Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 3

Boka Guru Remamwe Makwai Rinorumbidza Mwari naKristu

Boka Guru Remamwe Makwai Rinorumbidza Mwari naKristu

“Ruponeso rwedu runobva kuna Mwari wedu agere pachigaro cheumambo, uye kuGwayana.”—ZVAK. 7:10.

RWIYO 14 Kurumbidza Mambo Mutsva weNyika

ZVICHADZIDZWA *

1. Hurukuro yakapiwa pane rimwe gungano muna 1935 yakabatsira sei mumwe mukomana?

MUMWE mukomana akabhabhatidzwa aine makore 18 muna 1926. Vabereki vake vaiva Vadzidzi veBhaibheri, sekuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Vaiva nevanakomana vatatu nevanasikana vaviri vavakadzidzisa kuti vashumire Jehovha Mwari uye vatevedzere Jesu Kristu. Sezvaingoitwa neVadzidzi veBhaibheri vese kare ikako, mukomana uyu aidya chingwa nekunwa waini gore negore paKudya kwaShe Kwemanheru. Asi tariro yake yeramangwana yakachinjwa nehurukuro yaikosha yaiva nemusoro unoti “Boka Guru.” Hurukuro iyoyo yakapiwa muna 1935 naJ. F. Rutherford pagungano rakaitwa muWashington, D.C., U.S.A. Vadzidzi veBhaibheri vakadzidzei pagungano iroro?

2. Ichokwadi chipi chakajekeswa muhurukuro yaHama Rutherford?

2 Muhurukuro yavo, Hama Rutherford vakatsanangura kuti “boka guru” rinotaurwa nezvaro pana Zvakazarurwa 7:9 nderipi. Kusvika panguva iyoyo, Vadzidzi veBhaibheri vaifunga kuti boka iri raiva revanhu vaizoenda kudenga asi vakatendeka zvishoma pane vakazodzwa. Hama Rutherford vakashandisa Bhaibheri kutsanangura kuti veboka guru havana kusarudzwa kuti vaende kudenga, asi ndevemamwe makwai * aKristu vachapona ‘pakutambudzika kukuru,’ vorarama nekusingaperi panyika. (Zvak. 7:14) Jesu akavimbisa kuti: “Ndine mamwe makwai, asiri edanga rino; ndinofanirawo kuuya nawo, uye achateerera inzwi rangu, ova boka rimwe chete, aine mufudzi mumwe chete.” (Joh. 10:16) Mamwe makwai aya Zvapupu zvaJehovha zvakavimbika zvine tariro yekurarama muParadhiso panyika nekusingaperi. (Mat. 25:31-33, 46) Ngationei kuti kujekeswa kwakaitwa chokwadi ichi kwakachinja sei upenyu hwevanhu vaJehovha vakawanda, kusanganisira hama iya yaiva nemakore 18.—Pis. 97:11; Zvir. 4:18.

MANZWISISIRO MATSVA AKACHINJA UPENYU HWEZVIURU ZVEVANHU

3-4. Pagungano remuna1935, vanhu vakawanda vakanzwisisei nezvetariro yavo uye nei vakanzwisisa kudaro?

3 Yaiva nguva inofadza chaizvo mukurukuri paakabvunza vateereri kuti: “Vese vane tariro yekurarama panyika nekusingaperi vangasimuka here?” Imwe hama yaiva pagungano racho inoti yakaona vanopfuura hafu yevanhu vangasvika 20 000 vaivapo ichisimuka. Hama Rutherford vakabva vati: “Tarisai muone! Boka guru!” Vanhu vese vakapembera nemufaro. Vaya vakasimuka vakaziva kuti vakanga vasina kusarudzwa kuti vaende kudenga. Vakanyatsonzwisisa kuti vakanga vasina kuzodzwa nemweya waMwari. Mangwana acho pagungano iroro, pakabhabhatidzwa vanhu 840, uye vakawanda vavo vakanga vari vemamwe makwai.

4 Pashure pehurukuro iyoyo, mukomana uya ambotaurwa uye vamwe vanhu vanosvika zviuru vakarega kudya chingwa uye kunwa waini paKudya kwaShe Kwemanheru. Imwe hama yaizvininipisa yakataura manzwiro aiita vakawanda payakati: “Ndakapedzisira kudya chingwa uye kunwa waini paChirangaridzo chakaitwa muna 1935. Ndakanzwisisa kuti Jehovha akanga asina kuita kuti ndive netariro yekurarama kudenga achishandisa mweya wake; asi ndaiva netariro yekurarama panyika uye yekubatsira kuti ive paradhiso.” (VaR. 8:16, 17; 2 VaK. 1:21, 22) Kubvira ipapo, veboka guru vari kuramba vachiwedzera uye vari kushanda pamwe chete nevakazodzwa vachiri panyika.

5. Jehovha anoona sei vaya vakarega kudya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo?

5 Jehovha anoona sei vaya vakarega kudya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo gore ra1935 radarika? Mazuva ano Jehovha anoona sei mushumiri wake akabhabhatidzwa anotenda kuti anofanira kudya chingwa nekunwa waini paKudya kwaShe Kwemanheru, asi ozoziva kuti haana kuzodzwa nemweya mutsvene? (1 VaK. 11:28) Vamwe vakadya chingwa nekunwa waini nekuti vaisanyatsonzwisisa tariro yavo. Asi kana vakabvuma kuti vakakanganisa, vorega kudya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo, uye voramba vachishumira Jehovha vakatendeka, achavagamuchira sevemamwe makwai. Kunyange zvazvo vasingadyi chingwa nekunwa waini, vanoramba vachipinda Chirangaridzo nekuti vanokoshesa chaizvo zvavakaitirwa naJehovha naJesu.

TARIRO YAKAZONAKA

6. Jesu akarayira ngirozi kuti dziitei?

6 Sezvo kutambudzika kukuru kwava pedyo, zvinokosha chaizvo kuti tikurukure mamwe mashoko ari muchitsauko 7 chaZvakazarurwa anotaura nezvevaKristu vakazodzwa uye boka guru remamwe makwai. Jesu anorayira ngirozi kuti dzirambe dzakabata mhepo ina dzinoparadza. Hadzifaniri kurega mhepo idzodzo dzichivhuvhuta panyika kusvikira vaKristu vese vakazodzwa vaiswa chisimbiso, kureva kuti Jehovha anenge avati vakatendeka. (Zvak. 7:1-4) Hama dzaKristu dzakazodzwa dzichawana mubayiro wekutendeka kwadzo padzichava madzimambo nevapristi pamwe chete naye kudenga. (Zvak. 20:6) Jehovha, Jesu uye ngirozi vachafara chaizvo pavachaona vakazodzwa 144 000 vachigamuchira mubayiro wavo wekudenga.

Boka guru revanhu vakapfeka nguo refu chena uye vakabata mapazi emichindwe, rimire pamberi pechigaro cheumambo chaMwari nepamberi peGwayana (Ona ndima 7)

7. Sezvinotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9, 10, Johani akaona vanaani, uye vaiitei? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

7 Pashure pekutaura nezvemadzimambo nevapristi 144 000, Johani anoona “boka guru” rinopona paAmagedhoni. Kusiyana neboka rekutanga, boka rechipiri iri rakakura chaizvo uye hatizivi kuti rinenge riine vanhu vangani. (Verenga Zvakazarurwa 7:9, 10.) “Vakapfeka nguo refu chena,” kureva kuti vakaramba ‘vasina kusvibiswa’ nenyika yaSatani uye vakaramba vakavimbika kuna Mwari naKristu. (Jak. 1:27) Vanoshevedzera kuti vakaponeswa nezvakaitwa naJehovha naJesu, Gwayana raMwari. Uyewo vakabata mapazi emichindwe, zvichiratidza kuti vanobvuma nemufaro kuti Jesu ndiye Mambo akagadzwa naJehovha.—Enzanisa naJohani 12:12, 13.

8. Zvakazarurwa 7:11, 12 inotiudzei nezvemhuri yaJehovha yekudenga?

8 Verenga Zvakazarurwa 7:11, 12. Chii chakaitika kudenga pakaonekwa boka guru? Johani akaona mhuri yese yaJehovha yekudenga ichifara uye ichirumbidza Mwari payakaona veboka guru. Mhuri yaJehovha yekudenga ichafara chaizvo paichaona boka guru richibuda mukutambudzika kukuru sezvakaratidzwa Johani.

9. Maererano naZvakazarurwa 7:13-15, veboka guru vari kuitei iye zvino?

9 Verenga Zvakazarurwa 7:13-15. Johani akanyora kuti veboka guru “vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana.” Izvi zvinoreva kuti vane hana yakachena uye Jehovha anofadzwa navo. (Isa. 1:18) Ivo vaKristu vakazvitsaurira uye vakabhabhatidzwa, vane kutenda kwakasimba muchibayiro chaJesu uye vane ushamwari naJehovha. (Joh. 3:36; 1 Pet. 3:21) Saka vakakodzera kumira pamberi pechigaro cheumambo chaMwari “vachimuitira basa dzvene siku nesikati” vari pano panyika. Iye zvino vari kushingaira pakuita basa rakakura rekuparidza Umambo uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi, vachiisa Umambo pekutanga muupenyu hwavo.—Mat. 6:33; 24:14; 28:19, 20.

Boka guru remamwe makwai riri kubuda mukutambudzika kukuru richifara (Ona ndima 10)

10. Veboka guru vane chokwadi chei, uye ivimbiso ipi yavachaona ichizadziswa?

10 Boka guru iro rinobuda mukutambudzika kukuru rine chokwadi chekuti Mwari acharamba achirichengeta, nekuti “Iye agere pachigaro cheumambo achatambanudza tende rake pamusoro pavo.” Vimbiso yava nenguva refu yakamirirwa nevemamwe makwai kuti izadziswe ichazadziswa. “[Mwari] achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—Zvak. 21:3, 4.

11-12. (a) Maererano naZvakazarurwa 7:16, 17, veboka guru vachawana makomborero api? (b) Vemamwe makwai vanogona kuitei paChirangaridzo, uye chii chinoita kuti vadaro?

11 Verenga Zvakazarurwa 7:16, 17. Iye zvino, vamwe vanhu vaJehovha vari kutambura nenzara zvichikonzerwa nekuti havana mari yakakwana yekutenga zvekudya kana kuti munyika dzavanogara mune hondo. Vamwe vari mumajeri nemhaka yekutenda kwavo. Kunyange zvakadaro, veboka guru vanofara chaizvo nekuti vanoziva kuti pavachapona pachaparadzwa nyika ino yakaipa, vachagara vaine zvekudya zvakawanda uye mirayiridzo inobva kuna Jehovha. Pachaparadzwa nyika yaSatani, boka guru richapona “pakupisa kukuru” kwekutsamwa kwaJehovha kwaachadurura pamarudzi. Pachapera kutambudzika kukuru, Jesu achatungamirira vanenge vapona ‘kumvura yeupenyu husingaperi.’ Veboka guru vane tariro yakazonaka. Pamabhiriyoni ese evanhu vakamborarama, vanogona kusazombofa!—Joh. 11:26.

12 Vemamwe makwai vanotenda chaizvo Jehovha naJesu nekuda kwetariro yakazonaka yavainayo. Kunyange zvazvo Jehovha asina kuvasarudza kuti vaende kudenga, anovada chaizvo sezvaanoita vakazodzwa. Vakazodzwa nevemamwe makwai vanorumbidza Mwari naKristu. Imwe nzira yavanoita nayo izvi ndeyekuvapo paKudya kwaShe Kwemanheru.

RUMBIDZA JEHOVHA NAJESU NEMWOYO WESE PACHIRANGARIDZO

Chingwa newaini zvinofambiswa paChirangaridzo zvinotiyeuchidza kuti Jesu akatifira kuti tiwane upenyu (Ona ndima 13-15)

13-14. Nei munhu wese achifanira kupinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu?

13 Mumakore achangopfuura, anenge munhu mumwe chete pavanhu 1 000 vega vega vanopinda Chirangaridzo ndiye anodya chingwa nekunwa waini. Ungano dzakawanda hadzina vanodya paChirangaridzo. Vakawanda vanopinda Chirangaridzo vane tariro yekurarama panyika. Saka nei vachivapo paKudya kwaShe Kwemanheru? Chikonzero chinoita kuti vavepo chakangofanana nechikonzero chinoita kuti vakawanda vaende kumuchato weshamwari yavo. Vanoenda kumuchato wacho nekuti vanoda vanhu vari kuchata uye vanoda kuvatsigira. Saka vemamwe makwai vanopinda Chirangaridzo nekuti vanoda Kristu nevakazodzwa uye vanoda kuvatsigira. Vanopindawo Chirangaridzo nekuti vanoonga chibayiro chaJesu icho chinoita kuti vakwanise kurarama nekusingaperi panyika.

14 Chimwe chikonzero chinokosha chinoita kuti vemamwe makwai vapinde Chirangaridzo ndechekuti vanenge vachiteerera murayiro waJesu. Jesu paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru nevaapostora vake vakatendeka, akavaudza kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (1 VaK. 11:23-26) Saka kana panyika pachine vakazodzwa, vemamwe makwai vanoramba vachichengeta Kudya kwaShe Kwemanheru. Uye vanotokoka munhu wese kuti ange aripo paChirangaridzo.

15. Tinorumbidza sei Mwari naKristu paChirangaridzo?

15 PaChirangaridzo, tinowana mukana wekurumbidza Mwari naKristu patinoimba nekunyengetera pamwe chete. Hurukuro ichapiwa gore rino inoti, “Ratidza Kuti Unoonga Zvawakaitirwa naMwari naKristu!” Ichaita kuti tiwedzere kuonga Jehovha naKristu. Saka pachafambiswa chingwa newaini, tichakwanisa kufunga zvazvinomiririra, kureva muviri waJesu neropa rake. Tichayeuka kuti Jehovha akabvumira kuti Mwanakomana wake atifire kuti tiwane upenyu. (Mat. 20:28) Munhu wese anoda Baba vedu vekudenga uye Mwanakomana wavo achada kuvapo paChirangaridzo.

TENDA JEHOVHA NEKUDA KWETARIRO YAAKAKUPA

16. Vakazodzwa uye vemamwe makwai vakafanana papi?

16 Mwari anokoshesa vemamwe makwai sezvaanoita vakazodzwa. Mapoka acho ese anoada zvakafanana. Ese akaatenga neupenyu hweMwanakomana wake anodiwa. Musiyano uripo pakati pemapoka maviri aya ndewekuti ane tariro dzakasiyana. Asi mapoka acho ese anofanira kuramba akavimbika kuna Mwari naKristu. (Pis. 31:23) Uye yeuka kuti mweya waMwari unoshanda zvakafanana patiri tese. Izvi zvinoreva kuti Jehovha anopa mweya wake kumunhu mumwe nemumwe zvichienderana nezviri kudiwa.

17. Vakazodzwa vachiri panyika vanotarisirei?

17 VaKristu vakazodzwa havaberekwi vaine tariro yekuenda kudenga. Mwari ndiye anovapa tariro iyoyo. Vanofunga nezvetariro yavo, vanonyengetera nezvayo, uye vanoda chaizvo kuwana mubayiro wavo kudenga. Havatombokwanisi kufungidzira kuti miviri yavo yemweya ichange yakaita sei. (VaF. 3:20, 21; 1 Joh. 3:2) Kunyange zvakadaro, vanotarisira mberi kuzoonana naJehovha, Jesu, ngirozi nevamwe vaKristu vese vakazodzwa. Vanoda chaizvo kuzova navo muUmambo hwekudenga.

18. Vemamwe makwai vanotarisirei?

18 Vemamwe makwai vane tariro yekuzorarama panyika nekusingaperi. Vanhu vese vanoberekwa vaine chido ichi. (Mup. 3:11) Vanotarisira kuzoshanda vachichinja nyika yese kuti ive paradhiso. Vanoshuvira nguva yavachavaka dzimba dzavo, yavachadyara minda yavo, uye yavachava neutano hwakakwana ivo nevana vavo. (Isa. 65:21-23) Vanotarisira kuzofamba vachienda kunzvimbo dzakawanda dziri panyika, vachiona makomo, masango, nemakungwa, uye vachidzidza zvinhu zvese zvakasikwa naJehovha. Asi chinonyanya kuvafadza ndechekuti vanoziva kuti ushamwari hwavo naJehovha hucharamba huchiwedzera kusimba.

19. Chirangaridzo chinopa mumwe nemumwe wedu mukana wei, uye chichaitwa riini gore rino?

19 Jehovha akapa mushumiri wake mumwe nemumwe akazvitsaurira tariro yakazonaka yeramangwana. (Jer. 29:11) Chirangaridzo cherufu rwaKristu chinopa mumwe nemumwe wedu mukana wakakura wekurumbidza Mwari naKristu nekuda kwezvavakatiitira kuti tiwane upenyu husingaperi. Chirangaridzo ndiwo musangano unokosha kupfuura yese inoitwa nevaKristu gore rega rega. Chichaitwa zuva ranyura musi weMugovera, 27 March, 2021. Gore rino vakawanda vachakwanisa kupinda musangano uyu unokosha vakasununguka. Vamwe vachapinda pasinei nekupikiswa. Vamwe vachaita Chirangaridzo vari mumajeri. Asi chinofadza ndechekuti Jehovha nemhuri yake yekudenga vanenge vakatarisa, saka dai mumwe nemumwe wedu akanakidzwa nekuchengeta Chirangaridzo!

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

^ ndima 5 Musi wa27 March, 2021, izuva rinokosha chaizvo kuZvapupu zvaJehovha. Manheru emusi iwoyo tichachengeta Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Ruzhinji rwevaya vachange varipo ndeveboka rakanzi naJesu “mamwe makwai.” Ichokwadi chipi chinokosha chakatanga kunzwisiswa nezveboka iroro muna 1935? Mamwe makwai ari kutarisirei pashure pekutambudzika kukuru? Uye mamwe makwai angarumbidza sei Mwari naKristu paanopinda Chirangaridzo?

^ ndima 2 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Mamwe makwai anosanganisira vaya vari kuunganidzwa mumazuva ekupedzisira. Vanotevera Kristu uye vane tariro yekurarama nekusingaperi panyika. Boka guru ndevemamwe makwai vachange vari vapenyu Kristu paachatonga vanhu panguva yekutambudzika kukuru, uye boka guru iri richapona pakutambudzika kukuru.