Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 4

Nei Tichipinda Chirangaridzo?

Nei Tichipinda Chirangaridzo?

“Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—RUKA 22:19.

RWIYO 20 Makatipa Mwanakomana Wenyu Anokosha

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Vamwe vanhu vanowanzoyeuka hama yavo yakafa panguva ipi? (b) Chii chakatangwa naJesu usiku hwekupedzisira asati afa?

PASINEI nekuti takafirwa riini nevanhu vatinoda, tichiri kuvayeuka. Vamwe vanonyanya kufunga nezvavo panosvika musi wavakafa.

2 Gore rega rega tinenge tiri pakati pemamiriyoni evanhu pasi rese vanoungana musi wakafa munhu watinoda chaizvo, Jesu Kristu. (1 Pet. 1:8) Tinoungana kuti tiyeuke munhu akapa upenyu hwake serudzikinuro kuti atiponese pachivi nerufu. (Mat. 20:28) Jesu aida kuti vateveri vake vayeuke rufu rwake. Usiku hwekupedzisira asati afa, akatanga kudya kwemanheru kunokosha uye akarayira kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” *Ruka 22:19.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Vashomanana chete pane vanopinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu ndivo vane tariro yekudenga. Asi mamiriyoni evanhu vane tariro yepanyika vanenge varipowo. Munyaya ino tichaona zvikonzero zvinoita kuti mapoka maviri aya ade kupinda Chirangaridzo gore rega rega. Tichaonawo kuti tinobatsirwa sei nekuchipinda. Ngatitangei nekuona zvikonzero zvinoita kuti vakazodzwa vapinde Chirangaridzo.

NEI VAKAZODZWA VACHIPINDA CHIRANGARIDZO?

4. Nei vakazodzwa vachidya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo?

4 Gore rega rega vakazodzwa vanopinda Chirangaridzo vanodya chingwa uye kunwa waini. Nei zvakakodzera kuti vadye chingwa uye vanwe waini? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngationei zvakaitika usiku hwekupedzisira Jesu asati afa. Pavakanga vapedza kudya Paseka, Jesu akatanga chiitiko chinokosha chakazozivikanwa seKudya kwaShe Kwemanheru. Akatambidza chingwa newaini kuvaapostora vake 11 vakatendeka, ndokuvaudza kuti vadye uye vanwe. Jesu akavaudza nezvesungano mbiri, kana kuti zvibvumirano. Sungano dzacho dzinoti, sungano itsva uye sungano yeUmambo. * (Ruka 22:19, 20, 28-30) Sungano idzi dzakaita kuti vaapostora ivavo nevamwe vanhu vashoma vazokwanisa kuva madzimambo nevapristi kudenga. (Zvak. 5:10; 14:1) Vakazodzwa vachiri panyika, avo vari musungano mbiri idzi ndivo chete vanodya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo.

5. Vakazodzwa vanozivei nezvetariro yavakapiwa?

5 Chimwe chikonzero chinoita kuti vakazodzwa vade kupinda Chirangaridzo ndechekuti: Kuchipinda kunovapa mukana wekufungisisa nezvetariro yavo. Jehovha akavapa tariro inoshamisa yekurarama kudenga vasingafi uye vasingaori, yekutonga pamwe chete naJesu Kristu nevamwe vavo ve144 000, uye kupfuura zvese, kuva pamwe naJehovha Mwari. (1 VaK. 15:51-53; 1 Joh. 3:2) Vakazodzwa vanoziva kuti vakakokwa kuti vazova neropafadzo dzakadaro kudenga. Asi kuti vabvumirwe kuenda kudenga, vanofanira kuramba vakatendeka kusvikira pavanofa. (2 Tim. 4:7, 8) Vakazodzwa vanofara zvikuru pavanofunga nezvetariro yavo yekudenga. (Tito 2:13) Asi zvakadii ‘nevemamwe makwai?’ (Joh. 10:16) Ndezvipi zvikonzero zvinoita kuti vapinde Chirangaridzo?

NEI VEMAMWE MAKWAI VACHIPINDA CHIRANGARIDZO?

6. Nei vemamwe makwai vachipinda Chirangaridzo?

6 Vemamwe makwai pavanopinda Chirangaridzo havadyi chingwa kana kunwa waini asi vanofara kuvapo. Muna 1938, vaya vane tariro yekugara panyika vakakokwa kekutanga kuti vapinde Chirangaridzo. Nharireyomurindi yaMarch 1, 1938, yakati: “Zvakakodzera kuti [vemamwe makwai] vapinde musangano uyu vachicherechedza zvinenge zvichiitwa. . . . Iyi inguva yekuti naivowo vafare.” Sezvinoita vanhu vanenge vakokwa kumuchato, vemamwe makwai vanofara kuva paChirangaridzo vachicherechedza zvinenge zvichiitika.

7. Nei vemamwe makwai vachida chaizvo kunzwa hurukuro yeChirangaridzo?

7 Vemamwe makwai vanofungisisawo nezvetariro yavo. Vanoda chaizvo kunzwa hurukuro yeChirangaridzo nekuti inonyanya kutaura nezvekuti Kristu nevaachatonga navo vane 144 000 vachakomborera sei vanhu vakatendeka muMakore 1 000 Ekutonga kwaKristu. Vachitungamirirwa naMambo wavo Jesu Kristu, vatongi ivavo vekudenga vachabatsira pakuchinja nyika kuti ive paradhiso uye pakuita kuti vanhu vanoteerera vave vakakwana. Vanhu vanosvika mamiriyoni vanopinda Chirangaridzo sevacherechedzi. Vanofara chaizvo pavanofungidzira kuzadzika kuchaita uprofita hweBhaibheri, hwakadai sehuri pana Isaya 35:5, 6; 65:21-23; uye Zvakazarurwa 21:3, 4. Pavanofungidzira ivo nevanhu vavanoda vari munyika itsva iyoyo, vanosimbisa tariro yavo yeramangwana uye chido chavo chekuramba vachishumira Jehovha.—Mat. 24:13; VaG. 6:9.

8. Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti vemamwe makwai vapinde Chirangaridzo?

8 Ona chimwe chikonzero chinoita kuti vemamwe makwai vapinde Chirangaridzo. Vanoratidza kuti vanoda vakazodzwa uye vanovatsigira. Shoko raMwari rakataura kuti paizova nekubatana pakati pevakazodzwa nevaya vane tariro yekurarama panyika. Izvozvo zvaizoitika sei? Ngatikurukurei mienzaniso mishomanana.

9. Sezvinoratidzwa muuprofita huri pana Zekariya 8:23, vemamwe makwai vanonzwa sei nezvevakazodzwa?

9 Verenga Zekariya 8:23. Uprofita uhwu hunonyatsotsanangura manzwiro anoita vemamwe makwai nezvehama nehanzvadzi dzavo dzakazodzwa. Mashoko ekuti “muJudha” uye “nemi” anoreva vanhu vamwe chete, vakazodzwa vanenge vachiri panyika. (VaR. 2:28, 29) “Varume gumi vemitauro yese yemarudzi” vanomiririra vemamwe makwai. ‘Vanonyatsobata’ kureva kuti vanoramba vaine vakazodzwa vachibatana navo pakunamata kwakachena. Saka manheru anoitwa Chirangaridzo, vemamwe makwai vanoratidza kuda kwavanoita vakazodzwa nekuva navo paChirangaridzo.

10. Zvii zvakaitwa naJehovha kuti azadzise uprofita huri pana Ezekieri 37:15-19, 24, 25?

10 Verenga Ezekieri 37:15-19, 24, 25. Jehovha akazadzisa uprofita uhwu nekuita kuti vakazodzwa nevemamwe makwai vashande pamwe chete vakabatana. Uprofita hwacho hunotaura nezvetutanda tuviri. Vaya vane tariro yekudenga vanofananidzwa nekatanda “kaJudha” (dzinza raisarudzwa madzimambo aIsraeri), uye vaya vane tariro yepanyika vanofananidzwa nekatanda “kaEfremu.” * Jehovha aizobatanidza mapoka maviri aya kuti ave “katanda kamwe chete.” Izvi zvinoreva kuti vaizoshumira vakabatana pasi paMambo mumwe chete, Kristu Jesu. Gore negore, vakazodzwa nevemamwe makwai vanopinda Chirangaridzo, kwete semapoka maviri asi ‘seboka rimwe chete’ riri pasi ‘pemufudzi mumwe chete.’—Joh. 10:16.

11. “Makwai” anotaurwa pana Mateu 25:31-36, 40 anoratidza sei kuti anotsigira hama dzaKristu?

11 Verenga Mateu 25:31-36, 40. “Makwai” akataurwa nezvawo naJesu mumufananidzo uyu anomiririra vanhu vakarurama vanorarama panguva yekuguma avo vane tariro yekugara panyika, kureva vemamwe makwai. Vanoramba vachitsigira hama dzaKristu dzakazodzwa dzichiri panyika nekudzibatsira kuita basa rakakura riri kuitwa pasi rese rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi.—Mat. 24:14; 28:19, 20.

12-13. Vemamwe makwai vanoratidza kuti vanotsigira hama dzaKristu nedzimwe nzira dzipi?

12 Gore rimwe nerimwe, kwasara mavhiki mashoma kuti Chirangaridzo chiitwe, vemamwe makwai vanoratidza kuti vanotsigira hama dzaKristu nekuitawo mushandirapamwe wekukoka vanofarira kuti vauye kuChirangaridzo. (Ona bhokisi rakanzi “ Uri Kuronga Kuzoitei Mumwaka weChirangaridzo?”) Vanovawo nechokwadi chekuti zvinhu zvese zvinoshandiswa paChirangaridzo zviripo, kunyange zvazvo muungano mavo musina vakazodzwa. Vemamwe makwai vanofara chaizvo pavanotsigira hama dzaKristu saizvozvo. Vanoziva kuti Jesu anoona zvavari kuitira hama dzake dzakazodzwa sekunge kuti vari kuitira iye.—Mat. 25:37-40.

13 Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tese tipinde Chirangaridzo pasinei netariro yedu?

NEI TESE TICHIPINDA CHIRANGARIDZO?

14. Jehovha naJesu vakatiratidza sei rudo rwakakura?

14Tinotenda chaizvo rudo rwatakaratidzwa naJehovha naJesu. Jehovha akatiratidza rudo rwake munzira dzakawanda, asi pane imwe inopfuura dzese. Nzira iyoyo ndeyekutuma kwaakaita Mwanakomana wake anokosha kuti atambure uye atifire. (Joh. 3:16) Tinoziva kuti Jesu akaratidzawo rudo rwakakura nekupa upenyu hwake achiitira isu. (Joh. 15:13) Hatimbofi takakwanisa kubhadhara rudo rwatakaratidzwa naJehovha naJesu. Asi tinogona kuratidza kuonga kwedu nemararamiro atinoita zuva rimwe nerimwe. (VaK. 3:15) Uye tinopinda Chirangaridzo kuti tiyeuke kuda kwavanotiita uyewo kuti tiratidze kuti tinovada.

15. Nei vakazodzwa nevemamwe makwai vachikoshesa rudzikinuro?

15Tinokoshesa chaizvo chipo cherudzikinuro. (Mat. 20:28) Vakazodzwa vanokoshesa chaizvo rudzikinuro nekuti runoita kuti vave netariro yakazonaka. Sezvo vachitenda muchibayiro chaKristu, Jehovha anovati vakarurama uye anovatora sevana vake. (VaR. 5:1; 8:15-17, 23) Vemamwe makwai vanoongawo rudzikinuro. Kutenda kwavanoita muchibayiro chaKristu kunoita kuti vave vakachena pamberi paMwari, vakwanise kumuitira basa dzvene, uye vave netariro ‘yekubuda mukutambudzika kukuru.’ (Zvak. 7:13-15) Imwe nzira iyo vakazodzwa nevemamwe makwai vanoratidza kuti vanoonga rudzikinuro ndeyekuvapo paChirangaridzo gore negore.

16. Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti tipinde Chirangaridzo?

16 Chimwe chikonzero chinoita kuti tipinde Chirangaridzo ndechekuti tinoda kuteerera Jesu. Pasinei netariro yedu yeramangwana, mumwe nemumwe wedu anoda kuteerera murayiro wakapiwa naJesu usiku hwaakatanga Chirangaridzo. Akati: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—1 VaK. 11:23, 24.

TESE TINOBATSIRWA SEI NEKUPINDA CHIRANGARIDZO?

17. Chirangaridzo chinotibatsira sei kuswedera pedyo naJehovha?

17Tinoswedera pedyo naJehovha. (Jak. 4:8) Sezvataona, Chirangaridzo chinoita kuti tive nemukana wekufunga nezvetariro yatakapiwa naJehovha uye kufungisisa nezverudo rukuru rwaakatiratidza. (Jer. 29:11; 1 Joh. 4:8-10) Patinofungisisa nezvetariro yatiinayo yeramangwana uye nezverudo rwaMwari rusingachinji rwaanotiratidza, tinowedzera kuda Jehovha uye tinosimbisa ushamwari hwedu naye.—VaR. 8:38, 39.

18. Kufungisisa nezvemuenzaniso waJesu kunotikurudzira kuitei?

18Tinokurudzirwa kutevedzera muenzaniso waJesu. (1 Pet. 2:21) Mumazuva mashoma Chirangaridzo chisati chaitwa, tinoverenga nyaya dzinotaura nezvevhiki rekupedzisira raJesu ari panyika, kufa kwake uye kumutswa kwake. Uye manheru eChirangaridzo, hurukuro inopiwa inotiyeuchidza nezvekudiwa kwatinoitwa naJesu. (VaEf. 5:2; 1 Joh. 3:16) Patinoverenga nezvekuzvipira kwakaita Jesu tofungisisa nezvazvo, tinonzwa takurudzirwa kuti ‘tifambe sekufamba kwaakaitawo.’—1 Joh. 2:6.

19. Tingaitei kuti tirambe tiri murudo rwaMwari?

19Tinowedzera chido chekuramba tiri murudo rwaMwari. (Jud. 20, 21) Tinoramba tiri murudo rwaMwari nekuita zvese zvatinogona kuti timuteerere, titsvenese zita rake, uye tifadze mwoyo wake. (Zvir. 27:11; Mat. 6:9; 1 Joh. 5:3) Chirangaridzo chinoita kuti tiwedzere kuva nechido chekurarama zuva rimwe nerimwe nenzira inofadza Mwari. Patinodaro, tinenge tichiita setiri kuudza Jehovha kuti, ‘Ndinoda kuramba ndiri murudo rwenyu nekusingaperi!’

20. Ndezvipi zvikonzero zvatiinazvo zvinoita kuti tipinde Chirangaridzo?

20 Pasinei nekuti tine tariro yekurarama nekusingaperi kudenga kana kuti panyika, tine zvikonzero zvakanaka zvekupinda Chirangaridzo. Gore rega rega patinoungana musi iwoyo, tinoyeuka rufu rwemunhu watinoda, Jesu Kristu. Kupfuura zvese, tinoyeuka rudo rukuru rwatakaratidzwa naJehovha nekutipa Mwanakomana wake serudzikinuro. Gore rino Chirangaridzo chichaitwa manheru emusi weChishanu, 15 April, 2022. Tinoda Jehovha neMwanakomana wake, saka pamusi wakafa Jesu, hapana chinhu chinonyanya kukosha kwatiri kupfuura kuvapo paChirangaridzo.

RWIYO 16 Rumbidzai Jehovha Nekuda kweMwana Wake, Muzodziwa

^ ndima 5 Tingava tiine tariro yekurarama kudenga kana kuti panyika inenge iri paradhiso, tese tinoda chaizvo kupinda Chirangaridzo gore rimwe nerimwe. Nyaya ino ichakurukura zvikonzero zvemuBhaibheri zvekuti nei tichifanira kupinda Chirangaridzo uye kuti tinobatsirwa sei kana tikachipinda.

^ ndima 2 Mune mamwe maBhaibheri mashoko aya akashandurwa kuti, “Itai izvi muchindirangarira” (Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi) uye “Itai izvozvi kuti muzogara muchindirangarira nazvo” (BHAIBHERI rine APOKIRIFA).

^ ndima 4 Kana uchida kuziva zvakawanda nezvesungano itsva uye sungano yeUmambo, ona nyaya inoti “Muchava ‘Umambo hweVapristi’” iri muNharireyomurindi yaOctober 15, 2014, mapeji 15-17.

^ ndima 10 Kuti uwane mamwe mashoko anotaura nezveuprofita hwetutanda tuviri huri muna Ezekieri chitsauko 37, ona bhuku rinonzi Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena!, mapeji 130-135, ndima 3-17.