Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Pfungwa dziri muMutemo waMosesi dzaishandiswa here pakugadzirisa kunetsana kwaiitika pakati pevaIsraeri?

DZIMWE nguva dzaishandiswa. Ona muenzaniso mumwe chete. Dheuteronomio 24:14, 15 inoti: “Usabiridzira munhu wemaricho ari kutambudzika uye murombo, angava mumwe wehama dzako kana kuti mumwe wevatorwa vari munyika yako . . . kuti arege kuchema kuna Jehovha pamusoro pako, chikava chivi kwauri.”

Chaenga chakanyorwa mashoko echikumbiro chemushandi wemumunda

Pane chinyorwa chemakore ekuma600 B.C.E. chemunhu aikumbira kuti imwe nyaya igadziriswe. Chinyorwa chacho chakawanikwa pedyo neAshdhodhi uye chinogona kunge chakanyorwa nemunhu aimiririra mushandi wemumunda anonzi ainge atadza kukohwa zvaienderana nezvaaitarisirwa. Mashoko acho akanyorwa pachaenga, anoti: “Pashure pekunge muranda wenyu [mutetereri] apedza kuunganidza goho mazuva mashoma apfuura, Hoshayahu mwanakomana waShobay auya akatora nguo yemuranda wenyu. . . . Vese vandanga ndichikohwa navo zuva richipisa vanopupurira . . . kuti zvandataura ndezvechokwadi. Handina kana mhosva. . .  . Kana gavhuna achiona sekuti harisi basa rake kuti aite kuti nguo yemuranda wenyu idzoswe, zviitei nekuda kwetsitsi dzenyu! Hamufaniri kuramba makanyarara asi muranda wenyu asina nguo yake.”

Chikumbiro ichi “chinotiratidza zvakawanda kupfuura kungoti mushandi wacho apererwa zvekuti anoda kuti nguo yake idzoke,” anodaro munyori wenhoroondo anonzi Simon Schama. “Chinoratidzawo kuti mutetereri wacho agara ane zvaaiziva nezvemitemo yemuBhaibheri, kunyanya mirayiro iri muna Revhitiko uye muna Dheuteronomio yaidzivirira varombo pakubatwa zvisina kunaka.”