NHARIREYOMURINDI—YEKUDZIDZA January 2020
Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaMarch 2–April 5, 2020.
‘Endai Munoita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi’
Rugwaro rwegore rwa2020 ruchatibatsira kuti tifunge nezvekuvandudza basa redu rekuita kuti vanhu vave vadzidzi.
Unogona ‘Kunyaradza Vamwe Zvikuru’
Funga zvinhu zvitatu zvinogona kukubatsira kuti unyaradze vamwe uye uvatsigire.
Jehovha Mwari Wako Anokukoshesa!
Kana tichipedzwa simba nekurwara, nhamo yemari, kana kuchembera, tinogona kuva nechokwadi chekuti hapana chinogona kutiparadzanisa nerudo rwaBaba vedu vekudenga.
“Mweya Wacho Pachawo Unopupurirana Nemweya Wedu”
Munhu anoziva sei kuti akazodzwa nemweya mutsvene? Chii chinoitika munhu paanosarudzwa kuti aende kudenga?
Tichaenda Nemi
Tinofanira kuona sei vaya vanodya chingwa nekunwa waini manheru iwayo? Tinofanira kunetseka here kana nhamba yevanodya ikaramba ichiwedzera?