Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 1

‘Endai Munoita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi’

‘Endai Munoita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi’

RUGWARO RWEDU RWEGORE RWA2020 RUNOTI: ‘Endai munoita kuti vanhu vave vadzidzi, muchivabhabhatidza.’—MAT. 28:19.

RWIYO 79 Vadzidzisei Kumira Vakasimba

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Ngirozi yakaudza vakadzi vaiva paguva raJesu kutii, uye Jesu akavaudza kuti vaitei?

WAIVA musi waNisani 16, 33 C.E., uye akanga achiri mangwanani-ngwanani. Vamwe vakadzi vaitya Mwari vairwadziwa chaizvo uye vakaenda kuguva kwainge kwavigwa mutumbi waIshe Jesu Kristu marimwezuro acho. Pavakasvika paguva vachida kuzora zvinonhuwirira pamutumbi wake, vakashamiswa nekuti vakaona mutumbi wacho usisimo! Ngirozi yakabva yavaudza kuti Jesu akanga amutswa uye yakawedzera kuti: “Ari kutofanotungamira kuGarireya. Muchanomuona ikoko.”—Mat. 28:1-7; Ruka 23:56; 24:10.

2 Vakadzi vacho pavakabva paguva, Jesu pachake akasvika pavaiva, ndokuvaudza kuti: “Endai munoudza hama dzangu kuti dziende kuGarireya, uye dzichandiona ikoko.” (Mat. 28:10) Chekutanga chakaitwa naJesu paakamutswa kuronga musangano wekuti ape vadzidzi vake mirayiro inokosha!

MURAYIRO WACHO WAKAPIWA ANI?

Jesu paakaonana nevaapostora vake uye vamwe vadzidzi muGarireya pashure pekunge amutswa, akavaudza kuti ‘endai munoita kuti vanhu vave vadzidzi’ (Ona ndima 3-4)

3-4. Nei tichiti murayiro wakanyorwa pana Mateu 28:19, 20 hauna kungopiwa vaapostora chete? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

3 Verenga Mateu 28:16-20. Pamusangano iwoyo wakarongwa naJesu, akataura nezvebasa rinokosha raizoitwa nevadzidzi vake panguva iyoyo, uye ndiro basa ratiri kuitawo mazuva ano. Jesu akati: “Saka endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.”

4 Jesu anoda kuti vateveri vake vese vaparidze. Murayiro uyu haana kungoupa vaapostora 11 vakatendeka chete. Tingava sei nechokwadi nazvo? Vaapostora havasi ivo vega vaiva pagomo iroro remuGarireya pakapiwa murayiro wekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Yeuka kuti ngirozi yakaudza vakadzi vaya kuti: “Muchanomuona [kuGarireya].” Saka vakadzi vakatendeka vanofanira kunge vaivapowo pamusangano iwoyo. Asi havasi ivo vega vaivapo. Muapostora Pauro akataura kuti Jesu akazviratidza “kuhama dzinopfuura 500 dzakaungana pamwe chete.” (1 VaK. 15:6) Vainge vakaungana kupi?

5. Nei tichiti 1 VaKorinde 15:6 inotaura nezvemusangano wakaitwa muGarireya unotaurwa muna Mateu chitsauko 28?

5 Mashoko ari pana 1 VaKorinde 15:6 anoratidza kuti Pauro anofanira kunge aifunga nezvemusangano wakaitwa muGarireya unotaurwa muna Mateu chitsauko 28. Chii chinoita kuti titaure kudaro? Chekutanga, vadzidzi vaJesu vakawanda vaiva vaGarireya. Saka zvaizova nemusoro kuti vanhu vakawanda kudaro vaungane pane rimwe gomo raiva muGarireya pane kuti vaungane pamba muJerusarema. Chechipiri, Jesu uyo ainge amutswa, akanga atoonana nevaapostora vake 11 mune imwe imba muJerusarema. Dai aida kurayira vaapostora vake chete kuti vaparidze nekuita kuti vanhu vave vadzidzi, angadai akazviitira muJerusarema pane kuvaudza kuti vanosangana kuGarireya pamwe chete nevakadzi vaya nevamwe vanhu.—Ruka 24:33, 36.

6. Mateu 28:20 inoratidza sei kuti murayiro wekuita vadzidzi unoshanda mazuva ano, uye chii chinoratidza kuti vanhu vari kunyatsouteerera?

6 Ona chimwe chikonzero chechitatu chinokosha. Murayiro waJesu wekuita vadzidzi hauna kungopiwa vaKristu vepanguva yake chete. Tinoziva sei izvozvo? Jesu akapedzisa mirayiro yaaiudza vateveri vake achiti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mat. 28:20) Sezvakataurwa naJesu, iye zvino vakawanda vari kuita kuti vanhu vave vadzidzi. Pafunge! Gore rega rega vanhu vanoda kusvika 300 000 vanova vadzidzi vaJesu Kristu uye vanobhabhatidzwa kuti vave Zvapupu zvaJehovha!

7. Iye zvino tichakurukurei, uye nechikonzero chei?

7 Vakawanda vatinodzidza navo Bhaibheri vanofambira mberi vobhabhatidzwa. Asi zvinoita sekuti vamwe vacho vanozeza kuva vadzidzi. Vanonakidzwa nekudzidza, asi havafambiri mberi kusvika pakubhabhatidzwa. Kana uri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, tine chokwadi chekuti unoda kubatsira mudzidzi wako kuti ashandise zvaari kudzidza uye kuti ave mudzidzi waKristu. Nyaya ino ichataura kuti tingabatsira sei mudzidzi wedu kuti ade Jehovha uye afambire mberi. Nei tichifanira kukurukura nyaya iyi? Nekuti pane imwe nguva tingatofanira kusarudza kuti toenderera mberi nekudzidza here kana kuti torega.

EDZA KUBATSIRA MUDZIDZI KUTI ADE JEHOVHA

8. Nei dzimwe nguva zvakaoma kuti tibatsire vadzidzi vedu kuti vade Jehovha?

8 Jehovha anoda kuti vanhu vamushumire zvichibva pakumuda kwavanoita. Saka chinangwa chedu ndechekubatsira vadzidzi vedu kunzwisisa kuti Jehovha ane hanya navo semunhu mumwe nemumwe uye kuti anovada chaizvo. Tinoda kuvabatsira kuti vaone Jehovha ‘sababa venherera uye mudziviriri wechirikadzi.’ (Pis. 68:5; mashoko emuzasi) Vadzidzi vako pavanoona kuti Jehovha anovada chaizvo, vanogona kutanga kumudawo. Vamwe vadzidzi vanoomerwa nekuona Jehovha saBaba vane rudo nekuti vanababa vavo havana kuvaratidza rudo. (2 Tim. 3:1, 3) Saka paunenge uchidzidza navo, nyatsosimbisa zvinhu zvinoita kuti vade Jehovha. Batsira vadzidzi vako kuti vanzwisise kuti Mwari wedu ane rudo anoda kuti vawane upenyu husingaperi, uye akagadzirira kuvabatsira kuti vahuwane. Chii chimwe chatingaita?

9-10. Mabhuku api atinofanira kushandisa pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, uye nei tichifanira kuashandisa?

9 Shandisa mabhuku anoti “Bhaibheri Rinotidzidzisei?” uye “Ramba Uri Murudo rwaMwari.” Mabhuku iwayo akanyorerwa kuti atibatsire kusvika pamwoyo yevadzidzi vedu. Semuenzaniso, chitsauko 1 chebhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? chinopindura mibvunzo inoti: Mwari ane utsinye here kana kuti ane hanya nesu?, Mwari anonzwa sei kana vanhu vachitambura?, uye Zvingaita here kuti uve shamwari yaJehovha? Ko zvakadii nebhuku raRamba Uri Murudo rwaMwari? Bhuku iroro richabatsira mudzidzi kuti anzwisise kuti kushandisa mazano eBhaibheri kunovandudza sei upenyu hwake uye kunoita sei kuti aswedere pedyo naJehovha. Kunyange zvazvo wakambodzidza mabhuku aya nevamwe, nyatsogadzirira usati wadzidza nemunhu, uchifunga zvinobatsira mudzidzi wacho.

10 Asi ngatitii mudzidzi anofarira imwe nyaya inokurukurwa mune rimwe bhuku risiri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. Unogona kumukurudzira kuverenga bhuku racho ega kuitira kuti muenderere mberi nekudzidza muchishandisa rimwe remabhuku achangobva kutaurwa atinoshandisa pakudzidzisa vanhu Bhaibheri.

Tanga chidzidzo chacho nemunyengetero (Ona ndima 11)

11. Tinofanira kutanga uye kupedza chidzidzo nemunyengetero riini, uye tingabatsira sei mudzidzi kuti aone kuti izvi zvinokosha?

11 Tanga chidzidzo chacho nemunyengetero. Kakawanda kacho zvakanaka chaizvo kutanga uye kupedza chidzidzo chacho nemunyengetero kana mava kudzidza nguva dzese. Tinofanira kubatsira mudzidzi wacho kuti azive kuti mweya waMwari ndiwo chete unotibatsira kunzwisisa Shoko rake. Vamwe vaparidzi vanotsanangura kukosha kwekunyengetera vachishandisa Jakobho 1:5 iyo inoti: “Kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari.” Muparidzi anobva abvunza mudzidzi kuti, “Tingakumbira sei uchenjeri kuna Mwari?” Kakawanda kacho mudzidzi anobvumirana nazvo kuti tinofanira kunyengetera kuna Mwari.

12. Ungashandisa sei Pisarema 139:2-4 kubatsira mudzidzi kuti ataure naJehovha akasununguka?

12 Dzidzisa mudzidzi wako kunyengetera. Mubatsire kuziva kuti Jehovha anoda kunzwa minyengetero yake yemwoyo wese. Tsanangura kuti patinenge tichinyengetera, tinogona kuudza Jehovha zviri pasi pasi pemwoyo, tichimuudza kunyange zvinhu zvatinozeza kuudza mumwe munhu. Ngaazive kuti Jehovha agara achitoziva zvese zvatinenge tichifunga. (Verenga Pisarema 139:2-4.) Tinogonawo kukurudzira mudzidzi wedu kuti akumbire kubatsirwa naMwari kuti achinje mafungiro asina kunaka uye akunde tsika dzakaipa. Ngatitii pane mumwe munhu ava nenguva achidzidza asi anofarira zororo risingafaniri kupembererwa nevaKristu. Anoziva kuti zororo iroro harina kunaka asi ane zvimwe zvinhu zvinomunakidza pariri. Mukurudzire kuudza Jehovha manzwiro chaiwo aanoita uye kuti akumbire kubatsirwa kuti angoda chete zvinhu zvinodiwa naMwari.—Pis. 97:10.

Koka mudzidzi wako weBhaibheri kumisangano (Ona ndima 13)

13. (a) Nei tichifanira kukurumidza kukoka vadzidzi vedu kuti vapinde misangano? (b) Tingaitei kuti mudzidzi asununguke paImba yeUmambo?

13 Usanonoka kukoka mudzidzi wako kumisangano. Mudzidzi wako anogona kubatsirwa kuti afambire mberi nezvaanonzwa uye zvaanoona pamisangano yechiKristu. Muratidze vhidhiyo inonzi Chii Chinoitwa paImba yeUmambo? uye mukoke kuti muende mese kumisangano. Unogona kupfuura uchimutora kana zvichiita. Zvakanaka kuenda kuchidzidzo chacho nevaparidzi vakasiyana-siyana. Izvozvo zvinoita kuti mudzidzi wako ajairane nevamwe vari muungano, uye achanzwa akasununguka paanopinda misangano yedu.

BATSIRA MUDZIDZI KUTI AKURE PAKUNAMATA

14. Chii chingabatsira mudzidzi kuti akure pakunamata?

14 Chinangwa chedu ndechekubatsira mudzidzi wedu kuti akure pakunamata. (VaEf. 4:13) Munhu paanobvuma kudzidza Bhaibheri, chinangwa chake chikuru chinenge chiri chekuti kudzidza kwacho kumubatsire iye pachake. Asi kuda kwaanoita Jehovha pakunowedzera, anogona kutanga kufunga nezvekubatsira vamwe, kusanganisira vaya vatori muungano. (Mat. 22:37-39) Panguva yakakodzera, udza mudzidzi wako nezveropafadzo yekupa mari yekutsigira basa reUmambo.

Dzidzisa mudzidzi wako zvekuita panomuka matambudziko (Ona ndima 15)

15. Tingabatsira sei mudzidzi weBhaibheri kuti agadzirise matambudziko anenge amuka?

15 Dzidzisa mudzidzi wako zvekuita panomuka matambudziko. Ngatitii mudzidzi wako, uyo ari muparidzi asati abhabhatidzwa, akuudza kuti akagumburwa nemumwe munhu ari muungano. Pane kumuudza kuti ndiani akakanganisa pauviri hwavo, mutsanangurire zvinotaurwa neBhaibheri kuti anofanira kuita. Anogona kuregerera hama yacho, kana kuti kana asingakwanisi kungosiya nyaya yacho yakadaro, anofanira kutaura nemunhu wacho zvakanaka nechinangwa chekuva nerugare nehama yacho. (Enzanisa naMateu 18:15.) Batsira mudzidzi wako kugadzirira zvaachataura zvacho. Muratidze kuti angashandisa sei JW Library® app, Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza, uye website inonzi jw.org® kuti adzidze kugadzirisa nyaya yacho. Kana akadzidza zvakawanda asati abhabhatidzwa, zvichava nyore kwaari kuti azowadzana zvakanaka nevamwe muungano.

16. Zvakanakirei kukumbira mumwe muparidzi kuti muende mese kuchidzidzo chako?

16 Enda nevamwe vemuungano kuchidzidzo chako uye enda nemutariri wedunhu paanenge ashanya. Zvakanakirei? Kuwedzera pane zvikonzero zvambotaurwa, vamwe vaparidzi vanogona kubatsira mudzidzi wako zvausingakwanisi kuita. Ngatitii mudzidzi wako aedza kakawanda kusiya fodya asi achizvitadza. Kumbira kuenda kuchidzidzo chacho nemuparidzi akakunda dambudziko racho, zvichida pashure pekumbotadza kurikunda kakawanda. Muparidzi wacho anogona kupa mazano anodiwa nemudzidzi. Kana usina kusununguka kuitisa chidzidzo chacho paine hama kana hanzvadzi yagara nebasa, ikumbire kuti iitise musi wacho. Paunoenda kuchidzidzo chako nevamwe vaparidzi, mudzidzi wacho anogona kubatsirwa neruzivo rwevamwe. Yeuka kuti chinangwa chedu ndechekubatsira mudzidzi kuti akure pakunamata.

NDINOFANIRA KUREGA KUDZIDZA NAYE HERE?

17-18. Chii chaunofanira kufunga nezvacho paunenge uchida kusarudza kuti worega here kudzidza nemumwe munhu Bhaibheri?

17 Kana mudzidzi wako weBhaibheri asiri kufambira mberi, une nguva yaunofanira kuzozvibvunza kuti, ‘Ndinofanira kurega kudzidza naye here?’ Usati waita chisarudzo ichi, funga nezvekuti anobata zvakadii zvaari kudzidza. Vamwe vanokurumidza kufambira mberi kupfuura vamwe. Zvibvunze kuti: ‘Mudzidzi wangu ari kufambira mberi here zvinoenderana nekubata kwaanoita?’ ‘Akatotanga “kuchengeta” kana kuti kushandisa zvinhu zvaari kudzidza here?’ (Mat. 28:20) Mudzidzi anogona kunge achinonoka kufambira mberi, asi anofanira kuoneka kuti ari kuchinja upenyu hwake.

18 Asi tingaita sei kana tava nenguva refu tichidzidza nemumwe munhu asingaratidzi kuti ari kukoshesa zvaari kudzidza? Funga izvi: Mudzidzi wako akapedza kudzidza bhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? uye zvimwe matotanga kudzidza bhuku raRamba Uri Murudo rwaMwari, asi haasati ambopinda musangano mumwe chete, kunyange Chirangaridzo. Uye anowanzotadza kudzidza nezvikonzero zvisingakoshi. Pakadaro unogona kutaura nemudzidzi wacho uchimubudira pachena. *

19. Ungatii kumudzidzi anoita seasiri kukoshesa zvaari kudzidza, uye mhinduro yake ingakubatsira sei?

19 Ungatanga nekubvunza mudzidzi wacho kuti, ‘Unofunga kuti chii chiri kunyanya kukuomera kuti uve mumwe weZvapupu zvaJehovha?’ Anogona kupindura kuti, ‘Ndinofarira kudzidza Bhaibheri, asi handifi ndakava mumwe weZvapupu zvaJehovha!’ Kana ari iwo mafungiro ake imi mava nenguva muchidzidza, pane chikonzero chekuti urambe uchidzidza naye here? Mudzidzi wako anogona kukuudza chiri kumutadzisa kufambira mberi. Anogona kunge achifunga kuti haafi akagona kuparidza paimba neimba. Kana wava kuziva dambudziko rake, unenge wava kukwanisa kuona kuti womubatsira sei.

Usapedza nguva uchidzidzisa munhu asingafambiri mberi (Ona ndima 20)

20. Mabasa 13:48 ingatibatsira sei kuziva kana tichifanira kuramba tichidzidza nemunhu Bhaibheri kana kurega?

20 Zvinosiririsa kuti vamwe vadzidzi vakafanana nevaIsraeri vemunguva yaEzekieri. Jehovha akaudza Ezekieri nezvavo kuti: “Inzwa! Wakaita serwiyo rwerudo kwavari, rwiyo runoimbwa nenzwi rakanaka, chiridzwa chine tambo chichiridzwa zvine unyanzvi. Vachanzwa mashoko ako, asi hapana achaita zvaunotaura.” (Ezek. 33:32) Dzimwe nguva zvinotiomera kuudza munhu kuti tava kurega kudzidza naye. Asi ‘nguva yasara ishomanana.’ (1 VaK. 7:29) Pane kupedza nguva tichidzidza nemunhu asingafambiri mberi, tinofanira kutsvaga vanhu vanoratidza kuti ‘vane chido chekuwana upenyu husingaperi.’—Verenga Mabasa 13:48.

Mundima menyu munogona kunge muine vamwe vari kunyengeterera kubatsirwa (Ona ndima 20)

21. Rugwaro rwedu rwegore rwa2020 runotii, uye ruchatibatsira kuitei?

21 Muna 2020, rugwaro rwedu rwegore ruchatibatsira kuti tifunge nezvekuvandudza basa redu rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Rune mashoko akataurwa naJesu pamusangano unokosha waakaita pagomo muGarireya ekuti: ‘Endai munoita kuti vanhu vave vadzidzi, muchivabhabhatidza.’Mat. 28:19.

Tinoda kuvandudza maitiro atinoita basa rekuita vadzidzi uye kubatsira vadzidzi vedu kuti vabhabhatidzwe (Ona ndima 21)

RWIYO 70 Tsvagai Vakakodzera

^ ndima 5 Rugwaro rwedu rwegore rwa2020 runotikurudzira ‘kuita kuti vanhu vave vadzidzi.’ Murayiro iwoyo unoshanda kuvashumiri vaJehovha vese. Tingabatsira sei vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vave vadzidzi vaKristu? Nyaya ino icharatidza kuti tingabatsira sei vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vaswedere pedyo naJehovha. Tichaonawo kuti tingasarudza sei kuti toenderera mberi nekudzidza nemunhu here kana kuti torega.