Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dombo rakanyorwa kuti: “Hagaf mwanakomana waHagav ngaatukwe naYahweh Sabaot”

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Mashoko akanyorwa pane rimwe dombo rakawanikwa anotsigira sei Bhaibheri?

MUBIBLE LANDS MUSEUM iri muJerusalem, mune dombo rine mashoko akanyorwa panenge pakati pa700 na600 B.C.E. Dombo racho rakatorwa mubako raivigirwa vanhu pedyo neHebron muIsrael. Mashoko ari padombo racho anoti: “Hagaf mwanakomana waHagav ngaatukwe naYahweh Sabaot.” Mashoko aya anotsigira sei Bhaibheri? Anoratidza kuti zita raMwari rekuti Jehovha, iro rainyorwa nemabhii echiHebheru anomiririrwa naYHWH raizivikanwa uye raishandiswa muupenyu hwezuva nezuva munguva dzakanyorwa Bhaibheri. Zvimwe zvinyorwa zvakawanikwa mumapako zvinoratidza kuti vaya vaishandisa mapako aya senzvimbo dzavaisangana uye dzekuhwanda vaiwanzonyora pamadziro zita raMwari pamwe chete nemazita avo, ayo ainge aine zita raMwari mukati.

Achitaura nezvemashoko aya, Dr. Rachel Nabulsi wepaUniversity of Georgia akati: “Kudzokororwa kwaiitwa zita rekuti YHWH kunotidzidzisa zvakawanda. . . . Zvinyorwa izvi zvinoratidza kukosha kwemuridzi wezita rekuti YHWH muupenyu hwevaIsraeri nevaJudha.” Izvi zvinotsigira Bhaibheri iro rakanyorwa zita raMwari kanenge ka7 000 nemabhii echiHebheru anomiririrwa naYHWH. Kakawanda kacho mazita evanhu aiva nezita raMwari mukati.

Mashoko ekuti “Yahweh Sabaot” akanyorwa padombo racho anoreva kuti “Jehovha wemauto.” Saka zvinoita sekuti vanhu vakararama munguva dzakanyorwa Bhaibheri vaiwanzoshandisa zita raMwari uyewo mashoko ekuti “Jehovha wemauto.” Izvi zvinotsigirawo kushandiswa kunoitwa mashoko ekuti “Jehovha wemauto” muBhaibheri, ayo anowanikwa ka283 muMagwaro echiHebheru kunyanya mubhuku raIsaya, raJeremiya uye raZekariya.