzo yekuti zvichengetedzwe pavaifamba nemunzvimbo yaiva nengozi. (Ezra 8:24-34) Muapostora Pauro akapiwa mari yekuyamura hama dzaiva muJudhiya. Akatora matanho kuitira kuti ave nechokwadi chekuti vaya vaienda nemari yacho vazviite ‘nekutendeseka kwete pamberi paJehovha chete, asiwo pamberi pevanhu.’ (Verenga 2 VaKorinde 8:18-21.) Richitevedzera muenzaniso waEzra naPauro, sangano redu mazuva ano rinonyatsova nechokwadi chekuti mari yezvipo yashandiswa zvakanaka.

13. Nei sangano rakachinja zvimwe zvinhu munguva pfupi yapfuura?

13 Mhuri inogona kuronga kuti isashandisa mari yakawanda kupfuura yainowana kana kuti kufunga zvaingaita kuti irarame nezvinhu zvishoma kuitira kuti iitire Jehovha zvakawanda. Ndizvo zvinoitwawo nesangano raJehovha. Mumakore achangopfuura, pane zvinhu zvitsva zvakatangwa. Izvi zvakaita kuti pane imwe nguva mari yaishandiswa iwande kudarika yaigamuchirwa. Saka sangano rinotsvaga nzira dzekuderedza nadzo mari inoshandiswa uye rinoita kuti basa rive nyore, kuitira kuti rikwanise kuita zvakawanda nemari yenyu yezvipo.

KUBATSIRA KUNOITA ZVIPO ZVENYU

Zvipo zvamunopa zvinobatsira pabasa redu remunyika yese (Ona ndima 14-16)

14-16. (a) Mari yenyu yezvipo iri kushandiswa pazvinhu zvipi? (b) Wakabatsirwa sei nezvinhu izvozvo?

14 Vakawanda vava nenguva yakareba vachishumira Jehovha vanotaura kuti hatisati tambogamuchira zvipo zvakawanda kubva kusangano raJehovha sezvatava kuita. Pafunge! Mumakore achangopfuura, takava nejw.org uye JW Broadcasting. Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene iri kubudiswa mune mimwe mitauro yakawanda. Muna 2014 uye 2015, dzimwe nhandare dzakakura chaizvo mumaguta 14 pasi rese dzakaitirwa Magungano Enyika Dzakawanda aiva nemusoro unoti “Rambai Muchitanga Kutsvaka Umambo hwaMwari!” Vese vakapinda vakanakidzwa chaizvo.

15 Vakawanda vanoonga kubatsirwa kwavari kuitwa nesangano raJehovha. Semuenzaniso, mumwe murume nemudzimai vari kushumira mune imwe nyika muAsia vakataura nezveJW Broadcasting vachiti: “Tinoshumira mune rimwe guta diki. Saka dzimwe nguva tinonzwa sekuti tiri tega, uye tinokurumidza kukanganwa kuti basa raJehovha riri kuitwa munzvimbo dzakawanda zvakadini. Asi patinongoona mapurogiramu akasiyana-siyana eJW Broadcasting, tinoyeuka kuti tiri chikamu chesangano riri pasi rese. Hama nehanzvadzi dzedu dziri kuno dzinofarira chaizvo JW Broadcasting. Tinowanzonzwa dzichitaura kuti padzinopedza kuona purogiramu yemwedzi nemwedzi dzinonzwa dziri pedyo chaizvo nehama dzeDare Rinotungamirira. Iye zvino dzinotodada nekuva chikamu chesangano raMwari.”

16 Pasi rese, Dzimba dzeUmambo dzinoda kusvika 2 500 dziri kuvakwa kana kuti dzine zvinhu zvakakura zviri kugadziridzwa. Imwe ungano yemuHonduras payakatanga kushandisa Imba yeUmambo yayo itsva, yakanyora kuti: “Tinofara chaizvo kuva chikamu chemhuri yaJehovha uye kushamwaridzana nehama dzedu dziri munyika yese, avo vakaita kuti tikwanisewo kuva neImba yeUmambo munzvimbo medu, chinhu chataisambofungira.” Vakawanda vanoratidza kuonga kwakadaro pavanogamuchira Bhaibheri kana kuti mamwe mabhuku akashandurirwa mumutauro wavo, pavanoitirwa basa rekuyamura, kana kuti pavanoona zvinoitika pakuparidza munzvimbo dzinopfuura nevanhu vakawanda kwavanogara.

17. Zvinoitwa nesangano raJehovha mazuva ano zvinoratidza sei kuti ari kuritsigira?

17 Vanhu vanoona havanzwisisi kuti tinokwanisa sei kuita basa rese iroro nemari yezvipo chete. Mumwe mukuru mukuru wekambani hombe paakapedza kuona zvivako zvedu zvine michina yekuprinda akashamisika chaizvo kuti basa racho rese rinoitwa nevanhu vanozvipira, pachishandiswa mari yezvipo, uye pasina kana zvimwe zvinhu zvinoitwa zvinopinza mari. Akataura kuti taisafanira kunge tichikwanisa kuita zvatiri kuita. Tinobvumirana naye! Tinoziva kuti zvinongoita chete nekuti Jehovha ari kutsigira basa racho.—Jobho 42:2.

MAKOMBORERO ANOBVA PAKUPA JEHOVHA

18. (a) Makomborero api atinowana patinopa tichitsigira Umambo? (b) Tingadzidzisa sei vana vedu uye vatsva kuti vatsigirewo Umambo?

18 Jehovha anotikudza nekutipa mukana wekutsigira basa rakakura riri kuitwa mazuva ano. Anotivimbisa kuti tichawana makomborero patinopa tichitsigira Umambo. (Mar. 3:10) Jehovha anovimbisa kuti munhu ane rupo achabudirira. (Verenga Zvirevo 11:24, 25.) Kupa kunoitawo kuti tifare nekuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Kuburikidza nezvatinotaura uye zvatinoita, tine ropafadzo yekudzidzisa vana vedu uye vatsva kuti vaone kuti vanokwanisawo sei kutsigira Umambo, vowana mufaro nemakomborero.

19. Nyaya ino yakukurudzira sei?

19 Zvese zvatiinazvo zvinobva kuna Jehovha. Kumupawo kunoratidza kuti tinomuda uye tinoonga zvese zvaakatiitira. (1 Mak. 29:17) Pavaipa zvipo zvekuvakwa kwetemberi, “vanhu vakafara nokupa zvinhu nokuzvidira kwavakaita, nokuti vakapa Jehovha zvinhu nokuzvidira, nomwoyo wakakwana.” (1 Mak. 29:9) Isuwo ngatirambei tichiwana mufaro uye kugutsikana zvinobva pakupa Jehovha zvinhu zvaakatipa kare.