Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ona Kusiyana Kwakaita Vanhu

Ona Kusiyana Kwakaita Vanhu

‘Muchaona kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa.’—MAR. 3:18.

NZIYO: 127, 101

1, 2. Nei upenyu hungaomera vanhu vaMwari mazuva ano? (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.)

VANACHIREMBA vakawanda nemanesi vanoshanda vari pedyo nevanhu vane zvirwere zvinotapukira. Vane hanya nevarwere nekuti vanoda kuvabatsira. Asi pavanoita izvozvo vanofanira kuzvidzivirira kuti vasabatwa nezvirwere zvavanenge vachida kurapa. Saizvozvowo, vakawanda vedu tinorarama uye tinoshanda nevanhu vane mafungiro nemaitiro anopesana neunhu hunodiwa naMwari. Izvi zvinogona kutiomera.

2 Mazuva ekupedzisira akazara nevanhu vanoita zvakaipa. Tsamba yechipiri yemuapostora Pauro kuna Timoti inorondedzera maitiro evanhu vasingadi Mwari, uye maitiro acho achatowedzera kuipa sezvatinoswedera pedyo nemugumo. (Verenga 2 Timoti 3:1-5, 13.) Kunyange zvazvo tingakatyamadzwa nekuti unhu hwakadaro huri kwese kwese, tinogona kukanganiswa nemaitiro uye maonero evaya vanoita zvinhu izvozvo. (Zvir. 13:20) Munyaya ino tichakurukura kuti unhu hwevanhu vemazuva ekupedzisira hwakasiyana sei neunhu hwevanhu vaMwari. Tichakurukurawo kuti tingazvidzivirira sei pakukanganiswa nemaitiro asina kunaka panguva imwe chete tichibatsira vanhu pakunamata.

3. Mashoko ari pana 2 Timoti 3:2-5 ari kutaura nezveunhu hwaani?

3 Muapostora Pauro akanyora kuti “mazuva okupedzisira” aizounza “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” Akabva anyora zvinhu 19 zvakashata zvaizoitwa nevanhu vepanguva yacho. Zvakanyorwa naPauro zvinoenderana nezviri pana VaRoma 1:29-31, kunyange zvazvo zviri mutsamba yaakanyorera Timoti zvichisanganisira mashoko asina pamwe paanotaurwa muMagwaro echiKristu echiGiriki. Paanotaura unhu hwakaipa, Pauro anotanga nemashoko ekuti “vanhu vachava . . . ” Asi havasi vanhu vese vanoratidza unhu uhwu. VaKristu vane unhu hwakasiyana chaizvo neuhwu.—Verenga Maraki 3:18.

MAONERO ATINOZVIITA

4. Ungarondedzera sei vaya vanozvitutumadza nekuda kwekudada?

4 Pashure pekunge ataura kuti vanhu vaizova vanozvida uye vanoda mari, Pauro akanyora kuti vanhu vaizozvitutumadza, vaizozvikudza, uye vaizozvitutumadza nekuda kwekudada. Vanhu vane unhu hwakadaro vanowanzofunga kuti vari nani pane vamwe nemhaka yezvavanogona kuita, chimiro chavo, upfumi kana kuti chinzvimbo. Vanoda chaizvo kuyemurwa. Mumwe muongorori akanyora nezvemunhu akadaro achiti: “Mumwoyo make mune kaatari uye anokotama pakari achizvinamata.” Vamwe vakati kudada kwakanyangara zvekuti kunyange vanhu vanodada vanosvotwa nekuona kudada kwevamwe.

5. Zvakafamba sei kuti kunyange vamwe vashumiri Jehovha vakatendeka vatange kuzvikudza?

5 Jehovha anovenga kudada. Bhaibheri rinoti anovenga “maziso anozvikudza.” (Zvir. 6:16, 17) Kudada kunotadzisa munhu kuva pedyo naMwari. (Pis. 10:4) Kudada unhu hwaDhiyabhorosi. (1 Tim. 3:6) Kunyange zvakadaro, zvinosuwisa kuti kunyange vamwe vashumiri vaJehovha vakavimbika vakambokanganiswa nekudada. Uziya, mambo waJudha, ainge akatendeka kwemakore akawanda. Bhaibheri rinoti: “Zvisinei, paakangova nesimba, mwoyo wake wakazvikudza kusvikira pakuita zvakashata, zvokuti akava asina kutendeka pamberi paJehovha Mwari wake, akapinda mutemberi yaJehovha kuti apisire rusenzi paatari yerusenzi.” Pave paya, Mambo Hezekiya akambozvikudzawo, asi kwekanguva kadiki.—2 Mak. 26:16; 32:25, 26.

6. Chii chaigona kuita kuti Dhavhidhi azvikudze, asi nei asina kudaro?

6 Vamwe vanozvikudza nemhaka yechimiro chavo chakanaka, mukurumbira wavo, kugona kwavo kuimba kana kuridza mimhanzi, kusimba kwavakaita, kana kuyemurwa kwavanoitwa. Dhavhidhi aiva nezvese izvi asi akaramba achizvininipisa kweupenyu hwake hwese. Pashure pekunge auraya Goriyati uye apiwa mwanasikana waMambo Sauro kuti ave mudzimai wake, Dhavhidhi akati: “Ndiri ani uye hama dzangu nemhuri yababa vangu ndivanaani, pakati paIsraeri, kuti ndive mukuwasha waMambo?” (1 Sam. 18:18) Chii chakabatsira Dhavhidhi kuti arambe achizvininipisa? Aiziva kuti Jehovha ‘akazvideredza’ kana kuti akazvininipisa kuti afunge nezvake, ndosaka aiva neunhu, zvipo uye ropafadzo zvaaiva nazvo. (Pis. 113:5-8) Dhavhidhi aiziva kuti chero chinhu chipi chaaiva nacho akachipiwa naJehovha.—Enzanisa na1 VaKorinde 4:7.

7. Chii chichatibatsira kuti tiratidze kuti tinozvininipisa?

7 Vanhu vaJehovha mazuva ano vanoedza kuzvininipisa sezvaiita Dhavhidhi. Tinokangwa mate mukanwa nekuziva kuti Jehovha, iye Wekumusorosoro, anozvininipisa. (Pis. 18:35) Tinoedza kushandisa zano rekuti: “Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.” (VaK. 3:12) Tinozivawo kuti rudo “haruzvikudzi, haruzvitutumadzi.” (1 VaK. 13:4) Patinoratidza kuzvininipisa, vanhu vangadawo kuziva Jehovha. Kufanana nevarume vanogona kuwanwa pasina shoko rinotaurwa asi nemaitiro emadzimai avo, vamwe vanhu vanogona kuuya kuna Mwari pavanoona kuzvininipisa kwevanhu vake.—1 Pet. 3:1.

MABATIRO ATINOITA VAMWE

8. (a) Kusateerera vabereki kunoonekwa sei nevamwe mazuva ano? (b) Magwaro anorayira vana kuti vaitei?

8 Pauro akarondedzera kuti vanhu vemumazuva ekupedzisira vaizobata sei vamwe. Akanyora kuti mumazuva ekupedzisira, vana vaisazoteerera vabereki. Kunyange zvazvo dzimwe nguva maitiro akadaro achigamuchirwa uye kutokurudzirwa mumabhuku, mumafirimu uye mumapurogiramu epaTV mazuva ano, kusateerera kunokanganisa mhuri uye kana mhuri dzikakanganisika zvinokanganisawo nharaunda. Vanhu vakabvira kare kare vachinzwisisa pfungwa iyi. Kare muGirisi, munhu aiti akarova vabereki vake aitorerwa kodzero dzake dzese dzekubatwa zvakafanana nevamwe. Mutemo weRoma waiti kurova baba kwainge kwakaipa sekuponda. Magwaro echiHebheru neMagwaro echiKristu echiGiriki anorayira vana kuti vakudze vabereki vavo.—Eks. 20:12; VaEf. 6:1-3.

9. Chii chichabatsira vechidiki kuti vateerere vabereki vavo?

9 Kana vana vakafunga zvakanaka zvavakaitirwa nevabereki vavo vanogona kuzvidzivirira kuti vasava nepfungwa yekusada kuteerera. Vechidiki vanofanirawo kunzwisisa kuti Mwari, Baba vedu tese, anovatarisira kuti vateerere vabereki vavo. Vechidiki pavanotaura zvakanaka nezvevabereki vavo vanoita kuti vamwe vechidiki varemekedzewo vabereki vavo. Asi kana vabereki vasina rudo rukuru rwekuzvarwa narwo kuvana vavo, zvingaomera vana vacho kuti vateerere zvichibva pamwoyo. Ukuwo kana wechidiki akaona kuti vabereki vake vanonyatsomuda, zvinoita kuti ade kuvafadza kunyange paanova pamuedzo wekusateerera. “Kunyange zvazvo ndaiwanzova nekapfungwa kekuda kuita zvisina kunaka,” anobvuma kudaro Austin, “vabereki vangu vaiisa mitemo isina kuoma, vaitsanangura zvikonzero zvemitemo yacho uye vaiita kuti tigare tichikurukura. Izvi zvaindibatsira kuti ndivateerere. Ndaigona kuona kuti vanondida, uye izvozvo zvaiita kuti ndide kuvafadza.”

10, 11. (a) Unhu hupi hwakaipa hunoratidza kuti vanhu havadanani? (b) VaKristu vechokwadi vanoda vamwe vanhu kusvika pakadini?

10 Pauro akanyora nezvehumwe unhu hunoratidza kuti vanhu havadanani. Pashure pekunge ataura ‘nezvekusateerera vabereki,’ akataura ‘nezvekusaonga’ nekuti unhu uhwu hunorondedzera vaya vasingaongi mutsa wavanoratidzwa nevamwe. Vanhu vaizovawo vasina kuvimbika. Vaisazoda kubvumirana, vachiratidza kuti havadi kuyanana nevamwe. Paizova nevanhu vanomhura, uye vatengesi, vanotaura mashoko asina kunaka pamusoro pevamwe vanhu, kunyange pamusoro paMwari. Uye paizova nevanhu vanochera vamwe, vanhu vanotaura zvinokuvadza nechinangwa chekukanganisa mukurumbira wakanaka wevamwe. *

11 Kusiyana nevaya vanoratidza kuti havana rudo, vanamati vaJehovha vanoda vamwe zvepachokwadi. Izvi zvagara zvakadaro. Jesu akati kuda muvakidzani, uko kunobatanidzwa parudo runonzi a·ga’pe, ndiwo murayiro wechipiri unonyanya kukosha muMutemo waMosesi. (Mat. 22:38, 39) Jesu akatiwo vaKristu vechokwadi vaizozivikanwa nekudanana. (Verenga Johani 13:34, 35.) VaKristu vaizoratidzawo rudo rwakadaro kunyange kuvavengi vavo.—Mat. 5:43, 44.

12. Jesu akaratidza sei vamwe rudo?

12 Jesu akaratidza vamwe rudo rwakakura. Akaenda muguta neguta achiudza vanhu mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Akarapa mapofu, vaikamhina, vaiva nemaperembudzi, uye matsi. Akamutsa vakafa. (Ruka 7:22) Jesu akapa upenyu hwake kuti aponese vanhu, kunyange zvazvo vakawanda vaimuvenga. Rudo rwaJesu rwakanyatsoratidza rudo rwuna Baba vake. Pasi rese, Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera Jesu pakuratidza vamwe rudo.

13. Rudo rwatinoratidza vamwe runogona sei kuita kuti vauye kuna Jehovha?

13 Rudo rwatinoratidza vamwe runoita kuti vanhu vauye kuna Baba vedu vekudenga. Semuenzaniso, mumwe murume wekuThailand akabayiwa mwoyo paakaona rudo rwairatidzwa nehama nehanzvadzi pagungano remunharaunda. Paakadzokera kumba, akakumbira kudzidza Bhaibheri kaviri pavhiki. Akaparidzira hama dzake dzese, uye pashure pemwedzi 6 chete gungano raitwa, akaverenga Bhaibheri kekutanga pachikuva. Kuti tiongorore kuti tiri papi pakuratidza vamwe rudo, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kuita zvandinogona here kuti ndibatsire vamwe mumhuri mangu, muungano, uye muushumiri? Ndinoedza kuona vamwe semaonerwo avanoitwa naJehovha here?’

MHUMHI NEMAKWAYANA

14, 15. Unhu hupi hwemhuka hunoratidzwa nevakawanda, asi vamwe vakachinja sei vakava neunhu hwakanaka?

14 Humwe unhu hunoratidzwa nevanhu mumazuva ekupedzisira hunoita kuti vaKristu vatambire kure navo. Semuenzaniso, vakawanda vaizova vasingadi zvakanaka, kana kuti sezvinotaurwa nevamwe vashanduri, “vavengi vezvakanaka” kana kuti “vanopikisana nezvakanaka zvese.” Vaizova vasingazvidzori, vanotyisa. Vamwe vaizenge vakaoma musoro, kana kuti vaizoita zvinhu vasina kufunga uye vasina basa nezvingazoitika.

15 Vamwe vaimboratidza unhu hwakadaro hwemhuka vakachinja vakatanga kuita zvakanaka. Kuchinja ikoko kwakagara kwataurwa muuprofita hweBhaibheri. (Verenga Isaya 11:6, 7.) Tinoverenga nezvemhuka dzemusango, dzakadai semhumhi neshumba dzinogara murugare nezvipfuwo zvakadai semakwayana nemhuru. Ona kuti rugare rwakadai ruchavapo “nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha.” (Isa. 11:9) Sezvo mhuka dzisingakwanisi kudzidza nezvaJehovha, kuzadzika kweuprofita uhwu panyaya dzekunamata kunoshanda kuvanhu.

Kushandisa mazano eBhaibheri kunochinja upenyu! (Ona ndima 16)

16. Bhaibheri rakabatsira sei vanhu kuti vachinje unhu hwavo?

16 Kune vakawanda vaityisa semhumhi asi iye zvino vava nerugare nevamwe. Unogona kuverenga nezvevamwe vavo munyaya dzine musoro unoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu,” dzinowanika pajw.org. Vaya vanoziva Jehovha uye vanomushumira havana kuita sevaya vane mufananidzo wekuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo, avo vanoita sevanonamata Mwari asi vachiratidza nezvavanoita kuti havamunamati. Panzvimbo pezvo, vanhu vaimbotyisa ‘vakapfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nekuvimbika.’ (VaEf. 4:23, 24) Vanhu pavanodzidza nezvaMwari, vanoona kuti vanofanira kuita zvinoenderana nemitemo yake. Vanobva vanzwa vachida kuchinja zvavanotenda, mafungiro, uye maitiro avo. Kuchinja kwakadaro hakusi nyore asi kunogona kuitwa nekuti mweya mutsvene waMwari unobatsira vaya vanonyatsoda kuita kuda kwaMwari.

“USIYANE NAIVAVA”

17. Tingaita sei kuti tisakanganiswa nevaya vane unhu hwakaipa?

17 Musiyano uri pakati pevanhu vanoshumira Mwari nevasingamushumiri uri kuwedzera kuva pachena. Isu tinoshumira Mwari tinofanira kungwarira kuti zvatinoita zvisakanganiswa nemafungiro asina kururama evamwe. Tinoratidza uchenjeri nekuteerera yambiro yakafemerwa yekuti tisiyane nevaya vanorondedzerwa pana 2 Timoti 3:2-5. Ichokwadi kuti hatikwanisi kubva tadzivisa zvachose vanhu vane unhu hwakaipa. Tingatofanira kushanda navo, kuenda navo kuchikoro, kana kurarama navo. Asi tinogona kudzivisa mafungiro nemaitiro avo. Tinoita izvi patinozvisimbisa pakunamata kuburikidza nekudzidza Bhaibheri uye kuwadzana nevaya vane chido chekushumira Jehovha.

18. Zvatinotaura uye zvatinoita zvingabatsira sei vamwe pakunamata?

18 Tinofanirawo kuedza kubatsira vamwe pakunamata. Tsvaga mikana yekuparidza, uye kumbira Jehovha kuti akubatsire kutaura zvakakodzera panguva yakakodzera. Tinofanira kuita kuti vamwe vazive kuti tiri Zvapupu zvaJehovha. Izvozvo zvichaita kuti maitiro edu akanaka aite kuti Mwari akudzwe kwete isusu. Takadzidziswa “kuti tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari nokuchiva kwenyika uye kuti tirarame nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (Tito 2:11-14) Kana maitiro edu achienderana nezvinodiwa naMwari, vamwe vachazviona, uye vamwe vanogona kutotaura kuti: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.”—Zek. 8:23.

^ ndima 10 Shoko rechiGiriki rinoreva “mucheri” kana kuti “mupomeri” ndidi·aʹbo·los, shoko rinoshandiswa muBhaibheri richireva Satani, uyo akachera Mwari.